RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha Anodurura Hasha Pamarudzi
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 7. “Denga” chii, uye “hondo dzose dzokudenga” chii?

      7 Zvakare achishandisa mufananidzo wakajeka, Isaya anoenderera mberi achiti: “Hondo dzose dzokudenga dzicha[ora], denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamuzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde.” (Isaya 34:4) Mashoko okuti “hondo dzose dzokudenga” haarevi nyeredzi chaidzo nedzimwe nyika dziri mudenga. Ndima 5 ne6 dzinotaura nezvomunondo wokuparadza sounonwa ropa ukaguta mu“denga” iroro. Saka, ichi chinofanira kuva chiratidzo chechimwe chinhu chiri munyika yevanhu. (1 VaKorinde 15:50) Nemhaka yokukwirira kwadzo sezviremera zvikuru, hurumende dzavanhu dzinofananidzwa nematenga anotonga panzanga yenyika yevanhu. (VaRoma 13:1-4) Naizvozvo “hondo dzose dzokudenga” dzinomirira hondo dzakabatanidzwa dzehurumende dzevanhu idzi.

      8. Ko matenga okufananidzira anoratidza kuva akaita “sorugwaro rwakapetwa” sei uye chii chinoitika ku‘hondo’ dzawo?

      8 “Hondo” idzi dzicha“ora,” kuita chahuvhe, kuita sechimwe chinhu chinoora. (Pisarema 102:26; Isaya 51:6) Nemaziso edu chaiwo, matenga chaiwo ari pamusoro pedu anoita seakakombama, sebhuku rekare romupumburu, uyo waiwanzonyorwa kudivi romukati. Kana zvakanyorwa nechomukati momupumburu zvaraviwa, mupumburu unenge wapedzwa unopetwa worongedzwa. Saizvozvowo, “denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa,” mukuti hurumende dzevanhu dzinofanira kuguma. Dzichisvika papeji yokupedzisira yenhoroondo yadzo, dzinofanira kuperera paAmagedhoni. ‘Hondo’ dzadzo dzinoratidza sedzinoshamisa dzichawira pasi sokuwa kunoita mashizha asvava omuzambiringa kana kuti kuwa kunoita “shizha rinooma pamuonde.” Nguva yadzo ichave yapfuura.—Enzanisa naZvakazarurwa 6:12-14.

  • Jehovha Anodurura Hasha Pamarudzi
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • [Mufananidzo uri papeji 360]

      “Denga rose richapetwa sorugwaro”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe