Chitsauko 5
Jehovha Anonyadzisa Vanozvikudza
1, 2. Nei tichida kuziva zvikuru nezveshoko rouprofita raIsaya kuvaJudha vomuzuva rake?
ASEMESWA nemamiriro eJerusarema neJudha, muprofita Isaya zvino anotendeukira kuna Jehovha Mwari obva azivisa kuti: “Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho.” (Isaya 2:6a) Chii chagumbura Mwari kuti arambe vanhu avo iye pachake akanga asarudza se“rudzi rwake chairwo”?—Dheuteronomio 14:2.
2 Tinoda kuziva zvakawanda pamusoro pokutuka kwaIsaya vaJudha vemunguva yake. Nei? Nemhaka yokuti zviri muchiKristudhomu nhasi zvakafanana zvikuru nezvevanhu vaIsaya uye ndizvo zvakaitawo kutonga kunoziviswa naJehovha. Kuteerera zvakaziviswa naIsaya kuchaita kuti tinzwisise zvakajeka zvinovengwa naMwari uye kuchatibetsera kushora miitiro yaasingadi. Nechido chikuru zvino, ngatidzidzei shoko raJehovha rouprofita sezvakanyorwa pana Isaya 2:6–4:1.
Vanokotamira Pasi Nokuzvikudza
3. Isaya anoreurura chikanganisoi chevanhu vake?
3 Achireurura chikanganiso chevanhu vake, Isaya anoti: “Nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFiristia, vanobatana maoko navana vavatorwa.” (Isaya 2:6b) Anenge makore 800 izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga arayira vasanangurwa vake kuti: “Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nokuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu.” (Revhitiko 18:24) Pakati paavo akanga asarudza serudzi rwake chairwo, Jehovha akamanikidza Bharami kutaura kuti: “Nokuti ndinomuona ndiri pamusoro pamatombo, ndinomutarira ndiri pamusoro pezvikomo; tarira ndivanhu vanogara vari voga. Havangaverengwi pakati pendudzi.” (Numeri 23:9, 12) Asi, muzuva raIsaya vasanangurwa vaJehovha vatorawo miitiro inosemesa yemarudzi akapoteredza uye vazara “netsika dzinobva mabvazuva.” Panzvimbo pokuva nokutenda muna Jehovha neshoko rake, vave ku“uka savaFiristia.” Vasingambozviparadzanisi nemarudzi, nyika yacho ‘izere’ ne“vana vavatorwa”—pasina mubvunzo vatorwa vanounza miitiro isiri yaMwari kuvanhu Vake.
4. Panzvimbo pokuvaita kuti vaonge Jehovha, upfumi nesimba rehondo zvinotapura sei vaJudha?
4 Achiona kubudirira kweupfumi kuripo nesimba remauto enyika yeJudha achitungamirirwa naMambo Uziya, Isaya anoti: “Nyika yavo izere nesirivha nendarama, pfuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi.” (Isaya 2:7) Vanhu vanoonga Jehovha here nokuda kweupfumi hwakadaro uye simba rehondo? (2 Makoronike 26:1, 6-15) Kana! Asi vanotovimba neupfumi pachahwo vofuratira kwahunobva, Jehovha Mwari. Mugumisiro wacho? “Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa neminwe yavo. Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakanganwira.” (Isaya 2:8, 9) Vanofuratira Mwari mupenyu vopfugamira zvidhori zvisina upenyu.
5. Nei kukotamira zvidhori chisiri chiito chokuzvininipisa?
5 Kukotama kungava chiratidzo chokuzvininipisa. Asi kukotamira zvinhu zvisina upenyu hakuna maturo, zvichiita kuti munamati wechidhori a“ninipisw[e],” aderedzwe. Jehovha angakanganwira sei chivi chakadaro? Vanamati vezvidhori ava vachaitei Jehovha paachavadana kuti vazvidavirire?
‘Maziso Anozvikudza Anofanira Kuninipiswa’
6, 7. (a) Chii chinoitika kune vanozvikudza pazuva raJehovha rokutonga? (b) Jehovha anoratidza kutsamwa kwake kuchii uye kunaani, uye nei?
6 Isaya anopfuurira achiti: “Pinda mudombo, uvande muguruva, nokuda kwaJehovha unotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake.” (Isaya 2:10) Asi hakuna dombo richave rakakura zvakakwana zvokuvadzivirira, hapana chinovharidzira chichave chikobvu zvokukwana kuvavanza, kuna Jehovha, Wemasimba Ose. Paanouya kuzotonga, “kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga uchakudzwa nezuva iro.”—Isaya 2:11.
7 “Jehovha wehondo une zuva rake” riri kuuya. Ichava nguva yokuti Mwari aratidze kutsamwa kwake “napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pemiouki yose yeBhashani, napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira, napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa, napamusoro pezvikepe zvose zveTarshishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza.” (Isaya 2:12-16) Hungu, masangano ose anoitwa nevanhu sechiratidzo chokudada kwavo uye vanhu vose vasingadi Mwari vachaonekwa muzuva rehasha dzaJehovha. Saka “ukuru hwavanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga uchakudzwa nezuva iro.”—Isaya 2:17.
8. Zuva rokutonga rakafanotaurwa rinouya sei paJerusarema muna 607 B.C.E.?
8 Zuva rokutongwa rakafanotaurwa rinouya pavaJudha muna 607 B.C.E. apo Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari anoparadza Jerusarema. Vagari vemo vanoona guta ravo rinodiwa richinganduma, zvivako zvaro zvinodadisa zvichikoromorwa, masvingo aro makuru achipwanyiwa. Tembere yaJehovha inoitwa ungwanjangwanja. Pfuma yavo kana ngoro dzavo dzokurwa dzinova pasina ne‘zuva raJehovha wehondo.’ Ko zvidhori zvavo? Zvinoitika sekufanotaura kwaIsaya chaiko: “Zvifananidzo zvichapera chose.” (Isaya 2:18) VaJudha—machinda kusanganisira varume vane simba—vanoendeswa kuBhabhironi senhapwa. Jerusarema richasara riri dongo kwemakore 70.
9. Mamiriro ezvinhu echiKristudhomu akafanana pakudini neeJerusarema neJudha muzuva raIsaya?
9 Kufanana kwakadini kwemamiriro ezvinhu echiKristudhomu neayo eJerusarema neJudha muzuva raIsaya! ChiKristudhomu zvechokwadi chakaita ukama hwapedyo zvikuru nemarudzi enyika ino. Chinotsigira zvakasimba Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose uye chakazadza imba yacho nezvidhori netsika dzisiri dzeMagwaro. Vatsigiri vacho vanoda zvenyika uye vanovimba nesimba rehondo. Uye havaoni vafundisi vavo sevakasiyana nevamwe vanhu zvikuru here, vachivapa mazita okuremekedza, nenyembe? Kuzvikudza kwechiKristudhomu pasina kukundikana kuchapedzwa. Asi rini?
“Zuva raJehovha” Rava Pedyo
10. I“zuva raJehovha” ripi iro vaapostora Pauro naPetro vanotaura nezvaro?
10 Magwaro anotaura nezve“zuva raJehovha” richava rinokosha zvikuru kupfuura zuva rokutonga paJerusarema rekare neJudha. Muapostora Pauro, achifuridzirwa, akabatanidza kuuya kwe“zuva raJehovha” nokuvapo kwaMambo Jesu Kristu akagadzwa pachigaro choumambo. (2 VaTesaronika 2:1, 2) Petro akataura nezvezuva iroro achiribatanidza nokusikwa kwe‘denga idzva nenyika itsva muchagara kururama.’ (2 Petro 3:10-13) Izuva iro Jehovha achatonga gadziriro yose yakaipa yezvinhu, kusanganisira chiKristudhomu.
11. (a) Ndiani “ungatsunga” pa“zuva raJehovha” riri kuuya? (b) Tinogona kuita Jehovha nhare yedu sei?
11 “Haiwa, zuva iro here,” anodaro muprofita Joere, “nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna Wemasimba Ose.” Tichiona kuva pedyo kwe“zuva” iroro, kuchengeteka munguva inotyisa iyoyo hakufaniri kudiwa nemunhu wose here? “Ndianiko ungatsunga naro?” anobvunza kudaro Joere. Anopindura kuti: “Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake.” (Joere 1:15; 2:11; 3:16) Jehovha Mwari uchava utiziro kune avo vanozvikudza nevanovimba nepfuma, simba rehondo, navamwari vakaitwa nevanhu here? Hazvibviri! Mwari akasiya kunyange vasanangurwa vake pavakaita nenzira iyoyi. Zvinokosha sei kuti vashumiri vaMwari vose va‘tsvake kururama, vatsvake unyoro,’ vaongorore zvakakomba nzvimbo yokunamatwa kwaJehovha muupenyu hwavo!—Zefania 2:2, 3.
“Kunhukusa Nezviremwaremwa”
12, 13. Nei zvakakodzera kuti vanamati vezvidhori vakandire vanamwari vavo “kunhukusa nezviremwaremwa” pazuva raJehovha?
12 Vanamati vezvidhori vachaona sei zvidhori zvavo pazuva guru raJehovha? Isaya anopindura kuti: “Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha unotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba. Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhukusa nezviremwaremwa; vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha unotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba. Regai munhu, une kufema mumhino dzake; nokuti unobatsireiko?”—Isaya 2:19-22.
13 Nhukusa dzinogara mumwena iri muvhu, uye zviremwaremwa zvinogara mumapako akasviba asina chinhu. Uyezve, apo zviremwaremwa zvakawanda zvinogara pazvimbo imwe, panoita hwema hunonhuwa uye pane murwi wenhoko. Kukanda zvidhori munzvimbo dzakadaro kwakakodzera. Nzvimbo yerima uye isina kuchena ndiyo yakazvikodzera chete. Kana vari vanhu, vachatsvaka utiziro mumapako nemikaha iri mumatombo muzuva raJehovha rokutonga. Naizvozvo zvichaitika kuzvidhori nevanamati vazvo zvichava zvakafanana. Zvechokwadi sezvakataura uprofita hwaIsaya, zvidhori zvisina upenyu hazvina kuponesa vanamati vazvo kana kuti Jerusarema pana Nebhukadhinezari muna 607 B.C.E.
14. Pazuva raJehovha rokutonga riri kuuya paumambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, vanhu vanoda zvenyika vachaitei?
14 Muzuva raJehovha riri kuuya rokutonga chiKristudhomu nemamwe mapazi eumambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, vanhu vachaitei? Vatarisana nemamiriro ezvinhu ari kuipa munyika yose, pamwe vazhinji vachasvika pakuziva kuti zvidhori zvavo hazvikoshi. Munzvimbo yeizvi, vangatsvaka havo utiziro nedziviriro mumasangano epasi pano, asiri omudzimu, zvichida kubatanidza Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, “chikara chitsvuku” chaZvakazarurwa chitsauko 17. Ndidzo “nyanga dzine gumi” dzechikara ichocho chokufananidzira dzichaparadza Bhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, umo chiKristudhomu chiri rutivi rukuru.—Zvakazarurwa 17:3, 8-12, 16, 17.
15. Jehovha oga acha“kudzwa” sei pazuva rake rokutonga?
15 Kunyange zvazvo kuparadzwa nokupiswa kweBhabhironi Guru ringava basa rakananga renyanga dzine gumi idzodzo dzokufananidzira, chaizvoizvo, kutonga kwaJehovha. Pamusoro peBhabhironi Guru, Zvakazarurwa 18:8 inoti: “Ndokusaka matambudziko aro achauya nezuva rimwe, rufu nokuchema nenzara, uye richaroromeswa nemoto, nokuti Jehovha Mwari, akaritonga, akasimba.” Naizvozvo Jehovha Mwari, Wemasimba Ose, ndiye anofanira kurumbidzwa nokuda kwokusunungura vanhu pakutongwa nechitendero chenhema. Seizvo Isaya anotaura, “Jehovha oga uchakudzwa nezuva iro. Nokuti Jehovha wehondo une zuva rake.”—Isaya 2:11b, 12a.
‘Vatungamiriri Vari Kukudzungairisai’
16. (a) Zvii zvinoumba “mutsigiro nomudonzvo” zvenzanga yevanhu? (b) Vanhu vaIsaya vachatambura sei nokubviswa kwe“mutsigiro nomudonzvo” zvenzanga yavo?
16 Kuti nzanga yevanhu igadzikane, inofanira kuva ne“mutsigiro nomudonzvo” wayo—zvinodikanwa zvakadai sezvokudya nemvura uye, zvinotokosha zvikuru, vatungamiriri vakavimbika vanogona kutungamirira vanhu nokuchengeta kurongeka munzanga. Zvisinei, pamusoro paIsraeri wekare Isaya akafanotaura kuti: “Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo unotorera Jerusarema naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura; munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuprofita, nomuuki, nomukuru; mukuru wamakumi mashanu, nounokudzwa namakota, nemhizha dzakachenjera, nomuuki unoziva.” (Isaya 3:1-3) Vakomanawo zvavo vachava machinda votonga sokuda kwavo. Vatongi vacho havazongodzvinyiriri vanhu chete asi “vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe . . . mwana uchava namanyawi kune vakuru, nowakazvidzwa kune unokudzwa.” (Isaya 3:4, 5) Vana vanoita “manyawi” kuvakuru vavo, vasingavaremekedzi. Upenyu huchava hwadzikira zvikuru zvokuti mumwe achaudza mumwe asingakwanisi kutonga kuti: “Iwe une nguo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.” (Isaya 3:6) Asi vanenge vakumbirwa vacho vacharamba, vachiti havana unyanzvi hwokuporesa nyika yakakuvara kana upfumi hwokuitisa basa racho. Vachati: “Handidi kuva n’anga, nokuti mumba mangu hamuna zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.”—Isaya 3:7.
17. (a) Chivi cheJerusarema neJudha chakaita “seSodhoma” mupfungwai? (b) Isaya anoshora ani nokuda kwemamiriro ezvinhu evanhu vake?
17 Isaya anopfuurira achiti: “Nokuti Jerusarema raparadzwa, Judha wawa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake ane kubwinya. Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nokuti vakazviitira zvakaipa.” (Isaya 3:8, 9) Vanhu vaMwari vakamukira Mwari wechokwadi nemashoko nezviito. Kunyange kusanyara nokusapfidza kuri pazviso zvavo kunofumura zvivi zvavo, zvinosemesa seizvo zveSodhoma. Vari musungano naJehovha Mwari, asi haasi kuzochinja mitemo yake nokuda kwavo. “Iti pamusoro powakarurama, kuti uchava nomufaro; nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo. Wakaipa une nhamo! Iye haangavi nomufaro, nokuti uchapiwa mubayiro wamaoko ake. Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.”—Isaya 3:10-12.
18. (a) Jehovha anozivisa kutonga kwokuti chii pavakuru nemachinda vomuzuva raIsaya? (b) Chidzidzoi chatinodzidza pakutonga kwaJehovha vakuru nemachinda?
18 Kuvakuru nemachinda ari muna Judha, Jehovha ‘anopa mhaka’ obva ‘atonga’: “Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu. Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo?” (Isaya 3:13-15) Panzvimbo pokushandira kuti zvinakire vanhu, vatungamiriri vacho vanoita zviito zvounyengeri. Vanoshandisa simba ravo zvisina kufanira nokuzvipfumisa nokunyima varombo nevanoshayiwa. Asi vatungamiriri ava vanofanira kuzvidavirira kuna Jehovha wehondo nemhaka yokudzvinyirira kwavo varombo. Iyi inyevero yakadini kune avo vane nzvimbo dzokutungamirira nhasi! Ngavagare vakangwarira nguva dzose kusashandisa simba ravo zvisizvo.
19. ChiKristudhomu chave chine mhaka yokudzvinyirira nokutambudzei?
19 ChiKristudhomu—kunyanya vafundisi vacho nevakuru vacho—nokubiridzira vakaunganidza zvakawanda zvaifanira kuva zvavanhuwo zvavo, avo chakadzvinyirira uye vachinopfuurira kudzvinyirira. Chakarovawo, nokutambudza, nokubata zvisina kufanira vanhu vaMwari uye chakaunza ruzvidzo rukuru pazita raJehovha. Munguva yake yakafanira, Jehovha zvechokwadi achachitonga.
“Kupiswa Kwouranda Panzvimbo Yokunaka”
20. Nei Jehovha achifumura “vakunda veZioni”?
20 Pashure pokufumura zvikanganiso zvevatungamiriri, Jehovha anotendeukira kuvakadzi veZioni, kana kuti Jerusarema. Sezviri pachena nokuda kwezvikonzero zvefashoni, “vakunda veZioni” vanopfeka “uketani hwamakumbo”—uketani hunoiswa pazvitsitsinho—hunorira huchiita karuzha kanenge nziyo. Vakadzi vacho vanodzora nhano dzavo vachifamba “vachinzenzeta,” vachiita kunganzi kufamba kwakanyorovera, kunokwezva kwechikadzi. Chii, kana pane chisina kururama, neizvi? Ipfungwa dzine vakadzi ava. Jehovha anoti: “Vakunda veZioni zvavanamanyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita meso meso.” (Isaya 3:16) Kuzvikudza kwakadaro hakuregi kutsihwa.
21. Kutonga kwaJehovha paJerusarema kunotapura sei vakadzi vechiJudha?
21 Saka Jehovha paanotonga nyika, “vakunda veZioni” vanozvikudza ava vacharasikirwa nezvose—kunyange runako rwavanodada narwo kudaro. Jehovha anoprofita kuti: “Naizvozvo Ishe ucharova nhongonya dzemisoro yavakunda veZioni negwenu-kwenu; Jehovha uchafukura miviri yavo. Nezuva iro Ishe uchabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi; nezvinoremberedzwa; nouketani hwamaoko, nezvifukidzo; nezvishongo zvomusoro, nouketani hwamakumbo, nezvisungo, [zvimwe] nezvitende zvezvinonhuwira, nezvimhete, noukomba hwemhino; nenguo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama; nezvioni-oni zvamaoko, nomucheka wakaisvonaka, nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.” (Isaya 3:17-23, NW; ona mashoko omuzasi.) Kuchinja kunoshamisa sei!
22. Kunze kwezvishongo zvavo, chiizve chimwe icho vakadzi veJerusarema vanorasikirwa nacho?
22 Shoko rouprofita rinopfuurira richiti: “Panzvimbo yezvinonhuwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yebhanire pachava norwodzi, panzvimbo yebvudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kwouranda panzvimbo yokunaka.” (Isaya 3:24) Muna 607 B.C.E., vakadzi vanodada veJerusarema vanobva muupfumi vachipinda muurombo. Vanorasikirwa nerusununguko rwavo ndokuwana “kupiswa” kwouranda.
“Richaitwa Dongo”
23. Jehovha anozivisei pamusoro peJerusarema?
23 Zvino achitaurira guta reJerusarema, Jehovha anozivisa kuti: “Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa. Masuo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.” (Isaya 3:25, 26) Varume veJerusarema, kunyange vane simba, vachaurawa muhondo. Guta richakoromorerwa pasi. Nokuti ku“masuo aro,” ichava nguva yoku“chema nokurira.” Jerusarema richa“itwa dongo.”
24. Kuurawa kwevarume nemunondo kune migumisiroi yakaipa kwazvo pavakadzi veJerusarema?
24 Kufa kwevarume nomunondo kuchave nemigumisiro yakaipa kwazvo pavakadzi veJerusarema. Achipedzisa chikamu chino chebhuku rake rouprofita, Isaya anofanotaura kuti: “Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti: Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu, tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu.” (Isaya 4:1) Kuperevedza kwevarume vava kukwanisa kuroora kuchawanda kwazvo zvokuti vakadzi vakawanda vachazviisa pamurume mumwe kuti vadanwe nezita rake—kureva kuti, kuti vazikanwe nevanhu vose sevakadzi vake—ndokusunungurwa pakunyadziswa kwokusava nomurume. Mutemo waMosesi waida kuti murume agovere mukadzi wake zvokudya nezvokupfeka. (Eksodho 21:10) Zvisinei, nokubvuma ku‘dya zvokudya zvavo nokupfeka zvipfeko zvavo,’ vakadzi ava vanoda kusunungura murume wacho pamusengwa uyu wapamutemo. Mamiriro ezvinhu okupererwa nezano sei e“vakunda veZioni” vaichimbozvikudza!
25. Ndoupi uchava mugumisiro wevanhu vanozvikudza?
25 Jehovha anonyadzisa vanozvikudza. Muna 607 B.C.E., zvechokwadi anoita kuti kuzvikudza kwevasanangurwa vake ku“kotamisw[e]” ndokuita kuti “kuzvikudza” kwavo kuve ku“deredzwa.” VaKristu vechokwadi ngavarege kumbokanganwa kuti “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.”—Jakobho 4:6.
[Mufananidzo uri papeji 50]
Zvidhori, upfumi, nesimba rehondo hazviponesi Jerusarema pazuva rokutonga kwaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 55]
Pa“zuva raJehovha,” umambo hwechitendero chenhema huchaparadzwa