Ndiani Anoumba Mafungiro Ako?
“HAPANA munhu anondiudza zvokufunga! Uye hapana anondiudza zvokuita!” Kutaura izvozvo wakasimba kudaro kunowanzoreva kuti unozvivimba zvokuti uye unovimba nezvaunosarudza. Ndiwo manzwire aunoita here? Zvinonzwisisika kuti, hapana mumwe munhu anofanira kukusarudzira. Asi kuchenjera here kukurumidza kuramba ringazoguma rava zano rakanaka? Hapana kana mumwe munhu anogona kumbokubetsera kuti usarudze nokuchenjera here? Zvisinei, ungava nechokwadi chaizvoizvo chokuti mumwe munhu haasi kutoumba mafungiro ako, iwe usingatombozvizivi here?
Somuenzaniso, hondo yenyika yechipiri isati yarwiwa, Joseph Goebbels, gurukota raHitler rokuparadzira mashoko, rakadzora indasitiri yeGermany yemabhaisikopu. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti akaziva kuti izvi zvaizomupa chombo chakanyanya kusimba chaaigona “kupesvedzera [nacho] zvaidavira vanhu uye nokudaro maitiro avo.” (Propaganda and the German Cinema 1933-1945) Ungangodaro uchiziva nezvokubudirira kunoodza mwoyo kwaakaita achishandisa iyi nedzimwe nzira kuti anyengedze vanhuwo zvavo—vanhu kwavo, vane pfungwa—kuti vangotevera uzivi hweNazi vasingazivi.
Chokwadi ndechokuti mafungiro aunoita, uye zvaunozoita, nguva dzose zvinopesvedzerwa nenzira yakati nemafungiro nemaonero evaunoteerera. Chokwadi, ichi hachifaniri kuva chinhu chakaipa. Kana ava vari vanhu vanokuda nomwoyo wose—vakadai savadzidzisi, shamwari, kana kuti vabereki—ipapo uchabetserwa zvikuru nekurayira kwavo nezano. Asi kana vari vanhu vanozvida uye vakatsauka pachavo kana kuti vakaodzwa mukufunga kwavo, “vanonyengera,” sokurondedzerwa kwavakaitwa nomuapostora Pauro, ipapo ngwarira!—Tito 1:10; Dheuteronomio 13:6-8.
Saka, usazvinyengedza ndokufunga kuti hapana munhu angambokunyengera. (Enzanisa na1 VaKorinte 10:12) Pamwe zviri kutoitika—kakawanda zvikuru kupfuura kaungada kubvuma—iwe usingatombozvizivi. Funga nezvomuenzaniso uri nyore wekuti chinhu chipi chaunosarudza kutenga paunoenda kunotenga. Nguva dzose chisarudzo chako woga, pasina vamwe here? Kana kuti vamwe vanhu, kakawanda vasingaoneki, vanochinja chisarudzo chako nounyanzvi asi zvakasimba zvikuru here? Mutori wenhau anoongorora Eric Clark anofunga kuti vanodaro. “Patinonyanya kunzwa mashoko okushambadzira,” anodaro, “ndipo patisingazvioni, asi, zvechokwadi, ndipo patinonyanya kutapurwa.” Anoshumawo kuti vanhu pavanobvunzwa kuti vanofunga kuti kushambadzira kunoshanda zvakadini, “vakawanda vanobvuma kuti kunoshanda, asi kwete pavari.” Vanhu vanowanzofunga kuti mumwe munhuwo zvake ndiye anotapurwa, asi ivo havatapurwi. “Zvinoita sokuti ivo vega, havatapurwi.”—The Want Makers.
Uri Kumanikidzirwa Muforoma yaSatani Here?
Nyangwe uchipesvedzerwa nokushambadzira kwamazuva ose hazvingavi nemigumisiro yakakomba. Zvisinei, pane imwe pesvedzero ine ngozi zvikuru. Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Satani ndiye shasha yokunyengedza. (Zvakazarurwa 12:9) Uzivi hwake hwakangofanana nokufunga kwomumwe munhu anoita zvokushambadzira uyo akati pane nzira mbiri dzokupesvedzera nadzo vatengi—“nokuvanyengedza kana kuti nokuvachinja.” Kana vanoita zvokuparadzira mashoko navanoshambadza vachikwanisa kushandisa unyanzvi hwamano mano hwakadaro kuti vaumbe kufunga kwako, Satani anofanira kuva ari shasha zvakadini pakushandisa unyanzvi hwakadaro!—Johane 8:44.
Muapostora Pauro aiziva izvi. Aitya kuti vamwe vaKristu vaainamata navo vangarivara ndokunyengedzwa naSatani. Akanyora kuti: “Ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.” (2 VaKorinte 11:3) Fungisisa nyevero iyoyo. Ukasadaro ungangozoita sevanhu vaya vanodavira kuti mashoko anoparadzirwa nokuchinjwa pfungwa zvinoshanda—“asi kwete pavari.” Chokwadi chokuti mashoko anoparadzirwa aSatani anoshanda chinooneka zvakajeka mose makatipota muutsinye, uori, uye unyengeri hwazadza chizvarwa chino.
Saka, Pauro akateterera vaKristu vaainamata navo kuti va“saenzaniswa nenyika ino.” (VaRoma 12:2) Mumwe mushanduri weBhaibheri akatsanangura mashoko aPauro nenzira iyi: “Musaita kuti nyika yakakupotai ikumanikidzirei muforoma yayo.” (VaRoma 12:2, Phillips) Satani achaedza chero chinhu chipi zvacho kuti akumanikidzire muforoma yake, somuumbi wakare aimanikidzira ivhu muforoma yakavhurika kuti rive nezviratidzo nezvinhu zvaaida kuti rive nazvo. Satani akaita kuti zvematongerwe enyika, zvokutengeserana, zvitendero, nevaraidzo zvenyika yose zvigadzirire kuita izvozvo. Kupesvedzera kwake kwakambopararira zvakadini? Kwakapararira sezvakwakanga kwakaita muzuva romuapostora Johane. “Nyika yose,” Johane akadaro, “igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19; onawo 2 VaKorinte 4:4.) Kana usina chokwadi nemano aSatani okunyengedza vanhu nokuodza mafungiro avo, yeuka kuti akaita izvi nenzira inobudirira zvakadini kune rumwe rudzi rwavanhu rwose, Israeri, vakanga vakazvitsaurira kuna Mwari. (1 VaKorinte 10:6-12) Chinhu chakafanana chingaitika kwauri here? Chingadaro kana ukaregera pfungwa dzako dzichipesvedzerwa nokunyengera kwaSatani.
Ziva Zviri Kuitika
Kazhinji, masimba anonyengera akadaro achapesvedzera kufunga kwako kana bedzi ukaabvumira. Mubhuku rake rinonzi The Hidden Persuaders, Vance Packard akataura pfungwa iyi: “Tichiri kugona kuzvidzivirira zvakasimba pavanyengetedzi [vasingaoneki] vakadaro: tinogona kusarudza kusanyengetedzwa. Muzvinenge zviitiko zvose tichine chisarudzo, uye hatigoni kunyanyonyengedzwa kana tichiziva zviri kuitika.” Izvozvo ndezvechokwadiwo nezvekuparadzirwa kwamashoko nokunyengedzwa.
Chokwadi, kuti u“ziv[e] zviri kuitika,” unofanira kuramba wakavhura pfungwa dzako uye uchigamuchira kukurudzira kwakanaka. Pfungwa dzakanaka, kufanana nomuviri une utano, dzinofanira kunyatsodyiswa kana dzichizoshanda zvakanaka. (Zvirevo 5:1, 2) Kushayiwa mashoko kunogona kuva kune ngozi kungofanana nokuva namashoko asiwo. Saka nepo chiri chokwadi kuti unofanira kudzivirira pfungwa dzako papfungwa nouzivi zvinotsausa, edza kusatanga kushatirirwa uye kusava nechokwadi nemazano ose kana kuti mashoko aunopiwa.—1 Johane 4:1.
Kunyengetedza kwokutendeseka hakuna kufanana namashoko anoparadzirwa pachivande. Muapostora Pauro zvechokwadi akanyevera mujaya Timotio kuti angwarire “vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.” Asi Pauro akawedzera kuti: “Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kunaani.” (2 Timotio 3:13, 14) Sezvo zvinhu zvose zvaunopinza mupfungwa dzako zvichakupesvedzera zvakati kuti, chinokosha ku‘ziva kuti unodzidza zvinhu kuna vanaani,’ kuva nechokwadi chokuti ivo vanhu vanokufarira zvechokwadi, kwete vanongozvida ivo.
Ndiwe unofanira kusarudza. Unogona kusarudza ku“enzaniswa nenyika ino” nokuita kuti uzivi hwenyika netsika zvidzore mafungiro ako. (VaRoma 12:2) Asi nyika ino haikudi nomwoyo wose. “Chenjerai,” nokudaro, anonyevera kudaro muapostora Pauro, “zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu.” (VaKorose 2:8, NW) Kumanikidzirwa muforoma yaSatani nenzira iyi, kana kuti ‘kutakurwa semhuka yake,’ hakudi simba. Zvakafanana noutsi hwefodya inosvutwa nomumwe. Ungagona kutapurwa nokungofema mhepo yakasvibiswa.
Kusiyana naizvozvo, ungadzivisa kufema “mhepo” iyoyo. (VaEfeso 2:2, NW) Panzvimbo pezvo, tevera zano raPauro: “Mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Izvi zvinoda kutamburira. (Zvirevo 2:1-5) Yeuka kuti, Jehovha haasi munyengedzi. Anoita kuti mashoko ose anodiwa awanike, asi kuti ubetserwe nawo, unofanira kuateerera ndokuaita kuti atapure mafungiro ako. (Isaya 30:20, 21; 1 VaTesaronika 2:13) Unofanira kuda kuzadza ndangariro yako nechokwadi chiri mu“manyoro matsvene,” Shoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri.—2 Timotio 3:15-17.
Bvuma Kuumbwa naJehovha
Kudikanwa kwokuti iwe ubvume nokuzvidira, nokuteerera kana uchizobetserwa nokuumbwa naJehovha kwakaenzanisirwa zvakasimba Jehovha paakaudza muporofita Jeremia kuti ashanyire imba yomuumbi. Jeremia akaona muumbi achichinja pfungwa yake pamusoro pokuti oitei nomumwe mudziyo apo mudziyo waaiedza kuita waka“shatiswa mumaoko omuumbi.” Jehovha akazoti: “Nhai, imi imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi uyu wehari here? Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri.” (Jeremia 18:1-6) Izvozvo zvaireva here kuti vanhu vaiva muIsraeri vakanga vakangoita semavhinga evhu risina upenyu mumaoko aJehovha kuti aumbe madiro chero rudzi rwemudziyo?
Jehovha haamboshandisi simba rake rose kuti aite kuti vanhu vaite zvavasingadi; uyewo haasi iye ane mhaka yemidziyo isina kunaka, sezvingaita munhu anoumba. (Dheuteronomio 32:4) Zvakaipa zvinotanga apo avo Jehovha anoedza kuumba nenzira yakanaka vanoramba kutungamirirwa naye. Ndiwo mumwe musiyano mukuru pakati pako nevhinga revhu risina upenyu. Unokwanisa kuzvisarudzira. Ukakushandisa, unogona kusarudza kubvuma kuumba kwaJehovha kana kuti kukuramba namaune.
Chidzidzo chinoita kuti ufunge zvakadini! Zvingava nani zvakadini kuteerera inzwi raJehovha panzvimbo pokutaura uchidada kuti, “Hapana munhu anondiudza zvokuita”! Tose zvedu tinoda kutungamirirwa naJehovha. (Johane 17:3) Ita somunyori wepisarema Dhavhidhi, akanyengetera achiti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu.” (Pisarema 25:4) Yeuka zvakataurwa naMambo Soromoni: “Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; nomunhu wenjere awane mano akanaka.” (Zvirevo 1:5) Uchateerera here? Kana ukadaro, ipapo “kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta.”—Zvirevo 2:11.