Chibereko—Chakanaka Nechakaipa
“Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde . . . Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga ina maonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.”—JEREMIA 24:1, 2.
1. Jehovha akaratidza sei tsitsi nokuda kwavanhu vake, Israeri, asi vakaita sei?
GORE racho rakanga riri 617 P.N.V. Akanga achingova makore gumi chete rutongeso rwakafanirwa rwaJehovha rusati rwaitwa paJerusarema navanhu varo. Jeremia akanga atove achiparidzira nesimba kwamakore 30. Cherechedza rondedzero yakajeka yaEzra yomugariro wacho, sezvinowanwa pana 2 Makoronike 36:15: “Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti wakanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake.” Uye chii chakanga chiri muuyo weiyi nhamburiko yose? Nenzira inosuruvarisa, Ezra anopfuurira kurondedzera 2 Mak. 36 mundima 16, kuti: “Asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.”
2, 3. Rondedzera chiono chinoshamisa icho Jehovha akaratidza Jeremia?
2 Ikoku kwakareva kuti rudzi rwaJudha rwaizoparadzwa chose chose here? Kuti tiwane mhinduro, ngatirangarirei chiono chinokosha icho zvino chakapiwa kuna Jeremia ndokunyorwa Jer muganhuro 24 rebhuku rine zita rake. Mwari akashandisa tswanda mbiri dzamaonde mune ichi chiono kufananidzira zvinoitika pakati pavanhu vake vesungano. Ivava vaizomirirwa namarudzi maviri akasiana echibereko, chakanaka nechakaipa.
3 Jeremia ganhuro 24, ndima 1 ne 2, rinorondedzera icho muporofita waMwari akaona: “Zvino Nebhukadrezari mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimi, mambo waJudha, pamwe chete navavezi navapfuri, paJerusarema, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petembere yaJehovha. Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga ina maonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.”
Maonde Akanaka Echiono
4. Chiono chamaonde chakanga chine shokoi rinonyaradza nokuda kwavaIsraeri vakatendeka?
4 Pashure pokubvunza Jeremia pamusoro peicho akaona, Jehovha akapfuurira kutaura Jer 24 mundima 5 kusvikira ku 7, kuti: “Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomwoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKardhea. Nokuti ndichavatarira nameso angu nomwoyo wakanaka, ndivadzoserezve kunyika ino; ndichavavaka, handingavakoromori; ndichavasima, handingavadzuri. Ndichavapa mwoyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nokuti vachadzokera kwandiri nomwoyo wavo wose.”
5, 6. (a) Vamwe vaIsraeri vaka‘tumwa nenzira yakanaka’ sei kuKardhea? (b) Jehovha aka‘isa [sei] ziso rake nenzira yakanaka’ pana vaIsraeri vakatendeka vaiva muutapwa?
5 Naizvozvo kunoratidzika kubva mune icho Jehovha akataura pano kuti nguva dziri nani dzaiva mberi, kuti rudzi rwaJudha rwakanga rusati ruchizoparadzwa chose chose. Asi chii chiri revo yetswanda iyi yamaonde akanaka?
6 Jekonia, kana kuti Jehoiakimi, akanga ave ari mambo pana Judha kwemwedzi mitatu chete namazuva gumi asati apa nokudisa Jerusarema kuna Mambo Nebhukadnezari. Pakati pavakaendeswa naye senhapwa dzose muutapwa pakanga pana Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru Hanania, Mishaeri, uye Azaria, pamwe chete naEzekieri. Upenyu hwavo hwakachengetwa namambo weBhabhironi, naizvozvo kwaigona kutaurwa kuti Jehovha akarangarira idzi nhapwa sedziri kutumwa nenzira yakanaka kunyika yavaKardhea. Wacherechedza here kuti Jehovha akapikirawo ku‘isa ziso rake pavari nenzira yakanaka’? Ikoku kwakazadzikwa sei? Muna 537 P.N.V., makore 80 gare gare, Jehovha akasakisa Mambo Koreshi kubudisa murairo unobvumira vakasarira vavazukuru vavo kudzokera kunyika yaJudha. Ava vaJudha vakatendeka vakavakazve guta reJerusarema; vakavaka tembere itsva yokunamatira Mwari wavo, Jehovha; uye vakadzokera kwaari nomwoyo wavo wose. Naizvozvo muna ikoku kwose, kuna Jehovha idzi nhapwa navazukuru vadzo vakanga vakafanana namaonde akanaka zvikuru okutanga.
7. Ziso raJehovha rakava rini uye sei paboka raJeremia razvino uno “munzira yakanaka”?
7 Ungayeuka kuti munyaya yapfuura pamusoro pamashoko ouporofita aJeremia, takadzidza kuti iwo ane revo nokuda kwezana redu ramakore rechi 20. Uye Jer ganhuro 24 harisiiwi. Mukati mamakore asingafadzi eHondo yeNyika I, vakawanda vavabatiri vakazvitsaurira vaJehovha vakapesvedzerwa neBhabhironi Guru munzira yakati. Asi ziso raJehovha rinorinda ‘rakanga riri pavari nenzira yakanaka.’ Naizvozvo kwakanga kwakadaro kuti kupfurikidza naKoreshi Mukuru, Kristu Jesu, Jehovha akaputsa simba reBhabhironi Guru pamusoro pavo uye zvishoma nezvishoma akavapinza muparadhiso yomudzimu. Ava vaIsraeri vomudzimu vakabvuma ndokudzokera kuna Jehovha nomwoyo wavo wose. Ipapo, muna 1931, vakafara kugamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Zvirokwazvo, zvino kwaigona kutaurwa kuti ivo vakanga vava setswanda yamaonde akanaka zvikuru mumeso aJehovha.
8. Zvapapu zvaJehovha zvakazivisa kwakafara munzirai kuzipa kwakafanana namaonde kweshoko roUmambo?
8 Uye Zvapupu zvaJehovha hazvina kupotsa donzo romutsa usakafanirwa waMwari mukuzvisunungura muBhabhironi Guru. Hazvina kuchengeta kuzipa kwakafanana nokwamaonde kweshoko roUmambo ramashoko akanaka kwazviri zvimene, asi zvakarizivisa kwakafara mukuwirirana namashoko aJesu ari pana Mateo 24:14, anoti: “[Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa, NW] munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose.” Uye chii chakava muuyo? Vanopfuura 4 700 000 vakafanana namakwai vasati vari vaIsraeri vomudzimu vakabuda muBhabhironi Guru!
Maonde Akaipa Echiono
9. Ndivanaani vakamirirwa nemaonde akaipa echiono chaJeremia, uye chii chaifanira kuitika kwavari?
9 Asi zvakadiniko netswanda iya yamaonde akaipa muchiono chaJeremia? Jeremia zvino anongangidzira ngwariro yake pamashoko aJehovha anowanwa pana Jeremia ganhuro 24, ndima 8 kusvikira ku 10, anoti: “Sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha: Ndizvo zvandichaita Zedhekia mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusarema, vakasara panyika ino, navagere panyika yeEgipita. Ndichavaita chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika, vaitirwe zvakaipa, vave chinhu chinoshorwa, neshumo, nechinosekwa nechinotukwa panzvimbo dzose kwandichavadzingira. Ndichatuma pakati pavo munondo, nenzara, nehosha, kusvikira vapera panyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.”
10. Neiko Jehovha akarangarira Zedhekia kuva ‘onde rakaipa’?
10 Naizvozvo Zedhekia zvirokwazvo akava ‘onde rakaipa’ mumeso aJehovha. Haana kungopandukira bedzi Mambo Nebhukadnezari kupfurikidza nokuputsa mhiko yoruvimbiko yaakanga aita kuna mambo iyeyo muzita raJehovha asi iye akarambawo chose chose tsitsi dzaJehovha dzakatambanudzirwa kwaari kupfurikidza naJeremia. Kutaura idi, akatosvika pakuita kuti Jeremia achengetedzwe! Hakushamisi kuti Ezra anopeta chimiro chendangariro chamambo sezvaanoita pana 2 Makoronike 36:12, kuti: “Akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa.” Mumeso aJehovha Zedhekia naavo vakasara muJerusarema vakanga vakaita setswanda yamaonde akaipa, akaora!
Maonde Akaora Okufananidzira Muzuva Redu
11, 12. Ndivanaani vanoziviswa samaonde akaipa nhasi, uye chii chakafanira kuitika kwavari?
11 Zvino tarira-tarira munyika nhasi. Unofunga kuti tinogona kuwana tswanda yokufananidzira yamaonde akaipa here? Ngatirangarirei maidi acho nokuenzanisa zuva redu neraJeremia. Murino zana ramakore rechi 20, Jehovha akashandisa boka raJeremia, vakasarira vakazodzwa, kunyevera marudzi nguva dzose nezvehasha dzake dzinouya padambudziko guru. Akakurudzira mapoka amarudzi kumupa mbiri yakafanira zita rake, kumunamata nomudzimu nezvokwadi, uye kubvuma Mwanakomana wake ari kutonga, Kristu Jesu, soMutongi ane maruramiro wapasi. Chii chave chiri kuita kwacho? Kwakangofanana nomuzuva raJeremia. Marudzi anopfuurira kuita chakaipa mumeso aJehovha.
12 Ndivanaani vari kunyandura ichi chimiro chendangariro chokupandukira? Ndivanaani vanoramba vachiseka idzi nhume dzakafanana naJeremia dzaMwari kupfurikidza nokupanikira chiremera chadzo chokubatira savashumiri vaMwari? Ndivanaani vanoramba vachizvidza Shoko raMwari? Ndiani nhasi ave achisakisa kukurusa kwokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha? Mhinduro yakajeka kuti vose vaone—chiKristudhomu, zvikurukuru vafundisi! Uye ingotarira hako chibereko chechiKristudhomu chose chakaora, chakaipa chakakurukurwa munyaya yapfuura. Haiwa, hungu, zvamazvirokwazvo pane tswanda yokufananidzira yamaonde akaipa mupasi nhasi. Kutaura idi, Jehovha anotaura kuti haagoni “kudyiwa nokuipa kwawo.” Mashoko aJehovha kupfurikidza naJeremia anoungira kusvikira kuzuva redu: ‘Vachasvika pakupera kwavo’! Hasha dzaJehovha pachiKristudhomu hadzisati dzichizorapwa.
Chidzidzo Chokunyevera Nokuda Kwedu
13. Nemhaka yamashoko aPauro anowanikwa pana 1 VaKorinte 10:11, tinofanira kunzwisisa sei chiono chetswanda mbiri dzamaonde?
13 Sezvatinonzvera revo dzeshoko rokunyevera rakafuridzirwa raJeremia, mashoko omuapostora Pauro ari pana 1 VaKorinte 10:11 anorira munzeve dzedu, anoti: “Zvino, izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, tasvikirwa nokuguma kwenyika.” Tarangarira zvakakomba somunhu oga nyevero inopiwa kwatiri neichi chiono chetswanda mbiri dzamaonde here? Izvo tave tichikurukura rutivi runokosha rwezvinhu zvakawira Israeri somuenzaniso unonyevera nokuda kwedu.
14. Israeri akaita sei kutarisiro younyoro yaJehovha?
14 Pakupedzisira, ngatiyeukei mashoko aJehovha kuna Mambo Dhavhidhi pamusoro paIsraeri, seanowanwa pana 2 Samueri 7:10, anoti: “Ndichatarira vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo, ndichavasima.” Jehovha nounyoro akatarisira vanhu vake, Israeri, munzira iri yose. Pakanga pane chikonzero chiri chose chokuti vaIsraeri vabereke chibereko chakanaka muupenyu hwavo. Vaingofanira bedzi kuteerera kudzidzisa kwoumwari kwaJehovha uye kuchengeta mirairo yake. Bva, vashomanene vavo bedzi vakaita kudaro. Voruzhinji vakanga vane chisimbwa kwazvo uye vakasindimara zvokuti ivo vakabereka chibereko chakaipa, chakaora.
15. Israeri womudzimu nhasi neshamwari dzavo dzakafanana namakwai vakaita sei kutsitsi dzaJehovha?
15 Eya, ipapoka, zvakadiniko nezuva redu? Jehovha akaratidza tsitsi huru kuvakasarira vake vaIsraeri womudzimu neshamwari dzavo dzakafanana namakwai. Ziso rake rave riri pavari nguva dzose chifo chokununurwa kwavo kwomudzimu muna 1919. Sezvaakadeya kutaura kupfurikidza naIsaya, ivo vanogamuchira murairidzo woumwari zuva nezuva kubva kuno Mudzidzisi mukurusa muchisiko chose, Jehovha Mwari. (Isaya 54:13) Uku kudzidzisa kwoumwari, kunotungamirirwa kupfurikidza noMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu, kwakaguma norugare rukuru pakati pavo uye nenzira yakatsiga kwakavapinza muukama hwapedyo zvikuru naJehovha. Imhoteredzo yomudzimu inoshamisa zvakadini inogovera ikoku yokuti tose zvedu tizive Jehovha, kumuteerera, uye kupfuurira kubereka chibereko chakanaka muupenyu hwedu—chibereko chinounza rumbidzo kuna Jehovha! Kunoreva upenyu hwedu humene!
16. Kushandisai kwomunhu oga kunogona kuita mumwe nomumwe wedu chiono chetswanda mbiri dzamaonde?
16 Asi pasinei hapo nomutsa wose usakafanirwa waMwari, pachine vamwe vanova vanopandukira navakaomeswa mwoyo, sezvakaita vakawanda muna Judha wekare, uye vakabereka chibereko chakaipa, chakaora muupenyu hwavo. Ikoku ingwavaira yakadini! Mumwe nomumwe wedu asambova asina kungwarira chidzidzo chinonyevera chinounzwa zvakajeka kungwariro yedu neidzi tswanda mbiri dzamaonde nechibereko chadzo—chakanaka nechakaipa. Sezvo rutongeso rwakafanirwa rwaJehovha pachiKristudhomu chakawa pakutenda runokurumidza, ngatirangarirei zvakakomba zano romuapostora Pauro: “Mufambe sezvinofanira [Jehovha, NW], muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka.”—VaKorose 1:10.
Kuhwirudzura “Chibereko—Chakanaka Nechakaipa” uye ndima 1-4 dze “Gakava raJehovha Namarudzi”
◻ Tswanda yamaonde akanaka inomirirei?
◻ Tswanda yechiono chamaonde akaipa yazova pachena sei?
◻ Chidzidzoi chinoyevera icho shoko raJeremia rinogovera nokuda kwedu?
◻ Chii chakanga chichikosha pamusoro pegore ra 607 P.N.V.? uye 1914 N.V.?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kufanana namaonde akanaka, vanhu vaMwari vakabereka chibereko choUmambo chinozipa
[Mufananidzo uri papeji 15]
ChiKristudhomu chakabvumikisa kuva chakafanana netswanda yamaonde akaipa