Gakava raJehovha Namarudzi
“Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha une gakava namarudzi.”—JEREMIA 25:31.
1, 2. (a) Chii chakaitika muna Judha pashure porufu rwaMambo Josia? (b) Ndiani akanga ari mambo wokupedzisira waJudha, uye akatambura sei nokuda kwokusatendeka kwake?
NYIKA yaJudha yakanangana nenguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo. Mambo mumwe akanaka, Josia, akanga anonotsa kwechinguvana kutsamwa kukuru kwaJehovha. Asi chii chakatevera apo Josia akaurawa muna 629 P.N.V.? Madzimambo akamutsiva akazvidza Jehovha.
2 Mambo wokupedzisira waJudha, Zedhekia, mwanakomana wechina waJosia, akapfuurira, seizvo 2 Madzimambo 24:19 inotaura, kuti: ku“ita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita [mukoma wake] Jehoyakini.” Chii chakanga chiri muuyo wacho? Nebhukadnezari akarwisana neJerusarema, akatapa Zedhekia, akauraya vanakomana vake pamberi pake, akamupofumadza, uye akamuendesa kuBhabhironi. Uyezve, vaBhabhironi vakabvuta sezvakapambwa midziyo yaishandiswa mukunamatwa kwaJehovha, vakapisa tembere neguta. Vapukunyuki vakava nhapwa muBhabhironi.
3. Inhamboi yakavamba nokuparadzwa kweJerusarema muna 607 P.N.V., uye chii chakanga chichizoitika pamugumo wenhambo iyoyo?
3 Gore iroro, 607 P.N.V., harina kungoratidzira bedzi kuparadzwa kwokupedzisira kweJerusarema asiwo kutanga kwe“nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” dzinonongedzerwa kwadziri pana Ruka 21:24, (NW). Iyi nhambo yamakore 2 520 yakaguma muzana redu ramakore, mugore ra 1914. Pakasvika nguva iyeyo nguva yakanga yasvika yokuti Jehovha, kupfurikidza noMwanakomana wake akagadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu, uyo ari mukuru zvikuru kupfuura Nebhukadnezari, azivise ndokuita rutongeso panyika yakashata. Uku kutonga kunotanga nomuenzani womuzuva razvino uno waJudha, muenzani anotaura kuti anomirira Mwari naKristu pasi pano.
4. Mibvunzoi inomutswa zvino pamusoro pouporofita hwaJeremia?
4 Tinoona here kuenzana pakati penyongano mukati memakore okupedzisira aJudha pasi pamadzimambo ake—nezvinoitika zvinoparadza zvinotapurawo marudzi ari vavakidzani—nenyongano iri muchiKristudhomu nhasi? Zvamazvirokwazvo tinoona! Chii, ipapoka, icho uporofita hwaJeremia hunoratidzira pamusoro pokuti Jehovha achabata sei zvinhu nhasi? Ngationei.
5, 6. (a) Chifo cha 1914, mugariro muchiKristudhomu wakafanana sei nouyo waiva muna Judha pamberi chaipo pokuparadzwa kwayo? (b) Ishokoi iro Jeremia wazvino uno akaendesa kuchiKristudhomu?
5 Nyanzvi yenhamba uye muzivi weBritain Bertrand Russell akatsinhira makore 40 apfuura, kuti: “Chifo cha 1914, munhu ari wose anoziva nezvezvinoitika munyika anetswa zvikuru nechakaratidzika kuva chakafanana nokuenda kune shuramanenji nokwakadeya kusarudzwa kumugumo une ngwavaira inoramba iri huru zvikuru.” Uye nyanzvi yezvehurumende yeGermany Konrad Adenauer yakati: “Chengeteko norunyararo zvakanyangarika mupenyu hwavanhu chifo cha 1914.”
6 Nhasi, somuzuva raJeremia, kusvika kumugumo wetsika yezvinhu kunoratidzirwa nokuteurwa kweropa rakawanda zvikuru risina mhaka, zvikurukuru muhondo mbiri dzenyika dzezana rino ramakore. Zvikurukuru, idzi hondo dzakarwiwa namarudzi echiKristudhomu, chinotaura kuti chinonamata Mwari weBhaibheri. Hunyengeri hwakadini! Hakushamisi kuti Jehovha akatuma Zvapupu zvake kwavari, achiti, mumashoko aJeremia 25:5, 6: “Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita . . . Regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.”
7. Hufakazii huripo hwokuti chiKristudhomu chakafuratira nyevero dzaJehovha?
7 Zvisinei, marudzi echiKristudhomu akakundikana kudzoka. Ikoku kwakaratidzirwa mukuita kwawo zvimwe zvibairo kuna mwari wehondo muKorea nomuVietnam. Uye anopfuurira kuwanira mari vaurayi, vagadziri vezvombo. Nyika dzechiKristudhomu dzakagovera rutivi rukuru zvikuru rweanenge madhora ane matiririyoni matanhatu akashandiswa pazvombo gore rimwe nerimwe mukati mama 1980. Kuvambira muna 1951 kusvikira kuna 1991, ndyiko yehondo yeUnited States yoga yakapfuura mhindu dzemari inosara pandyiko yose yemasangano eAmerica akabatanidzwa. Chifo chomugumo wakaziviswa nenzwi guru woUtsinye Hwakakomba pakati pamarudzi, kutapudzwa kwakaitwa muzvombo zvenyukireya zvisichawirirani nomusi, asi matura ezvombo mahombe ezvimwe zvombo zvinouraya aripo uye zvinopfuurira kuitwa. Rimwe zuva izvozvi zvingashandiswa.
Rutongeso Panzvimbo Yamadiro yechiKristudhomu
8. Mashoko aJeremia 25:8, 9 achazadzikwa sei pachiKristudhomu?
8 Mamwezve mashoko aJehovha, anowanwa pana Jeremia 25:8, 9, zvino anoshanda zvakananga kuchiKristudhomu, icho chakakundikana kuwirirana nemipimo yechiKristu yokururama: “Naizvozvo—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—zvamusina kunzwa mashoko angu, tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadrezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi akaipoteredza; ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso, nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.” Nokudaro, kutanga navanhu vanotaura kuva vaMwari, chiKristudhomu, dambudziko guru richavamba, pakupedzisira richitambanukira mupasi rose, kusvikira ku‘marudzi ose akapoteredza.’
9. Mugariro womudzimu wechiKristudhomu wakava wakaipa zvikuru munguva yedu munzirai?
9 Pakanga pane nguva muchiKristudhomu apo Bhaibheri rakanga richiremekedzwa, apo roorano noupenyu hwemhuri zvaidokurangarirwa munzvimbo yose samanyuko omufaro, apo vanhu vaifumomuka ndokuwana gutsikano mubasa ravo rezuva nezuva. Vazhinji vaizvizorodza vamene nokurava nokufunda Shoko raMwari nerambi ramanheru. Asi nhasi, vatano yamadiro, chatanuro, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo noudhakwa, usindimari, makaro, miitiro younyope yokushanda, kupindwa muropa neTV, uye zvimwe zvakaipa zvakashatisa upenyu kusvikira kumwero unotyisa. Izvi ndizvo zvokutanga kukuparadza uko Jehovha Mwari oda kuita panzvimbo yamadiro yechiKristudhomu.
10. Rondedzera mugariro wechiKristudhomu pashure pokuitwa kwamarutongeso aJehovha.
10 Jehovha anozivisa, sezvatinorava pana Jeremia ganhuro 25, ndima 10 ne 11, kuti: “Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje. Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso.” Zvamazvirokwazvo kuchava kunoshamisa apo tembere dzakasimba namadzimbahwe zvoumbozha zvechiKristudhomu zvinokoromoka. Ruparadziko irworwu ruchava rukuru sei? Munguva yaJeremia, kuparadzwa kwaJudha namarudzi vavakidzani kwakapedza makore 70, ayo Pisarema 90:10 rinorondedzera senduramo chaiyo. Kuita kwaJehovha rutongeso nhasi kuchava kwakakwana, kusingaperi.
Rutongeso paBhabhironi Guru
11. Ndiani achashandiswa mukuparadza chiKristudhomu? Nemhaka yei?
11 Sezvakadeya kutaurwa pana Zvakazarurwa 17:12-17, nguva ichasvika apo Jehovha anotanga chiito chake chechienzi kupfurikidza nokuchiisa mumwoyo ye“nyanga dzine gumi”—mitezo yakashongedzerwa nezvombo yeChibatanwa chaMarudzi—kuti “vaite kurangarira kwake” kwokuparadza umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Ikoku kuchaitika sei? Kune nzira dzakawanda idzo “nyanga dzine gumi” dzaZvakazarurwa ganhuro 17, mumashoko eZvak. 17 ndima 16, dzingasvika nadzo pa“kuvenga mhombwe uye . . . kuipisa nomwoto.” Chokwadi, zvombo zvenyukireya zvakawedzera uye zvichiri kuwedzera munzvimbo dzakawanda dzine ngozi pasi pano. Asi tinofanira kumira ndokuona kuti Jehovha achaiisa sei mumwoyo yavatongi vezvamatongerwe enyika kuti vaite matsive ake.
12. (a) Chii chakaitika kuBhabhironi pashure pokuparadza kwaro Jerusarema? (b) Chii chichaitika kumarudzi pashure pokuparadzwa kwechiKristudhomu?
12 Munguva dzakare rakava jana reBhabhironi rokuwana kutsamwa kukuru kwaJehovha. Nenzira inowirirana, kuvamba naJeremia ganhuro 25, ndima 12, uporofita hwacho hunorangarira nhau mumurangariro wapashure, wakachinja. Asichirizve mubasa roMuurayi waJehovha, Nebhukadnezari neBhabhironi zvino zvinobatanidzwa pakati pamarudzi ose enyika. Ikoku kwakafanana nomugariro nhasi. “Nyanga dzine gumi” dzaZvakazarurwa 17 dzichaparadza rudzidziso rwenhema, asi gare gare idzo dzimene dzichatambura kuparadzwa pamwe chete namamwe “madzimambo [ose] enyika,” sezvinorondedzerwa muna Zvakazarurwa ganhuro 19. Jeremia 25:13, 14 rinorondedzera kuti Bhabhironi, pamwe chete na“marudzi ose” akashandisa zvakaipa vanhu vaJehovha, rinopinda sei murutongeso. Jehovha akanga ashandisa Nebhukadnezari somuurayi mukuranga Judha. Bva vose vari vaviri iye namadzimambo apashure eBhabhironi nenzira yorudado vakasvika pakuzvikwidziridza vamene mukurwisana naJehovha amene, sezvinoratidzirwa, somuenzaniso, kupfurikidza nokushandiswa zvisina kufanira kwemidziyo yetembere yaJehovha. (Dhanieri 5:22, 23) Uye apo vaBhabhironi vakaparadza Jerusarema, marudzi vavakidzani vaJudha—Moabhi, Amoni, Tire, Edhomi, uye mamwe—akafara ndokuseka vanhu vaMwari. Iwowo anofanirawo kuwana mubairo wakafanira kuna Jehovha.
Rutongeso pa“Marudzi Ose”
13. Chii chinorehwa ne“mukombe uyu wewaini yokutsamwa,” uye chii chinoitika kuna avo vanonwa mukombe wacho?
13 Nokudaro, Jeremia anozivisa, sezvakanyorwa paJer ganhuro 25, ndima 15 ne 16, kuti: “Jehovha Mwari waIsraeri, wakati kwandiri: Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, unwise ipapo marudzi ose andinokutuma kwaari. Vachanwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.” Neiko uri ‘mukombe wewaini yokutsamwa kwaJehovha’? Pana Mateo 26:39, 42 naJohane 18:11, Jesu akataura nezvo“mukombe” sounofananidzira kuda kwaMwari nokuda kwake. Nenzira yakafanana, mukombe unoshandiswa kufananidzira kuda kwaJehovha kuti marudzi anwe matsive ake oumwari. Jeremia 25:17-26 rinoronga aya marudzi anodeya kufananidzira marudzi nhasi.
14. Mukuwirirana nouporofita hwaJeremia, ndivanaani vanonwa mumukombe wewaini wokutsamwa kwaJehovha, uye ikoku kunofananidzirei nokuda kwezuva redu?
14 Pashure pokunge chiKristudhomu, kufanana naJudha, chaitwa “dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa,” kuparadzwa kwakamirira umambo hwose hwasara hwenyika hworudzidziso rwenhema. Tevere, nyika yose, sezvakafananidzirwa neEgipita, inofanira kunwa mukombe wewaini yokutsamwa kwaJehovha! Hungu, “madzimambo ose okumusoro, kure napedyo, mumwe nomumwe noushe hwose hwenyika, huri pasi pose;” vanofanira kunwa. Pakupedzisira, “mambo weSheshaki uchanwa shure kwavo.” Uye ndiani ari uyu “mambo weSheshaki”? Sheshaki izita rokufananidzira, romunyorero wakavanzika, kana kuti chiratidzo, reBhabhironi. Sezvo Satani akanga ari mambo asingaoneki paBhabhironi, naizvozvo ndiye “mutongi wenyika” kusvikira kuzuva rino, sezvakaratidzirwa naJesu. (Johane 14:30) Nokudaro, Jeremia 25:17-26 inowirirana naZvakazarurwa ganhuro 18 kusvikira ku 20 mukujekesa nhevedzano yezvinoitika sezvo mukombe wokutsamwa kwaJehovha unotenderedzwa. Kutanga, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema hunofanira kuparadzwa, tevere masimba ezvamatongerwe enyika, uye ipapo Satani amene anofanira kuiswa mugomba rakadzika-dzika.—Zvakazarurwa 18:8; 19:19-21; 20:1-3.
15. Chii chichaitika apo kudanidzira kwo“rugare nechengeteko,” (NW) kunonzwikwa?
15 Kwave kune kutaura kwakawanda nezvorugare nechengeteko chifo chaapo Utsinye Hwakakomba pakati pamarudzi hunofungidzirwa kuva hwakaguma, paine simba guru rimwe bedzi rasara. Sezvakataurwa pana Zvakazarurwa 17:10, simba guru iroro, musoro wechinomwe wechikara, unofanira “kugara chinguva chiduku” ichocho. Asi “chinguva chiduku” chiri kusvika mugumo wacho. Nokukurumidza, kudanidzira kwose “rugare nechengeteko” zvamatongerwe enyika kubvumira “ruparadziko rwakamwe kamwe [rucha]va pavari nokukurumidza.” Anotaura kudaro muapostora Pauro.—1 VaTesaronika 5:2, 3, NW.
16, 17. (a) Kana upi noupi akaedza kupukunyuka rutongeso rwaJehovha, chii chichaitika? (b) Kuda kwaJehovha kuchakurumidza kuitika pasi pano munzirai inoparadza?
16 Tsika yenyika yose yaSatani, kutanga nechiKristudhomu, inofanira kunwa mumukombe waJehovha wamatsive. Mumwe murairo wake kuna Jeremia, wakanyorwa paJer ganhuro 25, ndima 27 kusvikira ku 29, unosimbisa ikoku: “Zvino iwe uti kwavari: Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Inwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda kwemunondo wandichatuma pakati penyu. Zvino kana vachiramba kutora mukombe paruoko rwako kuti vanwe, ipapo uti kwavari: Zvanzi naJehovha wehondo: Munofanira kunwa, zvirokwazvo! Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”
17 Iwayo mashoko akasimba—zvamazvirokwazvo, mashoko anotyisa, nokuti anotaurwa naChangamire Ishe wechisiko chose, Jehovha Mwari. Mukati mezviuru zvamakore zvenguva, iye nenzira yokushivirira akatsungirira kutukwa, kuzvidzwa, uye ruvengo izvo zvakatutirwa pazita rake dzvene. Nguva yazosvika pakupedzisira, kunyanguvezvo, yokuti iye apindure munyengetero uyo Mwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu, akadzidzisa vadzidzi vake apo aiva pano pasi pano: “Zvino imi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. [Umambo, NW] hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10) Kuda kwaJehovha kuti Jesu aite somunondo Wake mukuita matsive.
18, 19. (a) Ndiani anotasva kuti akunde muzita raJehovha, uye anomirirei asati apedza rukundo rwake? (b) Apo ngirozi dzinosunungura dutu rokutsamwa kwaJehovha, ndizvinoitikai zvinotyisa zvichaitika pasi pano?
18 Muna Zvakazarurwa ganhuro 6, tinotanga kurava nezvokutasva kwaJesu bhiza jena ‘kuti akunde nokupedza rukundo rwake.’ (Zvak. 6 Ndima 2) Ikoku kwakavamba nokugadzwa kwake pachigaro choumambo saMambo wokudenga muna 1914. Mamwe mabhiza navatasvi zvinomutevera, zvichiratidzira hondo yachose chose, nzara, uye nhenda idzo dzakatambudza pasi redu chifo chenguva iyeyo. Asi iyi nyongano yose ichaguma rini? Zvakazarurwa ganhuro 7 inotizivisa kuti ngirozi ina dzakabata zvakasimba “mhepo ina dzenyika” kusvikira Israeri womudzimu neboka guru rinobva kumarudzi ose vaunganidzwa nokuda kworuponeso. (Zvak. 7 Ndima 1) Ipapo chii chinoitika?
19 Jeremia ganhuro 25, mundima 30 ne 31, rinopfuurira, kuti: “Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pavugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa. Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha une gakava namarudzi, uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo—ndizvo zvinotaura Jehovha.” Hapana rudzi ruchapukunyuka mukudaroko kunwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha. Ndokwokukurumidzira, naizvozvo, kuti vanhu vose vane mwoyo yakarurama vazviparadzanise vamene nouipi hwamarudzi ngirozi ina dzisati dzasunungura mhepo yedutu guru rine simba rokutsamwa kwaJehovha. Idutu zvamazvirokwazvo, nokuti uporofita hwaJeremia hunopfuurira paJer 25 ndima 32 ne 33:
20. Chionoi chinosimbisa ukombi hworutongeso rwaJehovha, asi neiko ichi chiito chiri madikanwa?
20 “Zvanzi naJehovha wehondo: Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika. Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.” Zvirokwazvo chinoitika chinotyisa, asi ichi chiito chiri madikanwa nokuda kwokubvisa papasi uipi hwose pamberi pokupinza Paradhiso yechipikirwa chaMwari.
Vafudzi Vachaungudza Ndokuchema
21, 22. (a) Pana Jeremia 25:34-36, ndivanaani vakanga vari “vafudzi” vaIsraeri, uye neiko vakamanikidzirwa kuungudza? (b) Vafudzi vapi vazvino uno vakafanirwa nokutsamwa kwaJehovha, uye neiko vachifanirwa nako zvizere?
21 Jer 25 Ndima 34 kusvikira ku 36 dzinotaurazve nezvorutongeso rwaJehovha, dzichiti: “Wungudzai, imi vafudzi, mucheme; umburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikanwa. Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mapukunyukire. Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! Nokuti Jehovha unoparadza mafuro avo.”
22 Ndivanaani vari ava vafudzi? Havasati vari vatungamiriri vorudzidziso, vakatonwa kutsamwa kwaJehovha. Vafudzi vezvehondo, vanorondedzerwawo pana Jeremia 6:3, vanounganidza mauto avo mumapoka makuru mukuzvidzwa kwaJehovha. Ivo ndivo vatongi vezvamatongerwe enyika, vakava vapfumi pakuvadziko yavatongwi. Vazhinji vaivava vakorovheri, nyanzvi dzoushati. Vakanonoka kuderedza nzara idzo dzakauraya marudzi ose munyika dzine urombo. Vanopfumisa “vanoremekedzwa veboka,” vakadai savazvinabhizimisi vanogadzira zvombo uye vaparadzi vane udyire vemhoteredzo, nepo vachiramba kugovera betsero yokurapa nezvokudya zvinovaka muviri izvo zvingagona pamutengo muduku kwazvo kuponesa makumi amamirioni avana vanofa.
23. Rondedzera mugariro wenzvimbo yaSatani pashure pamabasa anoparadza aJehovha.
23 Hakushamisi kuti Jeremia ganhuro 25 rinogumisa, Jer 25 mundima 37 ne 38, kupfurikidza nokutaura nezvaava nenzira youdyire vakazvitsvakira vamene rugare voga, kuti: “Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha. Wakabva paanovanda seshumba; nokuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kwokunyanya kwomunondo unomanikidza, uye nokuda kwokutsamwa kwake kukuru.” Kunoshamisa zvamazvirokwazvo! Bva, kutsamwa kukuru kwaJehovha kucharatidzirwa zvamazvirokwazvo kupfurikidza noUyo anorondedzerwa pana Zvakazarurwa 19:15, 16 sa“Mambo wamadzimambo, naShe wamadzishe,” anofudza marudzi netsvimbo yedare. Uye chii chinotevera?
24. Zvikomboreroi izvo kuparadzwa kworudzidziso rwenhema uye yasara yenyika yaSatani zvichaunzira rudzi rwomunhu rwakarurama?
24 Wati wambopfuura nomudutu kana kuti mhepo huru here? Chinogona kuva chinoitika chinotyisa. Asi pamangwanani anotevera, kunyange zvazvo ungaona zvakaputswa makapoteredza mose, mhepo inowanzova yakajeka kwazvo uye kuterama kuchizorodza kwazvo zvokuti unogona kuonga Jehovha nokuda kwezuva rakaisvonaka zvechienzi. Nenzira yakafanana, sezvo dutu redambudziko guru rinoderera, ungatarira papasi nokuonga kuti uri mupenyu uye wakagadzirira kugoverana murimwe basa raJehovha rokuita kuti pasi rakacheneswa rive paradhiso ine mbiri. Gakava raJehovha namarudzi richave rasvitswa kumugumo waro wakaisvonaka, richitsvenesa zita rake uye kugadzira nzira kuti kuda kwake kuitike pasi pano muKutonga kweMireniyumu kwoUmambo hwaMesia. Umambo ihwohwo ngahuuye nokukurumidza!
Kuhwirudzura ndima 5-24 dzenyaya ino
◻ Inzirai dzokunyengera dzechiKristudhomu dzakapinda zvino murutongeso?
◻ Murangariroi wakakudzwa worutongeso unotorwa pana Jeremia 25:12-38?
◻ Mukombei wamatsive unopfuudzwa kumarudzi ose?
◻ Ndivanaani vari vafudzi vanoungudza nokuchema, uye neiko vavhiringidzwa?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Jehovha akasarudza chishandiso chokuparadzwa kwechiKristudhomu
[Mufananidzo uri papeji 23]
Pashure pedutu redambudziko guru, pasi rakacheneswa richaoneka