Jehovha Anopa Rugare Rwakawanda Nezvokwadi
“Ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda.”—JEREMIA 33:6.
1, 2. (a) Pamusoro porugare, chii chiri chinyorwa chamarudzi? (b) Muna 607 B.C.E., chidzidzoi icho Jehovha akadzidzisa Israeri pamusoro porugare?
RUGARE! Irwo runoshuviwa sei, bva rwave rusingawaniki sei munhau yomunhu! Zana ramakore rechi20, zvikurukuru, rave risati riri zana ramakore rorugare. Panzvimbo pezvo, rakaona hondo mbiri dzinoparadza zvikurusa munhau yavanhu. Mushure mehondo yenyika yokutanga, Chinzwano Chamarudzi chakaumbwa kuti chichengetedze rugare rwenyika. Sangano iroro rakakundikana. Mushure mehondo yenyika yechipiri, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakatangwa nenharidzano imwe cheteyo. Tinongoda bedzi kurava mapepanhau ezuva nezuva kuti tione nzira yariri kukundikanawo nayo chose chose.
2 Tinofanira kushamiswa here kuti masangano avanhu haagoni kuunza rugare? Nyangwe. Anopfuura makore 2 500 apfuura, vanhu vaMwari vakasarudzwa, vaIsraeri, vakadzidziswa chidzidzo muna ikoku. Muzana ramakore rechinomwe B.C.E., rugare rwavaIsraeri rwakatyisidzirwa nesimba renyika raidzora, Bhabhironi. VaIsraeri vakatarira kuEgipita nokuda kworugare. Egipita yakakundikana. (Jeremia 37:5-8; Ezekieri 17:11-15) Muna 607 B.C.E., mauto avaBhabhironi akakoromora masvingo eJerusarema ndokupisa tembere yaJehovha. Nokudaro vaIsraeri vakadzidza nenzira yakaoma kusabetsera kwokutsamira pamasangano avanhu. Panzvimbo pokufarikanya rugare, rudzi rwacho rwakamanikidzirwa kupinda muutapwa muBhabhironi.—2 Makoronike 36:17-21.
3. Mukuzadzikwa kwamashoko aJehovha kupfurikidza naJeremia, zviitikoi zvenhau zvakadzidzisa Israeri chidzidzo chinokosha chechipiri pamusoro porugare?
3 Jerusarema risati rawa, zvisinei, Jehovha akanga azivisa kuti iye, kwete Egipita, aizounza rugare rwechokwadi kuna Israeri. Kupfurikidza naJeremia akapikira, kuti: “Ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda. Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwaIsraeri, ndichavavaka sapakutanga.” (Jeremia 33:6, 7) Chipikirwa chaJehovha chakavamba kuzadzikwa muna 539 B.C.E. apo Bhabhironi rakakundwa uye rusununguko rwakapiwa nhapwa dzavaIsraeri. (2 Makoronike 36:22, 23) Pakazosvika rutivi rwapashure rwa537 B.C.E., boka ravaIsraeri rakachengeta Mutambo Wamatumba munyika yaIsraeri kekutanga mumakore 70! Mushure memutambo wacho, vakavamba kuvaka tembere yaJehovha. Vakanzwa sei pamusoro paikoku? Chinyorwa chacho chinoti: “Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.”—Ezra 3:11.
4. Jehovha akanyandura sei vaIsraeri kuti vaite basa rokuvaka tembere, uye chipikirwai chaakaita pamusoro porugare?
4 Mushure memavambo anofadza iwayo, zvisinei, vaIsraeri vakaodzwa mwoyo navashori ndokurega basa rokuvakwa kwetembere. Makore akati gare gare, Jehovha akamutsa vaporofita Hagai naZekaria kuti vanyandure vaIsraeri kuti vapedze basa rokuvakazve. Kunofanira kuve kwakanga kuchifadza sei kwavari kunzwa Hagai achiti pamusoro petembere yaizovakwa: “Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare.”!—Hagai 2:9.
Jehovha Anozadzika Zvipikirwa Zvake
5. Chii chakafanirwa nokucherechedzwa pamusoro peganhuro rechisere raZekaria?
5 Mubhuku reBhaibheri raZekaria, tinorava nezvezviono zvakafuridzirwa zvakawanda nouporofita izvo zvakasimbaradza vanhu vaMwari shure muzana ramakore rechitanhatu B.C.E. Uhwu uporofita humwe chetehwo hunopfuurira kutivimbisa nezvetsigiro yaJehovha. Hunotipa chikonzero chiri chose chokudavira kuti Jehovha achapawo vanhu vake rugare muzuva redu. Somuenzaniso, muganhuro rechisere rebhuku rine zita rake, muporofita Zekaria kane gumi anotaura mashoko okuti: ‘Izvi ndizvo zvataura Jehovha.’ Nguva imwe neimwe, kutaura kwacho kunosuma chirevo choumwari chine chokuita norugare rwavanhu vaMwari. Zvimwe zveizvi zvipikirwa zvakazadzikwa shure muzuva raZekaria. Zvose zvakazadzikwa kana kuti zviri kuzadzikwa nhasi.
“Ndine Godo Pamusoro peZioni”
6, 7. Jehovha akanga ane ‘godo nokuda kweZioni nehasha huru’ munzirai?
6 Kutaura kwacho kunowanika kutanga pana Zekaria 8:2, apo tinorava, kuti: “Zvanzi naJehovha wehondo: Ndine godo pamusoro peZioni, godo guru, ndine godo pamusoro paro, dziri shungu kwadzo.” Chipikirwa chaJehovha chokuva negodo, chokuva neshingairo huru, nokuda kwavanhu vake chakareva kuti aizova anosvinurira mukudzorera rugare rwavo. Kudzorerwa kwaIsraeri kunyika yake uye kuvakwazve kwetembere zvakanga zviri ufakazi hweshingairo iyoyo.
7 Zvakadiniko, zvisinei, nezvaavo vakanga vashora vanhu vaJehovha? Kushingaira kwake nokuda kwavanhu vake kwaizoenzaniswa ne“shungu kwadzo” pamusoro paava vavengi. Apo vaJudha vakatendeka vainamata patembere yakavakwazve, vaizokwanisa kuyeuka jambwa reBhabhironi raiva nesimba, zvino rakanga rawa. Vaigonawo kufunga nezvekukundikana kwakakwana kwavavengi avo vakanga vaedza kudzivisa kuvakwazve kwetembere. (Ezra 4:1-6; 6:3) Uye vaigona kuonga Jehovha kuti akanga azadzika chipikirwa chake. Shingairo yake yakavaunzira rukundo!
“Guta Rezvokwadi”
8. Mumazuva aZekaria, Jerusarema raizova sei guta rezvokwadi mukupesana nenguva dzapakuvamba zvikuru?
8 Kechipiri Zekaria anonyora, kuti: “Zvanzi naJehovha.” Ndaapi ari mashoko aJehovha panhambo ino? “Ndadzokera paZioni, ndichagara pakati peJerusarema; Jerusarema richanzi guta rezvokwadi, uye gomo raJehovha richanzi gomo dzvene.” (Zekaria 8:3) Gore ra607 B.C.E. risati rasvika, Jerusarema zvirokwazvo rakanga risati riri guta rezvokwadi. Vaprista navaporofita varo vakanga vakaipa, uye vanhu varo vakanga vasina kutendeka. (Jeremia 6:13; 7:29-34; 13:23-27) Zvino vanhu vaMwari vakanga vava kuvakazve tembere, vachiratidza kubatanidzwa kwavo mumusengwa wokunamata kwakachena. Mumudzimu Jehovha akagara zvakare muJerusarema. Zvokwadi dzokunamata kwakachena dzakataurwa zvakare mariri, naizvozvo Jerusarema raigona kunzi “guta rezvokwadi.” Nzvimbo yaro yakakwirira yaigona kunzi “gomo raJehovha.”
9. Ichinjoi inoshamisa mumugariro yakawanwa na“vaIsraeri vaMwari” muna 1919?
9 Nepo izvi zvirevo zviviri zvakanga zvine revo kuvaIsraeri vekare, zvinewo revo huru zvikuru nokuda kwedu sezvo zana ramakore rechi20 rinoswedera pedyo nomugumo. Anenge makore 80 apfuura, mukati mehondo yenyika yokutanga, zviuru zvishomanene zvavakazodzwa avo zvino vaimirira “vaIsraeri vaMwari” zvakapinda muutapwa hwomudzimu, kungofanana nokuenda kwakanga kwaita Israeri wekare muutapwa muBhabhironi. (VaGaratia 6:16) Nenzira youporofita, vakarondedzerwa sezvitunha zviri mumugwagwa. Zvisinei, vaiva nechishuvo chapachokwadi chokunamata Jehovha “mumweya nezvokwadi.” (Johane 4:24) Nokudaro, muna 1919, Jehovha akavabudisa mukutapwa kwavo, achivamutsa mumugariro wavo wokufa mumudzimu. (Zvakazarurwa 11:7-13) Jehovha nokudaro akapindura naHungu akasimba mubvunzo waIsaya wouporofita, wokuti: “Nyika ingaberekwa nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwa pakarepo?” (Isaya 66:8) Muna 1919, vanhu vaJehovha zvakare vakararama serudzi rwomudzimu mu“nyika” yavo vamene, kana kuti mamiriro ezvinhu omudzimu pasi pano.
10. Kuvambira muna 1919, zvikomboreroi izvo vaKristu vakazodzwa vave vachifarikanya mu“nyika” yavo?
10 Vakakotsekana munyika iyoyo, vaKristu vakazodzwa vanobatira mutembere huru yomudzimu yaJehovha. Vakadanwa se“muranda wakatendeka, wakangwara,” vachigamuchira mutoro wokutarisira zvinhu zvaJesu zvapasi, ropafadzo iyo vachiri kufarikanya sezvo zana ramakore rechi20 rinoswedera pedyo nomugumo waro. (Mateo 24:45-47) Vakadzidza zvakaisvonaka chidzidzo chokuti Jehovha ndi“Mwari worugare amene.”—1 VaTesaronika 5:23.
11. Vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakazviratidza sei vamene kuva vavengi vavanhu vaMwari?
11 Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, nezvevavengi vaIsraeri waMwari? Kushingaira kwaJehovha nokuda kwavanhu vake kunoenzaniswa nehasha dzake mukurwisana navavengi. Mukati mehondo yenyika yokutanga, vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakaunza dzvinyiriro yakakura kuti vatsungirire sezvo vakaedza—ndokukundikana—kuparadza iri boka duku ravaKristu vanotaura chokwadi. Mukati mehondo yenyika yechipiri, vashumiri vechiKristudhomu vakanga vakabatana muchinhu chimwe bedzi: Kumativi ose ari maviri okurwisana, vakakurudzira hurumende kuti dzidzvinyirire Zvapupu zvaJehovha. Kunyange nhasi, munyika dzakawanda vatungamiriri vorudzidziso vari kukurudzira hurumende kuti dziganhurire kana kuti dzirambidze basa rokuparidza rechiKristu reZvapupu zvaJehovha.
12, 13. Hasha dzaJehovha dzinoratidzirwa sei mukurwisana nechiKristudhomu?
12 Ikoku hakusati kuri kusina kucherechedzwa naJehovha. Mushure mehondo yenyika yokutanga, chiKristudhomu, pamwe chete nerasara rose reBhabhironi Guru, zvakawa. (Zvakazarurwa 14:8) Uchokwadi hwokuwa kwechiKristudhomu yakava zivo yavose apo, kutangira muna 1922, nhevedzano yematambudziko okufananidzira yakadururwa, ichifumura pachena mugariro wacho wokufa mumudzimu uye ichinyevera nezveruparadziko rwaro rwuri kuuya. (Zvakazarurwa 8:7–9:21) Soufakazi hwokuti kudururwa kweaya matambudziko kunopfuurira, hurukuro inoti “Mugumo Worudzidziso Rwenhema Wava Pedyo” yakapiwa munyika yose pana April 23, 1995, ichiteverwa nokuparadzirwa kwemazana amamiriyoni emakopi echinyorwa chaicho cheMashoko oUmambo.
13 Nhasi, chiKristudhomu chiri muchimiro chinonzwisa urombo. Mukati mezana ramakore rechi20, mitezo yacho yakaurayana muhondo dzinotyisa dzakakomborerwa navaprista navashumiri vacho. Mune dzimwe nyika pesvedzero yacho haiko chaizvoizvo. Mugumo wacho ruparadziko nerasara rose reBhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 18:21.
Rugare Nokuda Kwavanhu vaJehovha
14. Irondedzeroi youporofita inopiwa yavanhu vane rugare?
14 Kune rumwe rutivi, mugore rino ra1996, vanhu vaJehovha vanofarikanya rugare rwakawanda munyika yavo yakadzorerwa, sezvinorondedzerwa muchirevo chaJehovha chechitatu: “Zvanzi naJehovha wehondo: Vatana navachembere vachagarazve munzira dzomuguta reJerusarema, murume mumwe nomumwe ane mudonzvo wake nemhaka yokukwegura kwake. Nzira dzomuguta dzichazara navakomana navasikana vanotamba munzira dzaro.”—Zekaria 8:4, 5.
15. Pasinei zvapo nehondo dzamarudzi, rugare rupi rwave ruchifarikanywa navabatiri vaJehovha?
15 Iyi rondedzero yakajeka inofadza inoratidzira chimwe chinhu chinoshamisa munyika ino yasakadzwa nehondo—vanhu vane rugare. Chibviro cha1919, mashoko aIsaya ouporofita akazadzikwa: “Rugare, rugare kune uri kure nokune uri pedyo, ndichamuporesa. Asi . . . zvanzi naMwari wangu: Vakaipa havana rugare.” (Isaya 57:19-21) Chokwadika, vanhu vaJehovha, nepo vasati vari rutivi rwenyika, havagoni kudzivisa kuva vanotapurwa nokunyanduka kwamarudzi. (Johane 17:15, 16) Mune dzimwe nyika, vanotsungirira zvitambudzo zvakakomba, uye vashomanene vakatourawa. Bva, vaKristu chaivo vane rugare munzira huru mbiri. Yokutanga, vane “rugare kuna Mwari naShe wedu, Jesu Kristu.” (VaRoma 5:1) Yechipiri, vane rugare pakati pavo vamene. Vanosakurira “kuchenjera, kunobva kumusoro,” uko “zvikuru kwakachena, uye kune rugare.” (Jakobho 3:17; VaGaratia 5:22-24) Uyezve, vanokarira kufarikanya rugare mupfungwa yakakwana zvikurusa apo “vanyoro [vamene] vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.
16, 17. (a) “Vakwegura navachembere” pamwe chete na“vakomana navasikana” vakasimbisa sei sangano raJehovha? (b) Chii chinoratidzira rugare rwavanhu vaJehovha?
16 Kuchine “vatana navachembere” pakati pavanhu vaJehovha, vakazodzwa avo vanoyeuka rukundo rwapakuvamba rwesangano raJehovha. Kutendeka kwavo netsungiriro zvinoongwa zvikuru. Vakazodzwa vaduku vakatungamirira mukati memazuva aityisa okuma1930 uye Hondo Yenyika II, pamwe chete nomumakore anofadza okukura ayo akatevera. Uyezve, zvikurukuru chibviro cha1935, “vazhinji zhinji” va“mamwe makwai” vakazviratidza vamene. (Zvakazarurwa 7:9; Johane 10:16) Sezvo vaKristu vakazodzwa vakachembera uye vakava vashomanene zvikuru, mamwe makwai akaita basa rokuparidza uye vakaritambanudzira mupasi rose. Mumakore mashomanene apfuura mamwe makwai ave achipinda akawanda zvikuru munyika yavanhu vaMwari. Chokwadika, gore rapfuura roga, 338 491 vavo vakabhapatidzwa mukuratidzirwa kwetsauriro yavo kuna Jehovha! Vatsva vakadaro vaduku zvikuru zvirokwazvo, mumudzimu. Kusimba kwavo uye mbavarira zvinokosheswa sezvo vanowedzera boka raavo vanoimba rumbidzo dzokuonga “kuna Mwari unogara pachigaro choushe, nokuGwayana.”—Zvakazarurwa 7:10.
17 Nhasi, ‘nzvimbo dzavose dzakazadzwa navakomana navasikana,’ Zvapupu zvine simba rakafanana neroupwere. Mugore rebasa ra1995, mishumo yakagamuchirwa kubva munyika 232 nezvitsuwa zvegungwa. Asi hapana makwikwi amarudzi, pasina ruvengo rwemadzinza, pasina godo risina kufanira, pakati pavakazodzwa namamwe makwai. Vose vanokura pamwe chete mumudzimu, vakabatana murudo. Uhama hwenyika yose hweZvapupu zvaJehovha zvirokwazvo ndohwechienzi munyika.—VaKorose 3:14, 1 Petro 2:17.
Zvakanyanyoomera Jehovha Here?
18, 19. Mumakore chibviro cha1919, Jehovha akaita sei izvo zvingave zvakaratidzika kuva zvakanyanyooma zvikuru mukurangarira kwavanhu?
18 Shure muna 1918 apo vakasarira vakazodzwa vaiumbwa nezviuru zvishomanene chete zvemweya yakaodzwa mwoyo yaiva muutapwa hwomudzimu, hapana munhu aigona kuve akafanoona nzira iyo zvinhu zvaizoitika nayo. Kunyange zvakadaro, Jehovha aiziva—sezvinosimbiswa nechirevo chake chechina chouporofita: “Zvanzi naJehovha wehondo: Kana zvichishamisa pamberi pavanhu ava vakasara namazuva iwayo, ko zvingashamisa pamberi pangu here?—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”—Zekaria 8:6.
19 Muna 1919, mudzimu waJehovha wakamutsidzira vanhu vake nokuda kwebasa raiva mberi. Zvisinei, kwakada kutenda kuti vaomerere kusangano duku ravanamati vaJehovha. Vakanga vari vashomanene kwazvo, uye zvinhu zvakawanda zvakanga zvisina kujeka. Zvisinei, pashoma napashoma Jehovha akavasimbaradza sesangano ndokuvashongedzera kuita basa rechiKristu rokuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi. (Isaya 60:17, 19; Mateo 24:14; 28:19, 20) Zvishoma nezvishoma, akavabetsera kunzwisisa nhau dzinokosha dzakadai sokusatora rutivi uye uchangamire hwechisiko chose. Kwakanga kwakanyanyoomera Jehovha kuti aite kuda kwake kupfurikidza neboka duku iroro reZvapupu here? Mhinduro yacho zvirokwazvo ndiaiwa! Ikoku kunotsigirwa pamapeji 12 kusvikira ku15 emagazini ino, iyo inoratidza chati yomubato weZvapupu zvaJehovha yegore rebasa ra1995.
“Ndichava Mwari Wavo”
20. Kuunganidzwa kwavanhu vaMwari kwakaporofitwa kuva kwakakura sei?
20 Chirevo chechishanu chinoratidzazve mamiriro ezvinhu anofadza eZvapupu zvaJehovha nhasi: “Zvanzi naJehovha wehondo: Tarirai, ndichaponesa vanhu vangu kunyika yamabvazuva, nokunyika yamavirira; ndichavauyisa, vagare pakati peJerusarema; vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo nezvokwadi nokururama.”—Zekaria 8:7, 8.
21. Rugare rwakawanda rwavanhu vaJehovha rwakachengetedzwa uye rwakatambanudzwa munzirai?
21 Muna 1996 tinogona kutaura pasina kuzengurira kuti mashoko akanaka aparidzirwa kupota nyika, kubva “kunyika yamabvazuva” kusvikira “kunyika yamavirira.” Vadzidzi vavanhu vamarudzi ose vakaitwa, uye vakaona kuzadzikwa kwechipikirwa chaJehovha, chokuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13) Tine rugare nemhaka yokuti tinodzidziswa naJehovha. Nevavariro iyoyi mundangariro, mabhuku ave achibudiswa mumitauro inopfuura 300. Gore rapera roga, mitauro 21 yokuwedzera yakawedzerwa. Magazini yeNharireyomurindi zvino iri kubudiswa panguva imwe cheteyo mumitauro 111, uye Mukai! 54. Kokorodzano dzenyika uye dzemarudzi akawanda dzinogovera ratidzirwo yapachena yorugare rwavanhu vaMwari. Misangano yevhiki nevhiki inotibatanidza uye inotipa kurudziro yatinoda kuti tirambe takasimba. (VaHebheru 10:23-25) Hungu, Jehovha ari kudzidzisa vanhu vake “nezvokwadi nokururama.” Ari kupa vanhu vake rugare. Takakomborerwa sei kugoverana murugare irworwo rwakawanda!
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Munguva dzazvino uno, Jehovha ave ari ane ‘godo nehasha huru’ sei nokuda kwavanhu vake?
◻ Vanhu vaJehovha vanofarikanya sei rugare, kunyange munyika dzasakadzwa nehondo?
◻ ‘Nzvimbo dzavose dzakazadzwa navakomana navasikana’ munzirai?
◻ Igadziriroi dzakaitwa kuitira kuti vanhu vaJehovha vagone kudzidziswa naye?
[Chati iri papeji 12-15]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA1995 WEZVAPUPU ZVAJEHOVA MUNYIKA YOSE
Ona bhaundi vhoriyamu
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Muzana ramakore rechitanhatu B.C.E., vaJudha vakatendeka avo vakavaka tembere vakadzidza kuti Jehovha ndiye bedzi akanga ari manyuko akavimbika orugare