-
Bharuki—Munyori Akatendeka waJeremiyaNharireyomurindi—2006 | August 15
-
-
Usatsvaka “Zvinhu Zvikuru”
Paainyora mupumburu wokutanga, Bharuki akaora mwoyo zvikuru. Akati: “Zvino ndava nenhamo, nokuti Jehovha awedzera shungu pakurwadziwa kwangu! Ndaneta nokugomera kwangu, uye handina kuwana nzvimbo yokuzororera.” Kuora mwoyo uku kwaikonzerwa nei?—Jeremiya 45:1-3.
Hapana mhinduro chaiyo inopiwa. Asi edza kufungidzira mamiriro ezvinhu aBharuki. Kutaura nezvemakore 23 okunyevera vanhu vaIsraeri naJudha kunofanira kunge kwakaita kuti zvive pachena zvikuru kuti vakanga varamba kutenda uye varamba Jehovha. Kusarudza kwakaita Jehovha kuparadza Jerusarema neJudha uye kuita kuti rudzi rwacho rutapwe kwemakore 70 kuBhabhironi—mashoko akabudiswa pachena naJehovha gore iroro uye zvichida aivawo mumupumburu—kunofanira kunge kwakashamisa Bharuki zvikuru. (Jeremiya 25:1-11) Uyezve, paiva nengozi yokuti kutsigira kwake Jeremiya zvakasimba panguva iyi yaikosha kwaizoita kuti arasikirwe nechinzvimbo uye basa rake.
Chero zvazvingava, Jehovha pachake akapindira kuti abatsire Bharuki kuramba achifunga rutongeso rwaiva mberi. “Ndichaputsa zvandakavaka, uye ndichadzura zvandakadyara, iyo nyika yacho yose,” akadaro Jehovha. Zvadaro akatsiura Bharuki achiti: “Asi iwe, unoramba uchizvitsvakira zvinhu zvikuru. Usaramba uchitsvaka.”—Jeremiya 45:4, 5.
Jehovha haana kutaura kuti “zvinhu zvikuru” izvi zvaiva chii, asi Bharuki anofanira kuve aiziva kana zvaiva shungu dzoudyire, mukurumbira, kana kuti kubudirira mune zvenyama. Jehovha akamuudza kuti anzwisise uye ayeuke zvaiva mberi, achiti: “Tarira ndichaunza dambudziko panyama yose, . . . uye ndichakupa mweya wako sechinhu chakapambwa munzvimbo dzose dzaungaenda.” Chinhu chainyanya kukosha kuna Bharuki upenyu hwake, hwaizochengetedzwa kwose kwaaizoenda.—Jeremiya 45:5.
-
-
Bharuki—Munyori Akatendeka waJeremiyaNharireyomurindi—2006 | August 15
-
-
Bharuki paakayeuchidzwa kuti mumazuva okupedzisira aJudha pakanga pasina nguva ye“zvinhu zvikuru” zvake pachake, zviri pachena kuti akateerera, nokuti akaponeswa. Zvine musoro kuti tishandise zano iri, sezvo isuwo tiri kurarama mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu. Jehovha anotivimbisa zvakafanana—tichaponeswa. Tinogona here kuteerera zviyeuchidzo zvakadaro sezvakaitwa naBharuki?
-