Satani Dhiyabhorosi
Tsanangudzo: Chisikwa chomudzimu chiri muvengi mukuru waJehovha Mwari uye wevose vanonamata Mwari wechokwadi. Chakapiwa zita rokuti Satani pamusana pokuti chakava mudzivisi waJehovha. Satani anonziwo Dhiyabhorosi nokuti ndiye mucheri mukuru waMwari. Zviri pachena kuti Satani anotsanangurwa senyoka yepakutanga nokuti akashandisa nyoka muEdheni kuti anyengedze Evha, uye nemhaka yeizvi “nyoka” yakazofananidzira “munyengeri.” Mubhuku raZvakazarurwa, Satani anofananidzwawo neDragoni inoparadza.
Tingaziva sei kana munhu womudzimu uyu aripo zvechokwadi?
Uchapupu hwakawanda hunowanikwa muBhaibheri. Imomo anotaurwa ataurwazve nezita rokuti (Satani ka52, Dhiyabhorosi ka33). Uchapupu hwevakaona kuti Satani aripo hurimowo. Ndiani akaona? Jesu Kristu, uyo akararama kudenga asati auya pasi pano, akataura ataurazve zita romunhu uyu akaipa.—Ruka 22:31; 10:18; Mat. 25:41.
Zvinotaurwa neBhaibheri nezvaSatani Dhiyabhorosi zvine musoro. Zvakaipa zviri kuitika kuvanhu zvakakura zvikuru kupfuura utsinye hunoitwa nevanhu. Zvinotsanangurwa neBhaibheri nezvekwakabva Satani nezvaanoita zvinobudisa pachena chikonzero nei vanhu vave vachitambudzwa noruvengo, chisimba uye hondo kwezviuru zvemakore uye nei zvasvika padanho rokuti zvingangoparadza vanhu vose, pasinei nokuti ruzhinji rwevanhu runoda kurarama murugare.
Kudai Dhiyabhorosi asipo, kubvuma zvinotaurwa neBhaibheri nezvake kwaisazobatsira. Zvisinei, muzviitiko zvakawanda, vanhu vaimbobatanidzwa mune zvemashiripiti kana kuti vaimboita zvemidzimu vanoti panguva iyoyo vainetseka zvikuru pamusana pokunzwa “manzwi” avakanga vasingazivi kuti aibva kupi kana kuti “kugarwa” nedhimoni, zvichingodaro. Vakazosunungurwa zvechokwadi pavakaziva zvinotaurwa neBhaibheri nezvaSatani nemadhimoni ake, pavakashandisa zano reBhaibheri kuti vadzivise kuita zvemidzimu, uye pavakanyengetera vachitsvaka kubatsirwa naJehovha.—Ona mapeji 122-127, pasi pomusoro mukuru unoti “Kuita Zvemidzimu.”
Kudavira kuti Satani aripo hakurevi kubvuma pfungwa yokuti ane nyanga, muswe, neforogo uye kuti anogocha vanhu mumoto. Bhaibheri haritsananguri zvakadaro nezvaSatani. Mifananidzo yaPan mwari wemungano dzechiGiriki uye nhetembo inonzi Inferno yakanyorwa nomudetembi wokuItaly anonzi Dante Alighieri ndozvakaita kuti vanyori vemifananidzo vemuMiddle ages vave nemafungiro akadaro. Pane kudzidzisa nezvehero yemoto, Bhaibheri rinonyatsotaura kuti “vakafa havana kana chavanoziva.”—Mup. 9:5.
Satani anongova uipi huri muvanhu here?
Jobho 1:6-12 uye 2:1-7 dzinotaura nezvokukurukurirana kwakaita Jehovha Mwari naSatani. Kana Satani ari uipi huri mumunhu, uipi hwacho hwaizofanira kuva huri muna Jehovha. Asi izvozvo zvinopesana zvachose nezvatinoudzwa neBhaibheri nezvaJehovha kuti “maari hamuna chisina kururama.” (Pis. 92:15; Zvak. 4:8) Zvinonzi rugwaro rwechiHebheru runoshandisa mashoko okuti has·Sa·tanʹ (Satani) munyaya iri mubhuku raJobho, zvichiratidza kuti mashoko acho anoreva mudzivisi mukuru waMwari.—Onawo Zekariya 3:1, 2, Ref., mashoko omuzasi.
Ruka 4:1-13 inoti Dhiyabhorosi akaedza Jesu kuti aite zvaaida. Nyaya yacho inotaura mashoko akataurwa naDhiyabhorosi uye mhinduro dzakapiwa naJesu. Jesu akanga ari kuedzwa nouipi hwakanga huri maari here? Mafungiro akadaro haaenderani nezvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu kuti haana chivi. (VaH. 7:26; 1 Pet. 2:22) Kunyange zvazvo pana Johani 6:70 shoko rechiGiriki rokuti di·aʹbo·losʹ richishandiswa kutsanangura unhu hwakaipa hwakanga hwava muna Judhasi Iskariyoti, pana Ruka 4:3 shoko rokuti ho di·aʹbo·los (Dhiyabhorosi) rinoshandiswa, zvichiratidza munhu chaiye.
Kupomera Dhiyabhorosi inongova nzira inoshandiswa nevanhu yokuedza kuramba kuti ndivo vari kukonzera zvakaipa here?
Vamwe vanhu vanopomera Dhiyabhorosi zvinhu zvavanoita ivo. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti kazhinji vanhu ndivo vanenge vakonzera zvinhu zvakaipa zvinoitika kwavari, zvinogona kunge zvakonzerwa nevamwe vanhu kana kuti pamusana pezviito zvavo pachavo. (Mup. 8:9; VaG. 6:7) Asi Bhaibheri haritisiyi tiri murima nezvokuvapo uye nezvemazano emuvengi ane simba rinopfuura revanhu uyo akaunza nhamo yakakura kuvanhu. Rinoratidza kuti tingaita sei kuti tisadzorwe naye.
Satani akabva kupi?
Mabasa ose aJehovha akakwana; haasi iye akatanga uipi; saka haana kumbosika munhu akaipa. (Dheut. 32:4; Pis. 5:4) Munhu akazova Satani pakutanga aiva mwanakomana waMwari womudzimu akakwana. Jesu paakataura kuti Dhiyabhorosi “haana kumira zvakasimba muchokwadi,” akaratidza kuti pane imwe nguva aimbova “muchokwadi.” (Joh. 8:44) Asi sezvakangoitawo zvisikwa zvaMwari zvose zvakachenjera, mwanakomana uyu womudzimu akapiwa rusununguko rwokusarudza. Akashandisa zvisiri izvo rusununguko rwake rwokusarudza, akabvumira pfungwa dzokuzvikoshesa dzichitanga mumwoyo make, akatanga kuchiva kunamatwa kwaiva kwaMwari chete, uye akanyengera Adhamu naEvha kuti vamuteerere pane kuteerera Mwari. Saka nezvaakaita izvi akazviita Satani, zvinoreva kuti “muvengi.”—Jak. 1:14, 15; onawo peji 63, pasi pemusoro unoti “Chivi.”
Nei Mwari asina kuparadza Satani pashure chaipo pokunge apanduka?
Satani akamutsa nyaya hombe: (1) Kururama uye kodzero youchangamire hwaJehovha. Jehovha akanga achinyima vanhu rusununguko rwaizoita kuti vafare here? Kuteerera Mwari ndiko kwaiita kuti vanhu vakwanise kubudirira pakutungamirira zvavanoita uye varambe vachirarama here? Jehovha akanga asina kutendeseka here paakapa mutemo waitaura kuti kusateerera kwaizovaurayisa? (Gen. 2:16, 17; 3:3-5) Saka zvechokwadi Jehovha aiva nekodzero yokutonga here? (2) Kuvimbika kwezvisikwa zvakangwara kuna Jehovha. Kutsauka kwaAdhamu naEvha kwakaita kuti pave nomubvunzo wokuti: Vashumiri vaJehovha vainyatsomuteerera nokuti vanomuda here kana kuti vose vaizomusiya votevera Satani? Nyaya iyi yapedzisira kutaurwa yakazokudziridzwa naSatani mumazuva aJobho. (Gen. 3:6; Job. 1:8-11; 2:3-5; onawo Ruka 22:31.) Nyaya idzi dzaisagona kugadziriswa nokungouraya vapanduki vacho.
Hakusi kuti Mwari ane zvaaida kuona iye. Asi kuitira kuti nyaya idzi dzisazokanganisa rugare nokugadzikana kwezvinhu zvose zvakasikwa, Jehovha akabvumira nguva yakakwana yokuti nyaya dzacho dzigadziriswe. Nokufamba kwenguva, zvakazova pachena kuti Adhamu naEvha vakafa nokuti havana kuteerera. (Gen. 5:5) Asi nyaya yacho yaisanganisira zvakawanda. Saka Mwari akabvumira Satani uye vanhu kuti vaedze hurumende dzakasiyana-siyana. Hapana yakambounza mufaro usingaperi. Mwari ave achibvumira vanhu kuti vaite zvose zvavanoda kurarama vasingatevedzeri mitemo yake yakarurama. Zvave zvichiitika zvinobudisa chokwadi pachena. Bhaibheri rinotaura chokwadi kuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jer. 10:23) Mwari akapawo vashumiri vake mukana wokuratidza kuvimbika kwavo kwaari nezviito zvavo zvokumuteerera norudo, uye vanoita izvi pasinei nokuti vanenge vachiedzwa nokutambudzwa naSatani. Jehovha anorayira vashumiri vake achiti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” (Zvir. 27:11) Vaya vanoratidza kuti vakatendeka vanowana zvikomborero zvakawanda iye zvino uye vane tariro youpenyu husingaperi vakakwana. Vachashandisa upenyu ihwohwo pakuita kuda kwaJehovha, ane unhu nenzira dzavanoda zvechokwadi.
Satani ane simba zvakadini munyika yanhasi?
Jesu Kristu akamuti “mutongi wenyika,” uyo anoteererwa nevanhu vakawanda nokubvuma kukurudzirwa naye kuti vasateerera zvinodiwa naMwari. (Joh. 14:30; VaEf. 2:2) Bhaibheri rinomutiwo “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” uyo anokudzwa nemanamatiro evanhu vezvitendero vanotsigira mamiriro ezvinhu epanguva ino.—2 VaK. 4:4; 1 VaK. 10:20.
Paaida kuedza Jesu Kristu, Dhiyabhorosi “akamukwidza kumusoro uye munguva pfupi pfupi akamuratidza umambo hwose hwenyika inogarwa; uye Dhiyabhorosi akati kwaari: ‘Ndichakupa simba pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo, nokuti hwakaiswa kwandiri, uye ndinohupa chero wandinoda. Naizvozvo, iwe, kana ukangondinamata kamwe chete, zvose zvichava zvako.’” (Ruka 4:5-7) Zvakazarurwa 13:1, 2 inoratidza kuti Satani anopa ‘simba, chigaro choumambo uye masimba makuru’ kune vezvematongerwo enyika vepasi pose. Dhanieri 10:13, 20 inobudisa pachena kuti Satani ane machinda emadhimoni anotonga madzimambo makuru epanyika. VaEfeso 6:12 inotaura ava kuti vanoumba ‘hurumende, vanhu vane masimba, vatongi venyika verima rino, masimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.’
Ndosaka 1 Johani 5:19 ichiti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” Asi anongova nesimba kwenguva pfupi nokuti Jehovha Mwari Wemasimbaose anongomushivirira kwenguva pfupi.
Satani achabvumidzwa kuramba achitsausa vanhu kusvikira rini?
Kuti uwane humwe uchapupu hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu akaipa aSatani, ona mapeji 238-240, pasi pomusoro unoti “Misi,” uyewo musoro mukuru unoti “Mazuva Okupedzisira.”
Urongwa hwokusunungurwa paunyengeri hwaSatani hunotsanangurwa nenzira yokufananidzira kuti: “Ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika uye cheni huru iri muruoko rwayo. Yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani, ikamusunga kwemakore ane chiuru. Yakamukanda mugomba rakadzikadzika, ikarivhara, ikariisa chisimbiso iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvi anofanira kusunungurwa kwenguva duku.” (Zvak. 20:1-3) Zvozodini? “Dhiyabhorosi akanga achivatsausa akakandwa mugungwa romoto nesarufa.” (Zvak. 20:10) Izvi zvinorevei? Zvakazarurwa 21:8 inopindura kuti: “Iri rinomirira rufu rwechipiri.” Achange asisipo zvachose!
‘Kuiswa mugomba rakadzikadzika’ kuchaitwa Satani kunoreva here kuti achaiswa panyika inenge isina vanhu vaangaedza kwemakore 1 000?
Vamwe vanhu vanotaura nezvaZvakazarurwa 20:3 (iri papeji ino) kuti vatsigire pfungwa iyi. Vanoti “gomba rakadzikadzika,” kana kuti “gomba risina kwarinogumira” (KJ), rinomiririra nyika inenge iri dongo. Ndizvo here? Zvakazarurwa 12:7-9, 12 (KJ) inoratidza kuti pane imwe nguva asati aiswa mugomba rakadzikadzika, Satani “akadzingwa” kudenga akakandwa pasi pano, paanoita kuti vanhu vawedzere kutambura. Saka Zvakazarurwa 20:3 (KJ) painoti Satani “akakandwa . . . mugomba risina kwarinogumira,” chokwadi haana kungoramba ari maagara ari—asingaoneki asi ari pasi pano. Anoendeswa kure nenyika, “kuti azoregazve kunyengedza marudzi avanhu kusvikira chiuru chemakore chapera.” Onai kuti Zvakazarurwa 20:3 inoti pakupera kwechiuru chemakore, ndiSatani kwete marudzi, anosunungurwa mugomba rakadzikadzika. Satani paanosunungurwa, vanhu vaimboumba marudzi iwayo vachange varipo.
Dzimwe nguva Isaya 24:1-6 uye Jeremiya 4:23-29 (BR) anoshandiswa kutsigira dzidziso iyi. Anoti: “Onai TENZI achaparadza pasi pose achipaita dongo . . . Pasi pose pachaparadzwa pachisara pangova dongo nokuti ndiTENZI akataura iri shoko.” “Ndakatarira pasi ndikaona paparadzwa pasina chinhu . . . Ndakatarira ndikaona kusina munhu . . . Nokuti zvanzi naTENZI, ‘Nyika yose ichaita serenje’ . . . Maguta ose akasiyiwa haasisina munhu anogaramo.” Uprofita uhwu hunorevei? Hwakatanga kuzadzika muJerusarema nenyika yaJudha. Achipa mutongo, Jehovha akabvumira vaBhabhironi kuti vaparadze nyika yacho. Pakupedzisira nyika yacho yose yakasara yava dongo. (Ona Jeremiya 36:29.) Asi Mwari haana kubva aita kuti pasi rose rive dongo, uyewo haazoiti izvozvo iye zvino. (Ona mapeji 281-284, pasi pomusoro unoti “Pasi,” uyewo pasi pomusoro mukuru unoti “Denga.”) Zvisinei, achaparadza zvachose shamwari dzemazuva ano dzeJerusarema dzisina kutendeka, chiKristudhomu, icho chinozvidza zita raMwari nemaitiro acho asina kunaka, uye sangano rose raSatani rinooneka.
Pane kuti ive dongo, panenge pachitonga Kristu kwemakore ane chiuru uye Satani paanenge ari mugomba rakadzikadzika, nyika yose ichava paradhiso. (Ona “Paradhiso.”)