Zvifundo Zvinobva muMagwaro: Mariro 1:1–5:22
Jehovha Anopa Tariro Pakati Penhamo
JEHOVHA ndi“Mwari anopa tariro,” kunyange pakati penhamo. (VaRoma 15:13, NW) Iri ndiro pfundo rinojekeswa mubhuku raMariro, rakapedzwa nomuporofita nechapupu chaJehovha Jeremia muna 607 P.N.V. Asi ngatisimbisei zvimwe zvezvifundo zvarinaro.
Mugariro Wakashata weJerusarema
Chivi hachiunzi mufaro. Tarirai! Jerusarema rinotadza, raichimbova dzimbahwe rakazara navanhu raJudha, rinogara riri roga. Judha amene akafanana navamwoyo vanochema, vakafirwa nomurume nemhaka yokuti akaparadzanywa. “Vadi” vakadai seEgipita havana kuvadzivirira pakukurira kweBhabhironi muna 607 P.N.V. Vanhu havasati vachadirana kuZioni nokuda kwemitambo. Vana varo inhapwa, uye vavengi vanoseka pamusoro pokupunzika kwaro. Vaenzi vasina kuchena vakasvibisa tembere, uye vanhu varo vaitofanira kupa zvinokosha nokuda kwezvokudya. Zvose izvozvi nemhaka yechivi!—1:1-11.
Jehovha akarurama mukuranga vaiti vezvakaipa. Ikoku kunobvumwa sezvo Jerusarema rimene rinotaura. Iro rinobvunza kana kune nhamo ipi neipi yakafanana namarwadzo ayo Mwari akariparira. Iye akatumira mwoto uyo wakaparadzanya tembere. Zvivi zveguta zvakava joko, uye ropa rakayerera kufanana nomuto sezvo Mwari akatsika “chisviniro chewaini” charo. Zioni rakatambanudza maoko munhamo nomukumbiro asi harina kuwana munyaradzi, uye Jehovha akanga akarurama mukuranga Jerusarema rinopandukira. Ngaabate zvakakomba zvakafanana navavengi varo vanofara.Jeremiya—1:12-22.
“Kutsamwa kwaJehovha”
Vane mutoro vanova nemhaka kana vasingashurikidzi chivi. Mwari akakandira Jerusarema “kubva kudenga kuenda pasi,” achibvumira ruparadziko rwaro nourwo rwe“chitsiko chetsoka” chake, tembere. (Pisarema 132:7) Iye nokudaro “akasvibisa umambo” hwaJudha. Seimbawo zvayo, tembere yakaparadzwa navavengi vane danidziro dzorukundo dzakanga dzakafanana nokudanidzira kwomufaro. Vana vanofa vakakumbira vanamai vavo zvokudya. Asi ndivanaani zvikurukuru vaiva nemhaka? Vaporofita venhema avo vakataura zvinotsausa panzvimbo pokushurikidza chivi cheJerusarema. (Jeremiya 14:13) Munyengetero wakakodzera, nokuti vazhinji kwazvo vakafa muiri ‘zuva rokutsamwa kwaJehovha’!—2:1-22.
Ngoni dzaJehovha Dzinotsungirira
Tinofanira kuvimba naJehovha nenzira yokushivirira. Jeremia anotaura iri pfundo sezvaanotaura nenzira yokumirira vanhu vanotambudzika. Mwari anodzivisa munyengetero wake, uye iye azova musoro worwiyo rwokuzvidza rwavavengi vake. Tariro yake, kana kuti “kariro inobva kuna Jehovha,” inoratidzika kuva yakaparara. Asi iye achava ne“chimiro chokumirira” nemhaka yokuti “Jehovha akanaka kumunhu anovimba naye.”—3:1-27, NW.
Rupfidzo rwechokwadi runounza ngoni dzoumwari. Apwiswa naikoku, Jeremia anokurudzira, kuti: “Ngatidzokerei kuna Jehovha.” Senegore rokutsamwa, Mwari akadzivisa kusvika mumunyengetero nemhaka yezvivi zvavanhu. Asi Jeremia anonyengetera, achiti: “Ndakadana zita renyu, Jehovha, . . . regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema.” Chokwadika, vavengi vasingapfidzi vachaparadzanywa.—3:28-66.
“Tidzoserei”
Tinogona kuunza ruparadziko patiri timene kupfurikidza nechivi chamaune. Nemhaka yechivi chaJudha, “vanakomana vanodikanwa veZioni” vairangarirwa sezviumbwa zvakapunzika zvisina maturo. Mukomberedzo, avo vakaurawa nomunondo vakanga vari nani kupfuura vamwe vaifa zvishoma nezvishoma nenzara. Mwari, zvamazvirokwazvo, akanga “adurura kutsamwa kwake kunopisa.” Vaporofita navaprista vakashatiswa vakanga vachidzungaira noupofu, uye Mambo Zedhekia—“muzodziwa waJehovha”—akanga atapwa. Zvino Mwari aizotendeudzira ngwariro yake kuEdhomi rinotadza.Jeremiya—4:1-22.
Jehovha oga anopa tariro yechokwadi pakati penhamo. Jeremia akaziva ikoku, nokuti iye akateterera, achiti: “Rangarirai Jehovha, zvakatiwira.” ‘Vokumwe vanogara mudzimba dzedu. Tinotakura miuyo yechikanganiso chamadzibaba edu, uye vakomana zvavo vanotakura huni mubasa rokumanikidzirwa.’ Bva, Jeremia anokarira ngoni, achinyengetera, kuti: “Tidzoserei kwamuri, Jehovha, ipapo tichadzoka.”Jeremiya—5:1-22.
Rangarira, ipapoka, pamusoro peizvi zvifundo zvinodzidziswa muna Mariro: Chivi hachiunzi mufaro, Mwari akarurama mukuranga vatadzi, uye vane mutoro vane mhaka kana vasingashurikidzi kuita chakaipa. Tinofanira kuvimba naJehovha nenzira yokushivirira, tine chivimbo chokuti ngoni dzoumwari dzinouya nemhaka yorupfidzo rwechokwadi, nepo tichigona kuunza ruparadziko patiri timene kupfurikidza nechivi chamaune. Iri bhuku rakafuridzirwa rinotipwisawo kuti Jehovha oga anopa tariro yechokwadi pakati penhamo.
[Bhokisi riri papeji 27]
MAGWARO EBHAIBHERI ANOONGORORWA
◻ 1:15—‘Jehovha akanga atsika chisviniro chewaini chimene chomukunda mhandara waJudha’ nemhaka yokuti iye akanga araira ndokubvumira zvakaitika. “Mukunda mhandara yaJudha” rakanga riri Jerusarema, raifungwa kuva rakafanana nomukadzi asina kushatiswa. Apo vaBhabhironi vakaparadza dzimbahwe iroro raJudha muna 607 P.N.V., kwakanga kune kudeurwa kukuru kweropa, kwakaenzana nokusvinwa kwomuto wamazambiringa muchisviniro chewaini. Jehovha achava nechokwadi chokuti chiKristudhomu, Jerusarema rokufananidzirwa, chinoparadzanywa zvakafanana.
◻ 2:6—“Ruzhowa” rwaMwari rwakanga rwuri tembere yaiva muJerusarema. Apo nzvimbo tsvene iyoyo yakaparadzanywa navaBhabhironi, akanga achiibvumira ‘kutsikwa nesimba,’ kufanana nedarawo zvaro romumunda. Musasa wakadaro wechinguvana wokuvanda zuva rinopisa unoparadzanywa.
◻ 3:16—Ngwavaira imwe iyo Jehovha akabvumira kuuya paJerusarema risina kutendeka somuuyo wokuwira kweguta racho kuvaBhabhironi inorondedzerwa mumashoko anoti, “Wakapedza meno angu norubwe.” Sezviri pachena, apo vaIsraeri vakanga vachipinda muutapwa, vaifanira kubika chingwa mumakomba akacherwa pasi. Naizvozvo, chingwa chacho chakasvika pakuva netsanza, uye munhu aidya chingwa chakadaro aigona kumedura rutivi rwamazino ake.
◻ 4:3—Utsinye hwavanamai kuvana vavo pano hunosianiswa netarisiro youmai inogoverwa namakava. Kunyange zvazvo makava angarangarirwa kuva zvikara zvinotyisa, kunyange iwo ‘anopa mazamu ndokuyamwisa vana vawo.’ Nemhaka yeperevedzo huru dzezvokudya muJerusarema rakakomberedzwa, vakadzi vechiJudha vaiva nenzara vakava noutsinye mukuti vakanga vasina mukaka wokupa vana vavo ndokudya zvomenemene vana vavo vamene kuti varambe vari vapenyu. (Mariro 2:20) Nokudaro, vakadzi vakavawo vakafanana nemhou dzinokandira mazai adzo ndokuasiya.
◻ 5:7—VaJudha vomuzuva raJeremia vaifanira kutakura zvikanganiso zvamadzibaba avo, asi ikoku hakurevi kuti Jehovha anoranga zvakananga vana nokuda kwezvivi zvavabereki vavo. Zvomenemene, miuyo yakashata yechakaipa inonzwiwa nezvizvarwa zvapashure. (Jeremia 31:29, 30) Isu naizvozvo tinoita zvakanaka kuyeuka kuti tinofanira isu pachedu kuzvidavirira kuna Mwari.—VaRoma 14:12.