Dzivisa Kunamata Zvidhori Kworudzi Rwuri Rwose
“Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo?”—2 VAKORINTE 6:16.
1. Chii chakafananidzirwa netabhenakeri yaIsraeri netembere?
JEHOVHA ane tembere isina zvidhori. Iyo yakafananidzirwa netabhenakeri yaIsraeri yakavakwa naMosesi uye netembere dzakavakwa gare gare muJerusarema. Zvivako izvozvo zvakamirira “tende yechokwadi,” tembere huru yomudzimu yaJehovha. (VaHebheru 8:1-5, NW) Tembere iyoyo igadziriro yokusvika Mwari mukunamata pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu.—VaHebheru 9:2-10, 23.
2. Ndivanaani vakava mbiru mutembere yomudzimu huru yaMwari, uye inzvimboi inofarikanywa neboka guru?
2 MuKristu mumwe nomumwe akazodzwa anova “mbiru mutembere” yaMwari, achigamuchira nzvimbo mudenga. “Boka guru” ravamwe vanamati vaJehovha riri “kuitira [Mwari] basa rinoyera” muchakamirirwa noruvazhe rwaVamarudzi patembere yakavakwazve naHerodhe. Nemhaka yokutenda muchibairo chaJesu, ivo vane chimiro chakarurama icho chinoguma nokuchengetwa mu“dambudziko guru.”—Zvakazarurwa 3:12; 7:9-15, NW.
3, 4. Ungano yamaKristu akazodzwa pasi pano inofananidzwa nechii, uye inofanira kuva isina svibisoi?
3 Ungano yamaKristu akazodzwa pasi pano inofananidzwawo nenzira yokufananidzira neimwe tembere isina kunamata zvidhori. Kuvakadaro ‘vakaiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene,’ muapostora Pauro akati: “Makavakwa pamusoro penheyo dzavaapostora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. Maari imba yose yakasonganiswa kwazvo, inokura, ine tembere tsvene muna [Jehovha, NW]. Maari nemiwo makavakwa pamwe chete, kuti muve ugaro hwaMwari mu[mudzimu, NW].” (VaEfeso 1:13; 2:20-22) Ava vane 144 000 vakaiswa chisimbiso “mabwe mapenyu” ano“vakwa muimba yomudzimu nedonzo rouprista hutsvene.”—1 Petro 2:5, NW; Zvakazarurwa 7:4; 14:1.
4 Sezvo ava vaprista vaduku vari “imba yaMwari,” haasati achibvumira iyi tembere kusvibiswa. (1 VaKorinte 3:9, 16, 17) “Musasungwa zvisina kufanira pajoko navasingatendi,” akanyevera Pauro. “Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? Kristu unganzwana seiko naBheriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi? Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo?” MaKristu akazodzwa, ayo ari a“[Jehovha Wamasimba ose, NW],” anofanira kuva asinganamati zvidhori. (2 VaKorinte 6:14-18) Avo veboka guru vanofanirawo kudzivisa kunamata zvidhori kworudzi rwuri rwose.
5. Achiziva kuti Jehovha anofanirwa nokuzvipira kwapoga, maKristu echokwadi anoitei?
5 Kune zvose zviri zviviri zvimiro zvakajeka nezvemanomano zvokunamata zvidhori. Aiwa, kunamata zvidhori hakuna kuganhurirwa kukunamatwa kwavamwari venhema navamwarikadzi. Iko kunamatwa kwechinhu chipi nechipi kana kuti kwomunhu upi noupi asiri Jehovha. SaChangamire Wechisiko chose, iye anoda nomazvo uye akafanirwa nokuzvipira kwapoga. (Dheuteronomio 4:24) Achiziva ikoku, maKristu echokwadi anoteerera nyevero dzapaMagwaro pamusoro pokunamata zvidhori kwose. (1 VaKorinte 10:7) Ngatirangarirei zvimiro zvakati zvokunamata zvidhori zvinofanira kudziviswa navabatiri vaJehovha.
Kunamata Zvidhori kwechiKristudhomu Kwakadeya Kufananidzirwa
6. Zvinhui zvinonyangadza izvo Ezekieri akaona muchiono?
6 Ari muutapwa hweBhabhironi muna 612 P.N.V., muporofita Ezekieri akava nechiono chezvinhu zvinosemesa zvaishandiswa navaJudha vakawa pakutenda patembere yaJehovha muJerusarema. Ezekieri akaona “chifananidzo chegodo.” Vakuru vane makumi manomwe vakacherechedzwa vachipa zvinonhuwira mutembere. Vakadzi vakaonwa vachichema pamusoro pamwari wenhema. Uye varume 25 vakanga vachinamata zuva. Aya mabasa okuwa pakutenda akanga ari erevoi?
7, 8. “Chifananidzo chegodo” chingave chaiva chii, uye neiko chakanyandurira Jehovha kugodo?
7 Kunamata zvidhori kwechiKristudhomu kwakadeya kufananidzirwa nezvinhu zvinonyangadza izvo Ezekieri akaona muchiono. Somuenzaniso, iye akati: “Rinzira meso ako kurutivi rwokumusoro. Ipapo ndakaringira meso angu kurutivi rwokumusoro, ndikaona rutivi rwokumusoro rwesuo reatari chifananidzo ichi chegodo chimire panopindwa napo. [Jehovha Mwari] akati kwandiri: ‘Mwanakomana womunhu, unoona zvavanoita here? Izvo zvinonyangadza zvikuru zvinoitwa pano neimba yaIsraeri, kuti ini ndibve ndiende kure nenzvimbo yangu tsvene here?’”—Ezekieri 8:1-6.
8 Chifananidzo chechidhori chegodo chingave chaiva danda rinoyera raimirira mwarikadzi wenhema uyo vaKanani vairangarira somudzimai wamwari wavo Bhaari. Chipi kana chipi chakanga chiri chifananidzo chacho, icho chakanyandura Jehovha kuti ave negodo nemhaka yokuti chakakamuranisa kuzvipira kwapoga kwaIsraeri kwaari mukuputswa kwemirairo yake: “Ndini Jehovha, Mwari wako . . . Usava navamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usafugamira izvozvo kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo.”—Eksodho 20:2-5.
9. ChiKristudhomu chakanyandurira Mwari kugodo sei?
9 Kunamata chifananidzo chegodo mutembere yaMwari kwakanga kuri chimwe chezvinhu zvinonyangadza zvikuru zvaiitwa navaIsraeri vakawa pakutenda. Nenzira yakafanana, chechi dzechiKristudhomu dzinosvibiswa nezviratidzo nezvifananidzo zvinozvidza Mwari izvo zvinokamuranisa kuzvipira kwapoga kwadzinoti dzinopa kuno Uyo dzinoti dzinobatira. Mwari anonyandurirwawo kugodo nemhaka yokuti vafundisi vanoramba Umambo hwake setariro bedzi yorudzi rwomunhu ndokunamata Chibatanwa chaMarudzi—“chinhu chinonyangadza . . . chakamira munzvimbo tsvene,” apo chisingafaniri kumira.—Mateo 24:15, 16, NW; Marko 13:14.
10. Chii chakaona Ezekieri mukati metembere, uye ichochi chinoenzana sei nezvinocherechedzwa muKristudhomu?
10 Achipinda mutembere, Ezekieri anoshuma, kuti: “Tarira, mifananidzo yamarudzi ose ezvinokambaira pasi, nemhuka dzinonyangadza, nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri zvakafananidzwa parusvingo kumativi ose. Pamberi pazvo pakanga pamire varume vana makumi manomwe vavakuru veimba yaIsraeri; . . . mumwe nomumwe akabata haryana yake yezvinonhuwira muruoko rwake; munhuwi wegore rezvinonhuwira ukaramba uchikwira.” Chimbofunga zvako! Vakuru vechiIsraeri mutembere yaJehovha, vachipa zvinonhuwira kuvamwari venhema, vaimirirwa nezvivezwa zvomumadziro zvinonyangadza. (Ezekieri 8:10-12) Nenzira yakaenzana, shiri nemhuka dzomusango zvinoshandiswa kufananidzira nyika dzechiKristudhomu, uko vanhu vanopa kuzvipira. Uyezve, vakawanda vavafundisi vane mhaka yokubetsera kutsausa vanhu kupfurikidza nokutsigira rondedzero yakaipa yemhindumupindu yomunhu kubva pazvimiro zvoupenyu zvokusava munhu zvizere, zvemhuka panzvimbo pokutsigira nhauro yeBhaibheri yechokwadi yechisiko chakaitwa naJehovha Mwari.—Mabasa 17:24-28.
11. Neiko vakadzi vechiIsraeri vakawa pakutenda vakanga vachichema Tamuzi?
11 Parupindo rwesuo reimba yaJehovha, Ezekieri akaona vakadzi vechiIsraeri vakawa pakutenda vachichema pamusoro paTamuzi. (Ezekieri 8:13, 14) VaBhabhironi navaSiria vairangarira Tamuzi samwari wemiti iyo inokura mumwaka wemvura uye inofa mukati menhambo yakaoma. Kufa kwayo kwaifananidzira uko kwaTamuzi, aichemwa gore negore navanamati vake panguva yokupisa kukurusa. Nokuonekazve kwemiti mukati momwaka wemvura, Tamuzi aifungidzirwa kuva anodzokera achibva munyika yemidzimu. Iye aimirirwa nebhii rokutanga rezita rake, tau wakare uyo akanga ari chimiro chechipiyaniso. Ikoku kungasanotiyeuchidza rukudzo rwokunamata zvidhori rwechiKristudhomu nokuda kwechipiyaniso.
12. Chii icho Ezekieri akaona varume 25 vechiIsraeri vakawa pakutenda vachiita, uye chiitoi chakafanana chinoitika muchiKristudhomu?
12 Muruvazhe rwomukati rwetembere, Ezekieri akatevera kuona varume vechiIsraeri vakawa pakutenda 25 vachinamata zuva—kuputswa kwomurairo waJehovha pamusoro pokunamata zvidhori. (Dheuteronomio 4:15-19) Vanamati vezvidhori ivavo vakaisawo davi rakaipa kumhino dzaMwari, zvichida rinomirira mutezo womunhurume. Hakushamisi kuti Mwari haasati aizopindura minyengetero yavo, kunyange sezvo chiKristudhomu chichatsvaka betsero yake mukati me“dambudziko guru,” asi pasina maturo. (Mateo 24:21, NW) Sezvo vaIsraeri ivavo vakawa pakutenda vainamata zuva rinopa chiedza makotsi avo akaringa kutembere yaJehovha, naizvozvo chiKristudhomu chinorinza gotsi racho kuchiedza chinobva kuna Mwari, chinodzidzisa dzidziso dzenhema, uye chinonamata uchenjeri hwenyika, uye chinonyepedzera kusaona utere.—Ezekieri 8:15-18.
13. Zvapupu zvaJehovha zvinodzivisa zvimiro zvokunamata zvidhori zvakaonwa muchiono chaEzekieri munzirai?
13 Zvapupu zvaJehovha zvinodzivisa zvimiro zvokunamata zvidhori zvinoshandiswa muchiKristudhomu, kana kuti Jerusarema rokufananidzirwa, sezvakadeya kuonwa naEzekieri. Hatisati tichinamata zvifananidzo zvinozvidza Mwari. Kunyange zvazvo tichiratidza ruremekedzo nokuda kwe“zviremera zvikuru” zvehurumende, kuzviisa kwedu pasi pazvo kune mwero. (VaRoma 13:1-7; Marko 12:17; Mabasa 5:29) Kuzvipira kwedu kwomwoyo wose kunopiwa kuna Mwari noUmambo hwake. Hatisati tichitsiva Musiki nechisiko chake nerondedzero yemhindumupindu. (Zvakazarurwa 4:11) Hatisati tichitongonamata chipiyaniso kana kuti kunamata ungwaru, uzivi, kana kuti mamwe marudzi ouchenjeri hwenyika. (1 Timotio 6:20, 21) Tinodzivisawo zvimwe zvimiro zvose zvokunamata zvidhori. Ndezvipi zviri zvimwe zvaizvozvi?
Mamwe Marudzi Okunamata Zvidhori
14. Chimiroi chinova navabatiri vaJehovha pamusoro pe“chikara” chaZvakazarurwa 13:1?
14 MaKristu haasati achigoverana norudzi rwomunhu mukunamata “chikara” chokufananidzira. Akati muapostora Johane: “Ndakaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine nyanga dzine gumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga pane korona dzine gumi, . . . Vose vanogara panyika vachachinamata.” (Zvakazarurwa 13:1, 8) Zvikara zvinogona kufananidzira “madzimambo,” kana kuti masimba ezvamatongerwe enyika. (Dhanieri 7:17; 8:3-8, 20-25) Naizvozvo misoro minomwe yechikara chokufananidzira inomirira masimba enyika—Egipita, Asiria, Bhabhironi, Medhia nePersia, Girisi, Roma, uye mubatanidzwa weEngland neAmerica weBritain neUnited States of America. Vafundisi vechiKristudhomu vanoratidza ruzvidzo rukuru nokuda kwaMwari naKristu kupfurikidza nokutungamirira rudzi rwomunhu mukunamata sangano rezvamatongerwe enyika raSatani, “mutongi wenyika ino.” (Johane 12:31, NW) Savasingatori rutivi vechiKristu navatsigiri voUmambo, zvisinei, vabatiri vaJehovha vanoramba kunamata zvidhori kwakadaro.—Jakobho 1:27.
15. Vanhu vaJehovha vanorangarira sei nyanzvi dzenyika, uye chii icho Chapupu chimwe chakataura muna ikoku?
15 Vanhu vaMwari vanoregawo kunamata nyanzvi dzenyika dzevaraidzo nemitambo. Pashure pokuva Chapupu chaJehovha, mumwe muimbi akati: “Nziyo dzevaraidzo nedzokutamba dzinogona kunyandura zvishuvo zvakaipa . . . Muiti anoimba pamusoro pomufarwa nounyoro izvo vateereri vakawanda vanganzwa kuti hazvimo mumukwanyina wavo. Nyanzvi yacho inowanzosvika pakuziviswa neizvo inoimba pamusoro pazvo. Dzimwe nyanzvi dzandinoziva dziri nokuda kweichi chikonzero vanodiwa chaivoivo navakadzi. Apo bedzi mumwe munhu anenge anyudzwa munyika ino yefungidziro, kunogona kutungamirira kunamata kwake muiti. Kungavamba nenzira isingakuvadzi zvikuru kupfurikidza nokukumbira kwomunhu wacho unyoro hwomunhu sechiyeuchidzo. Asi vamwe vanosvika pakurangarira nyanzvi somuenzaniso wavo, uye kupfurikidza nokumupa ruremekedzo rusakafanira, vanomuita chidhori. Ivo vangaturika mufanikiso wenyanzvi yacho pamadziro ndokuvamba kuzvipfekedza vamene nokuzvitsvindisa sezvainoita. MaKristu anofanira kurangarira kuti kunamatwa ndokwaMwari bedzi.”
16. Chii chinoratidza kuti ngirozi dzakarurama dzinoramba kunamata zvidhori?
16 Hungu, Mwari bedzi anofanirwa noruremekedzo nokunamatwa. Apo Johane aka“wira pasi kuti ndimate pamberi petsoka dzomutumwa” uyo akamuratidza zvinhu zvinoshamisa, chisikwa chomudzimu ichocho chakaramba kunamatwa munzira ipi neipi asi chakati: “Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako, vaporofita navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.” (Zvakazarurwa 22:8, 9) Kutya Jehovha, kana kuti ruremekedzo rukuru nokuda kwake, runotiita timunamate oga. (Zvakazarurwa 14:7) Nokudaro, kuzvipira kwoumwari kwechokwadi kunotidzivirira pakunamata zvidhori.—1 Timotio 4:8.
17. Tinogona sei kudzivisa utere hwevatano hwokunamata zvidhori?
17 Utere hwevatano ndichimwe chimiro chokunamata zvidhori chinorambwa navabatiri vaJehovha. Ivo vanoziva kuti “hakune mhombwe, kana munhu une tsvina, kana unochiva, ndiye unonamata [zvidhori, NW] ungadya nhaka muushe hwaKristu naMwari.” (VaEfeso 5:5) Kunamata zvidhori kunobatanidzwa nemhaka yokuti kushuviwa kwomufarwa wakashata kunova chinhu chokuzvipira. Mavara oumwari anopinzwa mungozi kupfurikidza nezvishuvo zvevatano zvisakafanira. Kupfurikidza nokurerekera meso ake nenzeve kumabhuku outere, munhu anopinza mungozi ukama hupi nohupi hwaangava nahwo naMwari mutsvene, Jehovha. (Isaya 6:3) Kuti vadzivise kunamata zvidhori kwakadaro, ipapoka, vabatiri vaMwari vanofanira kudzivisa mabhuku outere nenziyo dzinoshatisa. Vanofanira kubatirira kuzvinokosha zvomudzimu zvakasimba zvakavakirwa paMagwaro, uye vanofanira kuchengeta “hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.”—VaEfeso 4:22-24, NW.
Dzivisa Makaro Noruchiva
18, 19. (a) Chii chiri makaro noruchiva? (b) Tinogona sei kudzivisa makaro noruchiva zvokunamata zvidhori?
18 MaKristu anodzivisawo makaro noruchiva, izvo zviri zvimiro zvakasanobatana nokunamata zvidhori. Makaro chishuvo chakanyanyisa kana kuti chisingagutswi, uye ruchiva makaro echinhu chipi nechipi chomumwe munhu zvake. Jesu akanyevera pamusoro poruchiva ndokutaura nezvomupfumi ane ruchiva aisagona kubetserwa nepfuma yake parufu uye aiva mumugariro unosuruvarisa wokusava “[akapfuma] kuna Mwari.” (Ruka 12:15-21) Pauro akapa zano nenzira yakafanira vatendi biyake, kuti: “Urayai mitezo yenyu iri panyika, . . . kuchiva, ndiko kunamata [zvidhori, NW].”—VaKorose 3:5.
19 Avo vakazadzwa norudo rwemari, namakaro ezvokudya nezvokunwa, kana kuti negwinyiro resimba vanoita kuti zvishuvo zvakadaro zvive zvidhori zvavo. Sezvakaonesa Pauro, munhu ane makaro munamati wechidhori uye haasati achizogara nhaka Umambo hwaMwari. (1 VaKorinte 6:9, 10; VaEfeso 5:5) Nokudaro, vanhu vakabhapatidzwa vanoshandisa kunamata zvidhori savanhu vane makaro vangagona kudzingwa muungano yechiKristu. Kupfurikidza nokushandisa Magwaro nokunyengetera zvapachokwadi, zvisinei, tinogona kudzivisa makaro. Zvirevo 30:7-9, inoti: “Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri [Jehovha Mwari]: Musandiramba izvo, ndisati ndafa. Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; regai kundipa urombo kana pfuma; mundigutse nezvokudya zvakandifanira; ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti: ‘Jehovha ndianiko?’ Kana zvimwe ndiri murombo, ndibe, ndimhure zita raMwari wangu.” Mudzimu wakadaro unogona kutibetsera kudzivisa makaro noruchiva zvokunamata zvidhori.
Dzivisa Kuzvinamata
20, 21. Vanhu vaJehovha vanodzivisa sei kuzvinamata?
20 Vanhu vaJehovha vanodzivisawo kuzvinamata. Munyika ino ndokwavose kuzvinamata umene nokuda kwako umene. Chishuvo chomukurumbira nembiri chinoparira vakawanda kuita nenzira dzokunyengera. Ivo vanoda kuti kuda kwavo kuitwe, kwete kwaMwari. Asi hatingagoni kuva noukama naMwari kana tikatera kukuzvinamata kupfurikidza nokutsvaka kuita kuda kwedu nokunyengera nokuedza kuremedza vamwe. (Zvirevo 3:32; Mateo 20:20-28; 1 Petro 5:2, 3) Savateveri vaJesu, takaramba zvinhu zvamanomano zvenyika.—2 VaKorinte 4:1, 2.
21 Panzvimbo pokutsvaka mukurumbira, vanhu vaMwari vanowirirana nezano raPauro: “Kana muchidya kana kuti kunwa kana kuti kuita chinhu chipi nechipi, itai zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari.” (1 VaKorinte 10:31, NW) Zvatiri vabatiri vaJehovha, hatisati tichiomerera nenzira yokunamata zvidhori pakuita kuda kwedu timene asi tinoita nomufaro kuda kwoumwari, tichigamuchira nhungamiro inobva ku“muranda akatendeka naakachenjera” nokubatira pamwe zvizere nesangano raJehovha.—Mateo 24:45-47, NW.
Ngwarira!
22, 23. Tinogona kudzivisa kunamata zvidhori kworudzi rwuri rwose munzirai?
22 Savanhu vaJehovha, hatikotami pamberi pezvidhori zvezvinhu. Tinodzivisawo zvimiro zvamanomano zvokunamata zvidhori. Kutaura idi, tinofanira kupfuurira kudzivisa kunamata zvidhori kworudzi rwuri rwose. Isu naizvozvo tinowirirana nezano raJohane, rinoti: “Zvidzivirirei mumene pazvidhori.”—1 Johane 5:21, NW.
23 Kana iwe uri mumwe wavabatiri vaJehovha, nguva dzose shandisa hana yako yakarovedzwa neBhaibheri namasimba okunzwisisa. (VaHebheru 5:14) Ipapo hausati uchizoshatiswa nomudzimu wokunamata zvidhori wenyika asi uchava akafanana navaHebheru vatatu vakatendeka namaKristu akavimbika apakuvamba. Uchapa Jehovha kuzvipira kwapoga, uye achakubetsera kuramba uchidzivisa kunamata zvidhori kworudzi rwuri rwose.
Ndeipi Iri Mifungo Yako?
◻ Zvapupu zvaJehovha zvinodzivisa sei zvimiro zvokunamata zvidhori zvakaonwa muchiono chaEzekieri?
◻ Chii chiri “chikara” chaZvakazarurwa 13:1, uye chimiroi icho vabatiri vaJehovha vanova nacho pamusoro pacho?
◻ Kudzivisirei kunamata varaidzo nenyanzvi dzemitambo?
◻ Tinogona sei kudzivisa kuzvinamata?
◻ Kungwarirei kunamata zvidhori kworudzi rwuri rwose?
[Mifananidzo iri papeji 26]
Unoziva here kuti zvinhu zvinonyangadza zvakaonwa muchiono chaEzekieri zvakadeya kufananidzira kunamata zvidhori kwechiKristudhomu?
[Kwazvakatorwa]
Mufananidzo (pamusoro kuruboshwe) wakavakirwa papikicha yakatorwa naRalph Crane/Bardo Museum