RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Mwanakomana Wemunhu, Uri Kuzviona Here?”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • ‘Ona Zvinhu Zvakaipa Uye Zvinosemesa Zvavari Kuita’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • Zvechitatu Zvaakaratidzwa: “Vakadzi . . . Vachichema Mwari Anonzi Tamuzi”

      Vakadzi vachichema mwari anonzi Tamuzi.

      13. Ezekieri akaona vakadzi vakapanduka vachiitei parimwe remagedhi etemberi?

      13 Verenga Ezekieri 8:13, 14. Pashure pekuratidza Ezekieri zvinhu zviviri zvinosemesa zvakanga zvichiitwa, Jehovha akaudzazve Ezekieri kuti: “Uchaona zvimwe zvinhu zvinosemesa zvakatonyanya kuipa zvavari kuita.” Saka muprofita Ezekieri akazoonei? “Kusuo regedhi rekuchamhembe reimba yaJehovha,” akaona “vakadzi vakanga vakagara, vachichema mwari anonzi Tamuzi.” Tamuzi, mwari wekuMesopotamiya, uyo anonzi Dhumuzi muzvinyorwa zvekare zvekuBhabhironi, anofungidzirwa kuti aiva murume wamwarikadzi wekubereka ainzi Ishtari.d Kunenge kuti kuchema kwaiita vakadzi vechiIsraeri kwainge kwakabatana netsika yechitendero ine chekuita nekufa kwaTamuzi. Kuchema kwavaiita Tamuzi mutemberi yaJehovha, kwaitova kuchengeta tsika yechihedheni pamuzinda wekunamata kwakachena. Asi kuita tsika yechitendero chenhema mutemberi yaMwari hakuchinji tsika yacho kuti ive tsvene. Kuna Jehovha, zvaiitwa nevakadzi ava vainge vapanduka zvaiva “zvinhu zvinosemesa”!

      14. Tinodzidzei pamaonero akaita Jehovha zvaiitwa nevakadzi vakapanduka?

      14 Tinodzidzei pamaonero aiita Jehovha zvaiitwa nevakadzi ivavo? Kuti kunamata kwedu kurambe kwakachena, hatifaniri kutombokusanganisa netsika dzechihedheni. Saka tinofanira kusiyana nemhemberero dzakatangira muchitendero chechihedheni. Asi matangiro akaita mhemberero ane basa here? Ehe ane basa! Mazuva ano, dzimwe tsika dzinoitwa nevanhu dzakabatana nemhemberero dzakadai seKrisimasi neIsita dzinogona kuita sedzakanaka. Asi hatifaniri kukanganwa kuti Jehovha akanyatsoona ega matangiro akaita tsika dzechihedheni dzakazopedzisira dzava mhemberero dzavako mazuva ano. Kuna Jehovha, tsika dzechihedheni hadzipedzisire dzanaka nekufamba kwenguva kana kuti nekusanganiswa nekunamata kwakachena.—2 VaK. 6:17; Zvak. 18:2, 4.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe