RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Isa Chiratidzo Pahuma Dzevanhu’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • 7, 8. Varume vaiva nezvombo zvekuputsa nazvo vaifanira kuita basa ravo sei, uye zvakazofamba sei?

      7 Saka varume ava 6 vaiva nezvombo zvekuparadza vaifanira kuita basa ravo sei? Ezekieri akanzwa Jehovha achivaudza kuti: Teverai murume ane nyanga yeingi uye urayai munhu wese kunze kwevanenge vaiswa chiratidzo pahuma dzavo. Jehovha akavaudza kuti: “Munofanira kutangira panzvimbo yangu tsvene.” (Ezek. 9:6) Vaifanira kutangira panzvimbo yaimboonekwa setsvene mumaziso aJehovha, patemberi, pamwoyo chaipo peJerusarema. Vaifanira kutanga kuurayiwa ndivo “vakuru 70 veimba yaIsraeri vakanga vakamira pamberi payo,” vachipisira rusenzi kuna vanamwari venhema.—Ezek. 8:11, 12; 9:6.

  • ‘Isa Chiratidzo Pahuma Dzevanhu’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • 9, 10. Ndevapi vamwe vakatendeka vakapona pakaparadzwa Jerusarema, uye tingatii nezvavo?

      9 Verenga 2 Makoronike 36:17-20. Uprofita hwaEzekieri hwakazadziswa pakaparadzwa Jerusarema netemberi yaro muna 607 B.C.E nevaBhabhironi. VaBhabhironi vakashandiswa ‘sekapu iri muruoko rwaJehovha,’ pakudurura hasha dzake achiranga Jerusarema rakanga risina kutendeka. (Jer. 51:7) VaBhabhironi vakaparadza munhu wese here? Aiwa. Chiratidzo chaEzekieri chakanga chagara chataura kuti vamwe vaisazourayiwa nevaBhabhironi.—Gen. 18:22-33; 2 Pet. 2:9.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe