Ngoro Yokudenga yaJehovha Inofamba
“Kana ari makumbo, ndakanzwa achitumidzwa ‘zvinomonereka.’” —EZEKIERI 10:13.
1. Rudzii rwechokufambisa runa Jehovha?
MUMAZUVA ano amajeti akaisvonaka, vatungamiriri venyika vanganzwa kuti vanofarikanya zvikurusa mukufamba zvakanaka. Bva, makore 2 600 apfuura, Jehovha Mwari akazivisa kuti ane rudzi rukurusa rwechokufambisa, rusina injiniya akamboona rwakafanana nacho. Icho ingoro huru, inotyisa! Kunoratidzika sokwechienzi here kuti Musiki wechisiko chapose pose anokwira muchokufambisa chakafanana nengoro? Aiwa, nokuti chokufambisa chokudenga chaJehovha chakasiana zvikuru nechipi nechipi chakagadzirwa navanhu.
2. Ezekieri ganhuro 1 inoratidzira sei ngoro yokudenga yaJehovha, uye ndikuna ani uko muporofita anotanga kukwevera ngwariro yedu?
2 Eze Muganhuro 1 youporofita hwaEzekieri, Jehovha anofananidzirwa saakakwira mungoro yokudenga hombe. Ichi chokufambisa chinotyisa chine makumbo mana chinozvifambisa chimene uye chinogona kuita zvinhu zvinoshamisa. Ezekieri akaona iyi ngoro yokudenga muchiono muna 613 P.N.V., paaiva pamumwe wemigero yeBhabhironi rakare. Muporofita anotanga kukwevera ngwariro yedu kuavo vakarindira ngoro yokudenga yaJehovha. Sezvatinorava, ngatiedze kuisa muchiono izvo Ezekieri akaona.
Zvisikwa Zvipenyu Zvina
3. Chii chinoratidzirwa nezviso zvina zverimwe nerimwe ramakerubhi mana?
3 Ezekieri anoshuma, kuti: “Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rine mwoto wairamba uchipenya, rakakomberedzwa nokubwinya . . . Zvino mukati mazvo makabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina.” (Ezekieri 1:4, 5) Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina izvozvi, kana kuti makerubhi, chaiva namapapiro mana nezviso zvina. Zvaiva nechiso cheshumba, kuratidzira ruramisiro yaJehovha; chiso chenzombe, kumirira simba raMwari; uye chiso chegondo, kuratidzira uchenjeri Hwake. Zvaivawo nechiso chomunhu, kuratidzira rudo rwaJehovha.—Dheuteronomio 32:4; Jobho 12:13; Isaya 40:26; Ezekieri 1:10; 1 Johane 4:8.
4. Neiko makerubhi aiva nezviso zvina, uye makerubhi akanga akafanana nei pakumhanya?
4 Kerubhi rimwe nerimwe raiva nechiso chakatarira kurumwe rwamativi mana. Nokudaro, makerubhi aigona kuchinja nzira nokukurumidza ndokutevera chiso chakanga chakatarisa murutivi rwaishuviwa. Asi makerubhi iwayo akanga akafanana nei nokuda kwokumhanya? Chokwadi, aigona kufamba nokumhanya kwokupenya kwemheni! (Ezekieri 1:14) Hapana chokufambisa chakaitwa nomunhu chakambosvika pakumhanya ikoko.
5. Ezekieri akarondedzera sei makumbo engoro namakango awo?
5 Kamwe kamwe, makumbo engoro anoonekwa. Iwo ndeechienzi sei! Eze 1 Ndima 16 ne 18 dzinoti: “Pakuonekwa kwawo nomuitirwe wawo zvakanga zvakaita segumbo rimwe mukati merimwe gumbo. Kana ari makango awo, akanga akakwirira uye akatyisa; makango awo iwo mana akanga azere nameso kwose kwose.” Gumbo parutivi pekerubhi rimwe nerimwe raizoguma namakumbo mana munzvimbo ina dzinowirirana. Makumbo aipenya sebheriri, ibwe rinoonekera kana kuti reyero yakajeka kana kuti regirini. Ikoku kunowedzera chiedza norunako kuichi chiono chine mbiri. Sezvo makango amakumbo akanga “azere nameso kwose kwose,” akanga asiri kufamba nenzira youpofu murutivi rwupi norwupi zvarwo. Uye makumbo akanga akakwirira zvikuru, nokudaro achikwanisa kufukidza chinhambwe chikuru nokutenderera kumwe chete pachitenderero chawo. Iwo, kufanana namakerubhi mana, aigona kufamba nokukurumidza sokupenya kwemheni.
Makumbo Mukati Memakumbo
6. (a) Kwakanga kwakadaro sei kuti ngoro yakanga ine makumbo mukati mamakumbo? (b) Makumbo aiwiriranisa rutivi rwokufamba kwawo nechii?
6 Chimwe chinhuzve chakanga chiri chechienzi. Gumbo rimwe nerimwe raiva negumbo mukati maro—rourefu humwe chetehwo raikwana rakachinjikwa mugumbo rokunze. Munzira iyoyi bedzi makumbo aigona kutaurwa kuti “akafamba kumativi awo mana.” (Eze 1 Ndima 17) Pakarepo, makumbo acho aigona kuchinja rutivi nemhaka yokuti paiva norutivi rwegumbo rwakatarisa kurutivi rumwe norumwe. Makumbo acho aiwiriranisa kwaaienda nouko kwamakerubhi mana. Muviri wengoro yaMwari, waigona kutasva pamakumbo mana kupfurikidza netsigiro isingaoneki kufanana nengarava ine simba yakasimudzwa nemhepo sezvainofamba nokukurumidza pamusoro pemvura.
7. Chii chaiva manyuko esimba ramakumbo?
7 Makumbo acho akawana kupi iri simba rokuwirirana nokufamba kwose kwamakerubhi mana? Kumudzimu mutsvene waMwari Wamasimba ose. Eze 1 Ndima 20 inoti: “Pose pose kwaida kufamba [mudzimu, NW], ndiko kwazvaifamba, . . . [mudzimu, NW] wechipenyu wakanga uri mumakumbo.” Simba rimwe chetero rinobata basa risingaoneki raMwari raiva mukati mamakerubhi raiva mumakumbo iwayo.
8. Izitai rakapiwa makumbo, uye nei?
8 Makumbo anonongedzerwa kwaari neshoko rokuti “zvinomonereka.” (Ezekieri 10:13) Sezviri pachena ikoku kwaiparirwa nezvinoita gumbo rimwe nerimwe. Rinotenderera kana kuti kukunguruka. Kuratidzira urwu rutivi rwengoro yokudenga munzira yakadaro kunodanira ngwariro kukumhanya uko ngoro yokudenga inofamba nako. Kunyange zvazvo makumbo ayo aikunguruka nokukurumidza kwazvo, nguva dzose aigona kuona nzira yawo nemhaka yokuzara kwawo namaziso.
9. Ezekieri akarondedzera sei zvaiva pamusoro pamakumbo mana engoro aifamba nokukurumidza?
9 Asi zvino ngatitarire tione chiri pamusoro pamakumbo mana iwayo akakwirira zvinotyisa, anofamba nokukurumidza. Ndima 22 yaEzekieri ganhuro 1 inoti: “Kumusoro kwemisoro yezvipenyu kwakanga kune chinhu chakafanana nedenga, rakanga rakaita sekristaro inotyisa, rakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo.” Denga, kunyange zvazvo rakasimba, raionekera, “sekristaro inotyisa.” Raitaima sezviuru zvamadhaimana sezvo zuva rinozvirova. Raityisa zvamazvirokwazvo!
Mutasvi Wengoro Ane Mbiri
10. (a) Chigaro choumambo noUyo ari pachigaro choumambo zvinorondedzerwa sei? (b) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti Mutasvi wengoro akaputirwa mumbiri?
10 Sezviri pachena, ngoro inomira kuti Mutasvi wayo agotaura kuna Ezekieri. Pamusoro pedenga, pane chakafanana nechigaro choumambo, safire, kana kuti chitema, muchitarisiko. Pachigaro choumambo, pane mumwe Munhu ane chitarisiko chakafanana nechomunhu wapasi. Chimiro chohunhu chaigona kubetsera zvakanakisisa Ezekieri kunzwisisa iyi ratidziro youmwari. Asi chimiro chohunhu ichocho chakaputirwa mumbiri, kuti chipenye sedare rinopenya, muvhenganiswa unopenya wesirivha nendarama. Runako runopenya zvakadini! Kubva muchiuno cheichi chimiro chakafanana nechomunhu, iyi mbiri yakaisvonaka inotambanukira kwose kuri kuviri kumusoro uye pasi. Chimiro chose chanzarwozvo kupoteredzwa nembiri. Ikoku kunoratidzira kuti Jehovha ane mbiri nenzira isingarondedzereki. Uyezve, Mutasvi wengoro anoperekedzwa nomuraraungu wakaisvonaka. Kuterama norunyararo zvakadini zvinoratidzirwa nomuraraungu pashure pedutu! Aine chimiro ichocho chokuterama, Jehovha anochengeta mavara ake ouchenjeri, ruramisiro, simba, uye rudo mudzikamo yakakwana.
11. Ezekieri akatapurwa sei nechiono chengoro yaJehovha uye chigaro choumambo?
11 Ngoro yaJehovha nechigaro choumambo zvakapoteredzwa nechiedza namavara akaisvonaka. Musiano wakadini naSatani, muchinda werima uye wamashiripiti! Uye Ezekieri akatapurwa sei nezvose izvozvi? “Zvino ndakati ndichizviona,” iye anodaro, “ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe wakanga achitaura.”—Ezekieri 1:28.
Icho Ngoro Yakaratidzira
12. Chii chinofananidzirwa nengoro yokudenga yaJehovha?
12 Chii chinofananidzirwa neiyi ngoro inoshamisa? Sangano rokudenga, kana kuti romuchadenga, raJehovha Mwari. Iro rinoumbwa nezvisikwa zvake zvose zvitsvene zvomudzimu zviri munzvimbo isingaoneki—maserafimi, makerubhi, uye ngirozi. Sezvo Jehovha ari Mwari Wokumusorosoro, zvisikwa zvake zvose zvomudzimu zviri pasi pake, uye iye anozvitasva mupfungwa yokuzvidzora nenzira yomutsa uye kuzvishandisa mukuwirirana nedonzo rake.—Pisarema 103:20.
13. (a) Nei kuchigona kutaurwa kuti Jehovha anotasva sangano rake? (b) Chiono chengoro ine makumbo mana yaJehovha iri kufamba chinokutapura sei?
13 Jehovha anotasva iri sangano sokunge ari mungoro, achiriparira kuenda kupi nokupi uko mudzimu wake unorisunda kuenda. Harisi kutiza noupengo, pasina kudzorwa kana kuti tarisiro youchenjeri. Mwari haasi kurega iri sangano richienda murutivi rwupi norwupi rwaringada kuenda. Panzvimbo pezvo, rinotevera miraidzo yake. Pamwe chete, vose vari kuenda mberi vakabatana kukuitwa kwakazara kwamadonzo aMwari. Isangano rokudenga rinoshamisa zvakadini rinoratidzwa neichi chiono chengoro yokudenga yaJehovha ine makumbo mana iri kufamba! Mutsinhirano naikoku, sangano raJehovha rinoratidzirwa serine mativi mana akaenzana, mudzikamo yakakwana.
Anogadzwa Senharirire
14. Ndiani anofananidzirwa nomuporofita Ezekieri?
14 Asi ndiani anofananidzirwa nomuporofita Ezekieri? Kubva mumaidi enhau, kuri pachena kuti boka reZvapupu zvakazodzwa nomudzimu zvaJehovha rakabatanidzwa nengoro yokudenga. Nokudaro, Ezekieri anosanofananidzira vakasarira vakazodzwa veZvapupu zvaJehovha chifo cha 1919. Nenzira yomudzimu, sangano raMwari rokudenga rakabatana navakasarira vakazodzwa mugore iroro, kuti rivamutsidzire seZvapupu zvaJehovha kunyika yose. (Enzanisa naZvakazarurwa 11:1-12.) Sangano iroro rakafanana nengoro rakanga richifamba panguva iyeyo, kunyange sezvariri nhasi. Kutaura idi, makumbo aro efambiro mberi ari kutenderera nokukurumidza zvikuru kupfuura nakare kose. Jehovha anotasva achikurumidza achienda mberi!
15. Chii icho inzwi roMutasvi wengoro yokudenga rinotaura, uye Ezekieri anogamuchira basai?
15 Ezekieri aishuva kuziva chikonzero nei ngoro yokudenga yakanga yaswedera pamberi pake ndokumira. Akawana sezvo inzwi rakauya kwaari richibva kune Uyo akagara mungoro. Ashamiswa neichi chiono chinotyisa, Ezekieri akazvizvambaradza amene. Teerera sezvo inzwi roMutasvi wengoro yokudenga rinoti: “Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.” (Ezekieri 2:1) Ipapo Jehovha anotuma Ezekieri kuti ave nharirire uye kuti anyevere imba inopandukira yaIsraeri. Iye anotumwa kutaura kunyange muzita roumwari. Zita raEzekieri rinoreva kuti “Mwari Anosimbisa.” Kunodaro kuti Mwari akasimbisa boka raEzekieri ndokuvatuma, achivagadza senharirire kuchiKristudhomu.
16, 17. (a) Chiono chengoro yokudenga chakabetsera sei Ezekieri? (b) Muzuva redu, kunzwisiswa kwechiono chengoro yokudenga kwakatapura sei boka raEzekieri neboka guru?
16 Chiono chengoro yokudenga chakanga chichishungurudza nokukatyamadza kuna Ezekieri, asi chakamugadzirirawo nokuda kwebasa rake senharirire kuti azivise nyevero yoruparadziko rwaiuya rweJerusarema. Zvimwe chetezvo zvave zviri zvechokwadi nezveboka renharirire nhasi. Kunzwisisa kwavo chiono chengoro yokudenga yaJehovha iri kufamba kwakava nesimba guru pavakasarira vakazodzwa. Muna 1931 ivo vakadzidza zvakawanda pamusoro pechiono chaEzekieri, sezvinoziviswa mubhuku rinonzi Vindication, Bhuku Rokutanga. Panguva iyeyo vakazadzwa nokuonga kwakanaka kwakadaro zvokuti kuvambira muchinyorwa chaOctober 15, 1931, kusvikira kuicho chaAugust 1, 1950, mufananidzo webutiro rokutanga reNharireyomurindi mukona raro rokumusoro rokurudyi raiva nomurangariro womunyori wemifananidzo wechiono chaEzekieri chengoro yokudenga. Nokudaro, boka raEzekieri rakaita chimwe chinhu pabasa ravakapiwa, uye vave vachibatira senharirire, vachizivisa nyevero youmwari. Nguva yoruparadziko rwomwoto rwechiKristudhomu runobva kuna Jehovha akagara pachigaro choumambo mungoro yake yokudenga haina kutongova pedyo kupfuura zvino!
17 Nhasi, “boka guru” ravanhu vakafanana namakwai rakabatanidzwa navakasarira vakazodzwa. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Pamwe chete, vari kuzivisa nyevero yoruparadziko rwuri kuuya pachiKristudhomu netsika ino yose youdhiabhorosi yezvinhu. Basa iroro rokunyevera riri kukurumidza kufamba, uye sezvinoratidzirwa pana Zvakazarurwa 14:6, 7, ngirozi dziri kuritsigira.
Kufamba Nengoro Yokudenga
18. Chii chinofanira kuitwa kuti tiwane tsigiro inopfuuridzirwa yengirozi, uye tinofanira kutapurwa nechii?
18 Ngirozi dzinozviisa pasi dzinofamba pamwe chete mukuwirirana sorutivi rwesangano raMwari rokudenga dzichibetsera vabatiri vapasi vaJehovha mukuita basa ravo rokuzivisa nyevero dzorutongeso rwoumwari. Kana tichishuva dziviriro inopfuuridzirwa nenhungamiro yaava vabatiri vane simba vengirozi vaMwari, isuwo tinofanira kufamba mukuwirirana ndokuvambirana nezvinomonereka zvokufananidzira. Uyezve, sorutivi rwesangano rinooneka raJehovha riri kufamba rakavambirana nengoro yake yokudenga, tinofanira kutapurwa nenhungamiro dzomudzimu waMwari. (Enzanisa naVaFiripi 2:13.) Kana tiri Zvapupu zvaJehovha, tinofanira kufamba murutivi rumwe cheterwo nengoro yokudenga. Zvirokwazvo hatifaniri kushanda pamadonzo anopesana naro. Patinopiwa nhungamiro munzira yatinofanira kuenda nayo, tinofanira kuitevera. Nokudaro, ungano haikamuraniswi.—1 VaKorinte 1:10.
19. (a) Kungofanana namakumbo engoro yokudenga ane maziso akatenderedza, vanhu vaJehovha vanofanira kusvinurira chii? (b) Chii chinofanira kuva nzira yedu yechiito munguva dzino dzinotambudza?
19 Maziso akatenderedza makumbo engoro yaMwari anoratidzira kusvinurira. Kungofanana nesangano rokudenga rakasvinurira, naizvozvo tinofanira kusvinurira kutsigira sangano rapasi raJehovha. Pamwero weungano, tinogona kuratidza tsigiro iyoyo kupfurikidza nokubatira pamwe navakuru vomunzvimbomo. (VaHebheru 13:17) Uye munguva dzino dzinotambudza, maKristu anofanira kusanonamatira zvikuru kusangano raJehovha. Hatidi kuisa dudziro yedu timene pazvinoitika, nokuti ipapo hatisati tichizova tichifamba nengoro yaJehovha yokudenga. Nguva dzose ngatizvibvunze timene kuti, ‘Ngoro yokudenga iri kufamba nenzira ipi?’ Kana tikafambira mberi nesangano rinooneka raMwari, tichava tichifambawo nesangano risingaoneki.
20. Izanoi rakaisvonaka rinopa muapostora Pauro pana VaFiripi 3:13-16?
20 Muna ikoku, Pauro akanyora, kuti: “Hama dzangu, ndichigere kuzvirangarira ndimene sendatochibata; asi pane chinhu chimwe pamusoro pako: Kukanganwa zvinhu zviri shure ndichinanavira kuzvinhu zviri mberi, ndiri kuronda nharidzano yomubairo wokudana kwokudenga kwaMwari kupfurikidza naKristu Jesu. Ipapoka, tose zvedu savakura, ngative vechimiro ichochi chendangariro; uye kana ndangariro yenyu ichida zvisiri izvi munzira ipi neipi, Mwari achazivisa chimiro chendangariro chiri pamusoro apa kwamuri. Pamwero upi noupi, kusvikira patambanuko yatakaita fambiro mberi, ngatipfuurire kufamba nenhevedzano mumuitiro mumwe chetewo.”—VaFiripi 3:13-16, NW.
21. Kunobvira kuita fambiro mberi yomudzimu nesangano raMwari kupfurikidza nokutevera muitiroi?
21 Pano shoko rokuti “muitiro” harirevi tsika yakashata yatisingagoni kuzvibvisa timene mairi. Vabatiri vaJehovha vane muitiro wakaisvonaka wavanoita fambiro mberi yomudzimu kupfurikidza nawo. Iwo muitiro wokubatikana mufundo yeBhaibheri yomunhu oga, kupinda misangano yeungano, kuparidzira nguva dzose mashoko akanaka oUmambo, uye kuratidzira mavara esangano rokudenga raMwari. Muitiro wakadaro unovagonesa kutevera nhungamiro dzesangano rokudenga raJehovha rakafanana nengoro. Kupfurikidza nokupfuurira muuyu mutoo, tichawana nharidzano yedu, kana uri mubairo woupenyu husingafi mumatenga kana kuti upenyu husingaperi muparadhiso yapasi.
22. (a) Kuti vakasarira vakazodzwa neboka guru ramamwe makwai varongwe nenzira yakabatana, chii chinofanira kuitwa? (b) Chii chisinganzvengi cherechedzo yaJehovha?
22 Sokuratidzira kunoita Johane 10:16, “mamwe makwai” neboka raEzekieri vaizorongwa nenzira yakabatana. Nokudaro, kunokosha kuti vose vari musangano raJehovha vanzwisise revo yakazara noukoshi zvechiono chakanyorwa muna Ezekieri ganhuro 1 kana vachizofamba mukuwirirana nengoro yokudenga yaMwari. Chiono chayo chinotibetsera kunzwisisa kuti tinofanira kufamba mutsinhirano nesangano raMwari, rinooneka nerisingaoneki. Yeukawo, kuti maziso aJehovha “anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Hapana chinhu chimwe chinonzvenga cherechedzo yaJehovha, zvikurukuru chinhu chipi nechipi pamusoro pedonzo rake rokuzvireverera amene saChangamire Wapose Pose.
23. Nengoro yokudenga yaJehovha iri kufamba, chii chatinofanira kuita?
23 Ngoro yokudenga yaJehovha zvamazvirokwazvo iri kufamba nhasi. Nokukurumidza chinhu chiri chose chichasvitswa kumbiri mutsinhirano noUyo ane mbiri uyo anotasva ngoro iyoyo—zvose mukurevererwa kwake saChangamire Ishe wechisiko chapose pose. Maserafimi ake, makerubhi, uye ngirozi zviri kutitsigira mubasa redu guru rokuparidzira munyika yose. Ipapoka, ngatifambire mberi, nesangano rokudenga raJehovha. Asi tinogona sei kuvambirana nengoro yokudenga iyoyo inofamba nokukurumidza?
Waizopindura Sei?
◻ Mavarai anoratidzirwa nezvisikwa zvipenyu zvina zvakaonekwa naEzekieri?
◻ Ngoro yokudenga yaJehovha inofananidzirei?
◻ Ndiani anofananidzirwa nomuporofita waMwari Ezekieri?
◻ Kunzwisiswa kwengoro yokudenga yaJehovha kwakatapura sei boka raEzekieri neboka guru?