RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Uprofita hwaMesiya—Musidhari Unoyevedza
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
      • Nhungirwa yemuti wemusidhari yakasimwa pamusoro pegomo.

        4. Jehovha anosima Mwanakomana wake paGomo reZiyoni rekudenga

  • “Ndichaapa Mufudzi Mumwe Chete”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • 9 Zvinotaurwa neuprofita hwacho. (Verenga Ezekieri 17:22-24.) Iye zvino, nhungirwa haisi kutanhwa nemakondo makuru asi naJehovha pachake. Achatanha nhungirwa ‘pamusoro pemusidhari murefu oisima mugomo refu refu.’ Nhungirwa iyi ichakura, yova “musidhari unoyevedza” unogarwa ‘neshiri dzemarudzi ese.’ Zvadaro, “miti yese yesango” ichaziva kuti Jehovha pachake ndiye akaita kuti musidhari uyu unoyevedza ukure.

      10 Kuzadziswa kweuprofita hwacho. Jehovha akatanha Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kubva mudzinza raDhavhidhi remadzimambo (“musidhari unoyevedza”) akamusima paGomo reZiyoni rekudenga (“gomo refu refu”). (Pis. 2:6; Jer. 23:5; Zvak. 14:1) Saka Jehovha akatora Mwanakomana wake, uyo aionekwa nevavengi vake ‘semunhu akaderera kupfuura vese,’ akamukwidziridza nekumupa “chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi.” (Dhan. 4:17; Ruka 1:32, 33) Mambo Mesiya, Jesu Kristu, achaita semusidhari unoyevedza unooneka nenyika yese uye achaunza makomborero kuvanhu vese vaanenge achitonga. Uyu ndiye Mutongi watinofanira kuvimba naye. Jesu paanenge achitonga, vanhu vanoteerera vachaita sevari pasi pemumvuri weUmambo hwake ‘vakachengeteka uye havazonetseki vachitya dambudziko.’—Zvir. 1:33.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe