Bhuku reBhaibheri Nhamba 26—Ezekieri
Munyori: Ezekieri
Nzvimbo Yakanyorerwa: Bhabhironi
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 591 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: 613–munenge muna 591 B.C.E.
1. Ndaapi aiva mamirire ezvinhu enhapwa muBhabhironi, uye dzakatarisana nemiedzoi mitsva?
MUGORE ra617 B.C.E., Jehoiakini, mambo waJudha, akapa Jerusarema kuna Nebhukadnezari, uyo akaendesa vanhu vaikosha zvikurusa venyika nepfuma yeimba yaJehovha neyeimba yamambo kuBhabhironi. Pakati penhapwa paiva nemhuri yamambo namachinda; varume vane ushingi, vane simba; mhizha navavaki; uye Ezekieri mwanakomana waBhuzi muprista. (2 Madz. 24:11-17; Ezek. 1:1-3) Nemwoyo inorwadziwa, ava vaIsraeri vakatapwa vakanga vapedza rwendo rwavo runonetesa vachibva munyika yamakomo, matsime, uye mipata vachienda kune mapani makuru akati sandara. Zvino vakagara pedyo norwizi rwaKebhari pakati poumambo hune simba, vakapoteredzwa navanhu vetsika dzechienzi novokunamata kwechihedheni. Nebhukadnezari akabvumidza vaIsraeri kuva nedzimba dzavo vamene, kuchengeta vabatiri, uye kuita bhizimisi. (Ezek. 8:1; Jer. 29:5-7; Ezra 2:65) Kana vaiva vanobishaira, vaigona kuva vanobudirira. Vaizowira mumisungo yorudzidziso rweBhabhironi nokudisa zvenyika here? Vaizopfuurira kupandukira Jehovha here? Vaizogamuchira utapwa hwavo sechirango chakabva kwaari here? Vaizosangana nemiedzo mitsva munyika youtapwa hwavo.
2. (a) Ndavapi vaporofita vatatu vakanga vakatanhamara mukati mamakore anotambudza ruparadziko rweJerusarema rusati rwaitika? (b) Nenzira ine revo, Ezekieri anotaurwa sei, uye zita rake rinorevei? (c) Ezekieri akaporofita mukati mamakore api, uye chii chinozivikanwa nezveupenyu hwake norufu rwake?
2 Mukati maaya makore anotambudza aitungamirira kuruparadziko rweJerusarema, Jehovha haana kuzvinyima amene kana kuti vaIsraeri mabasa omuporofita. Jeremia akaiswa muJerusarema rimene, Dhanieri akanga ari muimba yamambo weBhabhironi, uye Ezekieri akanga ari muporofita kunhapwa dzechiJudha muBhabhironi. Ezekieri akanga ari zvose zviri zviviri muprista nomuporofita, basa rakafarikanywawo naJeremia uye gare gare naZekaria. (Ezek. 1:3) Mubhuku rake rose anotaurwa kanopfuura ka90 so“mwanakomana womunhu,” pfundo racho rinokosha pakufunda uporofita hwake nemhaka yokuti, muMagwaro echiKristu echiGiriki, Jesu nenzira yakafanana anonongedzerwa kwaari so“Mwanakomana womunhu” kanodokuva ka80. (Ezek. 2:1; Mat. 8:20) Zita rake rokuti Ezekieri (chiHebheru, Yechez·qeʼlʹ) rinoreva kuti “Mwari Anosimbisa.” Maiva mugore rechishanu routapwa hwaJehoiakini, 613 B.C.E., umo Ezekieri akatumwa naJehovha somuporofita. Tinorava nezvake achiri pabasa rake mugore rechi27 routapwa, makore 22 gare gare. (Ezek. 1:1, 2; 29:17) Akanga akaroora, asi mudzimai wake akafa pazuva iro Nebhukadnezari akavamba kukomberedza kwake kwokupedzisira Jerusarema. (24:2, 18) Musi nomutoo worufu rwake amene hazvizivikanwi.
3. Chii chinogona kutaurwa pamusoro pokunyora kwaEzekieri, pamwe chete nokuva romundaza yamanyoro matsvene nouchokwadi zvebhuku raEzekieri?
3 Kuti Ezekieri akanyora chaizvoizvo bhuku rine zita rake uye kuti rine nzvimbo yakarurama mundaza yamanyoro matsvene oRugwaro hakupokanidzwi. Rakabatanidzwa mundaza yamanyoro matsvene muzuva raEzra uye rinooneka mundaza dzenguva dzapakuvamba dzechiKristu, zvikurukuru mundaza yamanyoro matsvene yaOrigen. Uchokwadi hwaro hunopupurirwawo nefanano inokatyamadza pakati pemifananidziro yaro neiyo yaJeremia naZvakazarurwa.—Ezek. 24:2-12—Jer. 1:13-15; Ezek. 23:1-49—Jer. 3:6-11; Ezek. 18:2-4—Jer. 31:29, 30; Ezek. 1:5, 10—Zvak. 4:6, 7; Ezek. 5:17—Zvak. 6:8; Ezek. 9:4—Zvak. 7:3; Ezek. 2:9; 3:1—Zvak. 10:2, 8-10; Ezek. 23:22, 25, 26—Zvak. 17:16; 18:8; Ezek. 27:30, 36—Zvak. 18:9, 17-19; Ezek. 37:27—Zvak. 21:3; Ezek. 48:30-34—Zvak. 21:12, 13; Ezek. 47:1, 7, 12—Zvak. 22:1, 2.
4. Izadzikoi dzinokatyamadza dzakaona uporofita hwaEzekieri?
4 Chimwe chibvumikiso chouchokwadi chinowanwa mukuzadzika kunokatyamadza kwouporofita hwaEzekieri pamusoro pamarudzi aiva pedyo, akadai seTire, Egipita, uye Edhomi. Somuenzaniso, Ezekieri akaporofita kuti Tire raizoparadzwa, uye ikoku kwakazadzikwa murutivi apo Nebhukadnezari akatora guta racho pashure pokukomberedza kwamakore 13. (Ezek. 26:2-21) Uku kurwisana hakuna kureva mugumo wakakwana nokuda kweTire. Zvisinei, rutongeso rwaJehovha rwakanga rwuri rwokuti rinofanira kuparadzwa chose chose. Akanga afanotaura kupfurikidza naEzekieri, kuti: “Ndicharitsvaira guruva raro, riite soruware rusine chinhu. . . . Vachaisa mabwe ako namatanda neguruva rako mukati memvura zhinji.” (26:4, 12) Ikoku kwose kwakazadzikwa makore anopfuura 250 gare gare apo Alexander Mukuru akarwisana neguta rapachitsuwa reTire. Varwi vaAlexander vakakukura masarasara ose eguta rapanyika rakaitwa matongo ndokuakandira mugungwa, vachiita nzira yamamita 800 inoenda kuguta rapachitsuwa. Ipapo, kupfurikidza nebasa rakaoma kunzwisisa rokukomberedza, vakakwira masvingo akareba mamita 46 mukukwirira kuti vatore guta muna 332 B.C.E. Zviuru zvakaurawa, uye vamwe vakawanda vakatengeswa muuranda. Sezvo Ezekieri akanga afanotaurawo, Tire rakava ‘ruware rusine chinhu nechivanze chokunanikira chemimbure.’ (26:14)a Kuno rumwe rutivi rweNyika Yakapikirwa, vaEdhomi vainyengera vakaparadzanywawo, mukuzadzika kwouporofita hwaEzekieri. (25:12, 13; 35:2-9)b Uye, chokwadika, uporofita hwaEzekieri pamusoro pokuparadzwa kweJerusarema nokudzorerwa kwaIsraeri hwakabvumikisawo kuva hwakarurama.—17:12-21; 36:7-14.
5. VaJudha vakaita sei kuuporofita hwapakuvamba hwaEzekieri?
5 Mumakore apakuvamba ebasa rake rouporofita, Ezekieri akazivisa rutongeso rwechokwadi rwaMwari mukurwisana neJerusarema risina kutendeka ndokunyevera nhapwa pamusoro pokunamata zvidhori. (14:1-8; 17:12-21) VaJudha vaiva nhapwa vakanga vasiri kuratidza zviratidzo chaizvoizvo zvorupfidzo. Varume vavo vakanga vakavimbika vakaita muitiro wokubvunza Ezekieri, asi vaisateerera mashoko aibva kuna Jehovha ayo Ezekieri aipa kwavari. Vakapfuurira chaizvo nokunamata kwavo zvidhori nemiitiro yokudisa zvenyika. Kurasikirwa netembere yavo, guta ravo dzvene, uye mutsara wavo wedzinza ramadzimambo kwakaitika sechikatyamadzo chinotyisa, asi kwakamutsira vashomanene bedzi kukuzvininipisa norupfidzo.—Pis. 137:1-9.
6. Uporofita hwapashure hwaEzekieri hunosimbisei, uye kutsveneswa kwezita raJehovha kunosimbiswa sei?
6 Uporofita hwaEzekieri mumakore apashure hwakasimbisa tariro yokudzorerwa. Hwakatsiurawo marudzi aiva vavakidzani vaJudha nokuda kwokufarira kuwa kwaro. Kuninipiswa kwavo vamene, pamwe chete nokudzorerwa kwaIsraeri, zvaizotsvenesa Jehovha pamberi pameso avo. Mukupfupikisa, chinangwa choutapwa nechokudzorerwa chakanga chiri: ‘Imi vanhu, mose muri vaviri vaJudha navamarudzi, muchafanira kuziva kuti ndini Jehovha.’ (Ezek. 39:7, 22) Uku kutsveneswa kwezita raJehovha kunosimbiswa mubhuku rose, imomo muchiva nokuoneka kunopfuura 60 kwokutaura kwokuti: “Imi [kana kuti, ivo] muchafanira kuziva kuti ndini Jehovha.”—6:7, NW, mashoko omuzasi.
ZVIRI MUBHUKU RAEZEKIERI
7. Bhuku raEzekieri rinowira nenzira ine mufungo muzvikamui zvitatu?
7 Bhuku racho rinowira nenzira ine mufungo muzvikamu zvitatu. Chokutanga, maganhuro 1 kusvikira ku24, chine nyevero dzokuparadzwa kwaiva nechokwadi kweJerusarema. Chikamu chechipiri, maganhuro 25 kusvikira ku32, chine uporofita hweshurikidzo kumarudzi anoverengeka echihedheni. Chikamu chokupedzisira, maganhuro 33 kusvikira ku48, chinoumbwa nouporofita hwokudzorerwa, chichiguma nechiono chetembere itsva neguta dzvene. Zvikurukuru, uporofita hwacho hwakarongwa nenzira yokuverengwa kwenguva pamwe chete nenzira yemisoro.
8. Ezekieri anoonei muchiono chake chokutanga?
8 Jehovha anotuma Ezekieri senharirire (1:1–3:27). Muchiono chake chokutanga, muna 613 B.C.E., Ezekieri anoona mhepo yamasimba masimba inobva kuchamhembe, pamwe chete negore guru nomwoto unobvira. Mariri munobuda zvisikwa zvina zvipenyu zvine mapapiro, zvine zviso zvomunhu, shumba, nzombe, uye gondo. Zvine chitarisiko chamazimbe omwoto unopfuta, uye chimwe nechimwe chinoperekedzwa, sokunge zvakadaro, nevhiri riri mukati mevhiri roukwiriri hunotyisa, namakango akazara nameso. Zvinoenda kurutivi rwupi norwupi muchinzwano chakatsiga. Pamusoro pemisoro yezvisikwa zvipenyu pane chakafanana nedenga, uye pamusoro pedenga pane chigaro choumambo apo pane “chitarisiko chakafanana nembiri yaJehovha.”—1:28, NW.
9. Chii chinobatanidzwa mubasa raEzekieri?
9 Jehovha anodana Ezekieri akazvambarara, kuti: “Mwanakomana womunhu, mira.” Ipapo anomutuma somuporofita kuna Israeri uye kumarudzi akapanduka akapoteredza. Hazvinei hazvo kana vachitetekera kana kuti kwete. Zvisinei vachaziva kuti muporofita waShe Jehovha ave ari pakati pavo. Jehovha anoita kuti Ezekieri adye mupumburu webhuku, uyo unova souchi mukuzipa mukanwa make. Anomuudza, kuti: “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri.” (2:1; 3:17) Ezekieri anofanira kupa nyevero nenzira yakatendeka, kana kuti akasadaro achafa.
10. Ezekieri anoenzanisira chiratidzoi kuna Israeri?
10 Kuenzanisira kukomberedzwa kweJerusarema (4:1–7:27). Jehovha anoudza Ezekieri kuti anyore mufananidzo weJerusarema pachitina. Anofanira kuita kurikomberedza kwokunyepedzera sechiratidzo kuna Israeri. Kuti asimbise pfundo racho, anofanira kuvata pamberi pechitina mazuva 390 norutivi rwake rworuboshwe mazuva 40 norutivi rwake rworudyi, achipfuurira kurarama nezvokudya zvishoma zvikuru. Kuti Ezekieri anoita chaizvoizvo chiitiko ichocho kunoratidzirwa nomukumbiro wake unonzwisa tsitsi kuna Jehovha nokuda kwechinjo yehuni dzokubikisa.—4:9-15.
11. (a) Ezekieri anoratidzira sei mugumo une ngwavaira wokukomberedza? (b) Neiko kusati kuchizova neyamuro?
11 Jehovha anoita kuti Ezekieri aratidzire mugumo une ngwavaira wokukomberedza kupfurikidza nokuvevura bvudzi rake nendebvu. Anofanira kupisa chikamu chetatu chairori, achekecheke chetatu nemunondo, uye aparadzire chetatu mumhepo. Nokudaro, pakupera kwokukomberedza, vamwe vavagari veJerusarema vachafa nenzara, nhenda, uye munondo, uye vasara vachaparadzirwa pakati pamarudzi. Jehovha achariita dongo. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokusembura kwokunamata kwaro zvidhori kwakashata nokunonyangadza. Pfuma haisati ichizotenga yamuro. Muzuva rokutsamwa kwaJehovha, vanhu veJerusarema vachakandira sirivha yavo mumigwagwa, “uye ivo vachafanira kuziva kuti ndini Jehovha.”—7:27, NW.
12. Zvinhui zvinonyangadza zvinoonwa naEzekieri muchiono chake cheJerusarema rakaramba kutenda?
12 Chiono chaEzekieri cheJerusarema rakaramba kutenda (8:1–11:25). Zvino ava 612 B.C.E. Muchiono Ezekieri anoendeswa kuJerusarema riri kure, uko anoona zvinhu zvinosembura zviri kuitika mutembere yaJehovha. Muruvazhe, mune chiratidzo chinonyangadza chinonyandurira Jehovha kugodo. Achiboora rusvingo, Ezekieri anowana 70 vavarume vakwegura vachinamata pamberi pemifananidzo yaparusvingo yemhuka dzinosembura nezvidhori zvinosemesa. Vanozvipembedza vamene nokuti: “Jehovha haationi; Jehovha wakabva panyika ino.” (8:12) Pasuo rokuchamhembe, vakadzi vari kuchemera Tamuzi mwari wavahedheni. Asika izvozvo handizvo zvoga! Mukati chaimo momukova wetembere imene, muna varume 25, vakafuratira tembere, vachinamata zuva. Vari kuzvidza Jehovha muchiso chake, uye iye achaita chiito zvirokwazvo muhasha dzake!
13. Murume akapfeka mucheka navarume vatanhatu vane mhonda vanoita mirayiroi?
13 Zvino tarira! Varume vatanhatu vanooneka vane mhonda mumaoko avo. Pakati pavo pane wechinomwe akapfeka mucheka, ane runyanga rweingi rwomunyori. Jehovha anoudza uyu murume akapfeka mucheka kuti apfuure napakati peguta achiisa chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zviri kuitwa mukati maro. Tevere, anoudza varume vatanhatu kupinda ndokuuraya munhu ari wose, “vatana namajaya nemhandara navanana navakadzi,” avo vasina chiratidzo pavari. Vanoita ikoku, vachitanga navatana pamberi peimba. Murume akapfeka mucheka anoshuma, kuti: “Ndaita sezvamakandirayira.”—9:6, 11.
14. Chiono pakupedzisira chinoratidzei pamusoro pembiri yaJehovha norutongeso rwake?
14 Ezekieri anoonazve mbiri yaJehovha, ichibuda pamusoro pamakerubhi. Kerubhi rinobudisa mazimbe omwoto anobva pakati pamavhiri, uye murume akapfeka mucheka anoatora ndokuakushira pamusoro peguta. Kana vari vakaparadzirwa vaIsraeri, Jehovha anovimbisa kuvaunganidzazve ndokuvapa mudzimu mutsva. Asika zvakadiniko naava vanamati vakaipa venhema vari muJerusarema? “Ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo,” anodaro Jehovha. (11:21) Mbiri yaJehovha inoonekwa ichikwira ichibva pamusoro peguta, uye Ezekieri anopfuurira kuudza chiono chacho kuvanhu vakatapwa.
15. Ezekieri anoratidza uchokwadi hwavagari veJerusarema vachienda muutapwa kupfurikidza nomumwe muenzanisoi?
15 Humwe uporofita muBhabhironi pamusoro peJerusarema (12:1–19:14). Ezekieri anova mutambi muchimwe chiitiko chokufananidzira. Mukati mamasikati, anobudisa kunze kweimba yake mukwende wake nokuda kwoutapwa, uye ipapo usiku anopinda napaburi riri parusvingo rweguta chiso chake chakafukidzwa. Anotsanangura ikoku kuva chiratidzo: “Ivo vachatama, vachitapwa.” (12:11) Vaporofita ivavo vari mafuza vanofamba vachitevera mudzimu wavo vamene! Vari kudana, vachiti: “Kune rugare!” apo kunenge kusina rugare. (13:10, NW) Kunyange kudai Noa, Dhanieri, uye Jobho vaiva muJerusarema, vaisagona kununura mweya kunze kwavo vamene.
16. Kusava namaturo kweJerusarema kunofananidzwa sei, asi neiko kuchizova nokudzorerwa?
16 Guta racho rakafanana nomuzambiringa usina maturo. Matanda haana kunaka kuti aite mapango, kwete kunyange mbambo! Wakatsva kumigumo yose iri miviri uye wakabvuraudzwa pakati—hauna maturo. Haiwa Jerusarema rava sei risina kutendeka nerisina maturo! Raberekerwa munyika yevaKanani, rakatorwa naJehovha somwana akasiyiwa. Akarirera ndokupinda naro musungano yeroorano. Akaritsvindisa, “rakakodzera nzvimbo yeimba youmambo.” (16:13, NW) Asi rakava hure, richitendeukira kumarudzi sezvaanopfuura. Rakanamata mifananidzo yawo uye rakapisa vanakomana varo mumwoto. Mugumo waro uchava kuparadzwa namarudzi mamwe chetewa, zvikomba zvaro. Rakaipa zvikuru kupfuura vabiyaro Sodhoma neSamaria. Kunyange zvakadaro, Jehovha, Mwari ane ngoni, achaita yananiso nokuda kwaro ndokuridzorera maererano nesungano yake.
17. Jehovha anoratidzei kupfurikidza nechirabwe chegondo nomuzambiringa?
17 Jehovha anopa muporofita chirabwe dzokonokei orondedzera dudziro. Chinoenzanisira kusava namaturo kwokutendeukira kweJerusarema kuEgipita nokuda kwebetsero. Gondo guru (Nebhukadnezari) rinouya ndokukwadzura musoro (Jehoiakini) womusidhari murefu, rinomuunza kuBhabhironi, uye rinosima munzvimbo yawo muzambiringa (Zedhekia). Muzambiringa unotendeudzira matavi awo kurimwe gondo (Egipita), asi unobudirira here? Unodzurwa nemidzi! Jehovha amene achatora davi nyoro pamusoro pomuti murefu womusidhari ndokurisima pagomo rakakwirira uye refu. Ipapo richakura kuva musidhari mukuru senzvimbo yokugara ye“shiri dzina mapapiro amarudzi ose.” Vose vachafanira kuziva kuti Jehovha akazviita.—17:23, 24.
18. (a) Jehovha anotaura nheyoi mukuranga nhapwa dzechiJudha? (b) Rutongesoi runomirira madzimambo aJudha?
18 Jehovha anotsiura nhapwa dzechiJudha nokuda kwokutaura kwadzo kwechirevo, kunoti: “Madzibaba ndiwo akadya mazambiringa anovava, meno avana ndokubwadzira.” Aiwa, “mweya unotadza—uchafa.” (18:2, 4) Wakarurama ucharamba ari mupenyu. Jehovha haafariri rufu rwowakaipa. Mufaro wake ndewokuona wakaipa achidzoka panzira dzake dzakashata ndokurarama. Kana ari madzimambo aJudha, seshumba duku akateyerwa musungo neEgipita neBhabhironi. Inzwi rawo “rirege kuzonzwika pamakomo aIsraeri.”—19:9.
19. (a) Pamusoro pemamirire ezvinhu edongo, Ezekieri anozivisa tariroi? (b) Anoenzanisira sei kusatendeka kwaIsraeri naJudha nomugumisiro wako?
19 Shurikidzo paJerusarema (20:1–23:49). Nguva yaenda kusvikira ku611 B.C.E. Zvakare vakuru pakati penhapwa vanouya kuna Ezekieri kuzobvunza Jehovha. Zvavanonzwa kurondedzerwazve kwenhau refu yokupanduka nokunamata zvidhori kwakashata kwaIsraeri uye nyevero yokuti Jehovha akarayira munondo kuti uite rutongeso mukurwisana naro. Achaita Jerusarema “matongo, matongo, matongo.” Asi, tariro ine mbiri! Jehovha achachengetera umambo (“korona”) uyo anouya ane “kodzero yapamutemo” uye achahupa kwaari. (21:26, 27, NW) Ezekieri anohwirudzura zvinhu zvinonyangadza zvinoitwa muJerusarema, “guta reropa.” Imba yaIsraeri yakava sa“marara” uye anofanira kuunganidzirwa muJerusarema ndokunyungudutswa semuvira. (22:2, 18) Kusatendeka kweSamaria (Israeri) nokwaJudha kunoenzanisirwa nomukoma nomunun’una. Samaria saOhora anohura navaAsiria uye anoparadzwa navadiwa vake. Judha saOhoribha haadzidzi chifundo asi anotoita zvakaipa zvikuru, achitanga kuhura neAsiria uye tevere neBhabhironi. Achaparadzwa chose chose, “uye imi vanhu muchafanira kuziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.”—23:49, NW.
20. Jerusarema rakakomberedzwa rinofananidzwa nei, uye Jehovha anopa chiratidzoi chine simba pamusoro porutongeso rwake pariri?
20 Kukomberedzwa kwokupedzisira kweJerusarema kunotanga (24:1-27). Ava 609 B.C.E. Jehovha anozivisa kuna Ezekieri kuti mambo weBhabhironi akomberedza Jerusarema pazuva rino rechigumi romwedzi wechigumi. Anoenzanisa guta rine rusvingo negate, vagari varo vakaisvonaka senyama iri mariri. Ripise! Virisa kusachena kwose kwokunamata zvidhori kunonyangadza kweJerusarema! Pazuva rimwe chetero, mudzimai waEzekieri anofa, asi mukuteerera Jehovha, muporofita haachemi. Ichi chiratidzo chokuti vanhu vanofanira kusachema ruparadziko rweJerusarema, nokuti rutongeso runobva kuna Jehovha, kuti vagoziva uyo iye ari. Jehovha achatuma mupukunyuki kuzozivisa nezveruparadziko rwe“chinhu chakanaka chomufaro wavo,” uye kutozosvikira asvika, Ezekieri anofanira kusataurazve kunhapwa.—24:25, NW.
21. Marudzi achafanira kuziva sei Jehovha namatsive ake?
21 Uporofita pamarudzi (25:1–32:32). Jehovha anofanoona kuti marudzi akapoteredza achafarira kuwa kweJerusarema ndokukushandisa somukana wokuisa ruzvidzo pana Mwari waJudha. Haangaregwi asingarangwi! Amoni achapiwa kuvokuMabvazuva, uye Moabhi achanzarwowo. Edhomi achava nzvimbo yakaitwa dongo, uye mabasa makuru amatsive achaitirwa vaFiristia. Iwo ose, Jehovha anoti, “achafanira kuziva kuti ndini Jehovha apo ndinounza matsive angu paari.”—25:17, NW.
22. Tire rinowana kududzwai chaiko, uye Jehovha achatsveneswa sei pamusoro peSidhoni?
22 Tire rinogamuchira kududzwa chaiko. Richidada nenhengeseranwa yaro inobudirira, rakafanana nengarava yakanaka pakati pamakungwa, asi nokukurumidza richava raputsanyika makadzika memvura. “Ndiri mwari,” anoganza kudaro mutungamiriri waro. (28:9) Jehovha anoita kuti muporofita wake aendese mariro pamusoro pamambo weTire: Sekerubhi rakaisvonaka rakazodzwa, ave ari muEdheni, bindu raMwari; asi Jehovha achamubudisa mugomo Rake serisina kuchena, uye richaparadzwa nomwoto unobva mukati maro. Jehovha anoti Iye achatsveneswa kupfurikidza nokuunza ruparadziko paSidhoni rinotuka.
23. Egipita ichafanira kuzivei, uye ikoku kuchaitika sei?
23 Jehovha zvino anoudza Ezekieri kurinzira chiso chake paEgipita naFarao wayo uye kuporofita mukurwisana navo. “Rwizi rwangu [rwaNairi, NW] ndorwangu, ndakazviitira irwo,” anoganza kudaro Farao. (29:3) Farao, uye vaEgipita vanodavira maari, vachafanirawo kuziva kuti Jehovha ndiMwari, uye chifundo chichaunzwa kupfurikidza nokuitwa dongo kwamakore 40. Ezekieri pano anowedzera mamwe mashoko akaziviswa chaizvoizvo kwaari gare gare, muna 591 B.C.E. Jehovha achapa Egipita kuna Nebhukadnezari somuripo nokuda kwebasa rake mukupedza simba Tire. (Nebhukadnezari akatora zvipambwa zvishomanene zvikuru paTire, sezvo vaTire vakapukunyuka nepfuma yavo zhinjisa vachienda kuguta ravo rapachitsuwa.) Mumariro, Ezekieri anozivisa kuti Nebhukadnezari achapamba rudado rweEgipita, uye “vachafanira kuziva kuti ndini Jehovha.”—32:15, NW.
24. (a) Ndoupi uri mutoro waEzekieri senharirire? (b) Pakunzwa mashoko ekuwa kweJerusarema, Ezekieri anozivisa mashokoi kunhapwa? (c) Chipikirwai chechikomborero chinosimbiswa muganhuro 34?
24 Nharirire kunhapwa; kudzorerwa kunofanotaurwa (33:1–37:28). Jehovha anohwirudzura naEzekieri mutoro wake senharirire. Vanhu vari kuti: “Nzira ya[Jehovha, NW] haina kururama.” Naizvozvo Ezekieri anofanira kukujekesa kwavari kuti ivo havana kururama sei. (33:17) Asi zvino ava 607 B.C.E., zuva rechishanu romwedzi wechigumi.c Mupukunyuki anosvika achibva Jerusarema kuzoudza muporofita, kuti: “Guta rakundwa.” (33:21) Ezekieri, zvino asunungukazve kuti ataure kunhapwa, anodziudza kuti mifungo ipi neipi yadzinayo yokununura Judha haina maturo. Kunyange zvazvo vachiuya kuna Ezekieri kuzonzwa shoko raJehovha, iye kwavari akangofanana zvake nomuimbi wenziyo dzorudo, somunhu ane inzwi rakanaka rinoridzwa zvakanaka nembira. Havateereri. Zvisinei, apo kunozadzika, vachaziva havo kuti muporofita ave ari pakati pavo. Ezekieri anotsiura vafudzi venhema vakasiya boka kuti vazvidyise vamene. Jehovha, Mufudzi Akakwana, achaunganidza makwai akapararira ndokuaunza kumafuro akasvibira pamakomo aIsraeri. Ikoko achaamutsira mufudzi mumwe, ‘kunyange mubatiri wake Dhavhidhi.’ (34:23) Jehovha amene achava Mwari wavo. Achaita sungano yorugare ndokudururira pavari mvura dzechikomborero.
25. (a) Jehovha achaita nyika yakafanana neEdheni nei uye sei? (b) Chii chinoenzanisirwa nechiono chamafupa akaoma? neicho chamatanda maviri?
25 Ezekieri anoporofitazve kuitwa dongo kweGomo reSeiri (Edhomi). Zvisinei, nzvimbo dzakaparadzanywa dzaIsraeri dzichavakwazve, nokuti Jehovha achanzwira tsitsi zita rake dzvene, kuti aritsvenese pamberi pamarudzi. Achapa vanhu vake mwoyo mutsva uye mudzimu mutsva, uye nyika yavo ichavazve “yakafanana nebindu reEdheni.” (36:35, NW) Ezekieri zvino anoona chiono chaIsraeri anomirirwa somupata wamafupa akaoma. Ezekieri anoporofita pamusoro pamafupa. Nenzira inoshamisa anovamba kuva nenyama, chifemo, uye upenyu zvakare. Saizvozvo Jehovha achazarura nzvimbo dzokuvigira dzoutapwa muBhabhironi ndokudzorera Israeri kunyika yake zvakare. Ezekieri anotora matanda maviri anomirira imba mbiri dzaIsraeri, Judha naEfraimi. Muruoko rwake anova rutanda rumwe. Nokudaro, apo Jehovha anodzorera Israeri, vachabatana musungano yorugare mukutungamirira kwomubatiri wake “Dhavhidhi.”—37:24.
26. Neiko Gogi waMagogi achidenha, uye nomugumisiroi?
26 Kudenha kunoitwa naGogi waMagogi pana Israeri akadzorerwa (38:1–39:29). Ipapo kuchasvika vhozhokero inobva kurutivi rutsva! Achikweverwa kudenho kupfurikidza norugare norubudiriro zvinonyemudza zvavanhu vakadzorerwa vaJehovha, Gogi waMagogi achaita denho yake youpengo. Achamhanyira kundovakurira. Pana ikoku, Jehovha achasimuka nehasha dzake huru. Acharwisanisa munondo womunhu mumwe nomumwe nehama yake ndokuunza pavari nhenda neropa nedzvotsvomo rinofashamira rezvimvuramabwe, mwoto, uye safure. Vachawa vachiziva kuti Jehovha ndiye “Mutsvene muna Israeri.” (39:7, NW) Vanhu vake ipapo vachabvirisa mwoto nemidziyo yehondo yakavhunwa yavavengi ndokuviga mafupa mu“Mupata weBoka raGogi.” (39:11, NW) Shiri nezvikara zvinodya mitumbi zvichadya nyama yaavo vakaurawa ndokunwa ropa ravo. Kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi Israeri achagara muchengeteko, pasina munhu anovadederesa, uye Jehovha achadururira mudzimu wake pavari.
27. Ezekieri anoonei mushanyo yechiono kunyika yaIsraeri, uye mbiri yaMwari inooneka sei?
27 Chiono chaEzekieri chetembere (40:1–48:35). Tinosvika kugore ra539 B.C.E. Igore rechi14 kubvira paruparadziko rwetembere yaSoromoni, uye vapfidzi vari pakati penhapwa vanoda kurudziro netariro. Jehovha anoendesa Ezekieri muchiono kunyika yaIsraeri ndokumuisa pagomo refu zvikuru. Pano, muchiono, anoona tembere ne“chivako cheguta kumaodzanyemba.” Ngirozi inomurayiridza, kuti: “Udza imba yaIsraeri chinhu chiri chose chauri kuona.” (40:2, 4, NW) Ipapo inoratidza Ezekieri udzame hwose hwetembere nevazhe dzayo, ichiyera masvingo, masuo, kamuri dzavarindi, kamuri dzokudyira, uye tembere imene, neNzvimbo yayo Tsvene Netsvene-tsvene. Inoendesa Ezekieri kusuo rokumabvazuva. “Zvino tarira, kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakabva kurutivi rwamabvazuva; inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji; pasi pakapenya nokubwinya kwake.” (43:2) Ngirozi inorayiridza Ezekieri zvizere pamusoro peImba (kana kuti tembere); atari nezvibayiro zvayo; kodzero namabasa zvavaprista, vaRevhi, uye machinda; uye kugoviwa kwenyika.
28. Chiono chaEzekieri chinoratidzei pamusoro porukova runobuda muImba, uye chii chinoziviswa pamusoro peguta nezita raro?
28 Ngirozi inodzorera Ezekieri kumukova weImba, apo muporofita anoona mvura ichibuda muchikumbaridzo cheImba kumabvazuva, kurutivi rwokumaodzanyemba kweatari. Inovamba iri shomanene asi inowanda zvikuru kutozosvikira yava rukova. Ipapo inoyerera ichipinda muGungwa Rakafa, umo hove dzinova mhenyu uye basa rokuredza rinotanga. Parutivi rumwe norumwe rworukova, miti inogovera zvokudya nokuporesa vanhu. Chiono ipapo chinopa nhaka dzamarudzi 12, chisingafuratiri mugari wokumwe nomuchinda, uye chinorondedzera guta dzvene riri kumaomadzanyemba, namasuo aro 12 akatumidzwa zita ramarudzi. Guta rinofanira kudanwa nezita rine mbiri zvikurusa, kuti: “Jehovha Amene Aripo.”—48:35, NW.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
29. Nhapwa dzechiJudha dzakabetserwa munzirai nouporofita hwaEzekieri?
29 Zviziviso, zviono, uye zvipikirwa izvo Jehovha akapa kuna Ezekieri zvose zvakarondedzerwa nenzira yokutendeka kuvaJudha vaiva muutapwa. Nepo vakawanda vakaseka uye vakanyomba muporofita wacho, vamwe vakadavira. Ivava vakabetserwa zvikuru kwazvo. Vakasimbiswa nezvipikirwa zvokudzorerwa. Kusafanana namamwe marudzi akapinzwa muutapwa, vakachengeta kuzivikanwa kwavo kworudzi, uye Jehovha akadzorera vakasarira, sezvo iye akafanotaura, muna 537 B.C.E. (Ezek. 28:25, 26; 39:21-28; Ezra 2:1; 3:1) Vakavakazve imba yaJehovha ndokuvandudza kunamata kwechokwadi imomo.
30. Inheyoi dzinooneswa mubhuku raEzekieri dzinokosha kwatiri nhasi?
30 Nheyo dzinooneswa mubhuku raEzekieri dzinokoshawo kwatiri nhasi. Kuramba kutenda nokunamata zvidhori, pamwe chete nokupanduka, zvinogona bedzi kutungamirira kukusadiwa naJehovha. (Ezek. 6:1-7; 12:2-4, 11-16) Mumwe nomumwe achazvipindurira chivi chake amene, asi Jehovha achakanganwira munhu anodzoka achibva panzira yake isina kururama. Munhu iyeyo achanzwirwa ngoni uye acharamba achirarama. (18:20-22) Vabatiri vaMwari vanofanira kuva nharirire dzakatendeka saEzekieri, kunyange mumigove yakaoma uye mukunyombwa nokuzvidzwa. Hatifaniri kurega vakaipa vachifa vasina kunyeverwa, ropa ravo riri pamisoro yedu. (3:17; 33:1-9) Vafudzi vavanhu vaMwari vane mutoro mukuru wokutarisira boka.—34:2-10.
31. Uporofitai hwaEzekieri hunofanotaura kuuya kwaMesiya?
31 Hwakatanhamara mubhuku raEzekieri uporofita pamusoro paMesiya. Anonongedzerwa kwaari souyo “ane kodzero yapamutemo” kuchigaro choumambo chaDhavhidhi uye uyo anofanira kuchipiwa. Munzvimbo mbiri iye anotaurwa nezvake so“mubatiri wangu Dhavhidhi,” uyewo so“mufudzi,” “mambo,” uye “muchinda.” (21:27, NW; 34:23, 24; 37:24, 25) Sezvo Dhavhidhi akanga anguve afa, Ezekieri akanga achitaura nezveUyo aizova zvose zviri zviviri Mwanakomana naIshe waDhavhidhi. (Pis. 110:1; Mat. 22:42-45) Ezekieri, saIsaya, anotaura nezvekusimwa kwedavi nyoro richaiswa pakakwirira naJehovha.—Ezek. 17:22-24; Isa. 11:1-3.
32. Chiono chetembere chaEzekieri chinoenzana sei nechiono chebhuku raZvakazarurwa che“guta dzvene”?
32 Kunofadza kuenzanisa chiono chetembere chaEzekieri nechiono chebhuku raZvakazarurwa che“guta dzvene Jerusarema.” (Zvak. 21:10) Pane misiyano inofanira kucherekedzwa; somuenzaniso, tembere yaEzekieri yakaparadzana uye iri kuchamhembe kweguta, nepo Jehovha amene ari tembere yeguta rebhuku raZvakazarurwa. Muchiitiko chimwe nechimwe, zvisinei, mune kuyerera kworukova rwoupenyu, kune miti inobereka mwedzi nomwedzi zvibereko zvemichero namashizha zvokuporesa, uye pane kuvapo kwembiri yaJehovha. Chiono chimwe nechimwe chinoita betsero yacho kukunzwisiswa kwoumambo hwaJehovha negadziriro yake yoruponeso nokuda kwaavo vanomuitira basa rinoyera.—Ezek. 43:4, 5—Zvak. 21:11; Ezek. 47:1, 8, 9, 12—Zvak. 22:1-3.
33. Ezekieri anosimbisei, uye chii chichava mugumisiro kuna avo zvino vanotsvenesa Jehovha muupenyu hwavo?
33 Bhuku raEzekieri rinosimbisa kuti Jehovha mutsvene. Rinozivisa kuti kutsveneswa kwezita raJehovha kunokosha zvikuru kupinda chimwe chinhu chipi nechipiwo zvacho. “‘Zvirokwazvo ndichaita kuti zita rangu rive dzvene, . . . uye marudzi achafanira kuziva kuti ndini Jehovha,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.” Sezvo uporofita hwacho hunoratidza, iye achatsvenesa zita rake kupfurikidza nokuparadza vashatisi vose vezita iroro, kubatanidza Gogi waMagogi. Vakangwara ndaavo vose zvino vanotsvenesa Jehovha muupenyu hwavo kupfurikidza nokusvitsa zvinodikanwa zvake zvokunamata kunogamuchirika. Ivava vachawana kuporeswa noupenyu husingagumi kupfurikidza norukova runoyerera ruchibuda mutembere yake. Rinopfuura mumbiri uye risingaenzaniswi murunako ndiro guta rinonzi “Jehovha Amene Aripo”!—Ezek. 36:23, NW; 38:16; 48:35, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Insight on the Scriptures, Vhor. 2, mapeji 531, 1136.
b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 681-2.
c Nepo rugwaro rweMasorete rwuchitaura kuti mupukunyuki akasvika achibva Jerusarema mugore rechi12, mamwe manyoro anorava kuti “gore rechigumi nerimwe,” uye rugwaro rwunoshandurwa kudaro naLamsa naMoffatt pamwe chete neAn American Translation.