Rambai Muchiparidzira Umambo
“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW.
1, 2. (a) Nderipi riri basa rinokosha zvikurusa rezana rino ramakore, uye iro riri kuitwa kusvikira patambanukoi? (b) Hufakazii huripo hwechikomborero chaJehovha pairi basa?
KUPARIDZIRA mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ibasa rinokosha zvikurusa romuzana rino ramakore. Iro ndiro iro Mwari Wamasimba ose anoda kuti riitwe zvino, uye riri kuitwa muzadziko yeShoko rake rouporofita. Kuita kwako kwariri kuchatapura nguva yako yemberi isingagumi.—1 VaKorinte 9:16, 23.
2 Kunofadza kuona kuti chiverengero chiri kuva negoverano muiri basa rokuparidzira chinopfuurira kuwedzera, zvino navanopfuura mamirioni matatu vanotora rutivi. Zviverengero zvikuru zvikuru kupfuura nakare kwose zviri kupinda muushumiri hwenguva yakazara. Uye vamwe vanhu vanofarira vazhinji vari kubvuma fundo yeBhaibheri nokushandisa nhamburiko yokudzidza kuita kuda kwaMwari.
3. Chii chingataura vamwe pamsoro pokudikanwa kwokupfuurira nokuparidzirwa kwamashoko akanaka?
3 Padzimwe nguva, zvisinei, vamwe vanga“rega mukuita chiri chakaisvonaka” uye “kuneta” kana toreva nezvebasa rokuparidzira. (VaGaratia 6:9; VaHebheru 12:3, NW) Ivo vangataura kuti mashoko akanaka akatoparidzirwa zvikuru mundima yavo uye kuti vanhu vakasarudza uye zvino vanoshatiriswa patinoshanyira misha yavo. Avo vanoita basa rokuparidzira imomo vanowana miuyo mishomanene zvikuru kana kuti kusatongoiwana. Naizvozvo, ivo vanorangarira, zvichida kuti basa rapedzwa zvikuru, uye hakuna dikanwo yokupfuurira. Chii chakaipa neiyi nzira yokufunga?
Kupfuurirei?
4. Chii chinofanira kutisunda kuramba tichiparidzira kunyange mundima umo kugamuchira kwakashata?
4 Kutanga, kutsungirira kwedu nenzira yokutendeka mubasa rokuparidzira hakufaniri kutsamira pakuti vanhu vanoteerera here kana kuti kwete. Jeremia akaparidzira kwamakore 40 muJerusarema kunyange zvazvo vashomanene zvikuru vakateerera uye vazhinji vakamushora namasimba masimba. Neiko iye akapfuurira? Nemhaka yokuti akanga achiita basa iro Jehovha akanga araira uye nemhaka yokuti zivo yake youporofita yezvakanga zvichizoitika kuJerusarema yakamumanikidzira kuramba achitaura. (Jeremia 1:17-19) Iye akati: “Ipapo mumwoyo mangu mava somwoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.” (Jeremia 20:7-10) Mugariro wedu wakafanana. NdiJehovha, kupfurikidza naJesu Kristu, uyo akaraira kuti “mashoko akanaka” anofanira kuparidzirwa mupasi rose rinogarwa. (Mateo 24:14, NW) Apo vanhu vanoramba kuteerera, ikoku kunotipa banza rokuratidza hukuru hworudo rwedu nokuzvipira kuna Jehovha kupfurikidza nokupfuurira kuita chiri chakarurama. (1 Johane 5:3) Kunze kwezvo, patinofungisisa pamsoro peizvo nguva yemberi iri pedyo yakachengetera rudzi romunhu, tinogona sei kuzvidzivisa timene kuedza kunyevera vavakidzani vedu?—2 Timotio 4:2.
5. (a) Tinofanira kutsungirira mubasa rokuparidzira nokuda kwechimwei chikonzero? (b) Basa rokuparidzira hwaro sei hworutongeso?
5 Uyezve, kuparidzira kwaJeremia kwakanga kuri chaizvoizvo basa rorutongeso. Muna 607 P.N.V., hapana nomumwe waavo vakatambura rufu kana kuti kuiswa muuranda apo Jerusarema rakawa aigona kutaura kuti ivo havana kuziva chikonzero nei ikoku kwakanga kuchiitika kwavari. Kwamakore 40 pamberi pezvi, Jeremia akanga ave achivanyevera nezvomuuyo wakadaro chaizvoizvo kana vakapfuurira kupandukira Jehovha. (Enzanisa naEzekieri 2:5.) Nenzira yakafanana nhasi, kuparidzirwa kwamashoko akanaka so“uchapupu kumarudzi ose” hwaro hworutongeso. Muapostora Pauro anojekesa ikoku paanotaura kuti Kristu Jesu achaunza matsive pa“avo vasingazivi Mwari naavo vasingateereri mashoko akanaka pamsoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:8, 9, NW) Vanhu vachatongwa nokuita kwavo kumashoko akanaka. Nokudaro, basa rokuparidzira rinofanira kupfuurira zvinonzwika nezvakajeka kusvika kumugumo chaiko. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Hapana chinhu chinofanira kudzivisa iri shoko rinokosha kuunzwa kuvanhu kazhinji sakanobvira. Ikoku kunoisa mutoro mukuru pavose vavabatiri vakazvitsaurira vaJehovha.
6. Kunyange zvazvo shoko redu ringazivikanwa zvikuru, neiko tichidikanirwa kuramba tichiparidzira?
6 Chokwadi, tingave takatoparidzira mashoko akanaka zvikuru chose munharaunda medu. Asi kune zvinhu zvakawanda kwazvo zviri kuitika munyika zvokuti kunyange zvazvo vanhu vazhinji vakanzwa shoko redu, ivo vaizokurumidza kurikanganwa kana tikarega kuparidzira. Funga nezvokumukira, mabasa amagandanga, kuramba kuenda kubasa, utsotsi, uye zvimwe zvinoitika zvinoziviswa zvikuru. Ipapo kune zvimiro zvakawanda zvevaraidzo yakakurumbira nezvimwe zvinotsausa. Tinofanira kupfuurira kuparidzira kuti tichengete shoko redu riri pamberi pavanhu pasinei zvapo neizvi zvimwe zvose zvinoda ngwariro yavo.
7. Kuita kwavazhinji nhasi kwakafanana sei nouko kwavaIsraeri kukuporofita kwaIsaya, asi neiko ikoku kusingafaniri kutidzivisa kuparidzira?
7 Apo vazhinji vanoedza kutifuratira, tinofanira kuyeuka rudzi rwavanhu muporofita Isaya aifanira kuparidzira kwavari. Jehovha akamuudza, kuti: “Nokuti ava rudzi runondimukira, vana vane nhema, vana vasingadi kunzwa murairo waJehovha; vanoti kuvaoni: ‘Musaona;’ nokuvaporofita: ‘Musatiporofitira zvinhu zvakarurama, tiudzei zvinofadza, tiporofitere zvinonyengera; ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai mutsvene waIsraeri pamberi pedu.’” Kunyanguvezvo, Isaya nenzira yokutendeka akaudza vanhu, kuti: “Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira.” (Isaya 30:9-11, 18) Tinofanira kuita zvimwe chetezvo. Chero bedzi tinopfuurira, shoko redu richapinda kusvikira pamwero wakati. Vamwe vachateerera uye vamwe havasati. Asi vose vachava nebanza rokunzwa.
‘Vachanzwa Seiko?’
8. Kunyange zvazvo vanhu vangaratidzika kuva vanorwisana nezvokwadi, zvinhui zvingachinja ndangariro dzavo?
8 Zvichida tinorangarira kuti vanhu vari mundima yakati vakatora chimiro chakati uye vakatsunga kuramba shoko redu kana kuti kunyange kurishora. Asi yeuka, mugariro muupenyu hwavanhu unochinja nguva dzose. Ivo vangatarisana nezvinetso zvitsva kana kuti migariro mangwana, vhiki rinotevera kana kuti mwedzi unotevera iyo ichavaita kuti vagamuchire zvokwadi. Ivo vanganzwa nezvezvinoitika zvinokangaidza munyika kana kuti zvichida kutambura zvinetso zvemari, chirwere, kana kuti rufu mumhuri. Zvinhu zvakadaro zvingavaparira kumuka ndokuda kudzidza chikonzero chenhamo yavo. Kana tikaramba tichiparidzira, vachaziva kwokutendeukira.
9. Basa redu rokuparidzira ringaenzaniswa sei neiro ravashandi vokununura munharaunda ine ngwavaira?
9 Mugariro wedu ungaenzaniswa nouyo wavashandi vanonunura vari munharaunda yengwavaira, zvakadai sapashure pokudengenyeka kwapasi. Vamwe vangave vachishanda munharaunda yakati uko vapukunyuki vashomanene vakawanwa, asi idi rokuti vashandi biyawo vakanga vachiwana vamwe vapukunyuki muimwe nharaunda ringasavaparira kuderera ndokurega. Panzvimbo pezvo, vashandi vose vanonunura vanotsungirira nokusaneta kunyange pavanonzwa kuti kungasava navamwe vapukunyuki vari muchikamu chavo chagoverwa. Uye, ipapo, pane dzimwe nguva ivo vanowanazve mumwe mupukunyuki. Kutsvaka kunoregwa bedzi apo nguva yapfuura inozivisa kuti hakusisina imwe tariro. Eya, kutsvaka kwedu hakusati kwamiswa, uye tichiri kuwana zviuru pamsoro pezviuru vanoda kununurwa munyika ino yekare ndokupukunyuka “dambudziko guru.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW) Kunyange munharaunda dzakashandwa zvakakwana uye umo vanhu vazhinjisa vasingagamuchiri, muchine miuyo. Uye pane zvikonzero zvokuwedzera zvokupfuurira kuparidzira.
10. Vanhu vachaziva bedzi sei kwokutendeukira kana vachida kutsvaka zvokwadi, mukuwirirana naVaRoma 10:13, 14?
10 Vanhu vanoda kuyeuchidzwa nguva dzose kuti “aninaani unodana pazita ra[Jehovha], uchaponeswa.” Zvisinei, sezvo Pauro anopfuurira mutsamba yake kuvaRoma, “zvino vachagodana seiko, kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?” (VaRoma 10:13, 14) Aya mashoko anofanira kuroverera pamumwe nomumwe wedu kudikanwa kwokupfuurira kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.
11. Mutoroi watinawo kuvaduku vari kukura kuva vakuru?
11 Sezvo nguva yomugumo yakapfuurira, vana vakaberekwa ndokukura kuva vakuru kana kuti kusvika pazera rokuva nomutoro. Kazhinji kazhinji ava vanhu vaduku havana kupa ngwariro ipi neipi kuzvokwadi. Vabereki vavo vangave vakaramba shoko uye kunyange kurishora. Asi zvino idzi pwere dzakura zvakakwana kufunga zvakakomba nokuda kwadzo dzimene pamsoro pemigariro yenyika, pamsoro penguva yemberi, uye pamsoro pedonzo radzo muupenyu. Idzo dzinodawo kudana pazita raJehovha kana dzichizoponeswa. Asi “. . . vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa?” (VaRoma 10:14) Muzvinoitika zvakawanda ava vechiduku navakuru vaduku vanogamuchira zvokwadi, naizvozvo tinofanira kuvatsvaka ndokuparidzira kwavari.
12. Kupfuurira kwedu nebasa rokuparidzira kunoumba sei kuratidzirwa kwengoni dzaJehovha?
12 Idi rokuti nzira ichiri yakazaruka nokuda kwokuparidzira iratidziro yengoni dzaJehovha. Muapostora Petro anonyora, achiti: “[Jehovha] haanonoki kuita sezvaakapika, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunononoka; asi uno mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke. Mwoyo murefu waShe wedu ruponeso.” (2 Petro 3:9, 15) Chishuvo chaJehovha chokuti marudzi ose avanhu aponeswe chinoratidzirwa kwete bedzi kupfurikidza nokubvumira kwake nenzira yokushivirira nguva asati aita rutongeso asiwo kupfurikidza nokukumbira kwake nguva dzose vanhu kutendeukira kwaari ndokuponeswa. (1 Timotio 2:4) Sezvatinopfuurira kuparidzira mashoko akanaka, tinosimbisa ngoni dzaMwari, uye neiyi nzira tinomurumbidza.
Kudzivisa Mhaka Yeropa
13, 14. (a) Basa redu rokuparidzira rinogona sei kuenzaniswa nebasa renharirire, sezvinodudzwa muuporofita hwaEzekieri? (b) Neiko Pauro aigona kutaura kuti iye akanga “akachena paropa ravanhu vose,” uye Zvapupu zvaJehovha zvinogona bedzi kutaura ikoku sei?
13 Mutoro weZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha wokunyevera vanhu nezvorutongeso rwuri kuuya rwaMwari unogona kuenzaniswa nouyo waEzekieri munguva yake. Iye akagadzwa kuva nharirire kuimba yaIsraeri. Mugove wake wakanga uri wokunyevera vaIsraeri kuti kuuraya kwakanga kuchiuya kwavari kana vasina kubva panzira dzavo dzakashata. Kudai iye senharirire, akakundikana kuzivisa nyevero, kuuraya kwaizongouya pavanhu vakaipa, asi ropa ravo raizova pamusoro penharirire inoregeredza. Muna ikoku Jehovha anoratidza chimiro chake kurutongeso rwokuuraya: “Handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsraeri?”—Ezekieri 33:1-11.
14 Muapostora Pauro akabvuma mutoro wake senharirire, achitaura kuvakuru vakabva Efeso, kuti: “Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose.” Neiko aigona kutaura izvozvo? Iye anopfuurira kuti: “Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.” (Mabasa 20:26, 27) Ndozvakwakaita neboka renharirire nhasi, vakasarira vavateveri vakazodzwa vaJesu Kristu. Vose ivava, pamwe chete navanopfuura mamirioni matatu veshamwari dzavo avo vane tariro yokupukunyuka mugumo wetsika ino yezvinhu nokugamuchira upenyu husingaperi pasi pano, vanofanira kusatongoneta kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nokunyevera nezvokuitwa kuri kuuya kworutongeso rwake. Neiyi nzira ivo vanodzivisa mhaka yeropa.
15. Mukuwirirana naEzekieri ganhuro 9, ndiani akaiswa chiratidzo, uye ndiani akaisa chiratidzo?
15 Basa rokuparidzira nhasi rinorondedzerwa nenzira youporofita muna Ezekieri ganhuro 9. Muno, chirango chaJehovha chakasarudzwa nokuda kweguta reJerusarema. Pamberi pokuitwa kworutongeso irworwo, mumwe murume akapfeka mucheka uye ane runyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake anoudzwa kupfuura nomuguta ndokuisa chiratidzo pahuma dzaavo vose vanogomera pamsoro pezvinhu zvinonyangadza zvinoitwamo. Apo iri basa rokuisa chiratidzo rinopedzwa, vose vari muguta kunze kwaavo vakaiswa chiratidzo nokuda kworupukunyuko vaizourawa. Pamugumo unobudirira webasa rake rokuisa chiratidzo, murume wacho akashuma, kuti: “Ndaita sezvamakandiraira.” (Ezekieri 9:11) Iye akaita nenzira yokutendeka mugove wake kusvikira pamugumo.
16. (a) Murume akapfeka mucheka anofananidzira ani nhasi? (b) Nhau yokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha inotisunda sei kupfuurira kuparidzira?
16 Murume akapfeka mucheka anofananidzira vakasarira vakazodzwa vavateveri vaKristu, uye ivo vanokumbanirwa ne“boka guru” ra“mamwe makwai.” Nhau huru nhasi, somunguva yaEzekieri, kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha. Pamsoro pomugumo weiyi tsika yakaipa yazvino yezvinhu pahondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose, Jehovha anoti: “Uye marudzi achafanira kuziva kuti ndini Jehovha.” (Zvakazarurwa 7:9; Johane 10:16; Ezekieri 39:7, NW) Kuti marudzi azive ikoku, kunokosha kuti vabatiri vaJehovha vari pasi pano vapfuurire kuparidzira zita rake nedonzo souchapupu kumarudzi ose.
17, 18. (a) Kupfuurira kwedu kuparidzira kunotibetsera sei kuramba takarinda? (b) Tose zvedu tinoda kuita mushumoi kuna Jehovha apo iye anosvitsa basa rokuparidzira kumugumo waro, uye tinogona bedzi sei kuita ikoku?
17 Kupfurikidza nokuramba tichiparidzira mashoko akanaka oUmambo, tinochengeta ngwariro yedu timene. Tinoramba tichiziva nezvoukoshi hwezita raJehovha nedonzo. Kana tikaneta, tariro yedu yoUmambo ingagona kuneta, uye tingagona kutorwa “nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko.” (Ruka 8:14) Kupfurikidza nokupfuurira nenzira yokushingaira mukuzivisa “mashoko akanaka,” tinotevera nokutendeka mirairo yatenzi wedu, Jesu Kristu: “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti: Rindai.”—Marko 13:10, 33, 37.
18 Tose zvedu, ipapoka, ngatipfuurirei mukutsvaka “avo vanogomera” chero bedzi Jehovha achibvumidza nguva yako. Tose zvedu, tingave tiri vavakasarira vakazodzwa kana kuti va“mamwe makwai,” ngative vakatendeka mukuita mugove wedu wokuparidza mashoko akanaka oUmambo mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose. (Mateo 24:14) Apo Jehovha amene anosvitsa iri basa pamugumo waro kupfurikidza nokuvamba dambudziko guru, mumwe nomumwe wedu ngaakwanise kuti kuna Jehovha, ‘Taita seizvo makaraira.’
Unoyeuka Here?
◻ Chii chinoratidzira miuyo pamsoro pokuparidzira kwedu?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero nei tichifanira kupfuurira kuparidzira?
◻ Kuparidzira kwedu iratidzirwo sei yengoni dzaJehovha?
◻ Tinogona sei kuramba takachena paropa ravanhu vose?
◻ Kuparidzira kwedu kunotibetsera sei kuramba takarinda?
[Chati iri papeji 28]
MIUYO YOKUPARIDZIRA MUMAKORE MANOMWE
Chiverengero Vakapinda Chiverengero
Chakabhapatidzwa Chirangaridzo cheFundo dzeBhaibheri
1981 119 836 5 987 893 1 475 177
1982 138 540 6 252 787 1 586 293
1983 161 896 6 767 707 1 797 112
1984 179 421 7 416 974 2 047 113
1985 189 800 7 792 109 2 379 146
1986 225 868 8 160 579 2 726 252
1987 230 843 8 965 221 3 005 048