-
“Muchava Vapenyu”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
9. Zvii zvakaitika kurudzi rwevaIsraeri zvakaitikawo kuna “Israeri waMwari”?
9 Uprofita hwekudzorerwa kwevaIsraeri kunyika kwavo, hwakadai sehwakataurwa naEzekieri, hune kumwe kuzadziswa kukuru. (Mab. 3:21) Sezvakangoitikawo kurudzi rwevaIsraeri, urwo rwakaita serwaurayiwa rukaramba rwakadaro kwenguva yakareba, ungano yevaKristu vakazodzwa, iyo inonzi “Israeri waMwari,” yakaitawo seyaurayiwa ikagara muutapwa hwakaita serufu kwenguva yakareba. (VaG. 6:16) Utapwa hweungano yese yevaKristu vakazodzwa hwakatora nguva yakareba zvekuti yaigona kufananidzwa nemapfupa “akaoma chaizvo.” (Ezek. 37:2) Sezvakatsanangurwa muchitsauko chapfuura, utapwa hwevaKristu vakazodzwa hwakatanga pashure pegore ra100 C.E. uye hwakagara kwemazana emakore, sezvakanga zvaratidzwa naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora.—Mat. 13:24-30.
-
-
“Muchava Vapenyu”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
a Mapfupa akaonekwa naEzekieri muchiratidzo aisava mapfupa evanhu vakangofawo vega, asi vanhu “vakaurayiwa.” (Ezek. 37:9) “Imba yaIsraeri yese” yakaita seyaurayiwa, vaAsiriya pavakakurira ndokutapa vagari vemuumambo hwemadzinza gumi evaIsraeri, uye vaBhabhironi vachibva vazokurirawo vagari vemuumambo hwemadzinza maviri aJudha ndokuvatapa.
-