Jehovha—“Munhu Wokurwa”
MAUTO akanakisisa ehondo yeEgipita akanga aparadzanywa. MuGungwa Dzvuku, mitumbi yavarwi vanorwa vari mungoro navarwi vanorwa vakatasva mabhiza yakanga ichikandwa-kandwa namasaisai, uye zvombo zvehondo zvakati ngwandangwanda pamhenderekedzo yegungwa. Vachitungamirirwa naMosesi, varume vaIsraeri vakafara murwiyo rworukundo, vachiti: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba rake; wakakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Jehovha munhu wokurwa. Jehovha ndiro zita rake.”—Eksodho 15:1, 3.
Rukundo rwaJehovha paGungwa Dzvuku zvamazvirokwazvo rwakanga rwuri ratidzirwo youkuru hwake muhondo. Israeri akanga abuda muEgipita ari muchimiro chehondo asi nesimba shomanene rokurwa. Kupfurikidza neshongwe yegore iyo yakava shongwe yomwoto usiku, Jehovha akanga avatungamirira kubva paRamesesi kusvikira ku“mucheto werenje” paEtami. (Eksodho 12:37; 13:18, 20-22) Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi: “Udza vana vaIsraeri kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigdhori negungwa, pamberi peBhaari-zefoni. . . . Zvino Farao uchati pamusoro pavana vaIsraeri: ‘Varasha nzira panyika, renje ravadzivirira.’ . . . [Uye iye achavatevera zvamazvirokwazvo, NW].” (Eksodho 14:1-4) Nenzira yokuteerera, Israeri akadzokera ndokuenda kuPihahiroti. Vatsori vaFarao vakashuma yairatidzika kuva nyongano, uye sezvakadeya kutaurwa, Farao akaunganidza hondo yake nokuda kwokuronda.—Eksodho 14:5-9.
Musungo—waIsraeri Kana Kuti waFarao Here?
Vakomberedzwa namakomo parutivi rumwe norumwe, gungwa pamberi, uye vaEgipita shure, vaIsraeri vakatyiswa vakaratidzika kuva vapinzwa mumusungo, naizvozvo vakadanidzira kuna Mwari nokuda kwebetsero. Achiunganidza vanhu, Mosesi akati: “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaEgipita vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi. Jehovha uchakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.” (Eksodho 14:10-14) Mukuwirirana nechipikirwa ichocho, “Shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo. Ikapinda pakati pemisasa yavaEgipita nemisasa yavaIsraeri; . . . havana kuswederana usiku hwose.”—Eksodho 14:15-20.
Seizvo Jehovha akaraira, Mosesi akasimudza tsvimbo yake pamusoro pegungwa ndoku“ritsemura” kuti vaIsraeri vagopukunyuka. Uye nenji rinoshamisa rakaitika! (Eksodho 14:16, 21, NW) Mhepo ine simba yakabva kumabvazuva yakavamba kutsemura mvura dzeGungwa Dzvuku, kuchiumba nzira yakafara zvakakwana kuti rudzi rwose—vane mamirioni matatu—rupfuure nayo rwuri muchimiro chehondo. Kuruboshwe nokurudyi kwomutsetse wavaIsraeri, mvura yaka“gwamba” yakamira samadziro maviri mahombe.—Eksodho 15:8.
VaIsraeri, vachiyamurwa nechiedza chakabva kushongwe yomwoto, vakapukunyuka napasi pegungwa pakaomeswa nemhepo. Pakasvika mangwanani, wokupedzisira wavaIsraeri akanga abuda pamhenderekedzo yegungwa yakapesana. “VaEgipita vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza.” Varondi vakanga vamhanyira mumusungo!—Eksodho 14:23.
“[Jehovha] akavhundusa hondo yavaEgipita. Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba.” Mosesi zvino akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye “gungwa rikadzokera kwakare.” Madziro emvura akapunzika ndokuvamba kufukidza vaEgipita. Ivo vakaedza kutiza, “Jehovha aka[va]paradza mukati megungwa.” Hakuna nomumwe akapukunyuka! Mumufaro vaIsraeri vakaimba rwiyo rwavo rworukundo kuna Jehovha.—Eksodho 14:24–15:3; Pisarema 106:11.
Jehovha Anorwira Joshua
Jehovha akabvumikisa kuva “munhu wokurwa” mudzimwe hondo. Imwe yakanga iri hondo yapaAi. Denho yokutanga paguta racho yakakundikana nemhaka yechakaipa chakakomba chaAkani. Apo iyi nhau yakaruramiswa, Jehovha akapa mirairo yehondo kuna Joshua.—Joshua 7:1, 4, 5, 11-26; 8:1, 2.
Achitevera miraidzo yaJehovha, usiku Joshua akavanda seri kweguta, parutivi rwaro rwokumadokero. Uto rake guru rakaendeswa kuchamhembe kumupata kunze kweAi ndokuoneka vakagadzirira nokuda kwedenho yapamberi. Varume veAi vakanyengerwa kupinda mumusungo. Vachakazadzwa namanyemwe pamusoro pebudiriro yedenho yavo yekare, ivo vakamhanya vachibuda muguta kuzorwisana navaIsraeri. Vachinyepedzera kutiza, vaIsraeri vakadzokera ne“nzira yerenje,” vachiendesa muvengi kurezve neAi.—Joshua 8:3-17.
Panguva yakarurama chaiyo, Jehovha akati kuna Joshua: “Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nokuti ndichariisa muruoko rwako.” Paichi chiratidzo, varume vakavandira vakadenha guta, vachiriuraya nomunondo nomwoto. Achiona utsi, mauto omuvengi aiva kunze akapera simba chose chose. Joshua, achibva pakutiza achienda kukudenha, akapinza mumusungo muvengi pakati pamauto ake maviri. Rukundo rwavanhu here? Aiwa. VaIsraeri vakakunda nemhaka yokuti, sezvakataura Joshua gare gare kwavari: “Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai.”—Joshua 8:18-27; 23:3.
Hondo paKishoni
Ukuru hwaJehovha muhondo hwakaratidzirwazve paMupata waKishoni, pedyo neMegidho. Mambo weKanani Jabhini akanga adzvinyirira Israeri kwamakore 20. Hondo yake, ichitungamirirwa naSisera, yakabatanidza ngoro dzehondo 900 dzaiva namatare pamavhiri adzo—uto rairatidzika kuva risingakundwi mumazuva iwayo.—Vatongi 4:1-3.
Kunyanguvezvo, kupfurikidza nomuporofitakadzi Dhebhora, Jehovha akaraira Mutongi Bharaki kuunganidza varwi vane zviuru gumi pamusoro peGomo reTabhori kuti adenhe mauto aJabhini. Sisera akakurumidza kuita chimwe chinhu kuiyi wedzero muvarwi, achimhanya achibva Harosheti achienda kurwizi runoyerera nesimba rwaKishoni, pakati peGomo reTabhori neMegidho. Iye pasina panikiro akarangarira kuti pano panhandare yakati sandara, varwi vanofamba netsoka vakashongedzerwa zvisina kutsarukana vaIsraeri havasati vaizova nebanza mukurwisana nengoro dzake. Iye haana kurangarira, kunyanguvezvo, kurwisana noMuvengi wokudenga.—Vatongi 4:4-7, 12, 13.
Jehovha akaraira Bharaki kubva makakwirira makachengeteka meTabhori apinde mumupata, kuchinyengera mauto aSisera kupinda muhondo. Ipapo Jehovha akarova! Mafashamo anokurumidza akashandura nhandare yehondo kuva matope, achitadzisa mauto aSisera kufamba. Munyongano yakatevera, varwi vanofamba netsoka vaIsraeri vakaparadza nyore nyore muvengi wavo. “Hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.” Mafashamo akazara aKishoni akanga ajombesa ngoro dzavaKanani uye angave akayeredza zvimwe zvitunha.—Vatongi 4:14-16; 5:20, 21.
Rukundo Pana Gogi Neboka Rake
Izvi zvinoitika zvakare zvakagovera rumbonera rworukundo rukurusa rwaJehovha ruchigere kusvika. Yava kudokuoneka ndokuitika ihondo ichaitika “murutivi rwokupedzisira rwamakore.” Mukuwirirana nouporofita hwaEzekieri, Gogi, chiratidzo cho“mutongi wenyika ino,” Satani Dhiabhorosi, achaunganidza uto rinodenha ramarudzi ose. Iye achatungamirira mauto ake kuti avhozhokere “makomo aIsraeri” okufananidzira, ndiko kuti, mugariro womudzimu wakakwirira wa“Israeri waMwari” wechiKristu.—Ezekieri 38:1-9; Johane 12:31; VaGaratia 6:16, NW.
Chiiko chinoedza Gogi kuti aite iyi denho yachose chose pavanhu vaMwari? Uporofita hunonongedzera kumugariro wavo une rugare, unobudirira mumudzimu. Gogi anoti: “‘Ndichaenda kunyika ine misha isina kuvakirwa; ndichaenda kuna vane rugare, vagere zvakanaka, vose vagere vasina masvingo, vasina zvipfigiso kana masuo;’ nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa . . . nokurudzi . . . vakawana zvipfuwo nefuma.”—Ezekieri 38:10-12.
Kazhinji kazhinji, vanhu vaJehovha havana kupfuma nenzira yokunyama. Zvisinei, ivo vakabudisa pfuma yomudzimu yakawanda somuuyo webasa ravo rokuparidzira renyika yose. “Boka guru . . . rinobva mumarudzi ose” rakaunganidzwa, zvino rinopfuura mamirioni mana. (Zvakazarurwa 7:9, 10, NW) Pfuma zvamazvirokwazvo! Satani—achitsamwa pamusoro peiyi budiriro yomudzimu—anoedza kuparadzanya vanhu vaMwari.
Asi kupfurikidza nokupinda muvhu rokufananidzira raIsraeri, Gogi, chaizvoizvo, anodenha Jehovha Mwari amene. “Hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu,” anodaro Jehovha, uyo achatsiva nokuda kwavanhu vake. Hondo dzaGogi dzichaparara munyongano. “Munondo womunhu mumwe nomumwe ucharwa nehama yake.” Jehovha ipapo anosunungura masimba ake anoparadza—“mvura inoturuka, nechimvuramabwe chikuru, nomwoto nesurferi.” SapaGungwa Dzvuku, Ai, uye Kishoni, Jehovha acharwira zvakare vanhu vake ndokurumbidza zita rake. “Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezekieri 38:18-23.
Chinyorwa chenhau chehondo dzaJehovha munguva dzakare chinotipa chikonzero chechivimbo chakakwana murukundo irworwu rwomunguva yemberi mukati me“dambudziko guru.” (Mateo 24:21, 22, NW) Achidzora nguva dzose, Jehovha anogona kufunga kupfuura vavengi vake ndokuronga migariro nokuda kworuponeso rwavanhu vake. Zvamazvirokwazvo, kuchabvumikisa kuva seizvo Isaya akaporofita, kuti: “Jehovha uchabuda semhare, uchamutsa kushingaira somunhu wokurwa; uchadana, zvirokwazvo, uchadanidzira, ucharwa navavengi vake nesimba.” (Isaya 42:13) Mumaziso eZvapupu zvake, iye nokusingaperi achava JEHOVHA, “MUNHU WOKURWA”!—Eksodho 15:3.
[Mepu iri papeji 25]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Nzira yoKubuda muEgipita
GOSHENI
Memfisi
Ramesesi
Sukoti
Migdhori
Pihahiroti
Etami
[Mifananidzo iri papeji 26]
Pano, munharaunda yeAi, Jehovha akatungamirira Joshua navanhu Vake kurukundo runokatyamadza
Mvura yaKishoni yakazara nokukurumidza, kuchigovera kukundwa kwavavengi vaJehovha
[Kwazvakatorwa]
Photos: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.