RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Zvinhu Zvese Zviri Kunosvika Rukova Rwacho Zvichararama”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • 1, 2. Maererano naEzekieri 47:1-12, Ezekieri anoonei uye anoudzwei? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)

      EZEKIERI anoonazve chimwe chinhu chinoshamisa muchiratidzo chake chetemberi: Pane rwizi rwuri kuyerera ruchibva pachivakwa ichi chitsvene! Chimbofungidzira achitevedza rwizi irworwo rune mvura yakachena zvekuti aigona kuona zviri pasi. (Verenga Ezekieri 47:1-12.) Mvura yerwizi rwacho iri kusinina ichibva pamusuo wetemberi; rwizi urwu runozobuda muchivanze chetemberi pedyo negedhi rekumabvazuva. Ngirozi iri kutenderera naEzekieri inobva naye patemberi, ichiyera kureba kwerwizi rwacho pavanenge vachifamba. Ngirozi yacho inoita kuti Ezekieri apote achiyambuka rwizi rwacho, uye muprofita wacho anoona kuti rwuri kuenda ruchidzika zvekuti asati atomboenda kure anenge ava kutofanira kuita zvekushambira!

  • “Zvinhu Zvese Zviri Kunosvika Rukova Rwacho Zvichararama”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • Rwizi.

      BHOKISI REKUDZIDZISA 19A: Nzizi Dzemakomborero Anobva Kuna Jehovha

      4. (a) Rwizi rwakaonekwa naEzekieri muchiratidzo runofanira kunge rwakaita kuti vaJudha vatarisire kuwana makomborero api kubva kuna Jehovha? (b) Kushandiswa kunoitwa mashoko ekuti “rwizi” uye “mvura” muBhaibheri kunoratidza sei kuti Jehovha achakomborera vanhu vake? (Ona bhokisi rakanzi “Nzizi Dzemakomborero Anobva Kuna Jehovha.”)

      4 Rwizi rwunounza makomborero. MuBhaibheri, nzizi uye mvura zvinowanzoshandiswa kuratidza kuyerera kwemakomborero anobva kuna Jehovha. Ezekieri akaona rwizi rwakadaro ruchiyerera kubva patemberi, saka chiratidzo chacho chinofanira kunge chakaita kuti vanhu vaMwari vatarisire kuti Jehovha aizovakomborera pakunamata chero bedzi vaizoramba vachinamata zvakachena. Vaizokomborerwa sei? Vapristi vaizotangazve kuvadzidzisa nezvaJehovha. Uye sezvo zvibayiro zvaizotangazve kupiwa patemberi, vaigona kuva nechokwadi chekuti zvivi zvavo zvaizoyananisirwa. (Ezek. 44:15, 23; 45:17) Saka vaizova vakachena zvakare, sekunge kuti vagezwa nemvura yakachena iri kubuda mutemberi.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe