-
“Zvinhu Zvese Zviri Kunosvika Rukova Rwacho Zvichararama”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
10, 11. (a) Makomborero api ari kuyerera serwizi achiuya kwatiri mazuva ano? (b) Makomborero anobva kuna Jehovha ari kuwedzera sei kuti aenderane nekuwanda kuri kuita vanhu mazuva ano musangano rake?
10 Rwizi rwunounza makomborero. Mvura yaiyerera ichibva mumba maJehovha inotiyeuchidza nezvemakomborero api mazuva ano? Tinoyeuchidzwa nezvezvinhu zvese zvatinopiwa naJehovha zvinotivaka uye zvinotisimbisa pakunamata. Chikuru chacho rudzikinuro rwaKristu, urwo rune simba rekutichenesa pazvivi zvedu. Chokwadi chiri muShoko raMwari chinofananidzwawo nemvura inotichenesa uye inopa upenyu. (VaEf. 5:25-27) Makomborero iwayo ari kuyerera sei mazuva ano?
-
-
Tumvura Twuri Kusinina Twunova Mafashamo!Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
Tumvura Twuri Kusinina Twunova Mafashamo!
Ezekieri anotevedza mvura iri kuyerera ichibva paimba yaJehovha uye inopedzisira yava rwizi ruri kufashukira angoti pfuurei makiromita maviri! Mumahombekombe erwizi rwacho anoona miti inoyevedza ine michero inopa utano uye ine mashizha anorapa. Zvese izvi zvinorevei?
Rwizi Rwunounza Makomborero
MUNGUVA YEVAISRAERI: VaJudha pavakangodzokera kumusha kwavo, makomborero akayerera kwavari pavaishanda kuti vadzorere kunamata kwakachena patemberi
MAZUVA ANO: Muna 1919 kunamata kwakachena kwakadzorerwa, zvichiita kuti vashumiri vaMwari vakatendeka vawane makomborero akawanda pakunamata avanga vasati vambowana
MUNE RAMANGWANA: Pashure peAmagedhoni, Jehovha achakomborera vanhu vake pane zvekunamata uye achaita kuti vave neupenyu hwakanaka
-