“Rangarir[a] Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!
“Mwanakomana womunhu, . . . rangarir[a] nomwoyo wako zvose zvandichakuratidza . . . Paridzira imba yaIsraeri zvose zvaunoona.”—EZEKIERI 40:4.
1. Vanhu vaMwari vakasarudzwa vakazviwana vari mumamiriro api ezvinhu muna 593 B.C.E.?
GORE racho raiva 593 B.C.E., gore rechi14 rokutapwa kwaIsraeri. KuvaJudha vaigara muBhabhironi, nyika yavo yavaida inofanira kuva yaiita seyaiva kure zvikuru. Vakawanda vavo pavakanga vapedzisira kuona Jerusarema, rakanga riri kunganduma, rusvingo rwaro rwakasimba rwaputswa, zvivako zvaro zvaikosha zvaparara. Temberi yaJehovha—yaimbova chinhu chinodadisa guta racho, nzvimbo imwe yokunamata kwakachena mupasi rose—yakanga yaitwa murwi wemba yakaparadzwa. Zvino rutivi rukuru rwokutapwa kwaIsraeri rwakanga ruchiri mberi. Aizova makore 56 kununurwa kwakavimbiswa kusati kwaitwa.—Jeremia 29:10.
2. Nei kuyeuka nezvetemberi yaMwari yomuJerusarema kungava kwakasuwisa Ezekieri?
2 Zvinofanira kuva zvakasuwisa muporofita akatendeka Ezekieri kufunga nezvetemberi yaMwari yakanga yaparara yaiva kure nemazana amakiromita, nzvimbo yakanga isingachagarwi yaigara ine mhuka dzesango. (Jeremia 9:11) Baba vake chaivo, Buzi, vakanga vashanda somupristi ikoko. (Ezekieri 1:3) Ezekieri angadai akava neropafadzo iyoyo, asi akanga atapwa nenyanzvi dzeJerusarema muna 617 B.C.E., paakanga achiri muduku. Zvino ava nemakore anenge 50, Ezekieri angangodaro aiziva kuti aisazombofa akaonazve Jerusarema kana kuti kuva norutivi chero rupi zvarwo mukuvakwazve kwetemberi yaro. Saka, fungidzira kuti kugamuchira chiono chetemberi yakaisvonaka kunofanira kuva kwakareva zvakawanda sei kuna Ezekieri!
3. (a) Chinangwa chechiono chaEzekieri chetemberi chaiva chei? (b) Zvikamu zvina zvikuru zvechiono chacho ndezvipi?
3 Chiono ichi chikuru, chinozadza maganhuro mapfumbamwe ebhuku raEzekieri, chakapa vaJudhea vakanga vatapwa vimbiso yaisimbisa kutenda. Kunamata kwechokwadi kwaizotangwazve! Kubvira mumazana amakore iwayo, nyange kusvika kuzuva redu, chiono ichi chave chichikurudzira vanoda Jehovha. Sei? Ngationgororei kuti chiono chaEzekieri chouporofita chakarevei kuvaIsraeri vakanga vatapwa. Chine zvikamu zvina zvikuru: temberi, upristi, muchinda, uye nyika.
Temberi Inodzorerwa
4. Ezekieri anoendeswa kupi panotanga chiono chake, ikoko anoonei, uye ndiani anomutenderedza achimuratidza nzvimbo?
4 Kutanga, Ezekieri anoendeswa ku“gomo refu-refu.” Pagomo racho kumaodzanyemba pane temberi huru, yakafanana neguta rine rusvingo. Imwe ngirozi, ya“kanga [y]akaita sendarira,” inotenderedza muporofita wacho ichinyatsomuratidza nzvimbo yacho. (Ezekieri 40:2, 3) Chiono chacho zvachinopfuurira, Ezekieri anoona ngirozi yacho ichiyera nokungwarira masuo etemberi matatu nechokuno uye matatu necheseri akafanana akatarisana nemakamuri awo avarindi, ruvazhe rwokunze, ruvazhe rwomukati, makamuri okudyira, artari, uye nzvimbo tsvene yetemberi nekamuri rayo Dzvene nerimwe Dzvene-dzvene.
5. (a) Jehovha anovimbisei Ezekieri? (b) “Zvitunha zvamadzimambo avo” zvaifanira kubviswa mutemberi zvaiva chii, uye nei kuzvibvisa kwaikosha?
5 Zvadaro, Jehovha pachake anooneka muchiono chacho. Anopinda mutemberi ndokuvimbisa Ezekieri kuti Iye achagaramo. Asi Iye anorayira kuti imba Yake icheneswe, achiti: “Zvino ngavarashe kufeva kwavo, nezvitunha zvamadzimambo avo, zvive kure neni, ndigogara pakati pavo nokusingaperi.” (Ezekieri 43:2-4, 7, 9) Zviri pachena kuti izvi “zvitunha zvamadzimambo avo” zvaireva zvidhori. Vatongi veJerusarema vaipandukira navanhu vakanga vasvibisa temberi yaMwari nezvidhori uye, chokwadi, vakanga vazviita madzimambo. (Enzanisa naAmosi 5:26) Zvazvakanga zvisimbori vanamwari vapenyu kana kuti madzimambo, zvakanga zviri zvinhu zvakafa, zvakasviba mumeso aJehovha. Zvaifanira kubviswa.—Revhitiko 26:30; Jeremia 16:18.
6. Kuyerwa kwetemberi kwairevei?
6 Chii chairehwa nechikamu ichi chechiono? Chakavimbisa vakatapwa nezvekutangwazve kwokunamata kwakachena patemberi yaMwari. Uyezve, kuyerwa kwetemberi kwakapa vimbiso yaMwari yokuti chiono chacho chaitozozadzika chete. (Enzanisa naJeremia 31:39, 40; Zekaria 2:2-8) Kunamata zvidhori kwose kwaizobviswa. Jehovha aizokomborera imba yake zvakare.
Vapristi Nomuchinda
7. Mashoko api anotaurwa pamusoro pavaRevhi navapristi?
7 Vapristi vaifanirawo kucheneswa, kana kuti kunatswa. VaRevhi vaifanira kutukirwa kubvuma kunamata zvidhori, nepo vanakomana vomupristi Zadhoki vaifanira kurumbidzwa uye kupiwa mubayiro wokuramba vakachena.a Nyange zvakadaro, mapoka acho ose aizova nenzvimbo dzebasa muimba yaMwari yakadzorerwa—pasina mubvunzo, zvichitsamira pakutendeka kwavo somunhu mumwe nomumwe. Uyezve, Jehovha akarayira kuti: “Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene, nokuvadzidzisa kutsaura pakati pezvisina kunaka nezvakanaka.” (Ezekieri 44:10-16, 23) Saka vapristi vaifanira kudzorerwa, uye kutsungirira kwokutendeka kwavapristi kwaizopiwa mubayiro.
8. (a) Ndivanaani vaiva machinda aIsraeri wekare? (b) Muchinda womuchiono chaEzekieri aishingairira kunamata kwakachena munzira dzipi?
8 Chiono chacho chinoratidzawo mumwe ainzi muchinda. Kubvira pamazuva aMosesi, rudzi rwacho rwakanga rwava nemachinda. Shoko rechiHebheru rokuti muchinda, na·siʼʹ, ringareva musoro weimba, wendudzi, kana kuti kunyange worudzi. Muchiono chaEzekieri, vatongi vaIsraeri seboka vanotukirwa kudzvinyirira vanhu uye vanorayirwa kuti vasasarura uye varuramisire. Nyange zvazvo asiri weboka ravapristi, muchinda anoshingaira zvikuru mukunamata kwakachena. Anopinda nokubuda muruvazhe rwokunze nendudzi dzisiri dzavapristi, anogara mubiravira reSuo Rokumabvazuva, uye anopa zvimwe zvezvipiriso kuti vanhu vapise. (Ezekieri 44:2, 3; 45:8-12, 17) Saka chiono chacho chakavimbisa vanhu vaEzekieri kuti rudzi rwakadzorerwa rwaizokomborerwa navatungamiriri vane muenzaniso, varume vaizotsigira vapristi mukuronga vanhu vaMwari ndokuva mienzaniso yakaisvonaka munhau dzomudzimu.
Nyika
9. (a) Nyika yaifanira kukamurwa sei, asi ndivanaani vaisazowana nhaka? (b) Chipo chitsvene chaiva chii, uye chaiva chinei?
9 Pakupedzisira, chiono chaEzekieri chakabatanidza kuonwa kwenyika yaIsraeri. Yaifanira kukamurwa ndudzi imwe neimwe ichipiwa chikamu. Muchindawo aizova nenhaka. Zvisinei, vapristi vaisazova nayo, nokuti Jehovha akati, “Ini ndini nhaka yavo.” (Ezekieri 44:10, 28; Numeri 18:20) Chiono chacho chakaratidza kuti chikamu chomuchinda chenyika chaizova pamativi ose enzvimbo chaiyo yainzi chipo chitsvene. Ichi chaiva chikamu chenyika chine mativi mana akaenzana chakakamurwa kuva zvikamu zvitatu—chepamusoro nokuda kwavaRevhi vanopfidza, chepakati nokuda kwevapristi, uye chepasi nokuda kweguta nenyika yaro inobereka. Temberi yaJehovha yaizova iri muchikamu chavapristi chenyika, pakati pechipo chine mativi akaenzana.—Ezekieri 45:1-7.
10. Uporofita hwokukamura nyika hwairevei kunhapwa dzechiJudhea dzakatendeka?
10 Zvose izvi zvinofanira kuva zvakakurudzira nhapwa idzodzo zvakadini! Mhuri imwe neimwe yakavimbiswa nhaka munyika yacho. (Enzanisa naMika 4:4.) Kunamata kwakachena kwaizova nenzvimbo yakakwirira, inokosha ikoko. Uye cherekedza kuti muchiono chaEzekieri muchinda, savapristi, aizogara panyika yakapiwa navanhu. (Ezekieri 45:16) Saka munyika yakadzorerwa, vanhu vaifanira kupa chimwe chinhu kubasa reavo vakagadzwa naJehovha kuti vatungamirire, vachivatsigira nokushanda pamwe nenhungamiro yavo. Mune zvose, nyika iyi yaiva mufananidzo wokurongeka, kushandira pamwe, uye kuchengeteka.
11, 12. (a) Jehovha anovimbisa sei vanhu vake nouporofita kuti achakomborera nyika yavo yokumusha yakadzorerwa? (b) Chii chaifanidzirwa nemiti yaiva pamhenderekedzo dzorwizi?
11 Jehovha aizokomborera nyika yavo here? Uporofita hwacho hunopindura mubvunzo uyu nerondedzero inofadza. Rukova rwunoyerera ruchibva mutemberi, rwuchienda rwuchikura, rwuchiva rwizi parunozopinda muGungwa Rakafa. Imomo rwunomutsa mvura dzisina upenyu, uye basa rokuredza hove rinokura pamahombekombe akareba. Nechepamhenderekedzo dzorwizi pane miti yakawanda inobereka zvibereko gore rose, ichipa zvokudya uye ichiporesa.—Ezekieri 47:1-12.
12 Kunhapwa dzacho, vimbiso iyi yakadzokorora ndokusimbisa uporofita hwapakutanga hwokudzorerwa hwavaida zvikuru. Kanopfuura kamwe, vaporofita vakafuridzirwa vaJehovha vakanga varondedzera Israeri yakadzorerwa, yakanga yavazve navanhu namashoko eparadhiso. Nharaunda dzematongo dzaitangazve kuva navanhu dzakanga dzataurwa dzataurwazve muuporofita. (Isaya 35:1, 6, 7; 51:3; Ezekieri 36:35; 37:1-14) Saka vanhu vaigona kutarisira kuti zvikomborero zvaJehovha zvinopa upenyu zvaizoyerera sorwizi runobva mutemberi yakadzorerwa. Somugumisiro, rudzi rwakafa mumudzimu rwaizomuka. Vanhu vakadzorerwa vaizokomborerwa nevarume vomudzimu vaizivikanwa zvikuru—varume vakarurama uye vakasimba semiti yaiva pamhenderekedzo dzorwizi dziya dzomuchiono, varume vaizotungamirira kuvakwazve kwenyika yakaparadzwa. Isayawo akanga anyora nezve“miti yokururama” yaizo“vaka matongo akare.”—Isaya 61:3, 4.
Chiono Chacho Chinozadzika Rini?
13. (a) Jehovha akakomborera vanhu vake vakadzorerwa ne“miti yokururama” mupfungwa ipi? (b) Uporofita pamusoro peGungwa Rakafa hwakazadzika sei?
13 Nhapwa dzaidzoka dzakaodzwa mwoyo here? Nyangwe! Vakasarira vakadzorerwa vakadzokera kunyika yavo yavaida muna 537 B.C.E. Pashure penguva yakati, vachitungamirirwa neiyi “miti yokururama”—yakadai somunyori Ezra, vaporofita Hagai naZekaria, uye Mupristi Mukuru Joshua—nzvimbo dzakanguri dzaparadzwa dzakavakwazve. Machinda, somuenzaniso Nehemia naZerubhabheri, vakatonga munyika nokusasarura uye nokururamisira. Temberi yaJehovha yakadzorerwa, uye gadziriro dzake dzoupenyu—zvikomborero zvokurarama maererano nesungano yake—zvakayererazve. (Dheuteronomio 30:19; Isaya 48:17-20) Chimwe chikomborero chaiva ruzivo. Vapristi vakadzorerwazve pabasa, uye vapristi vacho vakarayiridza vanhu Mutemo. (Maraki 2:7) Somugumisiro, vanhu vakamuka mumudzimu uye vakavazve vashumiri vaJehovha vanobereka zvibereko, sezvinofananidzirwa nokuporeswa kweGungwa Rakafa ndokutanga basa rokuredza hove rinobudirira.
14. Nei paifanira kuva nekuzadzika kwouporofita hwaEzekieri kunopfuura zvakaitika vaJudha vadzoka kubva kuutapwa muBhabhironi?
14 Zviitiko izvi ndizvo bedzi zvaizadzika chiono chaEzekieri here? Aiwa; chimwe chinhu chikuru zvikuru chinoratidzirwa. Funga: Temberi yakaonekwa naEzekieri yakanga isingagoni kuvakwa chaizvoizvo sezvakarondedzerwa. Chokwadi, vaJudha vakatora chiono ichocho sechechokwadi uye vakatoshandisa mamwe mashoko sezvaari.b Zvisinei, temberi yechiono yose zvayo yakanga yakakurisa nyangwe kuti ikwane paGomo reMoriya, nzvimbo yaiva netemberi yakare. Uyezve, temberi yaEzekieri yakanga isiri muguta asi nechokure pachikamu chenyika chakasiyana, nepo temberi yechipiri yakavakwa paiva neyakaitangira, muguta reJerusarema. (Ezra 1:1, 2) Uyezve, hapana rwizi chairwoirwo rwaibva mutemberi yomuJerusarema. Saka Israeri wakare akangoona zvishomanene nezvokuzadzika kwouporofita hwaEzekieri. Izvi zvinoreva kuti panofanira kuva nekuzadzika kukuru, kwomudzimu kwechiono ichi.
15. (a) Temberi yomudzimu yaJehovha yakatanga kushanda rini? (b) Chii chinoratidza kuti chiono chaEzekieri hachina kuzadzika munguva yakararama Kristu pasi pano?
15 Zviri pachena kuti, tinofanira kutsvaka kuzadzika kukuru kwechiono chaEzekieri mutemberi huru yomudzimu yaJehovha, inokurukurwa nomuapostora Pauro zvikuru mubhuku raVaHebheru. Temberi iyoyo yakatanga kushanda pakazodzwa Jesu Kristu soMupristi wayo Mukuru muna 29 C.E. Asi chiono chaEzekieri chakazadzika muzuva raJesu here? Zviri pachena kuti hachina. Jesu, soMupristi Mukuru, akazadzika zvairehwa nouporofita hweZuva Rokuyananisa nokubhabhatidzwa kwake, kufa kwake kwokuzvibayira, uye kupinda kwake muNzvimbo Tsvene-tsvene, denga pacharo. (VaHebheru 9:24) Zvisinei, zvinofadza kuti chiono chaEzekieri hachina kana pachinombotaura nezvemupristi mukuru kana kuti Zuva Rokuyananisa. Saka zvinoita sezvisingaiti kuti chiono ichi chakanga chichireva zana ramakore rokutanga C.E. Saka, chinoshanda kunguva ipi?
16. Nzvimbo yakaitikira chiono chaEzekieri inotiyeuchidza nezvohumwe uporofita hupi, uye izvi zvinotibetsera sei kuziva nguva yokuzadzika kukuru kwechiono chaEzekieri?
16 Kuti tiwane mhinduro, ngatidzokerei kuchiono chacho. Ezekieri akanyora kuti: “Pane zvandakaratidzwa naMwari, wakandisvitsa munyika yaIsraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.” (Ezekieri 40:2) Nzvimbo yakaitikira chiono ichi, “gomo refu-refu,” inotiyeuchidza nezvaMika 4:1 inoti: “Namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri.” Uporofita uhu hunozadzika rini? Mika 4:5 inoratidza kuti izvi zvinotanga marudzi paanenge achiri kunamata vanamwari venhema. Chokwadi, mave muri munguva yedu isu, “mazuva okupedzisira,” pakakudzwa kunamata kwakachena, kuchidzorerwa kunzvimbo yako yakarurama muupenyu hwavashumiri vaMwari.
17. Uporofita huri pana Maraki 3:1-5 hunotibetsera sei kuziva kuti temberi yomuchiono chaEzekieri yakacheneswa rini?
17 Chii chakaita kuti kudzorera uku kubvire? Yeuka kuti, muchiitiko chinokosha zvikurusa chechiono chaEzekieri, Jehovha anouya kutemberi uye anoomerera kuti imba yake inofanira kucheneswa pakunamata zvidhori. Temberi yaMwari yomudzimu yakacheneswa rini? Pana Maraki 3:1-5, Jehovha anofanotaura nezvenguva yaacha“svika . . . patemberi yake” ane “mutumwa [wake] wesungano,” Jesu Kristu. Chinangwa chiri chei? Ucha“fanana nomoto womunatsi, nesipo yomusuki.” Kunatsa uku kwakatanga munguva yehondo yenyika yokutanga. Zvakaguma nei? Jehovha akagara muimba yake ndokukomborera nyika yomudzimu yavanhu vake kubvira muna 1919 zvichienda mberi. (Isaya 66:8) Saka, tingagumisa kuti, uporofita hwaEzekieri hwetemberi hunova nokuzadzika kunokosha mumazuva okupedzisira.
18. Chiono chetemberi chichazadzika kekupedzisira rini?
18 Kufanana nohumwe uporofita hwokudzorerwa, chiono chaEzekieri chine kumwezve kuzadzika, kwokupedzisira, muParadhiso. Panguva iyoyo bedzi ndipo apo vanhu vane mwoyo yakanaka vachabetserwa zvakazara negadziriro yaMwari yetemberi. Kristu achazoshandisa kukosha kwechibayiro chake chorudzikinuro, ane vapristi vake vokudenga 144 000. Vanhu vose vanoteerera vanotongwa naKristu vachakwaniswa. (Zvakazarurwa 20:5, 6) Zvisinei, Paradhiso haigoni kuva nguva huru yokuzadzika kwechiono chaEzekieri. Nei isingagoni?
Chiono Chinoreva Nezvezuva Redu Isu
19, 20. Nei kuzadzika kukuru kwechiono kuchifanira kuitika nhasi kwete muParadhiso?
19 Ezekieri akaona temberi yaifanira kubviswa kunamata zvidhori noufeve hwomudzimu. (Ezekieri 43:7-9) Zvechokwadi izvi zvaisagona kushanda pakunamatwa kwaJehovha muParadhiso. Uyezve, vapristi vomuchiono vanofananidzira boka ravapristi vakazodzwa pavanenge vachiri pasi pano, kwete pavanenge vamutsirwa kudenga kana kuti munguva Yemakore Ane Chiuru. Nei? Cherekedza kuti vapristi vanoratidzwa sevari kushanda muruvazhe rwomukati. Nyaya dzomumagazini emunguva yakapfuura eNharireyomurindi dzakaratidza kuti ruvazhe urwu rwunofananidzira nzvimbo yomudzimu yakasiyana nedzimwe yevapristi vaduku vaKristu pavanenge vachiri pasi pano.c Cherekedzawo kuti chiono chacho chinosimbisa kusakwana kwavapristi. Vanoudzwa kuti vapise zvipiriso zvezvivi zvavo ivo. Vanonyeverwa nezvengozi yokuva vasina kuchena—mumudzimu nomutsika. Saka havafananidziri vakazodzwa vakamutswa, avo muapostora Pauro akanyora nezvavo kuti: “Hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora.” (Tisu tatsveyamisa mashoko) (1 VaKorinte 15:52; Ezekieri 44:21, 22, 25, 27) Vapristi vomuchiono vanoshamwaridzana nevanhu uye vanovashandira zvakananga. Izvi hazvizovi zvakadaro muParadhiso, boka ravapristi parichava riri kudenga. Naizvozvo, chiono chacho chinogovera mufananidzo wakaisvonaka wokuti vakazodzwa vanoshanda pamwe sei ne“boka guru” pasi pano nhasi.—Zvakazarurwa 7:9, NW; Ezekieri 42:14.
20 Saka chiono chaEzekieri chetemberi chinoratidza zvinhu zvakanaka zvinoparirwa nokuchenesa kwomudzimu kuri kuzadzika nhasi. Asi izvozvo zvinorevei kwauri? Iyi haisingoriwo zvayo nhau yechitendero yakaoma kunzwisisa. Chiono ichi chine zvachinoreva zvikuru pakunamata kwako Mwari bedzi wechokwadi, Jehovha, zuva nezuva. Munyaya yedu inotevera, tichaona kuti sei.
[Mashoko Omuzasi]
a Izvi zvingava zvakatapura Ezekieri somunhu oga, nokuti zvinonzi iye pachake akanga ari wemhuri yavapristi yaZadhoki.
b Somuenzaniso, Mishnah yakare inoti mutemberi yakadzorerwa, artari, masuo ane magonhi maviri etemberi, nenzvimbo dzokubikira zvakavakwa kuti zvienderane nechiono chaEzekieri.
c Ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1996, peji 16; December 1, 1972, peji 718 yechiNgezi.
Unoyeuka Here?
◻ Ndokupi kwakanga kuri kuzadzika kwokutanga kwechiono chaEzekieri chetemberi navapristi vayo?
◻ Chiono chaEzekieri chokukamurwa kwenyika chakakurumidza kuzadzika sei?
◻ Mukudzorerwa kwaIsraeri wekare, ndivanaani vakaita semachinda akatendeka uye ndivanaani vakaita se“miti yokururama?”
◻ Nei chiono chetemberi chaEzekieri chichifanira kuzadzika mumazuva okupedzisira?