Chikomborero chaJehovha pa“Nyika” Yedu
“Zvose zvichararama pose panosvika rwizi.”—EZEKIERI 47:9.
1, 2. (a) Mvura inokosha zvakadini? (b) Mvura yomurwizi rwomuchiono chaEzekieri inomirirei?
MVURA inoshamisa. Zvipenyu zvose zviripo nemhaka yayo. Hapana mumwe wedu angararama nguva refu asinayo. Tinoishandisawo kuchenesa, sezvo mvura ichigona kunyungudusa ndokubvisa tsvina. Saka tinogeza miviri yedu, mbatya, kunyange zvokudya nayo. Kuita kudaro kungaponesa upenyu hwedu.
2 Bhaibheri rinoshandisa mvura kumirira gadziriro dzaJehovha dzomudzimu dzoupenyu. (Jeremia 2:13; Johane 4:7-15) Gadziriro idzi dzinobatanidza kucheneswa kwavanhu vake nechibayiro chorudzikinuro chaKristu uye kuziva Mwari kunowanwa muShoko rake. (VaEfeso 5:25-27) Muchiono chaEzekieri chetemberi, rwizi rwunoshamisa rwunoyerera ruchibva mutemberi runofananidzira zvikomborero zvinopa upenyu zvakadaro. Asi rwizi irworwo runoyerera rini, uye rwunorevei kwatiri nhasi?
Rwizi Rwunoyerera Munyika Yakadzorerwa
3. Ezekieri akaonei, sezvinotaurwa pana Ezekieri 47:2-12?
3 Senhapwa muBhabhironi, vanhu vaEzekieri vaida zvikuru gadziriro dzaJehovha. Saka, zvinokurudzira zvakadini, kuti Ezekieri aone karukova kemvura kachibva munzvimbo tsvene ndokuyerera kachibuda mutemberi yomuchiono! Ngirozi inoyera rwizi rwacho pamakubiti 1 000 oga oga. Kudzama kwarwo kunowedzera kubva pachiziso chegumbo kusvika pamabvi kusvika pachiuno kusvika rwava rwizi rungashambirwa. Rwizi rwacho rwunounza upenyu nokubereka zvibereko. (Ezekieri 47:2-11) Ezekieri anoudzwa kuti: “Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, kuno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa.” (Ezekieri 47:12a) Sezvo rwizi rwunopinda muGungwa Rakafa—mvura isina upenyu—upenyu hunovapo! Hove dzinowanda. Basa rokuredza hove rinokura.
4, 5. Uporofita hwaJoere pamusoro porwizi hwakafanana sei nohwaEzekieri, uye nei izvi zvichikosha?
4 Uhu uporofita hwakaisvonaka hungava hwakayeuchidza nhapwa dzechiJudha nezvehumwe uporofita hwakanyorwa mazana maviri amakore izvi zvisati zvaitika: “Mumba maJehovha muchabuda tsime, richadiridza mupata weShitimi.”a (Joere 3:18) Uporofita hwaJoere, kufanana nohwaEzekieri, hunofanotaura kuti rwizi rwaizoyerera rwuchibva mumba maMwari, temberi, ndokumutsa nharaunda yakaoma zvikuru.
5 Kwamakore akawanda Nharireyomurindi yakatsanangura kuti uporofita hwaJoere huri kuzadzika munguva yedu.b Saka, chokwadi, zvakafanana ndezvechokwadi nezvechiono chaEzekieri chakafanana. Munyika yakadzorerwa yavanhu vaMwari nhasi, kufanana nomuIsraeri yakare, zvikomborero zvaJehovha chokwadi zvakayerera.
Kuyerera Kukuru Kwezvikomborero
6. Kusaswa kweropa paartari yomuchiono kunofanira kuva kwakayeuchidza vaJudha nezvechii?
6 Zvikomborero zvavanhu vaMwari vakadzorerwa zvinobva kupi? Cherekedza kuti mvura inoyerera ichibva mutemberi yaMwari. Zvakafananawo nanhasi, zvikomborero zvinobva kuna Jehovha achishandisa temberi yake huru yomudzimu—gadziriro yokunamata kwakachena. Chiono chaEzekieri chinowedzera mashoko anokosha. Muruvazhe rwomukati, rwizi rwunoyerera nepedyo peartari, nechokumaodzanyemba kwayo. (Ezekieri 47:1) Artari iri pakati chaipo petemberi yomuchiono. Jehovha anonyatsoirondedzera kuna Ezekieri uye anorayira kuti ropa rechibayiro risaswe pairi. (Ezekieri 43:13-18, 20) Artari iyoyo yakanga ine zvikuru zvayaireva nokuda kwavaIsraeri vose. Sungano yavo naJehovha yakanga yanguri yasimbiswa Mosesi paakasasa ropa paartari yaiva muzasi meGomo reSinai. (Eksodho 24:4-8) Kusaswa kweropa paartari yomuchiono kunofanira kuva kwakavayeuchidza kuti vakangodzokera chete kunyika yavo yakadzorerwa, zvikomborero zvaJehovha zvaizoyerera chero bedzi vairarama maererano nesungano yavo naye.—Dheuteronomio 28:1-14.
7. Nhasi vaKristu vanowana revo ipi muartari yokufananidzira?
7 Nenzira yakafanana, vanhu vaMwari nhasi vanokomborerwa nesungano—iri nani, sungano itsva. (Jeremia 31:31-34) Iyowo yakasimbiswa kare kare neropa, riya raJesu Kristu. (VaHebheru 9:15-20) Nhasi, tingava tiri vamwe vevakazodzwa, vanobatanidzwa musungano iyoyo, kana kuti tiri ve“mamwe makwai,” vanobetserwa nayo, tinowana revo huru muartari yokufananidzira. Inofananidzira zvinodiwa naMwari maererano nechibayiro chaKristu. (Johane 10:16; VaHebheru 10:10) Sezvo artari yokufananidzira iri pakati chaipo petemberi yomudzimu, chibayiro chorudzikinuro chaKristu chinokosha zvikuru pakunamata kwakachena. Ndicho chinoita kuti tikanganwirwe zvivi zvedu uye nokudaro kuti tive netariro yedu yose yenguva yemberi. (1 Johane 2:2) Saka tinoedza kurarama maererano nomutemo une chokuita nesungano itsva, “murayiro waKristu.” (VaGaratia 6:2) Chero bedzi tichiita izvozvo, tichabetserwa negadziriro dzaJehovha dzoupenyu.
8. (a) Chii chakanga chisimo muruvazhe rwomukati rwetemberi yomuchiono? (b) Vapristi vomutemberi yomuchiono vaigona kuzvichenesa nenzira dzipi?
8 Chimwe chinobetsera kudaro izita rakachena pamberi paJehovha. Mutemberi yomuchiono, ruvazhe rwomukati harwuna chimwe chinhu chakanga chakakurumbira zvikuru muruvazhe rwetabhernakeri uye mutemberi yaSoromoni—mudziyo mukuru, wakazonzi gungwa, wokuti vapristi vagezere. (Eksodho 30:18-21; 2 Makoronike 4:2-6) Vapristi vomuchiono chaEzekieri vaigona kushandisei kuti vachenese? Chokwadi, rwizi rwuya rwunoshamisa rwaiyerera nomuruvazhe rwomukati! Hungu, Jehovha aizovakomborera kuti vave nenzira dzokuti vave nezita rakachena, dzvene.
9. Vakazodzwa nemamwe makwai vangava nezita rakachena sei nhasi?
9 Nenzira yakafanana nhasi, vakazodzwa vakakomborerwa nezita rakachena pamberi paJehovha. Jehovha anovaona sevatsvene, achivati vakarurama. (VaRoma 5:1, 2) Zvakadini ne“vazhinji-zhinji,” vanomirirwa nendudzi dzisiri dzavapristi? Vanonamata vari muruvazhe rwokunze, uye rwizi rwakafanana rwunopfuura naparutivi irworwo rwetemberi yomuchiono. Saka, zvakakodzera zvakadini, kuti muapostora Johane akaona boka guru rakapfeka nguo chena dzakachena sezvavanonamata muruvazhe rwetemberi yomudzimu! (Zvakazarurwa 7:9-14) Pasinei nokuti vakabatwa sei munyika ino yakaipa, vangavimbiswa kuti chero bedzi vachiva nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu, Jehovha anovaona sevakachena uye vasina kusvibiswa. Vanotenda sei? Nokutevera makwara aJesu, vachivimba zvakazara nechibayiro chorudzikinuro.—1 Petro 2:21.
10, 11. Rumwe rutivi rwunokosha rwemvura yokufananidzira ndorwupi, uye izvi zvinobatana sei nokukura kunoshamisa kworwizi?
10 Sezvatotaurwa, pane rumwe rutivi runokosha rwemvura iyi yokufananidzira—zivo. MuIsraeri yakadzorerwa, Jehovha akakomborera vanhu vake nomurayiridzo waMagwaro achishandisa vapristi. (Ezekieri 44:23) Nenzira yakafanana, nhasi Jehovha akakomborera vanhu vake nemirayiridzo yakawanda yezveShoko rake rechokwadi, achishandisa “upristi hwamambo.” (1 Petro 2:9) Kuziva Jehovha Mwari, vimbiso dzake nokuda kworudzi rwomunhu, uye kunyanya Jesu Kristu noUmambo hwaMesiya kwakayerera murwizi rwunoramba rwuchiwedzera mumazuva ano okupedzisira. Zvinhu zvinozorodza zvomudzimu zvakawanda zvatiri kugamuchira zvinokosha zvakadini!—Dhanieri 12:4.
11 Sezvo rwizi rwakayerwa nengirozi rwakaramba rwuchidzama zvishoma nezvishoma, saka kuyerera kwezvikomborero zvinopa upenyu zvinobva kuna Jehovha kwakawedzerawo zvinoshamisa kuitira kuti vanhu vari kupinda vakwane munyika yedu yomudzimu yakakomborerwa. Humwe uporofita hwokudzorerwa hwakafanotaura kuti: “Muduku uchava churu, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Mashoko aya akava echokwadi—mamiriyoni akadirana kuzotikumbanira mukunamata kwakachena! Jehovha akaita kuti “mvura” yakawanda iwanikwe nevose vanotendeukira kwaari. (Zvakazarurwa 22:17) Anoona kuti sangano rake rapasi rinoparadzira maBhaibheri nemabhuku ezveBhaibheri munyika yose, mumazana emitauro. Nenzira yakafanana, misangano yechiKristu nekokorodzano zvakarongwa munyika yose kuitira kuti vose vagone kupiwa mvura dzinoonekera sekristaro dzechokwadi. Gadziriro dzakadaro dzinotapura sei vanhu?
Mvura Inounza Upenyu!
12. (a) Nei miti yomuchiono chaEzekieri ichikwanisa kubereka sezvainoita? (b) Chii chinomirirwa nemiti iyi inobereka zvibereko mumazuva okupedzisira?
12 Rwizi rwomuchiono chaEzekieri rwunounza upenyu noutano. Ezekieri paanoziva nezvemiti yaizokura pamativi orwizi, anoudzwa kuti: “Isingaomi mashizha ayo, uye isingashayiwi zvibereko zvayo . . . Zvibereko zvayo zvichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa.” Nei miti iyi ichibereka nomutoo unoshamisa kudai? “Nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene.” (Ezekieri 47:12b) Miti iyi yokufananidzira inofananidzira gadziriro dzaMwari dzose dzokudzorera vanhu kuti vave vakakwana nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Pasi pano panguva ino, vakasarira vakazodzwa vanotungamirira mukupa kudya kwomudzimu nokurapa. Kana vane 144 000 vose vagamuchira mubayiro wavo wokudenga, zvinobetsera zvinobva pabasa ravo ravapristi savanotonga pamwe naKristu zvichasvika munguva yemberi, zvichiguma zvaita kuti rufu rwaAdhama rukundwe zvachose.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 21:2-4.
13. Kurapa kupi kwakaitwa munguva yedu?
13 Rwizi rwomuchiono rwunoyerera rwuchipinda muGungwa Rakafa risina upenyu ndokurapa pose parwunosvika. Gungwa iri romuchiono mugariro wokufa mumudzimu. Asi upenyu hunopfakanyika “panosvika nzizi idzi mbiri.” (Ezekieri 47:9) Nenzira yakafanana, mumazuva okupedzisira, vanhu vave vachiva vapenyu mumudzimu pose pakapinda mvura youpenyu. Vakatanga kumutswa kudaro vakanga vari vakasarira vakazodzwa muna 1919. Vakavazve vapenyu mumudzimu vachibva muchimiro chokuita sevakafa, chokusaita basa. (Ezekieri 37:1-14; Zvakazarurwa 11:3, 7-12) Mvura idzodzo dzinokosha kubvira ipapo dzakasvika kune vamwe vakafa mumudzimu, uye ivava vakava vapenyu ndokuumba boka guru remamwe makwai riri kuramba richiwedzera, vanoda uye vanoshumira Jehovha. Nenguva isipi, gadziriro iyi ichasvika kune vakawanda vakamutswa.
14. Basa rokuredza hove rinobudirira pamhenderekedzo yeGungwa Rakafa rinonyatsoratidzirei nhasi?
14 Kumuka mumudzimu kunoguma nokubereka zvibereko. Izvi zvinoenzanisirwa nebasa rokuredza hove rinobudirira pamhenderekedzo dzegungwa raiva rakambofa. Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Ndi[cha]kuitai vabati vavanhu.” (Mateo 4:19) Mumazuva okupedzisira, basa rokuredza rakatanga nokuunganidzwa kwevakasarira vakazodzwa, asi harina kugumira ipapo. Mvura inopa upenyu inobva mutemberi yomudzimu yaJehovha, kubatanidza chikomborero chezivo yakarurama, zvinotapura vanhu vamarudzi ose. Kwose kwose kwakasvika rwizi irworwo, upenyu hwomudzimu hwakaguma hwavako.
15. Chii chinoratidza kuti havasi vose vachagamuchira gadziriro dzaMwari dzoupenyu, uye ndoupi uchava mugumo wevakadaro?
15 Chokwadi, havasi vose vanogamuchira zvakanaka zvino shoko roupenyu; uyewo havasi vose vanomutswa munguva yoKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu vachadaro. (Isaya 65:20; Zvakazarurwa 21:8) Ngirozi inozivisa kuti mativi egungwa racho haarapwi. Idzi nzvimbo dzisina upenyu ‘dzinoregererwa munyu.’ (Ezekieri 47:11) Nezvavanhu vomuzuva redu, havasi vose vanopiwa mvura inopa upenyu yaJehovha vanoigamuchira. (Isaya 6:10) PaArmagedhoni, vose vakasarudza kuramba vakafa uye vachirwara mumudzimu vacharegererwa munyu, kureva kuti, kuparadzwa zvachose. (Zvakazarurwa 19:11-21) Zvisinei, vaya vave vachinwa mvura idzi nokutendeka vanogona kutarisira kuti vapukunyuke ndokuona kuzadzika kwokupedzisira kweuporofita uhu.
Rwizi Rwunoyerera muParadhiso
16. Chiono chaEzekieri chetemberi chichazadzika kokupedzisira rini uye sei?
16 Kufanana nohumwe uporofita hwokudzorerwa, chiono chetemberi chaEzekieri chinozadzika kekupedzisira munguva yeMakore Ane Chiuru. Ipapo boka ravapristi rinenge risisirizve pasi pano. “Vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwe chete naye [kudenga] makore ane gumi ramazana.” (Zvakazarurwa 20:6) Vapristi ava vokudenga vachava vachishanda naKristu mukutarisira kubetsera kwakazara kwechibayiro chorudzikinuro chaKristu. Saka vanhu vakarurama vachaponeswa, vachaitwazve vakakwana!—Johane 3:17.
17, 18. (a) Rwizi rwunopa upenyu rwunorondedzerwa sei pana Zvakazarurwa 22:1, 2, uye nguva inokosha zvikuru yokushanda kwechiono ichocho ndirini? (b) MuParadhiso, nei rwizi rwemvura youpenyu rwuchizokura zvikuru?
17 Chaizvoizvo, rwizi rwakaonekwa naEzekieri rwuchazoyerera nemvura youpenyu ine simba zvikuru. Iyi ndiyo nguva inokosha zvikuru yokushandisa uporofita hwakanyorwa pana Zvakazarurwa 22:1, 2: “Akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwayana, pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kune muti woupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.”
18 Munguva yoKutonga Kwamakore Ane Chiuru, zvirwere zvose—zvomuviri, zvepfungwa, uye zvemanzwire—zvichaporeswa. Izvi zvinonyatsoenzanisirwa no‘kuporeswa kwendudzi’ nemiti yokufananidzira. Nemhaka yegadziriro dzinopiwa naKristu ne144 000, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Uye rwizi rwuchapinda munguva yokukudzwa kwarwo kukurusa. Rwuchafanira kuva rwakakura ndokuva rwakadzama kuitira kuti rwukwane mamiriyoni, zvichida mabhiriyoni, avanhu vanomutswa vachanwa mvura idzi dzakachena dzoupenyu. Rwizi rwomuchiono rwakarapa Gungwa Rakafa, rwuchiita kuti kwose kwose kwaiyerera mvura dzarwo kuve noupenyu. MuParadhiso, varume navakadzi vachava vapenyu mupfungwa yakakwana, vachirapwa kufa kwaAdhama kwavakagara nhaka kana vakatenda mukubetsera kworudzikinuro kwavanopiwa. Zvakazarurwa 20:12 inofanotaura kuti “bhuku” dzichavhurwa namazuva iwayo, dzichiwedzera kunzwisisa kuchabetsera vachamutswa. Zvinosuruvarisa kuti, vamwe vacharamba kurapwa, kunyange muParadhiso. Vapanduki ava ndivo ‘vakaregererwa munyu’ wokuparadzwa kusingaperi.—Zvakazarurwa 20:15.
19. (a) Kugovewa kwenyika kuchazadzika sei muParadhiso? (b) Guta rinofananidzira chikamu chipi chomuParadhiso? (c) Chii chinorehwa nokuva kweguta nechekure netemberi?
19 Uyewo panguva iyoyo, kugovewa kwenyika kwomuchiono chaEzekieri kuchazadzika kokupedzisira. Ezekieri akaona nyika ichigovewa zvakanaka; nenzira yakafanana, muKristu mumwe nomumwe akatendeka anogona kuva nechokwadi chokuti achava nenzvimbo, nhaka, muParadhiso. Zvimwe, kuda kuva neimba yako woga yokugara nokutarisira kuchazadzika nenzira yakarongeka. (Isaya 65:21; 1 VaKorinte 14:33) Guta rakaonekwa naEzekieri rinofananidzira zvakakodzera gadziriro dzokutarisira dzakarongerwa nyika itsva naJehovha. Boka ravapristi vakazodzwa rinenge risisipo pakati pevanhu. Chiono chacho chinotaura zvakawanda nokuratidza guta riri munyika “yakasviba” iri kure netemberi. (Ezekieri 48:15, NW.) Nepo vane 144 000 vachitonga naKristu kudenga, Mambo ane vamiririri pasi pano. Vanhu vake vaanotonga vachabetserwa zvikuru nenhungamiro yorudo yeboka ramachinda. Zvisinei, chigaro chaichoicho chehurumende chichava chisiri pasi pano, asi kudenga. Munhu wose pasi pano, kubatanidza boka ramachinda, achazviisa pasi poUmambo hwaMesiya.—Dhanieri 2:44; 7:14, 18, 22.
20, 21. (a) Nei zita reguta rakafanira? (b) Kunzwisisa kwedu chiono chaEzekieri kunofanira kutiparira kuti tizvibvunze mibvunzo ipi?
20 Cherekedza mashoko okupedzisira ouporofita hwaEzekieri anoti: “Zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, Jehovha uripo.” (Ezekieri 48:35) Iri guta rinenge risipo kuti ripe vanhu simba kana kuti kupesvedzera; uye rinenge risipo kuti riite kuti kuda kwomunhu upi noupi kuitwe. Iguta raJehovha, rinoramba richiratidza pfungwa yake nenzira dzake dzorudo, dzokunzwisisa. (Jakobho 3:17) Izvi zvinotipa vimbiso inofadza yokuti Jehovha achakomborera nzanga yevanhu vomu“nyika itsva” yake kusvikira munguva yemberi isingagumi.—2 Petro 3:13.
21 Hatifari here nezvatinotarisira zviri mberi kwedu? Saka, nenzira yakakodzera, mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kuti abvunze kuti: ‘Ndinoita sei kuzvikomborero zvakaisvonaka zvakaratidzwa muchiono chaEzekieri? Ndinotsigira basa riri kuitwa navatariri vane rudo nokutendeka here, kubatanidza vakasarira vakazodzwa nemitezo inotarisirwa yeboka romuchinda? Ndakaita kuti kunamata kwakachena kuve chinhu chikuru muupenyu hwangu here? Ndinoshandisa zvakakwana mvura dzoupenyu dzinoyerera dzakawanda zvakadai nhasi here?’ Mumwe nomumwe wedu ngaarambe achidaro ndokufadzwa negadziriro dzaJehovha nokusingaperi kwose!
[Mashoko Omuzasi]
a Mupata uyu worwizi ungava uri kureva Mupata waKidhironi, unoenda nokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva uchibva Jerusarema uchigumira paGungwa Rakafa. Kunyanya rutivi rwawo rwezasi harwuna mvura uye rwunenge rwakaoma kwegore rose.
b Ona magazini eNharireyomurindi echiNgezi aMay 1, 1881, uye June 1, 1981.
Ungapindura Sei?
◻ Mvura dzinoyerera dzichibuda mutemberi dzinomirirei?
◻ Kurapa kupi kwakaitwa naJehovha achishandisa rwizi rwokufananidzira, uye nei rwizi rwakaramba rwuchidzama?
◻ Miti iri mumahombekombe orwizi inomirirei?
◻ Mukutonga Kwamakore Ane Chiuru guta richamirirei, uye nei zita reguta racho rakafanira?
[Mifananidzo iri papeji 23]
Rwizi rwoupenyu rwunomirira gadziriro yaMwari yokuponesa