-
Chikomborero chaJehovha pa“Nyika” YeduNharireyomurindi—1999 | March 1
-
-
15. Chii chinoratidza kuti havasi vose vachagamuchira gadziriro dzaMwari dzoupenyu, uye ndoupi uchava mugumo wevakadaro?
15 Chokwadi, havasi vose vanogamuchira zvakanaka zvino shoko roupenyu; uyewo havasi vose vanomutswa munguva yoKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu vachadaro. (Isaya 65:20; Zvakazarurwa 21:8) Ngirozi inozivisa kuti mativi egungwa racho haarapwi. Idzi nzvimbo dzisina upenyu ‘dzinoregererwa munyu.’ (Ezekieri 47:11) Nezvavanhu vomuzuva redu, havasi vose vanopiwa mvura inopa upenyu yaJehovha vanoigamuchira. (Isaya 6:10) PaArmagedhoni, vose vakasarudza kuramba vakafa uye vachirwara mumudzimu vacharegererwa munyu, kureva kuti, kuparadzwa zvachose. (Zvakazarurwa 19:11-21) Zvisinei, vaya vave vachinwa mvura idzi nokutendeka vanogona kutarisira kuti vapukunyuke ndokuona kuzadzika kwokupedzisira kweuporofita uhu.
-
-
Chikomborero chaJehovha pa“Nyika” YeduNharireyomurindi—1999 | March 1
-
-
18 Munguva yoKutonga Kwamakore Ane Chiuru, zvirwere zvose—zvomuviri, zvepfungwa, uye zvemanzwire—zvichaporeswa. Izvi zvinonyatsoenzanisirwa no‘kuporeswa kwendudzi’ nemiti yokufananidzira. Nemhaka yegadziriro dzinopiwa naKristu ne144 000, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Uye rwizi rwuchapinda munguva yokukudzwa kwarwo kukurusa. Rwuchafanira kuva rwakakura ndokuva rwakadzama kuitira kuti rwukwane mamiriyoni, zvichida mabhiriyoni, avanhu vanomutswa vachanwa mvura idzi dzakachena dzoupenyu. Rwizi rwomuchiono rwakarapa Gungwa Rakafa, rwuchiita kuti kwose kwose kwaiyerera mvura dzarwo kuve noupenyu. MuParadhiso, varume navakadzi vachava vapenyu mupfungwa yakakwana, vachirapwa kufa kwaAdhama kwavakagara nhaka kana vakatenda mukubetsera kworudzikinuro kwavanopiwa. Zvakazarurwa 20:12 inofanotaura kuti “bhuku” dzichavhurwa namazuva iwayo, dzichiwedzera kunzwisisa kuchabetsera vachamutswa. Zvinosuruvarisa kuti, vamwe vacharamba kurapwa, kunyange muParadhiso. Vapanduki ava ndivo ‘vakaregererwa munyu’ wokuparadzwa kusingaperi.—Zvakazarurwa 20:15.
-