-
‘Guta Racho Richanzi Jehovha Ari Ipapo’Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
“Pakati Payo Ndipo Pachava Neguta”
5, 6. (a) Guta rakanga riri raani? (b) Guta rakanga risiri kumiririra chii, uye nei tichidaro?
5 Verenga Ezekieri 48:15. Chii chinorehwa ‘neguta’ nenzvimbo yakanga yakaripoteredza? (Ezek. 48:16-18) Jehovha akaudza Ezekieri muchiratidzo kuti: “Munofanira kugovera guta racho . . . [kuimba] yese yaIsraeri.” (Ezek. 45:6, 7) Saka guta racho nenzvimbo yakaripoteredza zvakanga zvisingabatanidzwi ‘pamupiro mutsvene’ waifanira ‘kupiwa Jehovha.’ (Ezek. 48:9) Tichifunga nezvemusiyano uyu, ngatimboongororai kuti tingadzidzei pamusoro pezvakaita guta iri.
6 Kuti tione kuti tinodzidzei paguta racho, tinofanira kutanga taona kuti guta iri rakanga risiri kumiririra chii. Rakanga risiri kumiririra guta reJerusarema raizovakwazve netemberi yaro. Sei tichidaro? Nekuti guta rakaonekwa naEzekieri muchiratidzo rakanga risina temberi. Uyewo, guta iri rakanga risiri rimwe remaguta emunyika yeIsraeri aizogarwa nenhapwa padzaizobva kuutapwa. Sei tichidaro? Nekuti hapana guta rakafanana nerinotaurwa muchiratidzo ichi rakambovakwa nevaIsraeri kana nevazukuru vavo pavakabva kuutapwa. Zvakare, guta iri rakanga risiri guta rekudenga. Sei tichidaro? Nekuti rakanga rakavakirwa panzvimbo ‘yaishandiswa neveruzhinji,’ kana kuti nzvimbo isiri tsvene, kusiyana nezvimwe zvivakwa zvakavakwa panzvimbo yaingoshandiswa pakunamata chete.—Ezek. 42:20.
7. Guta rakaonekwa naEzekieri rinofanira kunge richimiririra chii? (Ona mufananidzo uri panotangira chitsauko chino.)
7 Saka guta rakaonekwa naEzekieri raiva chii? Yeuka kuti akaona guta iri nenyika yacho muchiratidzo chimwe chete. (Ezek. 40:2; 45:1, 6) Shoko raMwari rinoratidza kuti nyika yacho iparadhiso yemweya, saka guta racho rinofanirawo kunge riri rekufananidzira. Saka tingati shoko rekuti “guta” rinopa pfungwa yekutii? Shoko racho rinopa pfungwa yevanhu vari kugara pamwe chete vakanyatsorongwa. Saka guta rakarongeka rakaonekwa naEzekieri, iro rakanga riine mativi akaenzana, rinofanira kunge richimiririra urongwa hweutungamiriri hwakanyatsorongeka.
8. Urongwa uhwu ndehwekutungamirira vanaani, uye nei tichidaro?
8 Urongwa uhwu ndehwekutungamirira vanaani? Chiratidzo chaEzekieri chinoratidza kuti guta iri riri munyika yemweya kana kuti paradhiso yemweya. Saka urongwa uhwu ndehwekutungamirira zvese zviri kuitwa nevanhu vaMwari muparadhiso yemweya. Saka kuvakwa kweguta iri panzvimbo inoshandiswa neveruzhinji kana kuti isiri tsvene kunoratidzei? Kunotiyeuchidza kuti guta racho harisi guta rekudenga, asi urongwa hweutungamiriri hwepanyika pano, huri kubatsira vanhu vese vari muparadhiso yemweya.
-
-
‘Munofanira Kupa Mupiro Uyu’Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
E. “Nzvimbo Inenge Yasara”
“Ichava yeimba yese yaIsraeri” uye “ichashandiswa neveruzhinji muguta, iine dzimba nemafuro.”
-