-
“Kuguma Kwazosvika Pauri”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
7. Nei Jehovha akaudza Ezekieri kuti akamure bvudzi rake kuti rive zvikamu zvitatu uye kuti aite nechikamu chimwe nechimwe zvakasiyana nezvaaiita nezvimwe?
7 Nei Jehovha akaudza Ezekieri kuti akamure bvudzi raakanga aveura, kuti rive zvikamu zvitatu, uye kuti aite nechikamu chimwe nechimwe zvakasiyana nezvaaita nezvimwe? (Verenga Ezekieri 5:7-12.) Ezekieri akapisira chimwe chikamu chacho “muguta” achiratidza vanhu vakanga vakatarisa kuti vamwe vagari vemuJerusarema vaizofira muguta racho. Akashandisa bakatwa kudimbura-dimbura chimwe chikamu chebvudzi racho “kumativi ese eguta” achiratidza kuti vamwe vagari vemo vaizourayirwa kunze kweguta. Akaparadzira chikamu chekupedzisira chebvudzi racho kuti chitorwe nemhepo achiratidza kuti vamwezve vagari vemo vaizoparadzirwa kunyika dzakasiyana-siyana, asi “bakatwa” raizovadzingirira. Saka kwese kwavaizoenda, vaisazova nerugare.
-
-
“Gera Musoro Wako Nendebvu Dzako”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
‘Pisa’
Vamwe vaizofira muguta racho
‘Dimbura-dimbura’
Vamwe vaizourayirwa kunze kweguta
‘Mwaya’
Vamwe vaizopukunyuka asi vaisazova nerugare
-
-
“Kuguma Kwazosvika Pauri”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
10 Shoko raMwari rinoratidza kuti vamwe vatsigiri vechitendero chenhema vachapona pachaparadzwa masangano ezvitendero. Nekutya, vanhu ivavo vachabatana nevamwe vakasiyana-siyana vanenge vachitsvaga kwekuhwanda. (Zek. 13:4-6; Zvak. 6:15-17) Izvi zvinotiyeuchidza zvakaitika kuvagari vemuJerusarema vakapona parakaparadzwa, vakaita sevapararira “mumhepo.” Sezvataona mundima ya7, kunyange zvazvo vakamborarama kwekanguva, Jehovha akavhomora “bakatwa rekuvadzingirira.” (Ezek. 5:2) Ndizvo zvichaitikawo kuvanhu vaya vanenge vachiita sevapona vomhanyira kunohwanda; pasinei nekwavanenge vahwanda havazokwanisi kunzvenga bakatwa raJehovha. PaAmagedhoni, vachaurayiwa pamwe chete nevamwe vese vakaita sembudzi.—Ezek. 7:4; Mat. 25:33, 41, 46; Zvak. 19:15, 18.
-