Umambo Hwenyika Hwochinja
KUDAI iwe waikwanisa kusarudza, rudzii rwehurumende rwawaizoda kugara marwuri? Vazhinjisa vedu sezvingabvira taizosarudza hurumende yakagadzikana iyo inopa chitsama chine mufungo chorusununguko rwomunhu oga. Taizoda hurumende iyo ingagona kudzora utsotsi, kusimudzira rugare, kutsigira ruramisiro yomunzanga, uye kutanga budiriro yezvinhu. Zvamazvirokwazvo, taizoda hurumende isingadzvinyiriri kana kuti yakashata.
Nenzira inosuruvarisa, hurumende zhinjisa dzave dzisina kudai. Patinorangarira nyika sezvayakaita muhafu yokupedzisira yezana rino ramakore rechi 20, chii chatinoona? Urombo, ushati, kusagona kuita zvinhu, dzvinyiriro, kusaruramisira munzanga, utsotsi, uye kunyanduka kwamarudzi ose. Uyu ndiwo muuyo wezviuru zvamakore zvehurumende yavanhu.
Ichokwadi, chokwadika, kuti vamwe vatongi vave vane ndangariro yakanaka uye vachikwanisa kuita zvinhu. Uye mamwe masangano ehurumende ave akati dzikamei uye achishanda zvakanaka kwenguva yakati. Asi kundikano yehurumende yavanhu yose zvayo kuita izvo isu tinorangarira nenzira yomuzvarirwo kuti inofanira kuitira rudzi rwomunhu inobvumikisa zvokwadi yokutaura kweBhaibheri, kunoti: “Munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhanho dzake.” (Jeremia 10:23) Namamwe mashoko, munhu haana kuitwa kuti azvitonge amene asina betsero yokunze.
Ndokusaka kwakanaka kuziva kuti umambo hwenyika hwochinja. Chii chatinoreva nouku kutaura? Tinoreva kuti kutongwa kwezuva nezuva kwoupenyu hworudzi rwomunhu kuchakurumidza kuva musimba rechimiro chakasiana chose chose chehurumende icho chichava chinobudirira chose chose. Iyi chinjo huru yehurumende yakadeya kutaurwa naMwari. Zvamazvirokwazvo, ndiyo musoro umene weBhaibheri.
Kuitira Hanya kwaMwari Pamusoro Pehurumende
Mwari nguva dzose ave achiitira hanya kutongwa kworudzi rwomunhu. Iye anosanotarira kuti hurumende dzavanhu dzinoita kusvika pamweroi mutoro wadzo, uye pane dzimwe nguva iye anodziraira kuzvidavirira. Zvamazvirokwazvo, nhau dzamamwe amasangano ehurumende akatanhamara amakore 2 500 apfuura enhau dzakadeya kutaurwa muBhaibheri. Mubhuku raDhanieri, rakanyorwa anopfuura makore 500 Kristu asati aberekwa, mauporofita akanyorwa ayo akadeya kutaura kuwa kweBhabhironi rakare, pamwe chete nokumuka nokuwa kweMedhia nePersia, Girisi, uye Roma. Mauporofita acho akatodeya kutaura kutanga kweSimba reNyika reEngland neAmerica rezuva redu timene. Kurangarirwa kupfupi kwaakati kuti aaya mauporofita kuchatibetsera kunzwisisa chinorehwa nokutaura kwokuti umambo hwenyika hwava kuchinja.
Hwokutanga hwaaya mauporofita anoshamisa hwakanga huri chiroto chakafuridzirwa umo masimba enyika ezvamatongerwe enyika kuvambira muzuva raDhanieri kusvikira kunguva yedu akamirirwa nechifananidzo chikuru. Ipapo, ibwe rakavezwa, kwete namaoko, rakarova ndokupwanya ichi chifananidzo. Ibwe rakakuya aya masimba enyika, “zvikafanana nehundi iri pamapuriro nenguva yezhezha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo.”—Dhanieri 2:31-43.
Ganhuro imwe cheteyo zvikuru yaDhanieri inotsanangura chinoreva ikoku. Iyo inoratidza kuti hurumende dzavanhu dzinokundikana dzaizotsiviwa nechimwe chinhu chikuru zvikuru. Iyo inotiudza, kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingazotongoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwu hwose, ihwo huchamira nokusingaperi . . . Kurota uku ndokwazvokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwazvokwadi.”—Dhanieri 2:44, 45.
Asi ikoko kwakanga kusati kuri mugumo wenhau yacho. Muchiono chechipiri, masimba enyika anotevedzana akamirirwa nezvikara zvihombe zvine mavara esimba rakamirirwa. Dhanieri panguva iyeyo akabvumidzwa kuona kusvikira kuchigaro chokudenga chinotyisa cha“Akakwegura Pamazuva,” uye iye akaratidzwa chimwe chinhu chaizoitika, kwete muzuva rake asi mukati mokutonga kweSimba reNyika reEngland neAmerica renguva yedu. Iye akaona Dare rokudenga guru raJehovha richigara murutongeso paaya masimba enyika. (Dhanieri 7:2-12) Sezvinoratidza ndima dzinotevera, murairo woumwari wakapiwa wechinjo muumambo. Ndikunaaniko uko uhwu umambo hwaizopiwa?
Mumwe Munhu Akafanana noMwanakomana Womunhu
Dhanieri anopa mhinduro inofadza:
“Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana nomwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kuno Wakakwegura paMazuva ake, wakamuswededza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake hahungazoparadzwi.”—Dhanieri 7:13, 14.
Nokudaro Dhanieri akashandiswa kudeya kutaura kuti “Akakwegura paMazuva,” Jehovha Mwari amene, achaparadza kutonga kwakaipa kunoitwa nehurumende dzavanhu dzinodzvinyirira. Iye achatsiva ikoku nokutonga kwehurumende yakaisvonaka zvikuru inopfuura iyo rudzi rwomunhu rwaisambogona kufungidzira—Umambo husingaoneki hunoshandisa simba nechiremera huri kudenga. Asi ndiani ari uyu “mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” uyo achagamuchira Umambo?
Hatisiiwi tichipanikira. Jesu akazvizivisa amene so“Mwanakomana womunhu.” Iye akarondedzera kuvapo kwake senguva apo “Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake, uye ngirozi dzose dzinaye.” (Mateo 25:31, NW) Apo muprista mukuru wechiJudha akaraira kuti Jesu audze dare kana iye akanga ari “Kristu Mwanakomana waMwari,” Jesu akapindura, kuti: “Ndizvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.”a—Mateo 26:63, 64.
Simba reNyika Ravanhu Rokupedzisira
Makore 600 pashure penguva yaDhanieri, muapostora Johane akanyora bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa mufuridziro youmwari. Bhuku iroro rinonongedzera kuaya masimba enyika sa“madzimambo” ane simba, richiti: “Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.”—Zvakazarurwa 17:10.
Mashanu ayo akanga atowa apo Johane akanyora ikoku akanga ari Egipita, Asiria, Bhabhironi, Medhia nePersia, uye Girisi. Umambo hweRoma ‘hwakanga’ huripo. Sezvinooneka, rechinomwe, Simba reNyika reEngland neAmerica renguva yedu, rakanga richigere kusvika. Mukuwirirana naZvakazarurwa, hakuna simba renyika rinopfuura rechinomwe—iro riripo nhasi. Irori nderokupedzisira. Hakusati kuchizovazve nerimwe.
Zvisinei, iwoyo haufaniri kuva mufungo unotyisa—unofadza! Unoreva kuti umambo husina kururama, hunorwa hondo hwavanhu hwava pedyo nomugumo wahwo. Mauporofita anobatana mukutaura nezvechinjo inokosha munzira iyo pasi rinotongwa nayo—chinjo kubva muhurumende yavanhu ine udyire kuenda kuyokudenga yakarurama, Umambo hwaMwari.
Hurumende yoUmambo
Asi chiiko chiri Umambo ihwohwo? Hunopfuura zvikuru kungova chete pesvedzero yezvakanaka mumwoyo yavanhu noupenyu. Ihwo hunopfuurawo zvikuru kwazvo upenyu hweinonzi chechi yechiKristu. Umambo hwaMwari ihurumende chaiyoiyo. Ihwo huna mambo, vatongi biyake, nyika, uye vadzorwi. Uye ihwo huchaita zvikomborero zvinoshamisa zvadudzwa pakuvamba.
Jesu anoziviswa saMambo woUmambo hwacho. Iye akazvifananidza amene nomunhu mukuru uyo “akaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa ushe, agodzokazve.” Nezvenguva yemberi iyoyo, iye akati: “Apo Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake, uye ngirozi dzake dzose dzinaye, ipapo achagara pachigaro choumambo chine mbiri.”—Ruka 19:12; Mateo 25:31, NW.
“Mwanakomana womunhu” aizosvika rini? Hatifaniri kufembera mhinduro yacho. Mashoko aJesu pano rutivi rwemhinduro yake kumubvunzo, unoti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” (Mateo 24:3, 30, NW) Sezvakaratidzwa kazhinji kazhinji mumitsetse yamagazini ino, “kuvapo” ikoko kwakavamba zvisingaoneki mumatenga pamugumo we“nguva dzakagadzwa dzamarudzi” muna 1914.b—Ruka 21:24, NW.
Seizvo chaizvo Zvakazarurwa ganhuro 12 yakati zvaizoitika, Jesu ipapo akatora simba rake ndokukanda Satani achibva mudenga achidzika pedyo napasi. Inzwi mokudenga rakazivisa, kuti: “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi.” Ikoku kunotsanangura kuipa kwemigariro yenyika chibviro chenguva iyoyo. Nokudaro, inzwi mudenga rakapfuurira, richiti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:9-12.
Nguva pfupi iyoyo ichakurumidza kupera. Ganhuro shomanene gare gare, Jesu akapiwa mbiri anoonwa akatasva mbiza jena. Iye anonzi “Shoko raMwari,” uye iye acha“rova marudzi” uye “uchaafudza netsvimbo yedare”—seizvo chaizvo Dhanieri akanga aratidza kuti marudzi aizopanywa noUmambo hwaMwari hwakafanana nebwe iro raizokura kuzadza pasi rose.—Zvakazarurwa 19:11-16; Dhanieri 2:34, 35, 44, 45.
Masimba avanhu ezvamatongerwe enyika akafanana nemhuka haasati achizotongodzvinyirirazve rudzi rwomunhu!
Vatongi Biyake
Asi kune zvakawanda. Dhanieri akafuridzirwa kutaura kuti Umambo hwaizopiwa kwete chete ku“mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu” asiwo “kuvanhu avo vari vatsvene voWokumusorosoro.”—Dhanieri 7:27, NW.
Ivava ndivanaani? Zvakazarurwa anotaura nezveGwaiana, Kristu Jesu, kuti: “Mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose; mukavaitira Mwari wedu, kuti vave ushe navaprista, vabate ushe panyika.” Anotaurazve kuti ivo vachava “vaprista vaMwari navaKristu, uye vachatonga samadzimambo naye kwamakore ane chiuru.” Chiverengero chavo chinopiwa se 144 000.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1; 20:6, NW.
Ava ndivo avo Mwari Wokumusorosoro anosarudza nokuda kwegoverano muhurumende yenyika pamwe noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Nguva yedu yemberi ingagona kuva mumaoko akachengeteka zvikuru kupfuura muaya Mwari anosarudza here? Aiwa, Umambo ihwohwu huchava hurumende inobvira yakanakisisa—huru zvikuru kuchinhu chipi nechipi munhu ati amboziva. Mukutonga kwayo pasi rose richashandurirwa kuParadhiso yakaitwa donzo pakuvamba naMwari.
Rava nyaya inotevera uye ona kana iyoyi iri rudzi rwehurumende rwawaizosarudza kugara marwuri kana kuti kwete.
[Mashoko Omuzasi]
a Pamusoro pechiono chaDhanieri, New Catholic Encyclopedia, inoti: “Kunogona kuva nepanikiro duku yokuti Dhanieri pano ari kutaura nezvechinoitika icho chiri choukoshi husingaperi pamugumo wenguva.” Iyo inowedzera, kuti: “Kutaura kwaJesu pamberi peSanhedrin kunotipa ufakazi husingarambiki hwokuzivikanwa Kwake noMwanakomana woMunhu nenongedzero yakajeka kukupinda Kwake musimba.”
b Ona zvinyorwa zveNharireyomurindi zvaNovember 1, 1982 uye October 1, 1984.
[Bhokisi riri papeji 4]
“Musoro Mukuru Wokudzidzisa kwaJesu”
“Musoro woumambo hwaMwari une nzvimbo huru mukuparidzira kwaJesu.”—New Catholic Encyclopedia.
“[Umambo hwaMwari] hunowanzo-rangarirwa kuva musoro mukuru wokudzidzisa kwaJesu.”—Encyclopædia Britannica.
Asi ndirini yaiva nguva yokupedzisira wakanzwa “musoro mukuru [iwoyo] wokudzidzisa kwaKristu” uchikurukurwa muchechi?
[Bhokisi riri papeji 5]
Nyongano Pamusoro poUmambo hwaMwari
Vamwe vanhu vakafunga kuti “chechi pasi pano” ndihwo Umambo hwaMwari, nepo vamwe vakadavira kuti nyika yazvino “ichakura mupesvedzero yechiKristu kutozosvikira iyo yava Umambo.” Vamwezve vanotaura kuti Umambo hwaMwari ndiko “kutonga kwaMwari mumwoyo noupenyu zvomunhu.”
Asi izvi ndizvo bedzi here zviripo kuUmambo hwaMwari—tsika yorudzidziso, chinjo yezvamatongerwe enyika yapashoma napashoma, kana kuti mugariro wakati womudzimu mumwoyo yavanhu?