-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
6. Mativii maviri anoumba bhuku raDhanieri?
6 VaJudha vakabatanidza bhuku raDhanieri, kwete naVaporofita, asi naManyoro. Kuno rumwe rutivi, Bhaibheri reShona rinotevera nhevedzano yendaza yeSeptuagint yechiGiriki neVulgate yechiLatin kupfurikidza nokuisa Dhanieri pakati pavaporofita vakuru navaporofita vaduku. Chaizvoizvo pane mativi maviri ebhuku racho. Rwokutanga rwaiwawa, maganhuro 1 kusvikira ku6, rwunopa munhevedzano yokuverengwa kwenguva zvakaitika zvaDhanieri neshamwari dzake mubasa rehurumende kubvira muna 617 B.C.E. kusvikira kuna 538 B.C.E. (Dhan. 1:1, 21) Rutivi rwechipiri, rwunoumbwa namaganhuro 7 kusvikira ku12, rwakanyorwa nenzira yokuti Dhanieri ataure amene somunyori uye runorondedzera zviono zvomunhu oga nekurukurirano nengirozi izvo Dhanieri akava nazvo kubvira munenge muna 553 B.C.E.f kusvikira kunenge kuna 536 B.C.E. (7:2, 28; 8:2; 9:2; 12:5, 7, 8) Mativi maviri pamwe chete anoumba bhuku rimwe rinotsinhirana raDhanieri.
-
-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
7. Chii chinotungamirira kukupinda kwaDhanieri neshamwari dzake mubasa rehurumende reBhabhironi?
7 Kugadzirira nokuda kwebasa reHurumende (1:1-21). Muna 617 B.C.E. Dhanieri anouya kuBhabhironi ane vaJudha vakatapwa. Midziyo inoyera yomutembere yeJerusarema inouyawo, kuti ichengetwe muimba yepfuma yechihedheni. Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru vari pakati pepwere dzeimba youmambo dzaJudha dzakasarudzwa nokuda kwekosi yamakore matatu yerovedzo mudzimbahwe ramambo. Asarudza mumwoyo make kusazvishatsa amene nezvokudya zvakaisvonaka newaini zvechihedheni zvamambo, Dhanieri anokarakadza muedzo wamazuva gumi wezvokudya zvemirivo. Muedzo wacho unonakira Dhanieri neshamwari dzake, uye Mwari anovapa zivo nouchenjeri. Nebhukadnezari anogadza vana vacho kuti vamire pamberi pake savapi vemazano. Ndima yokupedzisira yeganhuro 1, iyo ingave yakawedzerwa nguva refu pashure pokunge chikamu chinotangira chanyorwa, inoratidzira kuti Dhanieri akanga achiri mubasa reimba youmambo makore 80 pashure pokupinda kwake muutapwa, umo mungava munenge muna 538 B.C.E.
-