-
Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
7. Musoro wechinomwe wechikara unopindirana nechii pachifananidzo chikuru?
7 Musoro wechinomwe wechikara unopindirana nechii pachifananidzo chikuru? Sezvo Britain yakabuda muRoma uye United States yakabva muBritain, tinogonawo kuti zvose zvakabuda muRoma. Asi tsoka dzechifananidzo dzinomirirei? Dzinotsanangurwa semusanganiswa wesimbi nevhu. (Verenga Dhanieri 2:41-43.) Tsanangudzo iyi inopindirana nenguva iyo musoro wechinomwe, unomirira Umambo hweBritain neAmerica, waizova nesimba. Sezvo chinhu chakagadzirwa nemusanganiswa wesimbi nevhu chisina kusimba sechesimbi iri yega, saizvozvowo, Umambo hweBritain neAmerica hauna simba rakaita sehweRoma, mahwakabuda. Sei tichidaro?
8, 9. (a) Umambo hwechinomwe hwakaratidza sei simba rakaita seresimbi? (b) Ivhu riri mutsoka dzechifananidzo rinomirirei?
8 Dzimwe nguva, musoro wechinomwe wechikara unoratidza simba rakaita seresimbi. Somuenzaniso, wakaratidza simba rawo pawakakunda muHondo Yenyika I. MuHondo Yenyika II, wakaratidzawo simba rakaita seresimbi.c Kubvira pakapera hondo iyoyo, dzimwe nguva wave uchiratidza simba rakaita seresimbi. Zvisinei, kubvira kwokutanga, simbi yacho yave yakasanganiswa nevhu.
9 Vashumiri vaJehovha vakabvira kare vachida kuziva zvinomirirwa netsoka dzechifananidzo. Dhanieri 2:41 inotsanangura musanganiswa wesimbi nevhu se“umambo” humwe chete, kwete hwakawanda. Saka ivhu rinomirira zvinhu zviri muUmambo hweBritain neAmerica, zvinoita kuti husava nesimba seUmambo hweRoma hwakafanana nesimbi iri yega. Ivhu racho rinotsanangurwa se“vanakomana vevanhu,” kana kuti vanhuwo zvavo. (Dhan. 2:43) MuUmambo hweBritain neAmerica, makatanga kuva nevanhu vanosimudzira kodzero dzavo vachishandisa masangano anomirira kodzero dzevashandi uye masangano anoda kuzvitonga. Vanhuwo zvavo vanotadzisa Umambo hweBritain neAmerica kuratidza simba rakaita seresimbi. Uyewo pfungwa dzevanopikisa, kuhwina nemavhoti asina kunyanya kuwanda pasarudzo, zvinoita kuti vatungamiriri vanenge vahwina vasava nesimba rakakura rokuita zvavanenge vachida. Dhanieri akagara ataura kuti: “Umambo hwacho huchati pamwe hwakasimba uye pamwe pacho hunoputsika nyore.”—Dhan. 2:42; 2 Tim. 3:1-3.
-
-
Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
11 Nhamba yezvigunwe zvechifananidzo ine zvainonyatsomirirawo here? Chimbofunga izvi: Pane zvimwe zvakaratidzwa Dhanieri, anotaura nezvedzimwe nhamba, somuenzaniso, nhamba yenyanga dziri mumisoro yezvikara zvaakaona. Nhamba idzodzo dzinokosha. Zvisinei, Dhanieri paanotsanangura chifananidzo, haatauri nhamba yezvigunwe. Saka, zvinoita sekuti nhamba yacho haikoshi, nokuti kudai yaikosha, zvaizorevawo kuti kuva kwechifananidzo chacho nemaoko maviri, minwe gumi, makumbo maviri, netsoka mbiri, kunewo zvakunomirira. Dhanieri anonyatsotaura kuti zvigunwe zvacho zvaizova zvesimbi nevhu. Kubva pane zvaanotsanangura, tinogona kuti Umambo hweBritain neAmerica ndihwo huchange huchitonga nyika, “dombo” rinomirira Umambo hwaMwari paricharova tsoka dzechifananidzo.—Dhan. 2:45.
-