Ganhuro 4
Jesu Kristu—Kiyi Yokuziva Mwari
WAKAMIRA pasuo, uchibata-bata kiyi dzako. Kuri kutonhora uye kwakasviba, uye unodisa kupinda mukati—asi kiyi yacho haishandi. Inoratidzika kuva ndiyo, bva chimai chekiyi hachisati chichizokiyinurika. Kunovhiringidza sei! Unotarira kiyi dzako zvakare. Uri kushandisa yakarurama here? Mumwe munhu akauraya kiyi yacho here?
2 Iwoyo muenzaniso wakanaka weizvo nyongano yorudzidziso rwenyika ino yakaita nokuziva Mwari. Chaizvoizvo, vakawanda vakauraya kiyi inorizarurira kunzwisisa kwedu—Jesu Kristu. Mamwe marudzidziso akabvisa kiyi yacho, achifuratira Jesu chose chose. Mamwe akashatisa basa raJesu, achimunamata saMwari Wamasimba ose. Muchiitiko chipi nechipi, kuziva Mwari kwakativharirwa pasina kunzwisiswa kwakarurama kwomunhu uyu mukuru, Jesu Kristu.
3 Ungayeuka kuti Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Mukutaura izvozvi, Jesu akanga asiri kuganza. Magwaro anosimbisa asimbisazve kudikanwa kwokuziva Kristu kwakarurama. (VaEfeso 4:13; VaKorose 2:2; 2 Petro 1:8; 2:20) “Vaporofita vose vanomupupurira [Jesu Kristu],” akadaro Muapostora Petro. (Mabasa 10:43) Uye muapostora Pauro akanyora, kuti: “Maari [Jesu] fuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa.” (VaKorose 2:3) Pauro akatotaura kuti zvipikirwa zvose zvaJehovha zvinozadzika nemhaka yaJesu. (2 VaKorinte 1:20) Naizvozvo Jesu Kristu ndiyo kiyi imene yokuziva Mwari. Kuziva kwedu Jesu kunofanira kuva kusina kushatiswa kupi nokupi pamusoro pounhu hwake uye pamusoro pebasa rake mugadziriro yaMwari. Asi nei vateveri vaJesu vachimurangarira kuva anokosha zvikuru kuzvinangwa zvaMwari?
MESIYA AKAPIKIRWA
4 Kuvambira mumazuva omurume akatendeka Abheri, vabatiri vaMwari vakanga vakarira nokudisa Mbeu yakafanotaurwa naJehovha Mwari amene. (Genesi 3:15; 4:1-8; VaHebheru 11:4) Kwakanga kwaziviswa kuti Mbeu yacho yaizobatira chinangwa chaMwari saMesiya, kureva kuti “Akazodzwa.” Aizo“gumisa zvivi,” uye mbiri dzoUmambo hwake dzakafanotaurwa mumapisarema. (Dhanieri 9:24-26; Pisarema 72:1-20) Ndiani aizobvumikisa kuva Mesiya?
5 Fungidzira mufaro wakanzwiwa nomuJudha muduku ainzi Andrea apo akateerera mashoko aJesu weNazareta. Andrea akamhanyira kuna mukoma wake Simoni Petro ndokumuudza, kuti: “Tawana Mesiya.” (Johane 1:41) Vadzidzi vaJesu vakapwiswa kuti akanga ari Mesiya akapikirwa. (Mateo 16:16) Uye vaKristu vechokwadi vave vachidisa kuisa upenyu hwavo mungozi vachidavira kuti Jesu akanga ari zvirokwazvo Mesiya akafanotaurwa, kana kuti Kristu. Chibvumikisoi chavakava nacho? Ngatirangarirei ufakazi utatu.
UFAKAZI HWOKUTI JESU AKANGA ARI MESIYA
6 Mutsara wedzinza waJesu unosimbisa hwaro hwokutanga hwokumuziva saMesiya akapikirwa. Jehovha akanga audza mubatiri Wake Abrahama kuti Mbeu yakapikirwa yaizobva mumhuri yake. Mwanakomana waAbrahama Isaka, mwanakomana waIsaka Jakobho, uye mwanakomana waJakobho Judha mumwe nomumwe akagamuchira chipikirwa chakafanana. (Genesi 22:18; 26:2-5; 28:12-15; 49:10) Mutsara wedzinza raMesiya wakatetepeswa mazana amakore gare gare apo Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti mutsara wemhuri yake waizobereka Iyeyu. (Pisarema 132:11; Isaya 11:1, 10) Nhoroondo dzeEvhangeri dzaMateo naRuka dzinosimbisa kuti Jesu akauya nomumutsara iwoyo wemhuri. (Mateo 1:1-16; Ruka 3:23-38) Kunyange zvazvo Jesu aiva navavengi vakawanda vakakasharara, hapana nomumwe wavo akapokana mutsara wake wakasanoziviswa wedzinza. (Mateo 21:9, 15) Nenzira yakajeka, ipapoka, mutsara wake wedzinza haupokanwi. Zvisinei, zvinyorwa zvemhuri zvavaJudha zvakaparadzwa apo vaRoma vakaparadza Jerusarema muna 70 C.E. Munguva dzapashure, hakuna munhu aigona kumbobvumikisa kutaura kuva Mesiya akapikirwa.
7 Uporofita hwakazadzikwa ufakazi hwechipiri. Uporofita hwakawanda hwaMagwaro echiHebheru hunorondedzera mativi akasiyana-siyana oupenyu hwaMesiya. Muzana ramakore rechisere B.C.E., muporofita Mika akafanotaura kuti uyu mutongi mukuru aizoberekerwa mutaundi risingakoshi reBhetrehema. Mataundi maviri muna Israeri akanzi Bhetrehema, asi uporofita ihwohwu hwakadudza kuti nderipi: Bhetrehema Efrata, umo Mambo Dhavhidhi akanga aberekerwa. (Mika 5:2) Vabereki vaJesu, Josefa naMaria, vaigara muNazareta, anenge makiromita 150 kuchamhembe kweBhetrehema. Apo Maria akanga ane pamuviri, zvisinei, mutongi weRoma Kesari Augusto akarayira kuti vanhu vose vanyorese mumaguta omumusha mavo.a Naizvozvo Josefa aifanira kuendesa mudzimai wake aiva napamuviri kuBhetrehema, uko Jesu akaberekwa.—Ruka 2:1-7.
8 Muzana ramakore rechitanhatu B.C.E., muporofita Dhanieri akafanotaura kuti “Mesiya Mutungamiriri” aizooneka “vhiki” 69 pashure pokunge murayiro wabuda wokudzorera ndokuvakazve Jerusarema. (Dhanieri 9:24, 25, NW) Imwe neimwe yeidzi “vhiki” yakanga yakareba makore manomwe.b Maererano neBhaibheri nenhau yenyika, murayiro wokuvakazve Jerusarema wakabudiswa muna 455 B.C.E. (Jeremia 2:1-8) Naizvozvo Mesiya aifanira kuoneka makore 483 (69 kutaimuza na 7) pashure pa 455 B.C.E. Ikoko kunotisvitsa kuna 29 C.E., gore rimene iro Jehovha akazodza Jesu nomudzimu mutsvene. Jesu nokudaro akava “Kristu” (kureva kuti “Akazodzwa”), kana kuti Mesiya.—Ruka 3:15, 16, 21, 22.
9 Chokwadika, haasati ari munhu ari wose akagamuchira Jesu saMesiya akapikirwa, uye Magwaro akanga afanotaura ikoku. Sezvakanyorwa paPisarema 2:2, Mambo Dhavhidhi akafuridzirwa nenzira youmwari kufanotaura, kuti: “Madzimambo enyika anozvigadzira, navabati vanorangana, kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake.” Uporofita ihwohwu hwakakarakadza kuti vatungamiriri vanobva kunyika dzinopfuura imwe vaizobatana kuti vadenhe Muzodziwa waJehovha, kana kuti Mesiya. Ndozvakaitika. Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha, Mambo Herodhe, uye gavhuna weRoma Pontio Pirato vose vakaita rutivi mukuurayisa Jesu. Vaichimbova vavengi Herodhe naPirato vakava shamwari dzakasimba kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi. (Mateo 27:1, 2; Ruka 23:10-12; Mabasa 4:25-28) Nokuda kwechimwe chibvumikiso chokuti Jesu akanga ari Mesiya, tapota ona chati yabatanidzwa ino musoro unoti “Uporofita hwaMesiya Hwakatanhamara.”
10 Chipupuriro chaJehovha Mwari ufakazi hwechitatu hunotsigira kuva Mesiya kwaJesu. Jehovha akatuma ngirozi kundozivisa vanhu kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya akapikirwa. (Ruka 2:10-14) Kutaura idi, mukati moupenyu hwapasi hwaJesu, Jehovha amene akataura ari mudenga, achiratidzira kutendera kwake Jesu. (Mateo 3:16, 17; 17:1-5) Jehovha Mwari akapa Jesu simba rokuita zvishamiso. Chimwe nechimwe chaizvozvi chakanga chiri chimwe chibvumikiso choumwari chokuti Jesu akanga ari Mesiya, nokuti Mwari haasati aizotongopa simba munyengeri kuti aite zvishamiso. Jehovha akashandisawo mudzimu mutsvene wake kufuridzira nhoroondo dzeEvhangeri, zvokuti ufakazi hwokuva Mesiya kwaJesu hwakava rutivi rweBhaibheri, bhuku rakashandurwa nerinoparadzirwa zvikurusa munhau.—Johane 4:25, 26.
11 Pamwe chete, izvi zvikamu zvoufakazi zvinobatanidza mazana amaidi anozivisa Jesu saMesiya akapikirwa. Nenzira yakajeka, ipapoka, vaKristu vechokwadi vakamurangarira nomazvo ‘souyo vaporofita vose vakapupurira’ uye kiyi yokuziva Mwari. (Mabasa 10:43) Asi kune zvakawanda zvokudzidza pamusoro paJesu Kristu kupfuura idi rokuti akanga ari Mesiya. Akabvepi? Akanga akaita sei?
KUVAPO KWAJESU ASATI AVA MUNHU
12 Upenyu hwaJesu hungakamurwa kuva nhambo nhatu. Yokutanga yakavamba kare kare asati aberekwa pasi pano. Mika 5:2 yakataura kuti mavambo aMesiya “ndaakare, pamazuva akare kare.” Uye Jesu akataura zvakajeka kuti akanga abva “kumusoro,” ndiko kuti, kudenga. (Johane 8:23; 16:28) Akanga avapo mudenga kwenguva yakareba sei asati auya kupasi?
13 Jesu akanzi “Mwanakomana . . . wakaberekwa mumwe woga” waMwari nemhaka yokuti Jehovha akamusika zvakananga. (Johane 3:16) Se“dangwe rezvisikwa zvose,” Jesu panguva iyeyo akashandiswa naMwari kusika zvimwe zvinhu zvose. (VaKorose 1:15; Zvakazarurwa 3:14) Johane 1:1 inotaura kuti “pakutanga shoko (Jesu mukuvapo kwake asati ava munhu) rakanga” rina Mwari. Naizvozvo Shoko rakanga rina Jehovha apo “denga nenyika” zvakasikwa. Mwari akanga achitaura kuShoko apo Iye akati: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu.” (Genesi 1:1, 26) Nenzira yakafanana, Shoko rinofanira kuva raiva “mhizha,” yaMwari inodiwa inorondedzerwa pana Zvirevo 8:22-31 souchenjeri hunotaurwa somunhu, raishanda riri parutivi paJehovha mukuitwa kwezvinhu zvose. Pashure pokunge Jehovha ariita kuti rivepo, Shoko rakapedza nguva isingaverengeki rina Mwari mudenga risati rava munhu pasi pano.
14 Hakushamisi kuti VaKorose 1:15 anodana Jesu kuti “mufananidzo waMwari usingaonekwi”! Kupfurikidza namakore asingataurwi esonganiro yapedyo, Mwanakomana anoteerera akasvika pakuva akafanana chaizvo naBaba vake, Jehovha. Ichi ndichimwe chikonzero nei Jesu ari kiyi yokuziva Mwari kunopa upenyu. Chinhu chiri chose icho Jesu akaita ari pasi pano ndiicho chaizvoizvo Jehovha angadai akaita. Nokudaro, kusvika pakuziva Jesu kunorevawo kuwedzera kuziva kwedu Jehovha. (Johane 8:28; 14:8-10) Nenzira yakajeka, ipapoka, kunokosha kudzidza zvakawanda pamusoro paJesu Kristu.
UPENYU HWAJESU PASI PANO
15 Nhambo yechipiri youpenyu hwaJesu yakanga iri pano pasi pano. Akabvuma nokudisa sezvo Mwari akatamisa upenyu hwake huchibva mudenga huchienda kudumbu remhandara yechiJudha yakatendeka yainzi Maria. Mudzimu mutsvene une simba waJehovha, kana kuti simba rinoshanda, ‘wakafukidza’ Maria, uchimuparira kuva napamuviri uye pakupedzisira kubereka mwana akakwana. (Ruka 1:34, 35) Jesu haana kugara nhaka kusakwana, sezvo upenyu hwake hwakabva kuManyuko akakwana. Akarerwa mumusha wakaderera somwanakomana wokurera womuvezi Josefa uye akanga ari wokutanga wavana vanoverengeka mumhuri macho.—Isaya 7:14; Mateo 1:22, 23; Marko 6:3.
16 Kuzvipira kukuru kwaJesu kuna Jehovha Mwari kwakanga kuchitova pachena apo akanga ava namakore 12 okukura. (Ruka 2:41-49) Pashure pokukura nokutanga ushumiri hwake pazera ramakore 30, Jesu akaratidzirawo kuda kwake kukuru vanhu biyake. Apo mudzimu mutsvene waMwari wakamupa simba rokuita zvishamiso, akaporesa netsitsi vanorwara, vanokamhina, zvirema, mapofu, matsi, vane maperembudzi. (Mateo 8:2-4; 15:30) Jesu akadyisa zviuru zvaiva nenzara. (Mateo 15:35-38) Akanyaradza dutu rakatyisidzira kukotsekana kweshamwari dzake. (Marko 4:37-39) Kutaura idi, akatomutsa vakafa. (Johane 11:43, 44) Izvi zvishamiso maidi akasanosimbiswa enhau. Kunyange vavengi vaJesu vakabvuma kuti ‘akaita zviratidzo zvakawanda.’—Johane 11:47, 48.
17 Jesu akafamba munyika yose yomusha wake, achidzidzisa vanhu pamusoro poUmambo hwaMwari. (Mateo 4:17) Akagadzawo muenzaniso wakaisvonaka weshiviro nokuva nomufungo. Kunyange apo vadzidzi vake vakamutadzira, akati nenzira yokunzwira tsitsi: “Mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.” (Marko 14:37, 38) Bva, Jesu aiva noushingi uye akananga naavo vaizvidza zvokwadi ndokudzvinyirira vaida betsero. (Mateo 23:27-33) Kupfuura zvose, akatevedzera zvakakwana muenzaniso waBaba vake worudo. Jesu akanga achitodisa kufa kuitira kuti rudzi rwomunhu rwusina kukwana rugova netariro yeramangwana. Hakushamisi, ipapoka, kuti tingasanonongedzera kuna Jesu sekiyi yokuziva Mwari! Hungu, ndiye kiyi mhenyu! Asi nei tichiti kiyi mhenyu? Ikoku kunotisvitsa kunhambo yechitatu youpenyu hwake.
JESU NHASI
18 Kunyange zvazvo Bhaibheri richishuma pamusoro porufu rwaJesu, zvino mupenyu! Kutaura idi, mazana avanhu aigara muzana ramakore rokutanga C.E. akanga ari zvapupu zvakaona zveidi rokuti iye akanga amutswa. (1 VaKorinte 15:3-8) Sezvakaporofitwa, pashure paikoko akagara parudyi rwaBaba vake ndokumirira kugamuchira simba roumambo mudenga. (Pisarema 110:1; VaHebheru 10:12, 13) Naizvozvo tinofanira kuisa muchiono sei Jesu nhasi? Tinofanira here kufunga nezvake somwana anoda betsero ari muchidyiro? Kana kuti somunhu anotambura ari kuurawa? Aiwa. Iye ndiMambo ane simba, anotonga! Uye nokukurumidza zvikuru zvino, acharatidzira umambo hwaMwari papasi redu ranetswa.
19 Pana Zvakazarurwa 19:11-15, Mambo Jesu Kristu anorondedzerwa zvakajeka saanouya nesimba guru kuzoparadza vakaipa. Uyu Mutongi wokudenga ane rudo anofanira kuva anodisa sei kugumisa kutambura uko kunorwadza mamiriyoni nhasi! Uye iye anodisa zvakafanana kubetsera avo vanovavarira kutevedzera muenzaniso wakakwana waakagadza ari pasi pano. (1 Petro 2:21) Anoda kuvachengeta mu“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose,” iri kusvika nokukurumidza inowanzonzi Armagedhoni, kuti vagogona kurarama nokusingaperi savadzorwi vapasi voUmambo hwake hwokudenga.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 16:14, 16.
20 Mukati moKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwakafanotaurwa kwaJesu kworugare, achaitira rudzi rwose rwomunhu zvishamiso. (Isaya 9:6, 7; 11:1-10; Zvakazarurwa 20:6) Jesu acharapa chirwere chose uye achagumisa rufu. Achamutsa mabhiriyoni kuti iwowo agova nomukana wokurarama nokusingaperi pasi pano. (Johane 5:28, 29) Uchafadzwa nokudzidza zvakawanda pamusoro poUmambo hwake hwaMesiya muganhuro rapashure. Iva nechokwadi neizvi: Hatimbogona kufungidzira kuti upenyu hwedu huchava hwakaisvonaka sei mukutonga kwoUmambo. Kunokosha sei kuva vakarovedzana zviri nani naJesu Kristu! Hungu, kunokosha kuti tisatongokanganwa Jesu, kiyi mhenyu yokuziva Mwari kunotungamirira kuupenyu husingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Uku kunyoresa kwakagonesa zviri nani Umambo hweRoma kurayira mitero. Nokudaro, Augusto akabetsera asingazivi kuzadzika uporofita pamusoro pomutongi ‘aizoparira muteresi kupfuura nomuumambo.’ Uporofita humwe chetehwo hwakafanotaura kuti “Mutungamiriri wesungano,” kana kuti Mesiya, aizo“paradzwa” mumazuva omutsivi wouyu mutongi. Jesu akaurawa mukati mokutonga kwomutsivi waAugusto, Tibherio.—Dhanieri 11:20-22.
b VaJudha vakare vaiwanzofunga maererano nevhiki dzamakore. Somuenzaniso, sezvo chaizvo zuva rechinomwe riri rose rakanga riri zuva reSabata, gore rechinomwe riri rose rakanga riri gore reSabata.—Eksodho 20:8-11; 23:10, 11.
EDZA ZIVO YAKO
Mutsara wedzinza waJesu wakatsigira sei kutaura kwake kuva Mesiya?
Ndohupi huri uporofita hwaMesiya hwakazadzikwa muna Jesu?
Mwari akaratidza sei zvakananga kuti Jesu akanga ari Muzodziwa wake?
Nei Jesu ari kiyi mhenyu yokuziva Mwari?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. 2. Marudzidziso enyika akauraya sei kiyi yokuziva Mwari?
3. Nei Jesu anganzi kiyi yokuziva Mwari?
4, 5. Itariroi dzakanga dzakanangidzirwa pana Mesiya, uye vadzidzi vaJesu vakamurangarira sei?
6. (a) Mutsarai wedzinza waizobereka Mbeu yakapikirwa, uye tinoziva sei kuti Jesu akauya nomumutsara iwoyo wemhuri? (b) Nei kwaizova kusingabviriri munhu upi noupi airarama pashure pa 70 C.E. kubvumikisa kutaura kwokuva Mesiya?
7. (a) Ndohupi huri ufakazi hwechipiri hwokuti Jesu akanga ari Mesiya? (b) Mika 5:2 yakazadzikwa sei pamusoro paJesu?
8. (a) “Vhiki” 69 dzakavamba rini uye nechiitikoi? (b) “Vhiki” 69 dzakanga dzakareba sei, uye chii chakaitika apo dzakaguma?
9. (a) Pisarema 2:2 rakazadzikwa sei? (b) Ndohupi huri humwe uporofita hwakazadzikwa muna Jesu? (Ona chati.)
10. Jehovha akapupurira kuti Jesu akanga ari Muzodziwa wake akapikirwa munzirai?
11. Ufakazi hwakawanda zvakadini huripo hwokuti Jesu akanga ari Mesiya?
12. 13. (a) Tinoziva sei kuti Jesu aivapo mudenga asati auya kupasi? (b) Ndiani ari “Shoko,” uye akaitei asati ava munhu?
14. Nei Jesu achinzi “mufananidzo waMwari usingaonekwi”?
15. Jesu akasvika sei pakuberekwa somwana akakwana?
16, 17. (a) Jesu akawanepi simba rokuita zvishamiso, uye ndezvipi zvaiva zvimwe zvazvo? (b) Ndeapi ari mamwe mavara ayo Jesu akaratidzira?
18. Tinofanira kuisa sei muchiono Jesu Kristu nhasi?
19. Jesu achaita chiitoi muremangwana riri pedyo?
20. Jesu achaitirei rudzi rwomunhu mukati moKutonga kwake kwaMakore Ane Chiuru?
[Chati iri papeji 37]
UPOROFITA HWAKATANHAMARA HWAMESIYA
UPOROFITA CHIITIKO ZADZIKO
UPENYU HWAKE HWAPAKUVAMBA
Isaya 7:14 Akaberekwa nemhandara Mateo 1:18-23
Jeremia 31:15 Vana vakaurawa pashure pokuberekwa kwake Mateo 2:16-18
USHUMIRI HWAKE
Isaya 61:1, 2 Basa rake rakabva kuna Mwari Ruka 4:18-21
Isaya 9:1, 2 Ushimiri hwakaparira vanhu Mateo 4:13-16
kuona chiedza chikuru
Pisarema 69:9 Kushingairira imba yaJehovha Johane 2:13-17
Isaya 53:1 Haana kudavirwa Johane 12:37, 38
Zekaria 9:9; Kupinda muJerusarema akatasva Mateo 21:1-9
Pisarema 118:26 mwana wembongoro; anorumbidzwa samambo
uye saanouya
muzita raJehovha
KUTENGESWA KWAKE NORUFU
Pisarema 41:9; Muapostora mumwe haana Mabasa 1:15-20
Pis 109:8 kutendeka;anotengesa Jesu uye
gare gare anotsiviwa
Zekaria 11:12 Akatengeswa nokuda Mateo 26:14, 15
kwezvidimbu 30zvesirivha
Pisarema 27:12 Zvapupu zvenhema Mateo 26:59-61
zvakashandiswa kwaari
Pisarema 22:18 Mijenya yakakandirwa nguo dzake Johane 19:23, 24
Isaya 53:12 Akaverengwa navatadzi Mateo 27:38
Pisarema 22:7, 8 Akatukwa achifa Marko 15:29-32
Pisarema 69:21 Akapiwa vhinega Marko 15:23, 36
Isaya 53:5; Akabayiwa Johane 19:34, 37
Isaya 53:9 Akavigwa navafumi Mateo 27:57-60
Pisarema 16:8-11, Akamutswa asati aora Mabasa 2:25-32;
(NW) mashoko omuzasi Mab 13:34-37
[Mufananidzo uri papeji 35]
Mwari akapa Jesu simba rokurapa vanorwara