Mazuva Ouporofita hwaDhanieri Nokutenda Kwedu
“Anofara munhu anoramba achikarira uye anosvika pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu!”—DHANIERI 12:12, NW.
1. Nei vazhinji vachikundikana kuwana mufarwa chaiwoiwo, uye mufarwa wechokwadi wakabatanidzwa nei?
MUNHU ari wose anoda kufara. Nhasi, kunyanguvezvo, vashomanene zvikuru vanofara. Neiko? Murutivi nemhaka yokuti vazhinjisa vanotsvaka mufarwa munzvimbo dzakaipa. Mufarwa unotsvakwa muzvinhu zvakadai sedzidzo, pfuma, basa, kana kuti kurondwa kwesimba. Jesu, kunyanguvezvo, mukutangwa kweMharidzo yake yapaGomo, akabatanidza mufarwa nokuziva chinodikanwa chomudzimu chomunhu, ngoni, kuchena mumwoyo, uye mavara akafanana. (Mateo 5:3-10) Rudzi rwomufarwa Jesu akataura nezvarwo chairwoirwo uye harugumi.
2. Mukuwirirana nouporofita, chii chaizotungamirira kumufarwa munguva yomugumo, uye mibvunzoi inomuka pamusoro paichochi?
2 Nokuda kwavakasarira vakazodzwa vari munguva yomugumo, mufarwa wakabatanidzwa nechimwe chinhu chokuwedzera. Mubhuku raDhanieri, tinorava, kuti: “Enda zvako, Dhanieri, nemhaka yokuti mashoko acho akavanzwa uye akanamwa kutozosvikira panguva yomugumo. Anofara munhu anoramba achikarira uye anosvika pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu!” (Dhanieri 12:9, 12, NW) Inhamboi yenguva aya mazuva 1 335 akafukidza? Neiko avo vairarama maari vaifara? Iyoyi ine chinhu chipi nechipi chokuita nokutenda kwedu nhasi here? Tinobetserwa kupindura iyi mibvunzo kana tikatarira shure kusvikira kunguva apo Dhanieri akanyora mashoko iwawa, nokukurumidza pashure pokusunungurwa kwaIsraeri muutapwa muBhabhironi nomugore rechitatu raKoreshi mambo wePersia.—Dhanieri 10:1.
Kudzorerwa Kunounza Mufarwa
3. Chiitoi chakaitwa naMambo Koreshi chakaunza mufarwa mukuru kuvaJudha vakatendeka muna 537 P.N.V., asi iropafadzoi iyo Koreshi asina kupa kuvaJudha?
3 Nokuda kwavaJudha, kusunungurwa muBhabhironi kwakanga kuri nhambo yomufaro chaiwoiwo. Pashure pokunge vaJudha vatsungirira makore anodokusvika 70 outapwa, Koreshi Mukuru akavakumbira kudzokera kuJerusarema kundovakazve tembere yaJehovha. (Ezra 1:1, 2) Avo vakapindura vakatanga rwendo vane tariro huru, vachisvika munyika yokumusha kwavo muna 537 P.N.V. Zvisinei, Koreshi haana kuvakumbira kudzorera umambo pasi pomuzukuru waMambo Dhavhidhi.
4, 5. (a) Umambo hwaDhavhidhi hwakakurirwa rini? Nei? (b) Ivimbisoi yakapa Jehovha kuti Umambo hwaDhavhidhi hwaizodzorerwa?
4 Ikoko kwakanga kuchikosha. Mazana amakore mashanu pamberi pezvi, Jehovha akanga apikira Dhavhidhi, kuti: “Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi; nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.” (2 Samueri 7:16) Nenzira isingafadzi, vazhinjisa vavazukuru voumambo vaDhavhidhi vakabvumikisa kuva vanopandukira, uye mhaka yeropa yorudzi rwacho yakava huru kwazvo zvokuti muna 607 P.N.V., Jehovha akabvumira umambo hwaDhavhidhi kukurirwa. Kunze kwenhambo pfupi pasi pavaMaccabee, Jerusarema raidzorwa noudzori hwokumwe kuvambira panguva iyeyo kutozosvikira kuruparadziko rwaro rwechipiri muna 70 N.V. Nokudaro, muna 537 P.N.V., “nguva dzakagadzwa dzamarudzi,” mukati madzo musina mwanakomana waDhavhidhi aizotonga samambo, dzaifambira mberi.—Ruka 21:24, NW.
5 Kunyanguvezvo, Jehovha haana kukanganwa chipikirwa chake kuna Dhavhidhi. Kupfurikidza nenhevedzano yezviono nezviroto, iye akazivisa kupfurikidza nomuporofita wake Dhanieri udzame hwezvinoitika zvenyika zvomunguva yemberi izvo zvaizobatanidza mazana amakore kubvira panguva yokudzorwa kwenyika neBhabhironi kusvikira kunguva apo mambo womumutsara waDhavhidhi aizotonga zvakare muumambo hwavanhu vaJehovha. Uporofita ihwohwu, hwakanyorwa muna Dhanieri ganhuro 2, 7, 8, uye Dha 10-12, hwakavimbisa vaJudha vakatendeka kuti, pakupedzisira, chigaro choumambo chaDhavhidhi zvirokwazvo chaizo“simbiswa nokusingaperi.” Zvirokwazvo, zvokwadi yakaziviswa yakadaro yakaunza mufarwa kuvaJudha ivavo vakadzokera kunyika yokumusha kwavo muna 537 P.N.V.!
6. Tinoziva sei kuti humwe hwouporofita hwaDhanieri hwaizozadzikwa munguva yedu?
6 Vatsinhiri vazhinjisa veBhaibheri vanotaura kuti uporofita hwaDhanieri hwakadokuzadzikwa hwose pamberi pokuberekwa kwaJesu Kristu. Asi nenzira yakajeka ikoku hakuna kudaro. Pana Dhanieri 12:4, ngirozi inoudza Dhanieri, kuti: “Vanza mashoko, unamire bhuku nechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda.” Kana bhuku raDhanieri raifanira kunamanurwa—revo yaro ichiziviswa zvizere—bedzi munguva yomugumo, zvirokwazvo hunenge humwe hwouporofita hwaro hunofanira kushanda kusvikira kunhambo iyoyo.—Ona Dhanieri 2:28; 8:17; 10:14.
7. (a) Nguva dzakagadzwa dzamarudzi dzakaguma rini, uye mubvunzoi unokosha waifanira kupindurwa panguva iyeyo? (b) Ndivanaani vakanga vasiri “muranda akatendeka naakachenjera”?
7 Muna 1914 nguva dzakagadzwa dzamarudzi dzakaguma, uye nguva yomugumo wenyika ino yakavamba. Umambo hwaDhavhidhi hwakadzorerwa, kwete muJerusarema rapasi, asi zvisingaoneki mu“makore amatenga.” (Dhanieri 7:13, 14, NW) Panguva iyoyo, nemhaka yokuti “mashawi” echiKristu chenhema akanga achikura, mugariro wechiKristu chechokwadi wakanga usina kujeka—kunenge zvako kumeso avanhu. Kunyanguvezvo, mubvunzo ukosha waifanira kupindurwa: “Ndiani chaizvoizvo ari muranda akatendeka naakachenjera?” (Mateo 13:24-30; 24:45, NW) Ndiani aizomirira pasi pano Umambo hwaDhavhidhi hwakadzorerwa? Kwete hama dzokunyama dzaDhanieri, vaJudha. Ivo vakanga varambwa nemhaka yokuti vakanga vasina kutenda uye vakagumburwa naMesia. (VaRoma 9:31-33) Muranda akatendeka haana kutongowanwa pakati pamasangano echiKristudhomu! Mabasa awo akaipa akabvumikisa kuti Jesu akanga asingaazivi. (Mateo 7:21-23) Ipapoka, akanga ari ani?
8. Ndivanaani vakabvumikisa kuva “muranda akatendeka naakachenjera” mukati menguva yomugumo? Tinoziva sei?
8 Pasina nepanikiro ipi neipi zvayo, rakanga riri boka duku rehama dzakazodzwa dzaJesu idzo muna 1914 dzaizivikanwa saVadzidzi veBhaibheri asi chifo cha 1931 vakaziviswa seZvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10) Ivo bedzi vakazivisa Umambo hwakadzorerwa mumutsara waDhavhidhi. (Mateo 24:14) Ivo bedzi vakaramba vakaparadzana nenyika ndokurumbidza zita raJehovha. (Johane 17:6, 14) Uye ndopavari bedzi apo uporofita hweBhaibheri hune chokuita navanhu vaMwari mumazuva okupedzisira hwakazadzikwa. Pakati pouhu uporofita pane nhevedzano yenhambo dzouporofita dzakarongwa muna Dhanieri ganhuro 12 iyo inobatanidza mazuva 1 335 ayo aizounza mufarwa.
Mazuva 1 260
9, 10. Ndizvinoitikai zvakaratidzira “nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva” dzaDhanieri 7:25, uye ndimumamwe magwaroi umo nhambo yenguva inovambirana inodudzwa?
9 Pana Dhanieri 12:7, tinorava nezvenhambo yokutanga youporofita: “Zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.”a Nhambo imwe cheteyi inodudzwa pana Zvakazarurwa 11:3-6, iyo inotaura kuti zvapupu zvaMwari zvaizoparidzira zvakapfeka masaga kwamakore matatu nehafu uye ipapo kuurawa. Zvakare, pana Dhanieri 7:25, tinorava, kuti: “Uchataura mashoko okumhura Wokumusoro-soro, uchaparadza vatsvene, uye uchatsvaka mano okushandura nguva nemirairo; ivo vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.”
10 Muuhu uporofita hwapashure, “u” isimba renyika rechishanu kuverenga kubva kuBhabhironi. Iro ndiro “runyanga, ruduku,” mukati menguva yarwo yesimba Mwanakomana womunhu anogamuchira “ushe nechiremera noumambo.” (Dhanieri 7:8, 14, NW) Runyanga irworwu rwokufananidzira, pakuvamba-vamba umambo hweBritain, hwakakura mukati mehondo yenyika yokutanga kuva simba renyika ramaviri reEngland neAmerica, zvino rinodzorwa neUnited States. Kwenguva nhatu nehafu, kana kuti makore, iri simba raizonetsa vatsvene ndokuedza kuchinja nguva nomutemo. Pakupedzisira, vatsvene vaizopiwa musimba raro.—Onawo Zvakazarurwa 13:5, 7.
11, 12. Ndizvinoitikai zvakatungamirira kukutanga kwamazuva ouporofita 1 260?
11 Uporofita ihwohwu hwose hunowirirana hwakazadzikwa sei? Kwamakore pamberi peHondo yeNyika I, hama dzakazodzwa dzaJesu dzakanyevera pachena kuti 1914 aizoona mhedziso yenguva dzakagadzwa dzamarudzi. Apo hondo yakatanga, kwakanga kuri pachena kuti nyevero yacho yakanga yafuratirwa. Satani akashandisa “chikara” chake, sangano rezvamatongerwe enyika renyika panguva iyeyo raidzorwa noUmambo hweBritain, munhamburiko yo“kushandura nguva nemirairo,” kuti arebese nguva apo Umambo hwaMwari hwaizotonga. (Zvakazarurwa 13:1, 2) Iye akakundikana. Umambo hwaMwari hwakagadzwa mudenga, kure kusingasvikwi navanhu.—Zvakazarurwa 12:1-3.
12 Nokuda kwaVadzidzi veBhaibheri, hondo yacho yakareva nguva yokuedza. Chifo chaJanuary 1914 vakanga vave vachiratidza Photo-Drama of Creation, kuratidzwa kweBhaibheri uko kwakakwevera ngwariro kuuporofita hwaDhanieri. Muzhezha regore iroro muNorthern Hemisphere, hondo yakatanga. Muna October, nguva dzakagadzwa dzakaguma. Pakasvika mugumo wegore racho, vakasarira vakazodzwa vakanga vachikarira chitambudzo, sezvinoonwa muidi rokuti rugwaro rwegore rwakasarudzwa nokuda kwa 1915 wakanga uri mubvunzo waJesu kuvadzidzi vake unoti, “Munokwanisa here kunwa mukombe wangu?” wakavakirwa pana Mateo 20:22, King James Version.
13. Vadzidzi veBhaibheri vakaparidzira sei vakapfeka masaga mukati mamazuva 1 260, uye chii chakaitika pamugumo wenhambo iyoyo?
13 Nokudaro, kuvambira muna December 1914, iri boka duku rezvapupu ‘rakaparidzira rakapfeka masaga,’ richitsungirira nokuzvininipisa sezvo vaizivisa marutongeso aJehovha. Katyamadzo kuvazhinji yakanga iri, muna 1916, rufu rwaC. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society. Sezvo kupisa kwehondo kwakapararira, vakasangana nechishoro chinokura. Vamwe vakapinzwa mutorongo. Vanhu vamwe navamwe, vakadai saFrank Platt muEngland naRobert Clegg muCanada, vakatambudzwa nezviremera zvine utsinye. Pakupedzisira, pana June 21, 1918, J. F. Rutherford, purezidhendi mutsva, pamwe chete navatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society, akatongerwa papomero dzenhema kunhambo refu mutorongo. Nokudaro, pamugumo wenhambo youporofita, “runyanga ruduku” rwakauraya basa rokuparidzira rapachena rakarongwa.—Dhanieri 7:8, King James Version.
14. Zvinhu zvakachinjira sei vakasarira vakazodzwa muna 1919 napashure pacho?
14 Bhuku raZvakazarurwa rinoporofita chakatevera kuitika. Pashure penhambo pfupi yokusashanda—yakadeya kutaurwa samazuva matatu nehafu okuvata mumugwagwa vakafa—vakasarira vakazodzwa vakava vapenyu navanoshingaira zvakare. (Zvakazarurwa 11:11-13) Pana March 26, 1919, purezidhendi navatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society vakasunungurwa, uye gare gare vakasunungurwa chose chose papomero dzenhema pavari. Nokukurumidza pashure pokusungurwa kwavo, vakasarira vakazodzwa vakavamba kurongazve nokuda kwomumwe mubato. Nokudaro, muzadziko yenhamo yokutanga yaZvakazarurwa, vakabuda mugomba rakadzika-dzika rokusashanda kufanana nemhashu dzomudzimu vachiperekedzwa noutsi hukobvu, hunoratidzira nguva yemberi yakasviba nokuda kworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 9:1-11) Mukati mamakore mashomanene akatevera, vakadyiswa mumudzimu ndokugadzirirwa nokuda kwezvakanga zviri mberi. Muna 1921 vakabudisa bhuku idzva, The Harp of God, rakarongedzerwa kubetsera vatsva navana kudzidza zvokwadi huru dzeBhaibheri. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Zvinhu zvose izvozvi zvakaitika mukati meimwe nhambo yenguva inokosha.
Mazuva 1 290
15. Tinogona kuverenga mavambo amazuva 1 290 munzirai? Iyi nhambo yakaguma rini?
15 Ngirozi yakati kuna Dhanieri: “Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose [“chibairo chenguva dzose,” mashoko omuzasi, NW], nokumutswa kwechinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru namazana maviri nemakumi mapfumbamwe.” (Dhanieri 12:11) MuMutemo waMosesi, “chibairo chenguva dzose” chaipiswa paatari patembere muJerusarema. MaKristu haapi zvibairo zvinopiswa, asi anopa chibairo chenguva dzose chomudzimu. Pauro akanongedzera kuna ichochi apo akati: “Nguva dzose ngatipe kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.” (VaHebheru 13:15, NW; enzanisa naHosea 14:2.) Ichi chibairo chenguva dzose chakabviswa muna June 1918. Chii, ipapoka, chakanga chiri “chinonyangadza chinoparadza”—rutivi rwechipiri rwokutsvaka? Chakanga chiri Chinzwano chaMarudzi, chakasimudzirwa namasimba anokurira pamugumo weHondo yeNyika I.b Chakanga chichinyangadza nemhaka yokuti vatungamiriri vechiKristudhomu vakachiisa munzvimbo yoUmambo hwaMwari, chichimirira Chinzwano setariro bedzi yomunhu yorugare. Chinzwano chakakarakadzwa muna January 1919. Kana tikaverenga mazuva 1 290 (makore matatu, mwedzi minomwe) kuvambira panguva iyoyo, tinosvika pana September 1922.
16. Pamugumo wamazuva 1 290, kwaiva pachena sei kuti vakasarira vakazodzwa vakanga vakagadzirira nokuda kwechiito?
16 Chii chakaitika panguva iyeyo? Eya, Vadzidzi veBhaibheri zvino vakazorodzwa, vakasununguka muBhabhironi Guru, uye vakagadzirira kuita chiito. (Zvakazarurwa 18:4) Pakokorodzano yakaitwa muna September 1922 paCedar Point, Ohio, U.S.A., ivo vakavamba vasingatyi kuzivisa marutongeso aMwari pachiKristudhomu. (Zvakazarurwa 8:7-12) Kuruma kwemhashu kwakavamba chaizvoizvo kukuvadza! Uyezve, nhamo yechipiri yaZvakazarurwa yakavamba. Vatasvi vamabhiza vakawanda vechiKristu—vakaumbwa pakuvamba navakasarira vakazodzwa uye gare gare vakawedzerwa neboka guru—vakapararira mupasi. (Zvakazarurwa 7:9; 9:13-19) Hungu, mugumo wamazuva 1 290 wakaunza mufaro kuvanhu vaMwari.c Asi zvakawanda zvakanga zvichizouya.
Mazuva 1 335
17. Mazuva 1 335 akavamba ndokuguma rini?
17 Dhanieri 12:12 (NW), inoti: “Anofara munhu anoramba achikarira uye anosvika pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu!” Aya mazuva 1 335, kana kuti makore matatu, mwedzi misere nehafu, sezviri pachena akavamba pamugumo wenhambo yapashure. Tichiverenga kuvambira muna September 1922, ikoku kunotisvitsa kukupera kwechirimo (Northern Hemisphere) kwa 1926. Chii chakaitika mukati mamazuva 1 335 iwayo?
18. Maidii anoratidzira kuti shure muna 1922 kwakanga kuchine fambiro mberi yaifanira kuitwa?
18 Pasinei zvapo norudzi runokosha rwezvinoitika muna 1922, sezviri pachena vamwe vaingotarira nechishuvo kunguva yakapfuura. Studies in the Scriptures, yakanyorwa naC. T. Russell, akanga achiri mashoko makuru efundo. Uyezve, bhukwana rakaparadzirwa zvakafara Millions Now Living Will Never Die rakapa murangariro wokuti muna 1925, madonzo aMwari pamusoro pokudzorerwa kwapasi kuParadhiso nokumutswa kwavakatendeka vekare aizovamba kuzadzikwa. Tsungiriro yavakazodzwa yakaratidzika kuva yakanga yodokupedzwa. Kunyanguvezvo, vamwe vakabatanidzwa naVadzidzi veBhaibheri havana kunzwa vachisundwa kugoverana mashoko akanaka navamwe.
19, 20. (a) Zvinhu zvakawanda zvakachinjira sei vanhu vaMwari mukati mamazuva 1 335? (b) Ndizvinoitikai zvakaratidzira mugumo wenhambo yamazuva 1 335, uye iwo akaratidzirei pamusoro pavanhu vaJehovha?
19 Sezvo mazuva 1 335 akafambira mberi, kwose ikoku kwakachinja. Kusimbisa hama, fundo dzamapoka dzenguva dzose dzeThe Watch Tower dzakarongwa. Basa romumunda rakasimbiswa. Kuvamba muna May 1923, munhu ari wose akakokwa kuti agoverane mubasa romumunda paChipiri chokutanga chomwedzi uri wose, uye nguva yakatsaurwa mukati momusangano weungano womukati mevhiki yokudzikurudzira muiri basa. Muna August 1923, pagungano muLos Angeles, California, U.S.A., kwakaratidzwa kuti mufananidzo waJesu wamakwai nembudzi waizozadzikwa pamberi poKutonga kweMireniyumu. (Mateo 25:31-40) Gore ra 1924 rakaona kuvambwa kwenhepfutepfu yenhepfenyuro yeWBBR, iyo yakashandiswa kutepfenyura mashoko akanaka mumasaisai emhepo. Nyaya inoti “Kuberekwa Kworudzi” yaiva muchinyorwa chaMarch 1, 1925, cheThe Watch Tower yakapa kunzwisiswa kwakagadziridzwa kwaZvakazarurwa ganhuro 12. Pakupedzisira, maKristu akatendeka aigona kunzwisisa zvakafanira zvinoitika zvakanyongana zva 1914-19.
20 Gore ra 1925 rakasvika kumugumo waro, asi mugumo wakanga uchigere! Chifo chama 1870, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vave vachibatira vachirangarira musi—kutanga 1914, uye ipapo 1925. Zvino, vakaziva kuti vanofanira kubatira kwenguva refu seinoda Jehovha. Chinyorwa chaJanuary 1, 1926, cheThe Watch Tower chaiva nenyaya inokosha inoti “Ndivanaani Vachakudza Jehovha?” chaisimbisa sezvisakamboitika nakare kose ukoshi hwezita raMwari. Uye pakupedzisira, muna May 1926 pakokorodzano yeLondon, England, chisarudzo chakagamuchirwa chaiva nomusoro unoti “Chipupuriro Kuvatongi veNyika.” Ichochi chakazivisa zvakananga zvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari noruparadziko rwunouya rwenyika yaSatani. Pakokorodzano imwe cheteyo, bhuku rinorova zvakaoma rinonzi Deliverance rakabudiswa, richiva rokutanga renhevedzano yokutsiva Studies in the Scriptures. Vanhu vaMwari zvino vakanga vachitarira mberi, kwete shure. Mazuva 1 335 akagumiswa.
21. Tsungiriro munhambo yamazuva 1 335 yakarevei nokuda kwavanhu vaMwari shure panguva iyeyo, uye zadziko youporofita pamusoro peiyi nhambo yenguva inorevei nokuda kwedu?
21 Vamwe vakanga vasingadisi kugadziridza kuizvi zvinoitika, asi avo vakatsungirira vakafara zvirokwazvo. Uyezve, sezvo tinotarira shure pazadziko yeidzi nhambo dzenguva dzouporofita, isuwo tinofara nemhaka yokuti chivimbo chedu chinosimbiswa chokuti boka duku ramaKristu akazodzwa rakararama munguva idzodzo chaizvoizvo ndiye muranda akatendeka naakachenjera. Mumakore echifo chenguva iyeyo, sangano raJehovha rakakura zvikuru, asi muranda akatendeka naakachenjera achiri pakati paro, achiritungamirira. Kunofadza sei, ipapoka, kuziva kuti nokuda kwavakazodzwa namamwe makwai, mumwe mufarwa wakawanda wakachengetwa! Ikoku kuchaonwa sezvatinorangarira humwe hwouporofita hwaDhanieri.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekurukurirano yenzira yokuverenga nayo idzi nhambo dzouporofita, ona Hurumende yedu yeNyika inoUya—Umambo hwaMwari, ganhuro 8, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Ona chinyorwa chaApril 1, 1986, cheNharireyomurindi, mapeji 8-18.
c Ona chinyorwa chaJanuary 1, 1991, cheNharireyomurindi, peji 12, uye 1975 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, peji 132.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Tinoziva sei kuti humwe uporofita huri muna Dhanieri hwaifanira kuzadzikwa munguva yedu?
◻ Nei tichigona kuva nechivimbo chokuti vakasarira vakazodzwa ndiye “muranda akatendeka naakachenjera”?
◻ Mazuva 1 260 akavamba ndokuguma rini?
◻ Izorodzoi nedzorerwo izvo mazuva 1 290 akaunza kuvakasarira vakazodzwa?
◻ Nei avo vakatsungirira kusvikira kumugumo wamazuva 1 335 vachifara?
[Bhokisi riri papeji 11]
NHAMBO DZENGUVA DZOUPOROFITA HWADHANIERI
Mazuva 1 260:
December 1914 kusvikira kuna June 1918
Mazuva 1 290:
January 1919 kusvikira kuna September 1922
Mazuva 1 335:
September 1922 kusvikira kuna May 1926
[Mufananidzo uri papeji 8]
Chifo cha 1919 kwave kwakajeka kuti “muranda akatendeka naakachenjera” ndivakasarira vakazodzwa
[Mufananidzo uri papeji 10]
Dzimbahwe reChinzwano chaMarudzi muGeneva, Switzerland
[Kwazvakatorwa]
UN photo