-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
4, 5. Ruzivo rwokuchera matongo rwakapedza sei kutaura kwavatsoropodzi vakuru pamusoro pebhuku raDhanieri?
4 Kunyange zvazvo vatsoropodzi vakuru veBhaibheri vakapanikira kuva renhau kwebhuku raDhanieri, zviwanwa zvoruzivo rwokuchera matongo kwamakore akapfuura zvakakurira chose chose kutaura kwavo. Somuenzaniso, ava vatsoropodzi vakashora kutaura kwaDhanieri kwokuti Bhershazari aiva mambo muBhabhironi panguva apo Nabonidus airangarirwa kuva mutongi. (Dhan. 5:1) Ruzivo rwokuchera matongo zvino rwakabvumikisa nenzira isingapanikirwi kuti Bhershazari akanga ari munhu chaiyeiye uye kuti akanga ari mutongi pamwe chete waNabonidus mumakore okupedzisira oUmambo hweBhabhironi. Somuenzaniso, rugwaro rwecuneiform rwekare rwunorondedzerwa se“Nhoroondo yeNdima yaNabonidus” runosimbisa zvakajeka kuti Bhershazari akashandisa chiremera choumambo paBhabhironi uye runotsanangura mutoo wokuva kwake mutongi pamwe chete waNabonidus.b Humwe ufakazi hwecuneiform hunotsigira murangariro wokuti Bhershazari akashandisa mabasa oumambo. Rimwe hwendefa, rinoisa musi mugore rechi12 raNabonidus, rine mhiko yakaitwa muzita raNabonidus, mambo, uye Bhershazari, mwanakomana wamambo, nokudaro richiratidza kuti Bhershazari aiva munzvimbo inoenzana neyababa vake.c Ikoku kunofadzawo mukutsanangura chikonzero nei Bhershazari akakarakadza kuita Dhanieri “wechitatu paushe” kana akagona kududzira zvakanyorwa pamadziro. Nabonidus aizorangarirwa kuva wokutanga, Bhershazari aizova wechipiri, uye Dhanieri aizoziviswa semutongi wechitatu. (5:16, 29) Mumwe munzveri anoti: “Nongedzero dzecuneiform kuna Bhershazari dzakajekesa zvikuru kwazvo basa raakaita zvokuti nzvimbo yake munhau inoziviswa zvakajeka. Kuna magwaro akawanda anoratidzira kuti Bhershazari akanga akadokuenzana naNabonidus munzvimbo nomukurumbira. Kutonga kwavaviri mukati mokukurusa kwokutonga kwokupedzisira Kutsva kweBhabhironi iidi rakasimbiswa. Nabonidus akashandisa chiremera chikurusa ari muimba yake youmambo muTema muArabhia, nepo Bhershazari akabatira somutongi pamwe chete munyika yokumusha neBhabhironi senzvimbo yake yechiremera. Kuri pachena kuti Bhershazari akanga asiri mutevedzeri wamambo asina simba; akanga akaronzeswa ‘umambo.’”d
-
-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
11. Bhershazari anoona zvakanyorwa noruoko zvine ngwavaira mukati mokufarai, Dhanieri anozvidudzira sei, uye zvinozadzikwa sei?
11 Mutambo waBhershazari: zvakanyorwa noruoko zvinodudzirwa (5:1-31). Usiku hune ngwavaira hwaOctober 5, 539 B.C.E. Mambo Bhershazari, mwanakomana waNabonidus, somutongi pamwe chete weBhabhironi, anoitira mutambo mukuru chiuru chimwe chavakuru vakuru vake. Mambo, abatwa newaini, anorayira kuti midziyo inoyera yendarama neyesirivha yakabva kutembere yaJehovha iunzwe, uye Bhershazari navaenzi vake vanonwira mairi, mukufara kwavo, vachingunorumbidza vamwari vavo vechihedheni. Pakarepo ruoko runooneka uye runonyora shoko rakavanzika pamadziro. Mambo anotyiswa. Vachenjeri vake havagoni kududzira zvakanyorwa. Pakupedzisira Dhanieri anopinzwa. Mambo anokarakadza kumuita wechitatu muumambo kana akagona kurava ndokududzira zvakanyorwa, asi Dhanieri anomuudza kuti azvichengetere hake amene zvipo zvake. Ipapo anopfuurira kuzivisa zvakanyorwa nerevo yazvo: “MENE, MENE, TEKERE, UFARSINI. . . . Mwari akaverenga mazuva oushe hwenyu, akahugumisa. . . . iwe wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakareruka. . . . ushe hwako hwakakamurwa, hukapiwa vaMedhia navaPersia.” (5:25-28) Usiku ihwohwo humene Bhershazari anourawa, uye Dhariusi muMedhia anogamuchira umambo.
-