Vakaita Kuda kwaJehovha
Dhanieri Akabatira Mwari Nguva Dzose
KASHOMA kuti nhau ichinje kamwe kamwe. Bva, ikoko kwakaitika muna 539 B.C.E., apo Umambo hweBhabhironi hwakakurirwa navaMedhia navaPersia mumaawa mashomanene chete. Pakasvika gore iroro, muporofita waJehovha Dhanieri akanga ave achigara senhapwa yechiJudha muBhabhironi kwaanodokusvika makore 80. Sezvingabvira mumakore ake omuma90, Dhanieri akanga odokutarisana nomumwe wemiedzo mikurusa yokuperera kwake kuna Mwari.
Pashure pokuwa kweBhabhironi, zvinhu pakutanga zvakaratidzika kuva zvakanakira Dhanieri. Mambo mutsva akanga ari Dhariusi muMedhia, murume aiva nemakore 62 okukura uyo aida Dhanieri. Rimwe ramabasa okutanga aDhariusi samambo rakanga riri rokugadza vatongi vane 120 uye kukwidziridza varume vatatu kunzvimbo yomukuru mukuru.a Dhanieri akanga ari mumwe wavarume ivavo vatatu vakadiwa. Achiziva bviro yechienzi yaDhanieri, Dhariusi akanga achitoda kumupa nzvimbo yegurukota guru! Ipapo chaipo, zvisinei, chimwe chinhu chakaitika chakachinja nokukurumidza rongedzero dzamambo.
Rongedzero Yokunyengera
Vakuru vakuru biyake vaDhanieri, vachiperekedzwa neboka guru ravatongi, vakasvika mambo nepfungwa inofadza. Vakateterera Dhariusi kuti atange mutemo unoti: “Ani naani unokumbira chinhu kuna Mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ane makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba.” (Dhanieri 6:7) Kungava kwakaratidzika kuna Dhariusi kuti ava varume vakanga vari kuratidza kuvimbika kwavo kwaari. Angavawo akarangarira kuti uyu mutemo waizomubetsera, munhu wokuimwe nyika, kusimbisa nzvimbo yake somusoro woumambo.
Zvisinei, vakuru vakuru navatongi havana kukarakadzira mambo uyu murayiro. Vakanga vachi“tsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro poushe, asi vakashaiwa shoko kana mhosva, nokuti wakanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.” Naizvozvo ava varume vanonyengera vakarangarira, kuti: “Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanieri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake.” (Dhanieri 6:4, 5) Vachiziva kuti Dhanieri ainyengetera kuna Jehovha zuva nezuva, vakatsvaka kuita ikoku kuva mhaka inourayisa.
Zvichida vakuru vakuru navatongi vakachengeta ruvengo kuna Dhanieri nemhaka yokuti akanga “akapfuura vamwe vakuru namachinda, nokuti maari makanga mune mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru woushe hwake hwose.” (Dhanieri 6:3) Kutendeseka kwaDhanieri kungava kwakatanga kudzivisa ushati nokuwana mhindu nokusatendeseka kusingadiwi. Chipi kana chipi chaiva chiitiko chacho, ava varume vakapwisa mambo kuti asayine murayiro wacho, kuchiuita rutivi rwo“murayiro wavaMedhia navaPersia usingashandurwi.”—Dhanieri 6:8, 9.
Dhanieri Anoramba Akasimba
Pashure pokuziva pamusoro pomutemo mutsva, Dhanieri akarega kunyengetera kuna Jehovha here? Nyangwe napaduku pose! Akapfugama mukamuri rapamusoro reimba yake, akanyengetera kuna Mwari katatu pazuva, “sezvaaisiita.” (Dhanieri 6:10) Paakanga achinyengetera, vavengi vake “vakaungana vari vazhinji, vakawanda Dhanieri achikumbira nokunyengetera pamberi paMwari wake.” (Dhanieri 6:11) Apo vakaunza nhau yacho kungwariro yamambo, Dhariusi akarwadziwa kuti mutemo waakanga asayina waizobatanidza Dhanieri. “Akatambudzika kusvikira zuva richivira achiidza kumurwira,” nhoroondo yacho inotiudza kudaro. Asi kunyange mambo akanga asingagoni kubvisa mutemo waakanga agadza. Dhanieri naizvozvo akaendeswa kugomba reshumba, sezviri pachena nzvimbo yakaderera kana kuti yapasi pevhu. “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, uchakurwira,” mambo akavimbisa Dhanieri kudaro.—Dhanieri 6:12-16.
Pashure pousiku hwokusarara nokutsanya, Dhariusi akamhanyira kugomba. Dhanieri akanga ari mupenyu uye asina kukuvadzwa! Kuita kwamambo kwakanga kuri kwokukurumidza. Akaita kuti vavengi vaDhanieri nemhuri dzavo vakandwe mugomba reshumba sematsive. Dhariusi akakuitawo kuti kuzivikanwe muumambo hwose kuti “panyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanieri.”—Dhanieri 6:17-27.
Chidzidzo Nokuda Kwedu
Dhanieri akanga ari muenzaniso wakaisvonaka wokutendeka. Kunyange mambo, akanga asinganamati Jehovha, akacherekedza kuti Dhanieri aiMubatira “nguva dzose.” (Dhanieri 6:16, 20) Shoko guru rechiAramaiki rinoshandurwa kuti “nguva dzose” zvikurukuru rinoreva ku“famba mudenderedzwa.” Rinokarakadza kupfuurira. Ikoku kunorondedzera zvakanaka sei perero isina kuputsika yaDhanieri kuna Jehovha!
Dhanieri akatanga muenzaniso wokuva wenguva dzose kare asati akandirwa mugomba reshumba. Senhapwa duku muBhabhironi, akaramba kudya zvokudya kana kuti zvokunwa zvairambidzwa noMutemo waMosesi kana kuti zvakasvibiswa netsika yechihedheni. (Dhanieri 1:8) Gare gare, akazivisa noushingi shoko raMwari kuna mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari. (Dhanieri 4:19-25) Maawa mashomanene chete Bhabhironi risati rawa, Dhanieri nenzira yokusatya akazivisa rutongeso rwaMwari kuna Mambo Bershazari. (Dhanieri 5:22-28) Naizvozvo apo Dhanieri akatarisana negomba reshumba, akapfuurira munzira yokutendeka yaakanga atanga.
Iwewo unogona kubatira Jehovha nguva dzose. Uri munhu muduku here? Ipapoka ita chiito zvino kuti utange muitiro wenguva dzose kupfurikidza nokuramba songaniro yakaipa yenyika ino nomufambiro unoshatsa. Kana wave uchibatira Mwari kwenguva yakati, chengeta muitiro wokutsungirira kwokutendeka. Usarega, nokuti muedzo mumwe nomumwe watinotarisana nawo unotipa mukana wokuratidza Jehovha kuti takatsunga kumubatira nguva dzose.—VaFiripi 4:11-13.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti “mutongi” (rinoreva chaizvoizvo “mudziviriri woUmambo”) rinonongedzera kuna gavhuna akagadzwa namambo wePersia kuti abatire somutongi mukuru muruwa rwokutonga. Somumiriri wapamutemo wamambo, akanga ane mutoro wokuunganidza mitero nokutumira muripo kunzvimbo yamambo.