Runako Rukuru rwaJehovha
“Haiwa runako rwenyu rukuru sei, urwo makachengetera vanokutyai!”—PISAREMA 31:19, NW.
1, 2. (a) Ibasai guru iro Jehovha akaita pane imwe nguva munguva yekare iri kure? (b) Jehovha akarondedzera sei muuyo wemibato yake yokusika?
PAKANGA pane nguva apo Mwari akavamba kusika ‘matenga sechigaro chake choumambo uye pasi sechitsiko chetsoka dzake.’ (Isaya 66:1) Chinyorwa choumwari hachizivisi apo ikoku kwakaitika. Chinongotaura, kuti: “Pakuvamba Mwari akasika matenga napasi.” (Genesi 1:1, NW) Mukati menhambo yokusika, mamirioni asingatauriki amakwara enzou akaumbwa, mazhinji aine zviuru zvamamirioni enyeredzi. Nechokumucheto wokunze kwerimwe regwara renzou rakadaro kwakanga kune nyeredzi yakajeka yaitendererwa nechiverengero chakati chezvakatenderera zviduku zvikuru, zvakasviba. Chimwe chazvo chakasvika pakunzi pasi. Richienzaniswa nenyeredzi huru, dzinopenya, pasi rakanga risingakoshi. Bva, ndiro iro Jehovha akaita donzo rokuva chitsiko chetsoka dzake.
2 Jehovha nokudaro akatendeudzira mano ake okusika kuPasi. “Dangwe rezvisikwa zvose” rakanga riri parutivi pake seMhizha apo ichi chinhu chiduku, chakasviba chakachinjwa mukati menhambo ya“mazuva” marefu matanhatu okusika. Nenzira yokufananidzira, yakava nzvimbo yokuzororera yakakodzera yetsoka dzaMwari. (VaKorose 1:15; Eksodho 20:11; Zvirevo 8:30) Pano ndipo apo Mwari akaita donzo rokuisa chimiro chitsva choupenyu hwakangwara: rudzi rwomunhu. Vaviri vohunhu vokutanga, vakasikwa nezvinhu zvakawanikwa muvhu, vakaiswa mumhoteredzo dzakanaka, dzeparadhiso. (Genesi 1:26, 27; 2:7, 8) Wakakwana kwazvo, wakaisvonaka kwazvo, wakanga uri mugumo wokupedzisira weichi chiito chakatanhamara chechisiko icho Bhaibheri rinozivisa kunzwa kwaMwari pamangwanani—rutivi rwokupedzisira—rwezuva rechitanhatu rokusika: “Mwari akaona chinhu chiri chose chaakanga akaita uye, tarira! chakanga chakanaka zvikuru.”—Genesi 1:31, NW.
Runako rwaMwari
3. Ivarai rakatanhamara raMwari rinoziviswa muchisiko?
3 Zviuru zvamakore gare gare, muzukuru wavaviri ivavo vokutanga vohunhu akatarira shure kunguva yechisiko ndokunyora, kuti: “Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake [zvaMwari] zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake.” (VaRoma 1:20) Hungu, kunakisisa kwapasi nokwezvisikwa zviri pariri zvirokwazvo zvakanga zviri kuratidzirwa kunoshamisa kwamavara asingaoneki aMwari—risiri duku rawo riri runako rukuru rwaMwari. Kwakafanira sei, ipapoka, kuti Mwari akazivisa kuti chinhu chiri chose chaakanga asika chakanga chakanaka!—Pisarema 31:19.
4, 5. Runako chii?
4 Runako rutivi rwechitanhatu rwechibereko chomudzimu waMwari chinorondedzerwa nomuapostora Pauro pana VaGaratia 5:22. Fundo dzakapfuura mumagazini yeNharireyomurindi dzakakurukura zvibereko zvishanu zvokutanga zvomudzimu, dzichiratidza ukoshi hwaizvozvi mukusakurirwa kwohunhu hwechiKristu hwakakwana.a Kunokosha sei, kunyanguvezvo, kuti hatifaniri kukanganwa runako! Nenzira yakakodzera, zvino tinopa ngwariro yedu kuiri vara.
5 Runako chii? Ivara kana kuti mugariro wokuva akanaka. Kuisvonaka kwetsika, rucheno. Nokudaro, ivara rakanaka rinozviratidzira rimene mukuitwa kwamabasa akanaka naanobetsera kuvamwe. Tinogona sei kuratidzira iri vara rinoita kuti tidiwe? Zvikurukuru, kupfurikidza nokutevedzera Jehovha. Nokudaro, tisati takurukurazve kuti isu samaKristu mamwe namamwe tinogona sei kuratidzira runako, ngatinzverei runako urwo Mwari wedu ane rudo, Jehovha, akaratidza mukugovera kwake mhuri yomunhu, uye kubata nayo.
Runako Rwakaratidzirwa Muchisiko
6. Chii chakasunda Jehovha kusika zvimwe zvimiro zvakangwara zvoupenyu?
6 Chii chakasunda Baba vedu vokudenga pakuvamba kugoverana kufarikanya kwavo upenyu nezvisikwa zvipenyu zvakangwara? Muapostora Johane anopindura mubvunzo iwoyo paanoti: “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Hungu, rudo rusina udyire rwakasunda Manyuko makuru oupenyu kusika zvimwe zvimiro zvipenyu, achigovera zvimwe musha wokudenga uye zvimwe musha wapasi. Chokwadika, tinoziva zvishomanene kuti denga kana kuti zvisikwa zvokudenga zvakaita sei. Izvo midzimu—isingaoneki nameso avanhu—uye musha wazvo uri munzvimbo yemidzimu. Asi tarisa makakupoteredza kumusha wapasi uyo Jehovha akagovera nokuda kwavana vake vavanhu. Uye rangarira rudzi rwomunhu rumene. Ipapo uchavamba kuona nameso ako umene ufakazi hwakasimba hworunako rwaMwari.
7-9. Runako rwaMwari runoonekwa sei munzira yaakasika nayo pasi nomunhu pariri?
7 Jehovha akapa vabereki vedu vokutanga upenyu. Kupfuurezvo, iye akakuita kuti kubvire kuti upenyu huve hunofadza zvikuru, hunofarikanywa. Kutanga, iye akasika musha wavo, pasi, rine kutenderera, mwero wetembiricha, uye mhepo izvo zvakanga zvakarurama chaizvo. Iye akafambisa matenderedzwa emvura, naitirojeni, uye eokisijeni ayo akashanda zvakakwana nokuda kwebetserwo nefarikanyo yavanhu. Iye akafukidza pamusoro papasi nezviuru zvamarudzi emiti, mamwe nokuda kwezvokudya zvomunhu uye mamwe anofadza zvikuru ziso. Iye akazadza matenga neshiri idzo dzinopa mufaro mukuru namavara adzo nenziyo dzadzo. Iye akazadza makungwa namapoka ehove uye nyika namarudzi mazhinji emhuka, dzimwe dzomusango neidzo dzinogona kupingudzwa. Rupo rukuru zvakadini! Uye ufakazi hwakadini hworunako rwaMwari rwomwoyo!—Pisarema 104:24.
8 Tarira, zvino, nzira iyo Mwari akaita nayo munhu. Maoko ake, makumbo, ndizvo chaizvo zvinodikanwa kumugonesa kuchengeta dzikamo yake ndokufamba-famba zviri nyore. Nokudaro, muzvinhu zvinowanikwa zvakawanda kwazvo papasi rakamupoteredza, anogona kuwana zvokudya nezvimwe zvinodikanwa nokuda kwake amene. Jehovha akagovera zvinonzwa kunaka parurimi zvokuti kudya nokunwa zvakanga zvisati zvichingova bedzi mabasawo zvawo anoitwa kuwana simba—kufanana nokupinza chishandiswa mupuragi yamagetsi nhasi. Aiwa, kudya nokunwa zvakarongedzerwa kupa farikanyo, sezvazvisingazadzi bedzi dumbu asiwo kunyandura pfungwa yokunaka. Jehovha akapawo munhu nzeve ndokumupoteredza nokurira kwakawanda kunofadza nzeve idzodzo. Mufaro wakadini kuteerera kuyerera kunonyaradza kworukova, kukukurudza kwenjiva, kana kuti kuseka kwokugegedza kwomucheche! Hungu, tinoonga runako rwaMwari, pasinei hapo nezvinhu zvose zvakaipa zvakaitika chifo chokusika, uchiri mufaro kuva vapenyu.
9 Tarirawo, padzimwe pfungwa dzedu. Mavara mangani akasiana-siana, anofadza aripo okufadza meso edu! Uye kunogutsa sei kunhuwidza kunhuwira kwakaisvonaka kweruva! Hakushamisi kuti wezvamapisarema akati kuna Jehovha: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo”!—Pisarema 139:14.
Kuwa Kworudzi Rwomunhu Nokununurwa
10. Vanhu vazhinjisa vakagamuchira sei runako rwaMwari, bva vanopfuurira sei kubetserwa narwo?
10 Nenzira inosuruvarisa, pashure penguva yakati vabereki vedu vokutanga vakaratidzira kushaikwa kwokuonga nokuda kworunako rwose rwaMwari kwavari. Vakaratidza ikoku pavasina kuteerera mirairo yaJehovha ndokudarika mukurwisana neganhuriro imwe yaakanga aisa. Somuuyo, ivo navana vavo vakasvika pakuziva rusuruvaro, kutambura, uye rufu. (Genesi 2:16, 17; 3:16-19; VaRoma 5:12) Mumamireniyumu ose akapfuura chifo chechiito ichocho chokusateerera, vazhinjisa vorudzi rwomunhu vakaratidza kusakendenga kurunako rwaMwari kana kuti kushaikwa kwokuonga. Pasinei hapo naikoku, kunyanguvezvo, vanhu vasingatendi navasingaongi vachiri kubetserwa norunako rwaMwari. Munziraiko? Muapostora Pauro akatsanangura kuvagari veRistra muMiddle East, kuti: “Asi haana [Mwari] kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.
11. Runako rwaMwari runopfuura kugovera musha unofadza nokuda kworudzi rwomunhu munzirai?
11 Asi runako rwaMwari haruna kuganhurirwa kukupfuurira kugovera zvokudya zvinofadza, zvinotsigira upenyu izvo nyika inazvo. Aiwa, akapfuurira. Jehovha akazviratidza amene kuva akagadzirira kukanganwira zvivi zvavana vaAdhama uye kupfuurira kuchengeta ukama navakatendeka pakati porudzi rwomunhu. Urwu rutivi rworunako rwaMwari rwakaunzwa kungwariro yaMosesi apo Jehovha akapikira kuparira ‘runako rwake rwose kupfuura pamberi pechiso [chaMosesi].’ Mosesi ipapo akanzwa ziviso yokuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nenyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo.”—Eksodho 33:19; 34:6, 7.
12. Igadziriroi dzoMutemo waMosesi dzakaratidza runako rwaJehovha?
12 Muzuva raMosesi, Jehovha akatanga tsika yapamutemo nokuda kworudzi rutsva rwaIsraeri umo vatadzi vasiri vamaune vaigona kuwana kukanganwirwa kwechinguvana, kana kuti kwokufananidzira, kwechivi. Kupfurikidza nesungano yoMutemo iyo Mosesi akareverera, vaIsraeri vakava rudzi chairwo rwaMwari uye vakadzidziswa kupa kuna Jehovha zvibairo zvakasiana-siana zvemhuka izvo zvaizofukidza zvivi zvavo namabasa asina kuchena. Nokudaro, pasinei hapo nohunhu hwavo husina kukwana, vaIsraeri vanopfidza vaigona kupfuurira kusvika Jehovha nenzira inogamuchirika ndokuziva kuti kunamata kwavo kwakanga kuchimufadza. Mambo Dhavhidhi, mutezo worudzi irworwo muMutemo, akaratidzira kuziva kwake runako rwaMwari muna ikoku: “Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nokudarika kwangu; mundirangarire nounyoro hwenyu, nokuda kwokunaka kwenyu, Jehovha.”—Pisarema 25:7.
13. Jehovha akagovera sei nzira inobudirira zvikuru kupfuura zvibairo zvemhuka nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi?
13 Pashure penguva yakati runako rwaJehovha rwakamusunda kugovera nzira inobudirira zvikuru neyokusingagumi yokukanganwira nayo zvivi. Iyoyi yakanga iri kupfurikidza nechibairo chaJesu, uyo akanga ari muzukuru waMambo Dhavhidhi. (Mateo 1:6-16; Ruka 3:23-31) Jesu haana kutadza. Nokudaro, paakafa, upenyu hwake hwakapiwa muchibairo hwakanga hune ukoshi hukuru, uye Mwari akachigamuchira sorudzikinuro urwo rwaigona kufukidza vose vavana vanotadza vaAdhama. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu; iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake.”—VaRoma 3:23-26.
14. Itariroi dzinoshamisa dzinoitwa kuti dzibvirire vanhu kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro?
14 Kutenda muchibairo chorudzikinuro chaJesu kunopedza zvakawanda nokuda kwamaKristu, zvakawanda zvikuru kupfuura izvo zvibairo zvemhuka musungano yoMutemo zvakaitira vaIsraeri. Kwakatungamirira kuchiverengero chakaganhurirwa chamaKristu anoruramiswa ndokugamuchirwa nomudzimu waMwari kuva vanakomana vake. Nokudaro vakava hama dzaJesu ndokuwana tariro yokumutswa sezvisikwa zvomudzimu kuti vagoverane naye muUmambo hwake hwokudenga. (Ruka 22:29, 30; VaRoma 8:14-17) Fungidzira kuti Mwari aizozarurira kariro dzakadaro dzokudenga zvisikwa zvinogara panyika ino duku, pasi! Boka duku rine iyi tariro richiripo. Asi nokuda kwamamirioni amamwe maKristu, kushandiswa kwokutenda muchibairo kunozarura nzira yokufarikanya icho Adhama naEvha vakarasa—upenyu husingagumi muparadhiso, pasi rakafanana nebindu. Sungano yoMutemo yoga yakanga isina kukwanisa kugovera kariro dzomunguva yemberi dzokudenga kana kuti dzapasi nokuda kwavatsigiri vayo.
15. Chii chinobatanidzwa mumashoko akanaka?
15 Kwakafanira sei kuti shoko pamusoro pegadziriro itsva idzo Mwari akaita kuti dzishande kupfurikidza naJesu Kristu rinonzi “mashoko akanaka,” nokuti rinoratidzira runako rwaMwari. (2 Timotio 1:9, 10, NW) MuBhaibheri, mashoko akanaka pane dzimwe nguva anonzi “mashoko akanaka oumambo.” Nhasi anonanga pazvokwadi yokuti Umambo hwakagadzwa muubati ushe hwaJesu akamutswa. (Mateo 24:14, NW; Zvakazarurwa 11:15; 14:6, 7) Kunyanguvezvo, mashoko akanaka anobatanidza zvakawanda. Sezvinoratidzwa namashoko aPauro kuna Timotio achangobva kunokorwa, anobatanidza zivo yokuti Jesu akagovera chibairo chorudzikinuro nokuda kwedu. Pasina chibairo ichocho, ukama hwedu naMwari, ruponeso rwedu rumene—tisingadudzi Umambo hwaJesu navaprista vane 144 000 namadzimambo vakatorwa mupasi—rwaisazobvira. Rudzikinuro iratidzirwo inoshamisa zvakadini yorunako rwaMwari!
Runako rwaMwari Nhasi
16, 17. Hosea 3:5 yakazadzikwa sei (a) muna 537 P.N.V.? (b) muna 1919 N.V.?
16 Achitarira mberi ku“mazuva okupedzisira,” muapostora Pauro akanyevera, kuti: “Vanhu vachava . . . vasina rudo rworunako.” (2 Timotio 3:1-3, NW) Kunyange ratidzirwo dzenguva dzose dzorunako, dzakadai sorupo noushamwari, dzaisazoongwa. Hunokurudzira sei, ipapoka, uporofita hunofadza hwaHosea 3:5: “Vana vaIsraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, noku[runako rwake, NW] namazuva okupedzisira.”
17 Uhu uporofita hwakatanga kuzadzikwa muna 537 P.N.V. apo vaJudha vakadzokera kuNyika Yakapikirwa vachibva muutapwa muBhabhironi. Munguva dzazvino uno, hwakavamba zadziko yahwo mugore ra 1919 apo vakasarira vaIsraeri womudzimu vakabuda musangano raSatani ndokutanga kutsvaka zvapachokwadi Jehovha norunako rwake. Vakawana kuti “Dhavhidhi mambo wavo” akanga ave achitonga ari Jesu Kristu musimba rokudenga chifo cha 1914. Mukutarisira kwake kwokudenga, vakagamuchira nembavarira kuziviswa kwaaya mashoko akanaka kumarudzi. Nokudaro vakavamba kuita basa rakanyorwa pana Mateo 24:14, (NW): “Aya mashoko akanaka oumambo [hwakagadzwa] achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”
18. Ndivanaani vakakumbanira vakasarira vaIsraeri womudzimu mukuzivisa mashoko akanaka?
18 Nhasi, vakasarira vavakazodzwa vakakumbanirwa ne“boka guru,” avo nenzira yakafanana vanorumbidza runako rwaJehovha. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Zvino, vanopfuura mamirioni mana vanodzokorora inzwi rengirozi yakaonekwa nomuapostora Johane muchiono sezvavanozivisa kumarudzi ose, kuti: “Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”—Zvakazarurwa 14:7.
19. Dudza humwe hwoufakazi hukurusa hworunako rwaMwari.
19 Humwe hwoufakazi hukurusa hworunako rwaMwari ndehwokuti iye anotibvumira kuva vashandi biyake muiri basa rokupedzisira. Iropafadzo yakadini kuva akatipa “mashoko akanaka ane mbiri aMwari anofara”! (1 Timotio 1:11, NW) Kupfurikidza nokuparidzira kwedu nokudzidzisa iwaya kuvamwe, tiri kuratidzira kumwero wakakwirira chibereko chiya chinokosha chomudzimu waMwari, runako. Nokudaro, tine chimiro chomubatiri waMwari wakare Dhavhidhi, uyo akati: “Vachareva vachiyeudzira kunaka kwenyu kukuru, nokuimbira kururama kwenyu.”—Pisarema 145:7.
20. Mamwe mashokoi pamusoro porunako achakurukurwa munyaya inotevera?
20 Zvisinei, kugoverana mukuparidzirwa kwamashoko akanaka ndiyo nzira bedzi yokuratidzira nayo runako muupenyu hwedu here? Nyangwe! Tinokurudzirwa kuva “vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1, NW) Runako rwaMwari runoratidzirwa munzira dzakasiana-siana. Nokudaro, runako rweduwo runofanira kutapura mativi mazhinji oupenyu hwedu. Mamwe aiwaya acharangarirwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvibereko zvimwe nezvimwe zvomudzimu ndizvo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora.
Unogona Kupindura Here?
◻ Chisiko chinoratidzira runako rwaMwari munzirai?
◻ Igadziriroi idzo Jehovha akaita kukanganwira zvivi zvavanhu vanopfidza?
◻ Mukuzadzika kwaHosea 3:5, vakasarira vakazodzwa vakauya rini kuna Jehovha norunako rwake, uye ikoku kwakatungamirira kuchii?
◻ Ndohupi huri humwe hwoufakazi hukurusa hworunako rwaMwari nhasi?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Chisiko chinopa ufakazi hworunako rukuru rwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kuva kwedu vanobvumirwa kugoverana mubasa rokuparidzira chibvumikiso chakatanhamara chorunako rwaMwari