-
“Zvinhu Zvese Zviri Kunosvika Rukova Rwacho Zvichararama”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
3. Nei vaJudha vakanzwisisa kuti rwizi rwakaonekwa naEzekieri muchiratidzo rwaisava rwizi chairwo?
3 Hapana mubvunzo kuti vaJudha vemunguva yaEzekieri vakanzwisisa kuti urwu rwaisava rwizi chairwo. Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakavayeuchidza nezvehumwe uprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena hwainge hwanyorwa nemuprofita Joeri makore anopfuura 200 akanga adarika. (Verenga Joeri 3:18.) Nhapwa dzechiJudha padzaiverenga mashoko aJoeri akafemerwa, dzaisatarisira kuti mumakomo chaimo ‘muchururuke waini inotapira’ kana kuti muzvikomo ‘muyerere mukaka’; dzaisatarisirawo kuona chitubu chaicho ‘chichiyerera chichibva mumba maJehovha.’ Saka vaJudha vanofanirawo kunge vakanzwisisa kuti chiratidzo chaEzekieri chakanga chisiri kutaura nezverwizi chairwo.a Kana zvakadaro, Jehovha akanga achivaudza kuti chii? Magwaro anotibatsira kunzwisisa zvimwe zviri muchiratidzo ichi. Asi iye zvino, ngatikurukurei vimbiso nhatu dzakajeka dzinoratidza rudo rwaJehovha dzatinowana pauprofita uhwu.
-
-
Nzizi Dzemakomborero Anobva Kuna JehovhaJehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
JOERI 3:18 Uprofita uhwu hunoratidza chitubu chemvura chichibva panzvimbo tsvene yepatemberi. Mvura yacho inoyerera ichinodiridza “Bani reMibayamhondoro.” Saka Joeri naEzekieri vakaona rwizi ruchiunza upenyu kunzvimbo yakanga isina upenyu. Mumwe nemumwe wavo akaona rwizi ruchibva mumba maJehovha kana kuti mutemberi.
-