Sanorangarira Zuva raJehovha
“Zuva raJehovha rava pedyo mumupata wakaderera wechisarudzo.”—JOERE 3:14, NW.
1. Neiko hondo tsvene iri kuuya inoziviswa naJehovha ichava yakasiana nehondo “tsvene” dzorudzi rwomunhu?
“ZIVISAI izvi, imi vanhu, pakati pamarudzi, ‘Tsvenesai hondo!’” (Joere 3:9, NW) Ikoku kunoreva hondo tsvene here? Tichitarira shure kuHondo dzamaKristu, hondo dzorudzidziso, uye hondo mbiri dzenyika—umo chiKristudhomu chakaita rutivi rukuru—tingadedereswa nomufungo wehondo “tsvene.” Zvisinei, hondo tsvene youporofita hwaJoere haisati iri hondo pakati pamarudzi. Haisati iri rwisano yakazadzwa noruvengo nokuda kwenyika kana kuti zvinhu, tichishandisa rudzidziso sepembedzo. Ihondo yakarurama. Ihondo yaMwari yokubvisa mupasi makaro, gakava, uipi, uye dzvinyiriro. Ichareverera uchangamire hune maruramiro hwaJehovha pamusoro penzvimbo yose yechisiko chake. Hondo iyoyo ichazarura nzira kuti Umambo hwaKristu hupinze rudzi rwomunhu muMiriyeniyumu yorugare rwapose pose, rubudiriro, uye mufarwa wakadeya kutaurwa navaporofita vaMwari.—Pisarema 37:9-11; Isaya 65:17, 18; Zvakazarurwa 20:6.
2, 3. (a) Chii chiri “zuva raJehovha” rakaporofitwa pana Joere 3:14? (b) Neiko marudzi akafanirwa nechaachafanira kunangana nacho muzuva iroro?
2 Chii, ipapoka, chiri “zuva raJehovha” rakadeya kutaurwa pana Joere 3:14? “Haiwa, zuva iro here!” Jehovha amene anodaro, “nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna Wamasimba ose.” Ndichinoparadza sei? Muporofita wacho gare gare anotsanangura, kuti: “Mapoka, mapoka ari mumupata wakaderera wechisarudzo, nokuti zuva raJehovha riri pedyo mumupata wakaderera wechisarudzo.” (Joere 1:15; 3:14, NW) Iri izuva apo Jehovha anoita chisarudzo chake chokutonga pamapoka asina umwari avanhu ayo anoramba uchangamire hwake hune maruramiro pamusoro pedenga napasi. Chisarudzo chaJehovha chokuparadza tsika yousatani yezvinhu iyo kwenguva refu kwazvo yakabata rudzi rwomunhu mukubata kwayo.—Jeremia 17:5-7; 25:31-33.
3 Tsika yakaipa pasi pano inofanira kunangana nechisarudzo ichocho. Asi tsika yenyika yakashata chaizvoizvo zvakadaro here? Kunzvera kumwe pachinyorwa chayo kunofanira kukwana! Jesu akataura nheyo iri pana Mateo 7:16 (NW), kuti: “Muchavaziva kupfurikidza nezvibereko zvavo.” Maguta makuru enyika haana here kuva makomba okurasira tsvina yemirimo, utsotsi, rutyo, utere, uye kushatiswa kwezvinhu? Munyika zhinji rusununguko ruchangobva kuwanwa rwuri kudzvinyirirwa nenyongano yezvamatongerwe enyika, kuperevedza kwezvokudya, uye urombo. Vanhu vanopfuura bhirioni vanorarama nokutambiriswa zvokudya. Kupfuurirazve, denda reAIDS, rinokuchidzirwa nemirimo nemiraramiro youtere, rinokandira gore rakasvipa parutivi rukuru rwapasi. Zvikurukuru chifo chaapo Hondo yeNyika I yakatanga muna 1914, kwave kune kuderera pamwero wenyika yose murutivi rwuri rwose rwoupenyu.—Enzanisa na 2 Timotio 3:1-5.
4. Idenhoi iyo Jehovha anokandira kumarudzi?
4 Zvisinei, Jehovha ave achiunganidza mumarudzi ose vanhu vanogamuchira nomufaro murairidzo pamusoro penzira dzake ndokufamba munzira dzake. Ava vanhu vakatenderedza nyika vakapfura minondo yavo kuva miromo yamapadza, vachiramba nzira dzamasimba masimba dzenyika. (Isaya 2:2-4) Hungu, minondo kuva miromo yamapadza! Asi ikoku hakusati kuri musiano wokudanidzira uko Jehovha anoparira kuziviswa pana Joere 3:9, 10 here? Ipapo tinorava, kuti: “Paridzirai izvozvi pakati pamarudzi; zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa. Pfurai mapadza enyu ave minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo.” Aa, pano Jehovha ari kudenha vatongi venyika kuti vaunze simba ravo rakabatanidzwa rehondo mukurwisana naye paArmagedhoni. Asi havagoni kubudirira! Vanofanira kukurirwa chose chose!—Zvakazarurwa 16:16.
5. Chii chichava muuyo apo “muzambiringa wapasi” unokohwiwa?
5 Mukuzvidzwa kwaChangamire Ishe Jehovha, vatongi vane simba vakavaka nzvimbo dzinotyisa dzokugadzira nokuchengetera zvombo—asi pasina maturo! Jehovha anopa murairo uri pana Joere 3:13, unoti: “Isai banga renyu mumunda, nokuti zviyo zvaibva; uyai musvine, nokuti chisviniro chewaini chazara, zvisviniro zvinopafuma; nokuti kushata kwavo kwakura.” Mashoko iwayo anowirirana naZvakazarurwa 14:18-20 (NW), apo ngirozi ine jeko rinopinza inorairwa ku“cheka masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva.” Ngirozi inopinza jeko rayo uye inokandira marudzi iwayo anozvidza “muchisviniro chewaini chikuru chehasha dzaMwari.” Nenzira yokufananidzira, ropa rinobuda muchisviniro chewaini kusvika pakakwira sapamatomu amabhiza, kwedaro ramafurlong 1 600—anenge makiromita 300! Ikariro inotyisa zvakadini nokuda kwamarudzi anozvidza Jehovha!
Vagari Vanoteerera Mutemo
6. Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei marudzi navatongi vawo?
6 Ikoku kunoreva kuti Zvapupu zvaJehovha hazviremekedzi marudzi navatongi vawo here? Nyangwe! Zvinongozvidza hazvo uipi uhwo vose vanogona kuona zvakajeka, uye zvinonyevera nezvezuva raJehovha rinosvika nokukurumidza kuti aite chisarudzo chake. Panguva imwe cheteyo, zvinoteerera nokuzvininipisa murairo womuapostora Pauro uri pana VaRoma 13:1, (NW): “Mweya uri wose ngauzviise pasi pezviremera zvikuru.” Kuava vatongi vohunhu, zvinopa rukudzo rwakafanira asi kwete kunamata. Savagari vanoteerera mutemo, zvinotevera mipimo yeBhaibheri yokutendeseka, uzvokwadi, uye rucheno ndokuvakira tsika dzakanaka mumhuri dzazvo dzimene. Zvinobetsera vamwe kudzidza kuti ivowo vanogona sei kuita ikoku. Zvinogara nenzira yorugare navanhu vose, zvisingabatanidzwi muratidziro kana kuti pandukiro dzezvamatongerwe enyika. Zvapupu zvaJehovha zvinotsvaka kuva zvomuenzaniso mukuteerera mitemo yezviremera zvikuru zvohunhu, nepo zvichimirira Chiremera Chikurusa, Changamire Ishe Jehovha, kuti adzorere rugare rwakakwana nehurumende yakarurama kupasi rino.
Kuita Chisarudzo Chake
7, 8. (a) Marudzi achazununguswa uye rima rinoburukira paari munzirai? (b) Ndiani uyo Joere anofananidzira nhasi, uye mukusiana nenyika yose zvayo, ivava vanokomborerwa sei?
7 Mumutauro wakajeka wokufananidzira, Jehovha anopa iyizve rondedzerwo yokuitwa kwechisarudzo chake: “Zuva nomwedzi zvichasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo. Jehovha uchavomba ari paZioni, uchanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavana vaIsraeri.” (Joere 3:15, 16) Mugariro unooneka sowakajeka, unobudirira worudzi rwomunhu uchava unosuruvarisa, unoratidzira jambwa, uye iyi tsika yenyika inoputsika ichabviswa mukuvapo, ichaparadzwa sokunge nokudengenyeka kukuru kwapasi!—Hagai 2:20-22.
8 Cherekedza chipikirwa chinofadza chokuti Jehovha achava utiziro nenhare zvavanhu vake! Neiko? Nemhaka yokuti ndivo vanhu vamwe—vanhu vamarudzi ose—avo vakagamuchira mashoko aJehovha, anoti: “Imi vanhu muchafanira kuziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.” (Joere 3:17, NW) Sezvo zita raJoere richireva kuti “Jehovha ndiMwari,” iye nenzira yakakodzera anofananidzira Zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha zvomunguva dzazvino uno, izvo zvinobatira noushingi mukuzivisa uchangamire hwaJehovha. (Enzanisa naMaraki 1:11.) Tichitendeukira kumashoko okuzarura ouporofita hwaJoere, tichawana kuti iye anodeya kutaura nenzira yakajeka sei mubato wavanhu vaMwari nhasi.
Boka Remhashu
9, 10. (a) Idambudzikoi rinodeya kutaura naJoere? (b) Zvakazarurwa anodzokorora sei uporofita hwaJoere hwedambudziko, uye iri dambudziko rine muuyoi pachiKristudhomu?
9 Teerera zvino “shoko raJehovha, rakasvika kuna Joere”: “Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here? Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudze vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera. Zvakasiiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu, zvakasiiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata, zvakasiiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose.”—Joere 1:1-4.
10 Iyi inhimbe yechienzi, iyo icharangarirwa kwenguva yose. Boka pamusoro peboka rezvipembenene, zvakatanhamara zvikurusa mhashu, zvinoparadza nyika. Ikoku kunoreveiko? Zvakazarurwa 9:1-12 inotaurawo nezvedambudziko remhashu, rakatumirwa naJehovha pasi pa“mambo, [ngirozi, NW] yegomba rakadzika-dzika,” uyo asati ari mumwe kunze kwaKristu Jesu. Mazita ake okuti Abhadhoni (chiHebheru) naAporioni (chiGiriki) anoreva “Ruparadziko” uye “Muparadzi.” Idzi mhashu dzinofananidzira vakasarira vakazodzwa vamaKristu ayo, zvino muzuva raShe, anobuda kundoparadza mafuro echiKristudhomu kupfurikidza nokufumura chose chose rudzidziso rwenhema ndokuzivisa matsive aJehovha parwuri.
11. Mhashu dzomuzuva razvino uno dzinosimbiswa sei, uye ndivaanani zvikurukuru vari vanyajambwa vedenho dzadzo?
11 Sezvinoratidzirwa naZvakazarurwa 9:13-21, dambudziko remhashu rinoteverwa nedambudziko guru rehondo dzavatasvi vamabhiza. Ikoku ndokwechokwadi sei nhasi, sezvo maKristu akazodzwa ane zviuru zvishomanene asara anotsigirwa na“mamwe makwai” anopfuura mamirioni mana pamwe chete anoumba hondo yavatasvi vamabhiza isingadzivisiki! (Johane 10:16) Anobatana mukuzivisa marutongeso anoruma aJehovha pavanamati vezvidhori vechiKristudhomu napana avo vasi‘ngapfidzi kuuraya kwavo kana kuti miitiro yavo yokunamata midzimu kana kuti ufeve hwavo kana kuti kuba kwavo.’ Vafundisi—vose vari vaviri veKaturike nevePurotesitendi—avo vakatsigira nokushingaira hondo dzinouraya dzezana rino ramakore, pamwe chete navaprista vanovatana navana navaevhangeri vakaipa vomuTV, vari pakati paavo uko mashoko orutongeso anonangidzirwa pavari.
12. Neiko vatungamiriri vechiKristudhomu vachifanirwa nokugamuchira mashoko orutongeso, uye chii chichakurumidza kuitika kwavari, pamwe chete nemitezo yose yeBhabhironi Guru?
12 Ku“vanyarikani” vakadaro vanopfeka nguvo, murairo waJehovha unorira: “Mukai, imi makabatwa nedoro, mucheme; wungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu.” (Joere 1:5) Muzana rino ramakore rechi 20, rudzidziso rwechiKristudhomu rwakatsiva mipimo yakachena yetsika yeShoko raMwari namadiro. Kwakaratidzira kuva kwakanaka kurudzidziso rwenhema nevomumaruwa arwo kupinza nzira dzenyika, asi muuyo wakadini wechirwere chomudzimu nechokunyama wavakakohwa! Nokukurumidza, sezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 17:16, 17 (NW), uchava “mufungo” waMwari wokuti masimba ezvamatongerwe enyika adenhe umambo hwose hwenyika hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru, uye kuriparadza. Ipapo bedzi, sezvarinoona chisarudzo chaJehovha chichiitwa mukurwisana naro, richa“muka” mumugariro waro wokudhakwa.
“Rudzi Rukuru Rune Simba”
13. Munzirai umo boka remhashu rinoratidzika kuva “rakakura uye rine simba” kuchiKristudhomu?
13 Muporofita waJehovha anopfuurira kurondedzera boka remhashu so“rudzi rukuru rune simba,” uye kunoratidzika kuva kwakadaro kuBhabhironi Guru. (Joere 2:2) Vafundisi varo, somuenzaniso, vanochemera idi rokuti marudzidziso echiKristudhomu akakundikana kuita vatendeuki muJapan yechiBuddha. Bva, nhasi, zvinopfuura Zvapupu zvaJehovha zvechiJapan 160 000 zviri kufukidza nyika iyoyo nokuitisa fundo dzeBhaibheri dzomunhu oga mumisha yavanhu inopfuura 200 000. MuItaly Zvapupu zvaJehovha 180 000 zvino zvinozivikanwa sezvechipiri muchiverengero bedzi kuvaKaturike. Muprista weRoma Katurike muItaly akachemera pasina idi rokuti Zvapupu zvaJehovha zviri kutora muchechi ‘vanenge vaKaturike vakatendeka 10 000’ gore rimwe nerimwe.a Zvapupu zvinofara kugamuchira vakadaro.—Isaya 60:8, 22.
14, 15. Joere anorondedzera sei boka remhashu, uye ikoku kwakazadzikwa munzirai nhasi?
14 Ichirondedzera boka remhashu reZvapupu zvakazodzwa, Joere 2:7-9 inoti: “Vanomhanya savanhu vane simba, vanokwira rusvingo savarwi, vanofamba mumwe nomumwe nenzira yake, havatongotsauki pamisara yavo. Havasundidzirani, mumwe nomumwe unofamba negwara rake; vanopwanya napakati penhumbi dzokurwa, vasingatsauki. Vanokwira guta, vanomhanyira pamusoro porusvingo, vanokwira vachipinda mudzimba, vanopinda napamawindi sembavha.”
15 Rondedzerwo yakajeka, zvamazvirokwazvo, yehondo ye“mhashu” dzakazodzwa, zvino dzakakumbanirwa neshamwari dzinopfuura mamirioni mana, mamwe makwai! Hakuna “rusvingo” rworuvengo rworudzidziso runogona kudzivisa ivava. Noushingi, vano“ramba vachifamba nenzira ine nhevedzano muurwu rudungwe rwakafanana” rwokupupurira pachena nemimwe mibato yechiKristu. (Enzanisa naVaFiripi 3:16, NW.) Panzvimbo pokubvumirana pane zvisina kufanira, vave vachidisa kunangana norufu, sezvakaita zviuru zveZvapupu izvo ‘zvakawira pakati pamabhomba anokandwa’ nemhaka yokuti zvakaramba kurumbidza Hitler weKaturike weNazi Germany. Boka remhashu rakapa uchapupu hwakakwana mu“guta” rechiKristudhomu, richikwira pamusoro pemhinganidzo dzose, richipinda, sokunge zvakadaro, kufanana nembavha mumisha sezvavakaparadzira mabhirioni ezvinyorwa zveBhaibheri kupfurikidza nomubato wadzo wapaimba neimba. Kuda kwaJehovha kuti uhu uchapupu hupiwe, uye hakuna simba mudenga kana kuti pasi pano rinogona kuhumisa.—Isaya 55:11.
“Vakazadzwa Nomudzimu Mutsvene”
16, 17. (a) Ndirini apo mashoko aJoere 2:28, 29 akava nezadziko yakatanhamara? (b) Mashokoi ouporofita aJoere asina kuzadzikwa zvakakwana muzana ramakore rokutanga?
16 Jehovha anoudza Zvapupu zvake, kuti: “Imi vanhu muchafanira kuziva kuti ndiri pakati paIsraeri [womudzimu], uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu uye hakuna mumwe.” (Joere 2:27, NW) Vanhu vake vakapinda muuku kuziva kunokosha apo Jehovha akavamba kuzadzika mashoko ake ari pana Joere 2:28, 29, (NW) anoti: “Kunofanira kuitika kuti ndichadururira mudzimu wangu parudzi ruri rwose rwenyama, uye vanakomana venyu navanasikana venyu zvamazvirokwazvo vachaporofita.” Ikoku kwakaitika paPentekosta 33 N.V., apo vadzidzi vakaungana vaJesu vakazodzwa “uye vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene.” Musimba romudzimu mutsvene, vakaparidzira, uye pazuva rimwe, “inenge mweya ine zviuru zvitatu yakawedzerwa.”—Mabasa 2:4, 16, 17, 41, NW.
17 Panhambo iyoyo inofadza, Petro akanokorawo mashoko Joere 2:30-32, inoti: “Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomwoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika. Zvino ani naani unodana zita raJehovha ucharwirwa.” Mashoko iwayo akava nezadziko duku apo Jerusarema rakaparadzwa muna 70 N.V.
18. Ndirini apo zadziko huru zvikuru yaJoere 2:28, 29 yakavamba kuitika?
18 Paizova, zvisinei, nokumwezve kushandiswa kwaJoere 2:28-32. Zvamazvirokwazvo, uhu uporofita hwakava nezadziko inoshamisa chifo chaSeptember 1919. Panguva iyoyo kokorodzano isingakanganwiki yavanhu vaJehovha yakaitwa muCedar Point, Ohio, U.S.A. Mudzimu waMwari wakaoneka zvakajeka, uye vabatiri vake vakazodzwa vakanyandurwa kutanga nhimbe yokupupurira yenyika yose iyo inotambanukira muzuva razvino. Ifutunuko huru zvakadini yakavapo somuuyo! Vanopfuura 7 000 muchiverengero chavaivapo pakokorodzano iyoyo yapaCedar Point vakura kusvikira kuhwerengedzo yevane 10 650 158 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu pana March 30, 1991. Vaivava, 8 850 bedzi vakataura kuva maKristu akazodzwa. Mukuru sei mufaro waivava vose pakuona chibereko chenyika yose chichibudiswa nomudzimu une simba waJehovha!—Isaya 40:29, 31.
19. Nemhaka yokuva pedyo kwezuva raJehovha, chii chinofanira kuva chimiro chomumwe nomumwe wedu?
19 Pamberi apa pane “kuuya kwezuva guru nerinotyisa raJehovha” iro richaparadza tsika yaSatani yezvinhu. (Joere 2:31, NW) Nomufaro, “munhu ari wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.” (Mabasa 2:21, NW) Kwakadaro sei? Muapostora Petro anotiudza kuti “zuva raJehovha richauya sembavha” uye anowedzera, kuti: “Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvi, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari, imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva ra[Jehovha, NW].” Tichirangarira kuti zuva raJehovha rava pedyo, tichafarawo kuona kuzadzika kwechipikirwa chaJehovha cha“matenga matsva [akarurama] nepasi idzva.”—2 Petro 3:10-13.
[Mashoko Omuzasi]
a La Repubblica, Rome, Italy, November 12, 1985, uye La rivista del clero italiano, May 1985.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chiri “zuva raJehovha”?
◻ ‘Muzambiringa wapasi’ uchakohwiwa sei, uye nei?
◻ Dambudziko remhashu rakatambudza sei chiKristudhomu chifo cha 1919?
◻ Mudzimu waJehovha wakadururirwa sei pavanhu vake muna 33 N.V., uye zvakare muna 1919?