Chitsauko 13
“Zivisai Izvi, Pakati Pemamwe Marudzi”
1. Nei kutaura kwaJehovha nomuprofita wake kungafananidzwa nokudzvova kweshumba?
WATI wambonzwa shumba ichidzvova here? Kudzvova kwayo kunotyisa zvikuru. Kunganzwika uri kure nemakiromita masere. Waizoita sei kudai waizonzwa shumba ichidzvova pedyo muusiku hwakati zii? Waizokurumidza kuita chimwe chinhu. Amosi, mumwe wevaprofita 12 vane zvavakanyora zvatiri kudzidza nezvazvo, akashandisa fananidzo iyi: “Kune shumba yadzvova! Ndiani asingazotyi? Changamire Ishe Jehovha ataura! Ndiani asingazoprofiti?” (Amosi 3:3-8) Kudai waizonzwa Jehovha pachake achitaura, waisazoita sezvakaitwa naAmosi here? Akabva angoita chimwe chinhu, akaprofitira rudzi rwaIsraeri rwemadzinza gumi.
2. (a) Ungatevedzera sei kuita kwaAmosi basa rokuprofita? (b) Chii chatichakurukura muchitsauko chino?
2 Ungati, ‘Asi ini handisi muprofita!’ Unganzwa usingakodzeri nokuti hauna kurovedzwa kuti uve muprofita. Asi, yeuka Amosi. Paakashorwa naAmaziya, mupristi ainamata mhuru, Amosi akati: “Ndakanga ndisiri muprofita, uye ndakanga ndisiri mwanakomana womuprofita; asi ndaiva mufudzi nomunhu aibaya maonde emitsamvi.” (Amosi 7:14) Kunyange zvazvo aiva munhu akaderera, Amosi aida zvikuru kuita basa rake somuprofita waJehovha. Zvakadini newe? Unoziva here kuti wakapiwa basa rine zvimwe zvarakafanana neriya revaprofita 12? Unofanira kuzivisa shoko raMwari remazuva ano uyewo kudzidzisa nokuita kuti vamwe vanhu vave vadzidzi. Unoona sei basa iroro rinokosha zvikuru? Ishoko ripi raunofanira kuzivisa pakati pemarudzi? Uri kunyatsoita basa iroro zvakadini? Chii chinoratidza kana basa rako riri kubudirira? Ngatikurukurei mhinduro dzacho.
‘NZOMBE DUKU DZEMIROMO YAKO’
3. Ungaitawo sei basa rakafanana neriya revaprofita vane zvavakanyora zvatiri kudzidza nezvazvo?
3 Zvechokwadi uri kuitawo here basa rakafanana nerevaprofita? Ungave usina kunzwa shumba ichidzvova mupfungwa yokuti wakafuridzirwa zvakananga naJehovha. Kunyange zvakadaro, wakanzwa shoko rinofanira kukurumidza kuziviswa rezuva raJehovha riri kuuya rinotaurwa muShoko rake, Bhaibheri. Sezvatakaona muChitsauko 1 chebhuku rino, mashoko okuti “muprofita” uye “uprofita” ane zvakasiyana-siyana zvaanoreva. Kunyange zvazvo ungasava muprofita mupfungwa iyo Amosi kana kuti vamwe vaprofita vekare vaiva, unogona kutaura nezvenguva yemberi. Sei? Unogona kuzivisa mashoko ouprofita awakadzidza muMagwaro Matsvene, kusanganisira aya evaprofita 12. Ino ndiyo nguva yokuita izvozvo.
4. Uprofita hwaJoeri 2:28-32 huri kuzadzika mazuva ano mupfungwa ipi?
4 Ona nyaya yacho neimwe nzira. Jehovha Mwari akaudza muprofita Joeri nezvenguva apo vanhu vemarudzi ose vaizoita sokunge vanoprofita, achiti: “Pashure paizvozvo ndichadurura mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita. Vakwegura venyu vacharota hope. Majaya enyu achaona zviratidzo.” (Joeri 2:28-32) Pazuva rePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akashandisa ndima iyi pakudururwa kwomudzimu mutsvene pane vaya vakanga vakaungana muimba yepamusoro muJerusarema uye pakuparidza kwavakabva vaita nezve“zvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mabasa 1:12-14; 2:1-4, 11, 14-21) Zvino funga nezvenguva yedu. Uprofita hwaJoeri hwave huchizadzika zvakanyanya kubvira pakutanga kwezana remakore rechi20. VaKristu vakazodzwa nomudzimu—vanhurume nevanhukadzi, vakuru nevaduku—vakatanga ku“profita,” kureva kuti kuzivisa “zvinhu zvikuru zvaMwari,” kusanganisira mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa iye zvino kumatenga.
5. (a) Tose zvedu tine ropafadzo ipi? (b) Kupa “nzombe duku dzemiromo” yako kunorevei kwauri uye nei iyi iri ropafadzo?
5 Kunyange zvazvo vasina kuberekwa nomudzimu mutsvene kuti vave vanakomana vaMwari, ve“boka guru” re“mamwe makwai” vari kuudza vateveri vakazodzwa vaJesu Kristu kuti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.” (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16; Zekariya 8:23) Ungave uine tariro youpenyu husingaperi kumatenga kana kuti pasi pano, une ropafadzo yokupa “nzombe duku dzemiromo” yako. (Hosiya 14:2) Mashoko iwayo ari muuprofita hwaHosiya anorevei? Nyanzvi yeBhaibheri inonzi C. F. Keil inoti, “Nzombe duku . . . ndidzo dzaiva mhuka dzakanaka zvikuru dzezvinopiwa zvokuonga.” Muapostora Pauro akataura nezvaHosiya 14:2, paakanyora kuti: “Ngatigarei tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza . . . , icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Chokwadi, mashoko okuti “nzombe duku dzemiromo yedu” anotaura nezvezvinhu zvakanaka chaizvo zvingataurwa nemiromo yedu, mashoko atinotaura tichirumbidza Jehovha.
6. Nei tichifanira kuongorora kuti zvibayiro zvedu zvokurumbidza zvakaita sei?
6 Unounzira Jehovha zvibayiro zvokurumbidza paunonyengetera kwaari nomwoyo wose, paunotsinhira zvinoratidza kumuonga pamisangano yechiKristu, uye paunotaura nevamwe nechido uri muushumiri. Zvisinei, mumwe nomumwe wedu angabvunza kuti, ‘Pandinoita zvinhu zvakadai, chinopiwa changu chakanaka zvakadini?’ Kubva pane zvawakadzidza, hapana mubvunzo kuti wakasvika pakuvenga vapristi vomuzuva raMaraki vakaunza pachena mhuka dzakanga dzakaremara kuatari yaMwari. Achishandisa Maraki, Jehovha aifanira kusimbisa kwavari kushata kwezvibayiro zvavo, nokuti havana kumbofunga kuti vakanga vachizvidza tafura yaJehovha. (Maraki 1:8) Saizvozvowo, tinofanira kuongorora kuti zvibayiro zvedu zvakaita sei tova nechokwadi chokuti ndizvo zvakanaka chaizvo uye hazvina kumboremara.
SHOKO RINOFANIRA KUZIVISWA
7. Ushingi hunodiwa kuti tizivise chii pashoko redu rinotaura nezvezvinhu zviviri?
7 Kupa “nzombe duku dzemiromo yedu” muushumiri zvinoda kushinga, handizvo here? Izvozvo zvakadaro nokuti shoko ratinoudza vanhu rinotaura nezvezvinhu zviviri, uye chimwe chacho zvechokwadi hachifarirwi. Muprofita Joeri akaudza vanhu vaMwari kuti: “Zivisai izvi, pakati pemamwe marudzi, ‘Gadzirirai kurwa! Mutsai varume vane simba! Ngavaswedere pedyo! Varume vose vehondo ngavauye!’” (Joeri 3:9) Nezvokushanda kwazvo muzuva redu, chokwadi ikoko kudenha marudzi! Iko kuzivisa nezvehondo yaJehovha yakarurama pavanhu vanozvidza Mwari. Kunyange zvazvo Jehovha achirayiridza vanhu vake ku“pfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti,” anoudza marudzi anomuvenga kuti “pfurai miromo yemagejo enyu kuti ive mapakatwa nezvokuchekereresa miti kuti zvive mapfumo marefu.” (Mika 4:3; Joeri 3:10) Chokwadi, vavengi vaMwari vanofanira kugadzirira kusangana muhondo noMusiki wezvinhu zvose zvakasikwa. Iroro harisi shoko rinonakidza kuti tizivise.
8. Nei “vachasara vaJakobho” vachifananidzwa neshumba?
8 Mushoko romuprofita Mika, vaya vanopa ‘nzombe duku dzemiromo yavo’ vanofananidzwa neshumba. Iye akanyora kuti: “Vachasara vaJakobho vachava pakati pemamwe marudzi . . . seshumba iri pakati pemhuka dzomusango, somwana weshumba ava nezenze ari pakati pemapoka emakwai, uyo anoti kana akapfuura nepakati pawo, anotsika-tsika nokubvambura-bvambura; uye pasina mununuri.” (Mika 5:8) Nei kufananidza uku kwakakodzera? Muzuva redu, vanhu vaMwari, vachitungamirirwa nevakazodzwa, vanofanira kuratidza ushingi hwakaita sohweshumba pavanenge vachizivisa marudzi shoko rokunyevera.a
9. (a) Ndepapi paunofanira kuva noushingi hwakaita sohweshumba? (b) Ungava sei noushingi paunenge uchishorwa kana kuti paunosangana nevanhu vasingakendengi?
9 Wakashinga kufanana neshumba here pakuzivisa nyevero yeshoko racho? Ungada ushingi hwakadaro kwete chete paunomira pamberi pevanhu vane masimba asiwo paunotaura nevamwe vaunodzidza navo kuchikoro kana kuti vaunoshanda navo kana kuti hama dzako dzisingatendi. (Mika 7:5-7; Mateu 10:17-21) Ungava sei noushingi paunenge uchishorwa kana kuti paunosangana nevanhu vasingakendengi? Inzwa kuti Mika akakwanisa sei kuita basa rakakura kwazvo rokunyevera nezvokuparadzwa kweSamariya uye Jerusarema achiti: “Ini, ndazara nesimba, nomudzimu waJehovha, nokururamisira uye nokuva nesimba, kuti ndiudze Jakobho kumukira kwake uye Israeri chivi chake.” (Mika 1:1, 6; 3:8) Iwewo unogona ku“zara nesimba” nokuti unogona kuwana mudzimu waMwari wakawanda unopa simba. (Zekariya 4:6) Kana ukavimba naMwari uchinyengetera, uchakwanisa kuzivisa mashoko angaita kuti nzeve dziunge.—2 Madzimambo 21:10-15.
10. Tingatevedzera sei Zefaniya patinenge tichizivisa shoko rine chokuita ne“zuva raJehovha”?
10 Unofanira kuva noushingi, asi unofanirawo kuva anongwarira paunenge uchiudza vanhu shoko rokunyevera. Tinofanira kuva “norupfave [kana kuti, “vanongwarira”] kuna vose,” kunyange shoko racho parinenge richitaura nezve“zuva raJehovha” riri kuuya. (2 Timoti 2:24; Ref., mashoko omuzasi; Joeri 2:1, 11; Zefaniya 1:14) Zvakare, tinogona kudzidza kubva kuvaprofita 12. Vakazivisa noushingi mashoko okutonga aibva kuna Jehovha, asi vaifungawo nezvevaya vaizoteerera. Somuenzaniso, muprofita Zefaniya haana kutya kutaura noushingi paaitaura nemachinda omuzuva rake aiva nemwoyo yakaoma, asi haana kubatanidza Mambo Josiya akanga akatendeka pakushora kwacho. (Zefaniya 1:8) Patinenge tichizivisa shoko rokunyevera, tingabatsira vanhu here nokuvaona sevanhu vangangova makwai, torega kuvaona nenzira isina kunaka?—Mateu 25:32-34.
11. (a) Ndechipi chinhu chechipiri chiri mushoko ratinoparidza rinotaura nezvezvinhu zviviri? (b) Ungatevedzera sei vaprofita 12 paunenge uchizivisa zuva raJehovha?
11 Ndechipi chimwe chinhu chiri mushoko ratinoparidza rinotaura nezvezvinhu zviviri? Tinoona chinhu ichocho chichisimbiswa muchitsauko 5 chaMika. “Vachasara vaJakobho vachava sedova rinobva kuna Jehovha pakati pemarudzi mazhinji, vachava semvura zhinji inonaya pamusoro pezvinomera, izvo zvisingatarisiri kumunhu kana kumirira vanakomana vomunhu wepanyika.” (Mika 4:1; 5:7) Pamusana pemashoko akanaka avanounzira “marudzi mazhinji” mazuva ano, ‘vakasara’ vaJakobho womudzimu, kana kuti Israeri, uye shamwari dzavo vakafanana ne“dova rinobva kuna Jehovha” rinozorodza uye ne“mvura zhinji inonaya pamusoro pezvinomera.” Tinofanira kukwanisa kudzidza zvakawanda kubva mumabhuku 12 okupedzisira eMagwaro echiHebheru nezvechinhu ichi chechipiri chinotaurwa neshoko redu, vaprofita ivavo zvavasina kungozivisa kuparadza chete asiwo kudzorerwa. Paunenge uri muushumiri, uri kusimbisa here chinhu chakanaka chiri mushoko racho rine chokuita nezuva raJehovha?
UNOZIVISA SEI SHOKO IRI?
12, 13. (a) Kuenzaniswa kwevanhu vaMwari nemapute ezvipembenene kunorevei? (b) Unonzwa sei nezvaunoverenga pana Joeri 2:7, 8?
12 Saka, iwe uri kuzivisa sei shoko iri rinotaura nezvezvinhu zviviri? Muprofita Joeri akafananidza basa revanhu vaMwari nematambudziko akatevedzana aikonzerwa nezvipembenene, kusanganisira mhashu. (Joeri 1:4) Asi chokwadi nei tingafananidza vanhu vaJehovha nemapute ezvipembenene? Nokuti, sezviri pana Joeri 2:11, Mwari anoti zvipembenene izvi i“uto rake.” (Vanhu vaMwari vanofananidzwawo nemhashu mubhuku raZvakazarurwa. Ona Zvakazarurwa 9:3, 4.) Basa rezvipembenene zvakatsanangurwa naJoeri rakanga rakafanana nomoto unoparadza, uye mazvaipfuura namo maichimboita “somunda weEdheni” makachinja kuva “renje risina chinhu.” (Joeri 2:2, 3) Ungaratidza sei kuti unoziva zvinorehwa nouprofita hwaJoeri?
13 Funga nezvokuti zvisikwa izvi zviduku zvinoparadza sei. Joeri akazvitaura seizvi: ‘Zvinomhanya sevarume vane simba. Zvinokwira madziro sevarume vehondo. Chimwe nechimwe chinofamba nenzira dzacho, uye hazvitsauki pamakwara azvo. Hazvisundidzirani. Zvinoramba zvichienda sezvinoita murume anofamba munzira yake; uye kana zvimwe zvikafira pakati pezvombo zvehondo zvinenge zvichiita zvokukandwa, zvimwe zvacho hazvitsauki.’ (Joeri 2:7, 8) Hapana “madziro” okushora aizvimisa kana kuti kumisa dambudziko razvaikonzera. “Kana vamwe vakafira pakati pezvombo zvehondo zvinenge zvichiita zvokukandwa,” sezvakaitika kuvaKristu vakavimbika vakaurayiwa nevavengi vanodzvinyirira, vamwe vanopfuurira nebasa racho, vachiita basa iro Jehovha anoda kuti vaite. Iwe wakatsunga here kuomerera pabasa rokuzivisa zuva raJehovha kusvikira Mwari aona kuti rapedzwa? Ungatove uchipfuurira nebasa racho rakasiyiwa nevamwe vaKristu vakatendeka vakafa.
14. Ungabatsira sei kunyatsoita basa rokuparidza?
14 Kunyatsoita basa racho ndiko kunokosha. Iwe pachako ungabatsira sei pakunyatsoitwa kwebasa rokuparidza sezvinotsanangurwa muuprofita hwaJoeri? Nokuenda muushumiri paimba neimba uye kudzokera kunodzidzisa vaya vakaratidza kufarira. Unodzokerawo kunoona vaya vakanga vasiri pamba. Naizvozvo unoratidza kuti unonzwisisa kutsanangurwa kwouprofita uhwu. Uye paunopupurira kuvanhu vanenge vari mumugwagwa, ungasangana nevaya zvichida vawaisazombosangana navo. Heino imwe nzira: Ungakwanisa kubatsira vanhu vari kwaunogara vakatama vachibva kune dzimwe nyika.b Wakachenjerera here kuona mikana yose yakadai, uchibatsira kunyatsoita basa rokuparidza mazuva ano?
CHII CHINORATIDZA KUBUDIRIRA KWAKO?
15. Chii chinokosha pane zvakaitwa nevanhu kumashoko evaprofita 12?
15 Vanhu vanogamuchira sei shoko rine chokuita nezuva raJehovha rinotyisa? Haufaniri kushamiswa kana ukashorwa uye kana ukasangana nevanhu vasingakendengi. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuvaprofita vaMwari vakawanda, vazhinji vacho vaifanira kuzivisa mashoko okunyevera akasimba. (Jeremiya 1:17-19; 7:27; 29:19) Pasinei naizvozvo, vaprofita vanoverengeka vakaona migumisiro yakanaka! Vanenge vashanu vavo—Jona, Mika, Zefaniya, Hagai, naZekariya—vakakwanisa kuita kuti mwoyo yevamwe vanhu ipfidze pazvivi zvavo zvavakanga vaita kare ndokuchinja mararamiro avo.
16. Zvakaitwa naMika somuprofita zvakabereka zvibereko zvakaita sei?
16 Zviri pachena kuti basa raZefaniya somuprofita rakaita kuti Mambo Josiya atange kumutsidzira kunamata kwakachena. Mika akazivisa noushingi shoko rokutonga vakuru vomuJudha, uye zvakaitwa naMambo Hezekiya zvakaenderana nemashoko aMika. (Mika 3:1-3) Zvinofadza kuti vamwe varume vakuru vomuzuva raJeremiya vakataura nezvezvakaitwa naHezekiya somuenzaniso wakanaka pavakataura kuti mambo wacho ‘akatya Jehovha, akaita kuti anzwirwe nyasha naJehovha.’ (Jeremiya 26:18, 19; 2 Madzimambo 18:1-4) Vachitungamirirwa naHezekiya, vanhu vomuJudha uye vaya vaida vomuumambo hwokuchamhembe vakachengeta Paseka noMutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa, vachitowedzera mutambo wacho kweimwe vhiki. Kudzoka kwavo kuti vanamate zvechokwadi kwakaguma nei? “MuJerusarema makava nokufara kukuru.” (2 Makoronike 30:23-26) Mika akanga atanga kuzivisa shoko raMwari rokuparadza kurudzi rwakanga rwaramba kutenda rwaitongwa naMambo Ahazi. Asi muprofita wacho akakwanisa kuona zvibereko zvakanaka chaizvo zvezvaakaita, Hezekiya mwanakomana waAhazi paakagamuchira shoko racho zvakanaka.
17. Hagai naZekariya vakakwanisa kuitei?
17 Fungawo nezvevaprofita Hagai naZekariya. Vakashumira vaJudha vakanga vadzoka kunyika yokumusha kwavo, vakanga vasisakendengi uye vaiva noudyire. (Hagai 1:1, 2; Zekariya 1:1-3) Vaprofita vacho vaviri pavakazotanga mabasa avo, makore 16 akanga apfuura kubvira pakavakwa faundesheni yetemberi. Vanhu vai“mhanya-mhanya, mumwe nomumwe nokuda kweimba yake” imba yaJehovha iri “dongo.” Hagai akaudza vaJudha kuti: “‘Simbai, imi vanhu vose venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘mushande.’” Saka chii chakazoitika? Jehovha “akamutsa mwoyo” waGavhuna Zerubhabheri, Mupristi Mukuru Joshua, uye “vanhu vose vakanga vasara.” Somugumisiro, vakakwanisa kupedza basa repatemberi.—Hagai 1:9, 12, 14; 2:4.
18, 19. (a) Vanhu vari mune dzimwe nyika vari kugamuchira sei kuziviswa kwezuva raJehovha? (b) Uchaita sei nokudiwa kwokuzivisa shoko rokunyevera vanhu vose?
18 Vakawanda vevaprofita 12 vakazivisa mashoko kurudzi rwakanga rwakazvitsaurira kuna Jehovha pakutanga. Isu tingave tichiparidzira vanhu vasina kumboziva nezvaMwari wechokwadi, asi kunyange zvakadaro tinogona kudzidza kubva pamigumisiro yemabasa evaprofita. Mazuva anowo, mundima dzakawanda, vanhu vari kugamuchira shoko rinofanira kukurumidza kuziviswa rine chokuita nezuva raJehovha. Tiri kuona migumisiro seiya yakafanotaurwa naZekariya: “Marudzi mazhinji achauya kuna Jehovha pazuva iroro, achava vanhu vangu; uye ndichagara pakati pako.” (Zekariya 2:11) Panguva ino, mupfungwa chaiyoiyo, “marudzi mazhinji” ari kugamuchira shoko riri kuziviswa nevanhu vaMwari. (Zvakazarurwa 7:9) Zekariya akafanotaura kuti: “Marudzi mazhinji nemarudzi ane simba achauya kuzotsvaka Jehovha wemauto muJerusarema uye kuzoita kuti anzwirwe nyasha naJehovha.” Anorondedzerwa se“varume gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi” vaizobata kumupendero kwenguo yomuIsraeri womudzimu, vachiti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.”—Zekariya 8:20-23.
19 Ona kutaurwa kwe“mitauro yose yemarudzi.” Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri zviri kushandurirwa mumitauro yakawanda, uye Zvapupu zvaJehovha zviri kurovedza vashumiri kuti vadzidzise vanhu ve“mitauro yose yemarudzi.” (Mateu 28:19, 20; Mabasa 1:8) Ungave wakadzidza mumwe mutauro kuti ubatsire vanhu vari kwaunogara vanotaura mutauro iwoyo. Uye vakawanda zvikuru vave vachida kudzidza mutauro mutsva kana kuti miviri uye kutamira kunyika dzine vanhu vakawanda vanogamuchira mashoko akanaka nomwoyo wose. Zvingaita here kuti utamire kundima dzakadaro dzinobereka zvibereko ‘wozivisa izvi pakati pemarudzi’? Funga izvozvo uchiita zvokunyengetera. Kana uine mhuri, kurukura nemhuri kakawanda nezvokutama kwakadaro, uchiita kuti vana vako vari kukura varambe vachifunga nezvechinangwa ichocho.
20. Mafungiro api ayo Jehovha akayeuchidza nezvawo pamusoro pevanhu veNinivhi?
20 Mumwe muprofita ane vanhu vakamuteerera, vaisatarisirwa kuti vaizodaro, aiva Jona. Vanhu veNinivhi, kunyange mambo wacho pachake, vakagamuchira zvakanaka shoko raJona, vachitenda muna Jehovha. Mwari pachake akabvunza kuti: “Ndaisafanira kunzwira urombo Ninivhi guta guru, mune vanhu vanopfuura zviuru zana nemakumi maviri vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo” here? (Jona 4:11) Funga nezvemashoko iwayo pamusoro pechinoita kuti uzivise vamwe zuva raJehovha rinotyisa. Unonzwa uine chikwereti kuna Jehovha chokukuponesa achishandisa rudzikinuro here? Unonzwa uine zvaunosungirwa kuita somushumiri waJehovha akazvitsaurira here? (1 VaKorinde 9:16, 17) Izvi zvikonzero zvakanaka zvokuzivisa zuva raJehovha. Zvisinei, kuwedzera pane izvozvo, uno“nzwira urombo” here vanhu vaunozivisa nezvezuva raJehovha? Chokwadi unogona kufara zvikuru ngoni dzakaita sedzaMwari padzinoita kuti uudze vanhu nezvezuva iroro!
21. Ungadzidzei kubva mumuenzaniso waAmosi pane zvaakaita paakatyisidzirwa naAmaziya?
21 Hatina zvakawanda zvatinoziva nezvokugamuchirwa kwakaitwa zvakaparidzwa naJoeri, Obhadhiya, Nahumi, Habhakuki, naMaraki. Asi tinoziva kugamuchirwa kumwe chete kwakaitwa zvakaparidzwa naAmosi. Amaziya akapikisa zvakasimba Amosi, achipomera muprofita wacho kuti akanga amukira mambo uye achiedza kurambidza Amosi kuparidza muBheteri. (Amosi 7:10-13) Amosi akava noushingi paakashorwa. Mazuva anowo, vanhu vezvitendero vangaedza kufurira vamwe vatungamiriri vezvematongerwo enyika kuti vatambudze vanhu vaJehovha kana kuti vatorambidza basa ravo rokuparidza rinobatsira. Uchatevedzera Amosi here pakuzivisa mashoko akanaka noushingi pasinei nokushorwa?
22. Nei ungati ushumiri huri kubudirira mundima yenyu?
22 Kunyange zvazvo zvakaparidzwa nevaprofita vacho 12 zvakagamuchirwa nenzira dzakasiyana-siyana, vose vakaita basa ravo. Chinhu chinokosha hachisi chokuti vanhu vagamuchira shoko ratinoparidza rinotaura nezvezvinhu zviviri, asi ndechokuti tinounzira Jehovha “nzombe duku dzemiromo yedu,” “chibayiro [chedu] chokurumbidza” chakanaka chaizvo. (Hosiya 14:2; VaHebheru 13:15) Kuti zvinozoguma sei tinosiyira Mwari. Achaita kuti vaya vari makwai zvechokwadi vauye kwaari. (Johani 6:44) Uyewo, unogona kubudirira somuzivisi weshoko raMwari pasinei nokuti vanhu vanorigamuchira sei. Unogona kuva nechivimbo chokuti “tsoka dzaiye ari kuuya nemashoko akanaka, iye ari kuzivisa rugare,” dzakanaka kune vaya vanogamuchira mashoko akanaka vachiratidza kuonga. Asi chinonyanya kukosha ndechokuti dzakanaka kuna Jehovha. (Nahumi 1:15; Isaya 52:7) Zuva guru raJehovha zvarava pedyo zvikuru, tsunga kuramba uchiita zvakafanotaurwa naJoeri nezvenguva yedu zvokuti: “Zivisai izvi, pakati pemamwe marudzi, ‘Gadzirirai kurwa! Mutsai varume vane simba!’” Izvozvo zvinoreva hondo yaMwari yokurwisa marudzi.—Joeri 3:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Uprofita uhwu hungave hwakazadzika kekutanga munguva yavanaMakabhii, vaJudha pavakadzinga vavengi vavo muJudha vachitungamirirwa navanaMakabhii ndokutsaurirazve temberi. Izvi zvakaita kuti vaJudha vakanga vasara vakwanise kugamuchira Mesiya paakaoneka.—Dhanieri 9:25; Ruka 3:15-22.
b Kabhuku kanonzi Good News for People of All Nations, kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, kave kachishandiswa nenzira inobudirira pakubatsira vanhu vasingatauri mitauro inonyanya kushandiswa kwaunogara.
WAZVINZWISISA HERE?
• Ungapa sei ‘nzombe duku dzemiromo yako’ mazuva ano?—2 Madzimambo 20:3; Maraki 1:11.
• Ishoko ripi rinotaura nezvezvinhu zviviri rauri kuzivisa?—Isaya 61:2; Mika 5:7, 8.
• Nei uchida ushingi hwakaita sohweshumba pakuzivisa zuva raJehovha?—Jeremiya 1:19; Joeri 3:9-12.
UCHAPINDURA SEI?
• Ungadzidzei pakufananidzwa kwevanhu vaMwari nemapute ezvipembenene?—Joeri 1:4; 2:3; Mabasa 20:24.
• Ungaratidza sei kuti unoziva kudiwa kwokunyatsoita ushumiri hwako?—Amosi 7:14, 15; Mika 1:1-4; Mabasa 10:42.
• Nei ungava nechivimbo chokuti kuzivisa kwaunoita zuva raJehovha kuri kubudirira kuna Mwari?—Maraki 3:10.
[Mufananidzo uri papeji 165]
Waizoita sei kudai waizonzwa shumba ichidzvova?
[Mufananidzo uri papeji 166, 167]
Kubvira pakutanga-tanga kwezana remakore rechi20 kusvikira muzuva redu, vanhu vaMwari vave vachi“profita”
[Mufananidzo uri papeji 169]
Uri kuzivisa zuva raJehovha noushingi here?
[Mifananidzo iri papeji 17, 173]
Unogona kubudirira muushumiri hwako pasinei nezvingaitwa nevanhu