RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Tiudzei, Izvi Zvinhu Zvichavapo Rini?”
    Nharireyomurindi—1994 | February 15
    • 11 Sezvinorondedzerwa pana Mabasa 2:1-4 uye 14-21, paPentekosta 33 N.V., Mwari akadurura mudzimu mutsvene pavadzidzi 120, vose vari vaviri varume navakadzi. Muapostora Petro akazivisa kuti izvi ndizvo izvo Joere akanga adeya kutaura. Zvakadini, kunyanguvezvo, nezvamashoko aJoere pamusoro pe‘zuva richishandurwa kuva rima uye mwedzi kuva ropa uye nyeredzi dzichirega kupenya kwadzo’? Hapana chinhu chinoratidza kuti izvi zvakazadzikwa muna 33 N.V. kana kuti mukati menhambo yakareba namakore anopfuura 30 emhedziso yetsika yezvinhu yechiJudha.

      12, 13. Zvinoitika zvokudenga izvo Joere akadeya kutaura zvakazadzikwa sei?

      12 Sezviri pachena rutivi irworwo rwapashure rwokudeya kutaura kwaJoere rwakanga rwakasanobatanidzwa zvikuru no“kuuya kwezuva guru nerinotyisa raJehovha”—kuparadzwa kweJerusarema. Nharireyomurindi yaJuly 1, 1967, yakati pamusoro pedambudziko rakawira Jerusarema muna 70 N.V.: “Zvamazvirokwazvo irero rakanga riri rimwe ‘zuva raJehovha’ nenongedzero kuJerusarema navana varo. Uye mukuwirirana nezuva irero kwaiva nerakawandawanda re‘ropa nomwoto nemhute youtsi,’ zuva risati richapenyera muzarima reguta pamasikati, uye mwedzi uchiratidzira ropa rakadeurwa, kusina chiedza chomwedzi chine rugare, chakachena usiku.”c

      13 Hungu, senohumwe uporofita uhwo tacherechedza, zvinoitika zvokudenga izvo Joere akadeya kutaura zvaifanira kuzadzikwa apo Jehovha akaita rutongeso. Panzvimbo pokutambanuka mumhedziso yetsika yechiJudha, kusviba kwezuva, mwedzi, uye nyeredzi kwakaitika apo mauto okuuraya akauya kuzorwisa Jerusarema. Nenzira ine mufungo, tinogona kukarira kuzadzikwa kukuru kworutivi irworwo rwouporofita hwaJoere apo kuuraya kwaMwari tsika iripo kunotanga kuitika.

  • “Tiudzei, Izvi Zvinhu Zvichavapo Rini?”
    Nharireyomurindi—1994 | February 15
    • c Josephus anonyora nezvezvinoitika pakati pedenho yavaRoma yokutanga paJerusarema (66 N.V.) nokuparadzwa kwaro: “Mukati mousiku dutu rinoparadzanya rakatanga; dutu guru rakapenga, mvura yakatsvotsvoma, mheni yaipenya nguva dzose, mabhanan’ana aityisa, pasi rakadengenyeka nokurira kunoitisa matsi. Ngwavaira kurudzi rwomunhu yakadeya kufananidzirwa zvakajeka nouku kuwa kwegadziriro yose yezvinhu, uye hapana munhu aigona kupanikira kuti shuramanenji dzaifananidzira ngwavaira isingaenzaniswi.”

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe