Ganhuro 10
“Havachazonzwizve Nzara”
1. Ko kuitira hanya kwenyika pamsoro pezvokudya kwakakomba zvakadini?
CHIMWE chezvinetso zvikuru chakanangana nenyika nhasi chinobatanidza zvokudya. Mitengo yakakwirira inoparira nhamo kuvazhinji. Nzara chaiyoiyo yakanangana navamwe. Pamisi ichangobva kupfuura iyi kwakashumwa kuti gore rimwe nerimwe vanhu vana mamirioni 40—muna mamwe makore vazhinji savana mamirioni 50—vanofa nokuti havana zvokudya zvavanoda. Vanenge vanowanziridzwa nakane gumi pachiverengero ichecho vanotambura kushaya zvokudya zvakafanira kwakakomba. Kunyange zvazvo dzimwe nyika dzichibereka zvakawanda zvikuru zvinopfuura zvavangadya, kukwikwidzana kwezvamatongerwe enyika namakaro ezvokutengeserana zvinowanzodzivisa nhamburiko yokuita kuti zvokudya zvomuraudzo zviwanikwe kuavo vanozvishaiwa zvikurusa.—Enzanisa Zvakazarurwa 6:5, 6.
2. Kunyange munyika umo mune maguta, neiko vanhu vane chikonzero chokuitira hanya?
2 Kunyange nyika dzinoratidzika kuva dzine zvokudya zvakawanda dzinonangana nenguva yemberi inovhiringidza. Neiko? Mitoo yazvino uno yokurima inowanzotsamira papeturo, uye mugove wemburumbwa hauzati uri usina kuganhurirwa. Kuvimba zvikurukuru nemipfudze inotengwa kuri kushatsa madziva emvura. Kunyanyoshandiswa kwemishonga inouraya zvipukanana, kunoitirwa kutaviridza zvirimwa, kuri kuparadzawo zvinhu zvipenyu izvo kubereka zviyo kwomunguva yemberi kwevhu kunotsamira pazviri. Kunenge kurutivi rwuri rwose rwenhamburiko dzomunhu, zvinetso zvakakomba zvinopfuurira kuwanziridzika. Aurelio Peccei, prezidhendi weboka ramarudzi ose ravazivi, akafananidzira nyika ne“mbumburu inomviririka sezvainorereka ichienda pangwavaira nengwavaira.” Ko kuva nohuchenjeri here kuroverera tariro dzako nokuda kwenguva yemberi panyika ine chinyorwa chakadaro?—Jeremia 10:23; Zvirevo 14:12.
3. Ndianiko anokwanisa kusimbisira zvokudya zvizhinjisa zvavanhu vose, uye chii chinokupa chivimbo ichocho?
3 Nomutoo unomufungo, mamirioni avanhu akabvuma kushaiwa kwavo betsero iyo Mwari bedzi anogona kupa. Pashure pokunge vanzvera chiporofita cheBhaibheri, vanogona kuziva kuti Jehovha Mwari akatogadza pachigaro choumambo Mwanakomana wake wokudenga Jesu Kristu uye akamupa pasi rose sepfuma yake. (Pisarema 2:7, 8) Iye anouchenjeri namano zvokusimbisira kuti vanhu vose vachagoverwa nomutoo worupo kubva muzvibereko zvapasi. (Pisarema 72:7, 8, 16; VaKorose 1:15-17) Apo tsika iripo youdyire inenge yabviswa, Kristu achatungamirira nhamburiko dzavapukunyuki vavanhu zvokuti pasi rose richava Paradhiso inobereka zvibereko.
4. Kubetserekana negadziriro idzodzi dzokunyama, chii chatinofanira kuita zvino?
4 Zvisinei, avo vachabetserekana nokusingaperi noubati ushe kwake ndaavo vanocherekedza kuti munhu haazati achirarama nezvokudya zvoga bedzi, vanhu vanonzwisisa mipimo yomudzimu nechinodikanwa chinokosha chokuwana simba mukudzidza nokuita kuda kwaMwari. Bhaibheri rinosimbisa rasimbisazve ukoshi hwaikoku. (Johane 4:34; 6:27; Jeremia 15:16) Jesu wakakusimbisa apo iye akati: “Kwakanyorwa, kuti ‘Munhu anofanira kurarama, nezvisati zviri zvokudya bedzi, asi nokutaura kuri kose kunobuda mumuromo maJehovha.’” (Mateo 4:4) Tinoda zvokudya zvakadaro zvomudzimu zvino, kana tichizopukunyuka mugumo wenyika iripoyi. Mawanire atingazviita anotienzanisirwa munhauro yeBhaibheri pamsoro paJosefa navakoma vake.
“ENDAI KUNA JOSEFA”
5. Ko Josefa akava sei muranda muEgipita?
5 Mwari akapa Josefa, muzukuruchibvi waAbrahama, zviroto zvinoratidzira kuti Josefa aizova nebasa rakatanhamara muupenyu. Nokuda kwaikoku, uyewo idi rokuti iye akanga achidiwa chaizvoizvo nababa vake, vakoma gumi nokunababa vaJosefa vakavenga Josefa. Vakapangana kumuuraya asi pakupedzisira vakamutengesa somuranda, nokudaro iye akaendeswa Egipita. Ko donzo raJehovha pamsoro paJosefa raizoshanda sei zvino?—Genesi 37:3-11, 28.
6. (a) Ko ngwariro yaFarao yakarereudzirwa sei kuna Josefa? (b) Zvii zvakanga zviri zviroto zvakavhiringidza Farao?
6 Apo Josefa akanga ava nezera ramakore 30, Jehovha akasakisa Farao, mubati ushe weEgipita, kuva nezviroto zviviri zvakamutambudza. Mune chokutanga iye akaona mhou nomwe “dzakaisvonaka muchitarisiko uye dzakakora,” uyewo dzimwe mhou nomwe “dzakashata muchitarisiko uye dzakaonda.” Mhou dzakaonda dzakapfuurira kudya dzakakora. Mune chimwe chiroto Farao akaona hura nomwe dzezviyo padzinde rimwe, “dzakakora uye dzakanaka,” uye dzimwe hura nomwe dzakanga dzaka“tetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva.” Zvakare, dziya dzakatetepa dzakamedza dziya dzakakora. Ko ikoku kwose kwakarevei? Hapana navamwe vavarume vakachenjera veEgipita vaikwanisa kududzira zviroto. Asi mupereki waFarao akayeuka kuti, apo iye akanga ambova mutorongo, musungwi biyake, Josefa, akanga adudzira nomutoo wakarurama zviroto. Nokukurumidza Farao akatuma kundodana Josefa.—Genesi 41:1-15.
7. (a) Ko Josefa akava sei mudzori wezvokudya nokuda kweEgipita? (b) Apo nzara yakava yakakomba, ko vaEgipita vakaitei kuti vagopfuurira kurarama?
7 Asingakambiri mbiri nokuda kwake amene, Josefa akaudza Farao, kuti: “Chiroto chaFarao chinongova chimwe bedzi. Izvo Mwari wechokwadi ari kuita iye akazviudza kuna Farao.” (Genesi 41:16, 25) Josefa akatsanangura kuti chiroto chechipiri chakareva chinhu chimwe chetecho sechokutanga uye chakasimbisa uchokwadi hwacho. Makore manomwe amaguta zvikuru muEgipita aizoteverwa namakore manomwe enzara. Iye akapangira Farao kuisa murume anokwanisa mukutarisira kuchengetwa kwezviyo mukati mamakore amaguta zvikuru mukugadzirira nzara. Achiziva kuti Mwari iye amene sezvinoonekwa akanga awadzanyura izvozvi zvose kuna Josefa, Farao akagadza Josefa somudzori wezvokudya, achimupa chiremera muEgipita chechipiri bedzi kune checho chaFarao amene. Sokudeya kutaura kwaakanga aita, makore manomwe amaguta echienzi akasvika, uye Josefa akaita kuti zvokudya zvizhinjisa kwazvo zvichengetwe. Ipapo nzara yakadeya kuziviswa yakatekeshera panyikayo yose. Apo vanhu vaiteterera kuna Farao nokuda kwezvokudya, iye aipindura, kuti: “Endai kuna Josefa. Chipi kana chipi chaanotaura kwamuri, munofanira kuita.” Naizvozvo Josefa akavatengesera zviyo—pakutanga zvakaripirwa nemari, tevere nezvipfuyo zvavo, uye pakupedzisira vakazvipa ivo vamene nenyika yavo. Kuti vagopfuurira kurarama, vaitofanira kuzvipa chose chose kubasa raFarao.—Genesi 41:26-49, 53-56; 47:13-26.
8. (a) Kuti vagowana zvokudya zvinodikanwa, ko vakoma nokuna baba vaJosefa vaidikanirwa kuitei? (b) Neiko chinyorwa chaikoku chakachengetwa?
8 Nzara yakatapurawo nyika dzakapoteredza Egipita. Pakupedzisira vakoma nokuna baba vaJosefa amene vakaburukirako vachibva Kanani. Anopfuura makore 20 akanga apfuura chifo chaapo ivo vakanga vamutengesera muuranda, nokudaro ivo havana kumuziva. Vakamukotamira, sezvo zviroto zvaJosefa zvakanga zvanguve zvadeya kuzivisa kare, uye vakatsvaka kuwana zvokudya. (Genesi 37:6, 7; 42:5-7) Nomutoo wounyanzvi Josefa akavaedza ndokuona hufakazi hunopwisa hwokuti chimiro chavo chendangariro kwaari nababa vavo chakanga chachinja zvomenemene. Pakupedzisira iye akazvizivisa amene ndokutsanangura kuti kwakanga kuri zvomenemene “nokuda kwokuchengetwa kwoupenyu” kuti Mwari akanga amutumira Egipita mberi kwavo. Pakuraira kwake, vakatamisira baba vavo nemhuri dzavo muEgipita. (Genesi 45:1-11) Kwose ikoku kwakanyorerwa kubetserekana kwedu, uye revo yakwo yechiporofita inobatanidza zvinoitika zvomuzuva redu.—VaRoma 15:4.
KUGUTSA NZARA YEDU NENYOTA ZVINO
9. (a) Chii chinoparira nzara yomudzimu munyika nhasi? (b) Neiko ichochi chiri chimwe chezvinetso zvikurusa zvezvinetso zvavanhu?
9 Chimwe chezvisakiso zvikurusa zvezvinetso zvavanhu ndiyo nzara yomudzimu. Nemhaka yokuti ivo vakasiya Jehovha, iye haazati achivaitira nyasha nokuvapa kunzwisiswa kweShoko rake, uye, somuuyo, vanorumwa “nenzara, isati iri yezvokudya, nenyota, isati iri yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amosi 8:11) Vanhu vanorumwa nenzara mumudzimu vanotsvangadzira mhinduro dzemibvunzo inokosha yakadai seyokuti: Chii chiri revo youpenyu? Neiko vanhu vachifa? Ko pane tariro chaiyoiyo ipi neipi nokuda kwenguva yemberi here? Vachipengeswa nenzara yomudzimu, vanhu vakadaro vanowanzozvikuvadza ivo vamene navamwe sezvavanobatikana mumufambiro woutere nowoutsotsi kuti vagogutsa zvishuvo zvavo.
10. (a) Mukuzadzika kwaIsaya 65:13, 14, mugariroi uripo pakati pavabatiri vaJehovha? (b) Ko nhambo dzenzara yomudzimu namaguta omudzimu zvinovapo rini?
10 Mukusiana, Jehovha akapa maguta omudzimu kuna vabatiri vake vakavimbika, uye rudo chairwoirwo ruri pakati pavo. Iye akazarurira kunzwisisa kwavo zvokwadi dzomudzimu dzinogutsa dziri muShoko rake rakafuridzirwa uye iye akavapa basa rokuita sezvapupu zvake. Ivo nomufaro vanogovera idzi zvokwadi kuna vamwe vanonzwa nzara mumudzimu uye vanotsvaka upenyu muukama naMwari. (Isaya 65:13, 14; Ruka 6:21) Kare muEgipita yekare makore manomwe enzara akatevera makore manomwe amaguta. Asi muzuva redu nhambo dzenzara yomudzimu nedzamaguta omudzimu dzinoitikira pamawa.
11. (a) Ndivanaani vanofananidzirwa naFarao uye naJosefa, uye nei kuchidaro? (b) Ko nzira inotorwa ne“boka guru” yakafanana sei neyeyo yavaEgipita vakarumwa nenzara?
11 Nhasi haazati ari Farao ari mubati ushe. Jehovha Mwari, Farao Mukuru Zvikuru, ndiye Changamire weChisiko chapose pose. Iye akapa Jesu Kristu chiremera chechipiri bedzi kune chake amene. SaJosefa Mukuru Zvikuru, Jesu Ndiye uyo Jehovha akaronzesa kwaari mutoro wokugovera zvokudya zvomudzimu zvinotsigira upenyu. Kuziva kworudzidziso nokwenyika kwenyikayi kwakasiya vanhu vane nzara inoruma yomudzimu. Ivo vanogona kutsigirwa bedzi kupfurikidza nokutendeukira kuna Jesu Kristu ndokuwana zvokudya zvomudzimu munzira yaanoraira nayo. Mamirioni avanhu, akafananidzirwa navaEgipita vakarumwa nenzara, vari kuita saizvozvo. Kupfurikidza naJesu Kristu, ivo vari kuzvitsaurira zvizere vamene kuna Jehovha nokuda kwenguva yose, uye nenzira iyeyo vanobatanidzwa muboka guru ravapukunyuki vanokarirwa vezuva rinouya rehasha dzaMwari.
12. (a) Ko Jesu ari mudenga anoita sei kuti zvokudya zvomudzimu zviwanikwe kwatiri pasi pano? (b) Chii chinokupwisa pamsoro pokuzivikanwa kwo“muranda akatendeka nowakachenjera”?
12 Asika Jesu ari mudenga. Ko iye anogovera sei zvokudya zvomudzimu kutibetsera pasi pano? Iye akadeya kutaura kuti aizoita kudaro kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera” wake. (Mateo 24:45-47) Uyu “muranda” womubatanidzwa, anoumbwa neungano yake yavakazodzwa nomudzimu vachiri pasi pano. (Enzanisa Isaya 43:10) Vakasarira vaivava vachiri pamusoro papasi. Iyi ungano yechokwadi yechiKristu inozivikanwa nyore nyore kupfurikidza nokuenzanisira dzidziso dzayo nemiitiro neBhaibheri. Inodzidzisa chaizvoizvo zvakarairwa naJesu. Naizvozvo haizati ichibatanidzwa muzvinhu zvezvamatongerwe enyika zvenyika, asi mitezo yayo yose vaparidzi vapamhene voUmambo hwaMwari. Ivo havana kukamukana pakati pamapoka echiKristudhomu. Vakabatana, sokutaura kwakaita Jesu kuti vaizova vakadaro—ivo vose Zvapupu zvaJehovha mukutevedzera Ishe wavo. (Ona Johane 17:16, 20, 21; Mateo 24:14; 28:19, 20; Zvakazarurwa 1:5.) Ivo vanofarikanya maguta omudzimu nokudaro vanodisisa zvikuru kuagovera kuvamwe.
13. (a) Ko vanhu vazhinji vakazviratidzira ivo vamene munzirai kuva vakafanana navakoma gumi nokuna baba vaJosefa? (b) Ko isu tose tingabetserekana sei nezvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naKristu kupfurikidza neboka ro“muranda”?
13 Vanhu vazhinji vakaseka aya maKristu akazodzwa, vachiti: ‘Munofunga kuti muri nani zvikuru kupinda zvatiri here? Munofunga kuti ndimi bedzi vakarurama here?’ Asika, munguva yakati kuti vamwe vanoziva nomutoo wokuzvininipisa kuti Jehovha zvamazvirokwazvo ane zvapupu pasi pano uye kuti izvo zvinoparidzira zvomenemene Shoko Rake. Vanosvika pakunzwisisa kuti Bhaibheri rinoratidzira kuti kwaizova neungano yechiKristu yechokwadi imwe bedzi uye kuti mitezo yayo yaizova yakabatana. (VaEfeso 4:5; VaRoma 12:5) Kunzvera kwokutendeseka nokwokuzvininipisa maidi kwakavatungamirira kusangano irero. Vakoma gumi nokuna baba vaJosefa vakadeya kufananidzira vanhu vakadaro, avo vaichimbotambudza vateveri vakazodzwa vaJesu kana kuti avo vaitsigira vatambudzi vakadaro asi avo zvino vanoratidzira kuchinja chaikoiko kwomwoyo. (Johane 13:20) Mukuonga vanogamuchira zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naJesu Kristu kupfurikidza neboka rake ro‘muranda akatendeka nowakachenjera.’ Ivo vanowana simba romudzimu sezvavanodya zvokwadi dzeBhaibheri dzinotsanangurwa muzvinyorwa zveWatch Tower, vachigaropinda misangano yeZvapupu zvaJehovha uye vachipinda nomutoo wokushingaira mukuita kuda kwaMwari. Ko iwe uri mumwe wavanhu ivava vanozvininipisa here?—VaHebheru 10:23-25; enzanisa Johane 4:34.
14. Migariroi yomudzimu inowanwa naavo vose vanorarama mutsinhirano nemirairo yakadzidzwa mune chinoitika ichi cheBhaibheri?
14 Kunyevenutswa kunofadza kuri kuwanwa naavo vose nenzira iyoyo vanoisa upenyu norudo pasi pechiremera choMusiki wavo kupfurikidza naJesu Kristu. Mumudzimu, “ivo havazati vachizonzwazve nzara kana kunzwazve nyota, . . . nokuti Gwaiana [Jesu Kristu], uyo ari pakati pechigaro choumambo, achavafudza, uye achavatungamirira kumatsime emvura dzoupenyu.”—Zvakazarurwa 7:16, 17; Isaya 25:6-9.