Jona Anodzidza Pamusoro Pengoni dzaJehovha
JEHOVHA ane mugove womuporofita wake Jona. Nguva yacho izana ramakore rechipfumbamwe B.C.E., uye Jerobhoami II anotonga muIsraeri. Jona anobva kuGati-heferi, guta ravaZebhuruni. (Joshua 19:10, 13; 2 Madzimambo 14:25) Mwari ari kutumira Jona kuDzimbahwe guru reAsiria reNinevhe, anopfuura makiromita 800 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwetaundi rokumusha kwake. Iye anofanira kunyevera vaNinevhe kuti ivo vatarisana noruparadziko ruchaitwa naMwari.
Jona angava akafunga, kuti: ‘Kuenda kuguta iro norudzi? Ivo havana kutongozvipira kuna Mwari. VaAsiria vaya vanoda kuteura ropa havana kutongopinda musungano naJehovha sezvakaita vaIsraeri. Chokwadi, vanhu vorudzi irworwo rwakaipa vangarangarira nyevero yangu setyisidziro ndokukurira Israeri! Kwete ini! Handisati ndichizoenda. Ndichamhanyira kuJopa ndokuenda nechikepe nenzira yakasiyana—kusvikira kuTarshishi, kusvikira kune rumwe rutivi rweGungwa Guru. Ndizvo zvandichaita!’—Jona 1:1-3.
Njodzi Mugungwa!
Nokukurumidza Jona ava muJopa pamhenderekedzo yeMediterranean. Iye anobhadhara mari yake ndokukwira chikepe chava kutoenda kuTarshishi, icho chinowanzobatanidzwa neSpain, anopfuura makiromita 3 500 kumavirira kweNinevhe. Vangova mugungwa, muporofita aneta anoenda pasi pechikepe ndokubatwa nehope. Nokukurumidza pashure pacho, Jehovha anotumira mhepo huru mugungwa, uye mukwasvi mumwe nomumwe atyiswa anodana kuna mwari wake amene nokuda kweyamuro. Chikepe chiri kufamba chichienda mberi nokudzoka shure zvikuru zvokuti nhumbi dzinokandirwa mugungwa kuti varerutsire chikepe. Bva, kupunzika kwechikepe kunoratidzika kuva kwechokwadi, uye Jona anonzwa mutungamiriri wechikepe avhundutswa achidanidzira, kuti: “Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari ungatirangarira, tikasaparara.” Jona anosimuka ndokuenda pasi pechikepe.—Jona 1:4-6.
“Uyai tikande mijenya,” vanodaro vakwasvi, “tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani.” Mujenya wacho unobata Jona. Fungidzira kutya kwake apo vakwasvi vanoti: “Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? wabvepiko? nyika yako ndeipi, uri worudzi rupi?” Jona anotaura kuti iye muHebheru anonamata “Mwari wokudenga” uye kuti iye ane rutyo rwokuremekedza “[Iye] wakaita gungwa nenyika yakaoma.” Dutu rauya pavari nemhaka yokuti iye ari kutiza pamberi paJehovha panzvimbo pokuendesa nenzira yokuteerera shoko raMwari kuNinevhe.—Jona 1:7-10.
Vakwasvi vanobvunza, kuti: “Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire?” Sezvo gungwa rinoramba richinyanya kupenga, Jona anoti: “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.” Vasingadi kukandira mubatiri waJehovha mugungwa ndokuparira rufu rwusingadzivisiki, varume vacho vanoedza kusvika panyika yakaoma. Vakundikana, vakwasvi vanodanidzira, kuti: “Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.”—Jona 1:11-14.
Mugungwa!
Pana ikoko vakwasvi vanokandira Jona mugungwa. Sezvo anonyura mugungwa riri kuvinduka, kupenga kwaro kunovamba kunyarara. Vachiona ikoku, ‘varume vacho vanovamba kutya Jehovha zvikuru, naizvozvo vanopa chibayiro kwaari ndokupika mhiko.’—Jona 1:15, 16.
Sezvo mvura inovhara Jona, iye nokusapanikira ari kunyengetera. Ipapo anozvinzwa amene achipinda mumukoto wakapfava sezvo iye anopinda mugomba rakakura zvikuru. Nenzira inoshamisa, iye achiri kugona kufema! Achibvisa uswa hwomugungwa mumusoro make, Jona anozviwana amene ari munzvimbo yechienzi zvirokwazvo. Ikoku imhaka yokuti “Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.”—Jona 1:17.
Munyengetero Wakasimba waJona
Ari mudumbu rehove huru, Jona ane nguva yokunyengetera. Mamwe amashoko ake ane fanano nemapisarema akati. Jona gare gare akanyora minyengetero yake achiratidza zvose zviri zviviri kupera mwoyo uye kuzvidemba. Somuenzaniso, kwaari kwairatidzika kuti dumbu rehove raizova Sheori, guva rake. Naizvozvo iye akanyengetera, kuti: “Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, akandipindura. Ndakadana ndiri mudumbu reSheori. Imi mukanzwa inzwi rangu.” (Jona 2:1, 2) Nziyo Mbiri Dzenzendo—sezvingabvira dzakaimbwa navaIsraeri vachikwira kuJerusarema nokuda kwemitambo yegore negore—dzinoratidzira mifungo yakafanana.—Pisarema 120:1; 130:1, 2.
Achirangarira nezvokupinda kwake mugungwa, Jona anonyengetera, kuti: “Nokuti [Jehovha] makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, mvura zhinji yakanga yakandikomberedza; mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.”—Jona 2:3; enzanisa nePisarema 42:7; 69:2.
Jona anotya kuti kusateerera kwake kuchamuita kuti arasikirwe nenyasha dzaMwari uye kuti haazotongoonizve tembere yaMwari. Iye anonyengetera, kuti: “Ndikati: Ndarashwa, hamuchandioni; asi ndicharingirazve kutembere yenyu tsvene.” (Jona 2:4; enzanisa nePisarema 31:22.) Mamirire ezvinhu aJona anoratidzika kuva akaipa kwazvo zvokuti iye anoti: “Mvura zhinji yakandikomberedza [ichiisa mungozi upenyu hwake]; pakadzika pakanga pandipoteredza. Maharangwe [mugungwa] akanga amonera musoro wangu.” (Jona 2:5; enzanisa nePisarema 69:1.) Fungidzira mamiriro ezvinhu akaipa aJona, nokuti iye anowedzera, kuti: “Ndakaburukira kumavambiso amakomo [mukati mehove]; nyika nezvipfigiso zvayo [zvakaita seizvo zveguva] zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, [pazuva rechitatu], imi, Jehovha Mwari wangu.”—Jona 2:6; enzanisa nePisarema 30:3.
Kunyange zvazvo ari mudumbu rehove, Jona haafungi, kuti: ‘Ndaodzwa mwoyo kwazvo zvokuti handigoni kunyengetera.’ Panzvimbo pezvo, iye anonyengetera, kuti: “Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu [pedyo norufu], ndikarangarira Jehovha [mukutenda, soUyo ane simba nengoni zvisingaenzaniswi]; munyengetero wangu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tsvene.” (Jona 2:7) Ari mutembere yokudenga, Mwari akanzwa Jona ndokumuponesa.
Mumhedziso Jona anonyengetera, kuti: “Vanorangarira zvisina maturo zvenhema [kupfurikidza nokuvimba nezvifananidzo zvisina upenyu zvavamwari venhema] vanorasha nyasha yavo [mukuramba Uyo anoratidzira iri vara]. Asi ndichakubayirai nenzwi rokuonga [Jehovha Mwari]. Ndicharipa zvandakapika [mukati mechiitiko chino kana kuti pane dzimwe nhambo]. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” (Jona 2:8, 9; enzanisa nePisarema 31:6; 50:14.) Achiziva kuti Mwari bedzi anogona kumununura murufu, muporofita anopfidza (saMadzimambo akamutangira Dhavhidhi naSoromoni) anoti ruponeso runobva kuna Jehovha.—Pisarema 3:8; Zvirevo 21:31.
Jona Anoteerera
Pashure pokufunga kukuru nomunyengetero wapachokwadi, Jona anozvinzwa amene achimanikidzirwa kubuda nomumukoto waakapinda nawo. Pakupedzisira, iye anokandirwa panze panyika yakaoma. (Jona 2:10) Achionga kununurwa, Jona anoteerera shoko raMwari: “Simuka, uende Ninevhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakurayira kuti uparidze.” (Jona 3:1, 2) Jona anotanga kuenda kudzimbahwe reAsiria. Apo anoziva kuti izuvai, iye anoziva kuti akanga ari mudumbu rehove kwamazuva matatu. Muporofita wacho anoyambuka Rwizi Yufratesi pamugumo warwo mukuru kumavirira, anoenda kumabvazuva achipfuura nokuchamhembe kweMesopotamia, anosvika paRwizi Tigirisi, uye pakupedzisira anosvika muguta guru.—Jona 3:3.
Jona anopinda muNinevhe, guta guru. Iye anofamba kwezuva rimwe uye ipapo anozivisa, kuti: “Kwasara mazuva ane makumi mana, ipapo Ninevhe richaparadzwa.” Jona nenzira yenenji akapiwa zivo yomutauro weAsiria here? Hatiudzwi. Asi kunyange kana ari kutaura muchiHebheru uye mumwe munhu ari kuturikira, ziviso yake inobudirira. Vanhu veNinevhe vanovamba kutenda Mwari. Ivo vanozivisa kuzvinyima zvokudya ndokupfeka masaga, kubva kumukurusa kusvikira kumudukusa wavo. Apo shoko rinosvika mambo weNinevhe, iye anosimuka pachigaro chake, anobvisa nguo yake youmambo, anozvifukidza amene nesaga, uye anogara mumadota.—Jona 3:4-6.
Jona anoshamiswa sei! Mambo weAsiria anotuma vazivisi vane danidziro yokuti: “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura; asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake. Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?”—Jona 3:7-9.
VaNinevhe vanobvumirana nomurayiro wamambo wavo. Apo Mwari anoona kuti ivo vabva panzira yavo yakaipa, iye anozvidemba pamusoro penhamo yaakataura kuti achavaparira, naizvozvo iye haaipariri. (Jona 3:10) Nemhaka yokupfidza kwavo, kuzvininipisa, uye kutenda, Jehovha anosarudza kusaunza pavari rutongeso rwairangarirwa.
Muporofita Anosuwa
Mazuva makumi mana anopfuura uye hapana chinhu chinoitika kuNinevhe. (Jona 3:4) Achiziva kuti vaNinevhe havasati vachizoparadzwa, Jona haafadzwi zvikuru uye anotsamwa zvikuru ndokunyengetera, kuti: “Haiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tarshishi; nokuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari une nyasha, une ngoni, usingachimbidziki kutsamwa, uzere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa. Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.” Mwari anopindura nouyu mubvunzo: “Zvakanaka here zvawatsamwa?”—Jona 4:1-4.
Naikoko, Jona anofamba akatsamwa achibuda muguta. Achienda kumabvazuva, iye anovaka musasa kuti iye agogara mumumvuri wawo kutozosvikira aona zvichaitika kuguta. Uyewo, Jehovha nenzira yetsitsi ‘anorayira muchindwe, kuti unofanira kuva pamusoro paJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake uye umununure mumugariro wake une ngwavaira.’ Jona anofarira sei muchindwe! Asi Mwari anoronga kuti gonye ridye muti wacho pamambakwedza, uye iwo unotanga kusvava. Nokukurumidza iwo waoma chose chose. Mwari anotumawo mhepo inopisa yokumabvazuva. Zuva zvino riri kurova muporofita mumusoro, zvokuti iye ari kuziya. Iye anoramba achikumbira kuti afe. Hungu, Jona anotaura ataurazve, kuti: “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”—Jona 4:5-8.
Jehovha zvino anotaura. Iye anobvunza Jona, kuti: “Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwe?” Jona anopindura, kuti: “Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.” Chaizvoizvo, Jehovha zvino anoudza muporofita, kuti: ‘Iwe wakanzwira urombo muchindwe. Asi hauna kushanda zvakaoma pauri kana kuti kuuita kuti ukure. Iwo wakauya uye wakapera sokukurawo zvako kwousiku.’ Mwari akarangarirazve, kuti: ‘Kana ndirini, handifaniri here kunzwira urombo guta guru reNinevhe, rinogarwa nevanhu 120 000 avo vasingazivi musiyano worudyi rwavo noruboshwe rwavo, kunze kwezvipfuwo zvakawanda?’ (Jona 4:9-11) Mhinduro yakarurama iri pachena.
Jona anopfidza uye anorarama kuti anyore bhuku reBhaibheri rine zita rake. Iye akadzidza sei kuti vakwasvi vakatya Jehovha, vakaMupa chibayiro, uye vakapika mhiko? Kupfurikidza nefuridziro youmwari kana kuti zvichida patembere kubva kune mumwe wavakwasvi kana kuti vatakurwi.—Jona 1:16; 2:4.
“Chiratidzo . . . ch[a]Jona”
Apo vanyori navaFarise vakakumbira Jesu Kristu chiratidzo, iye akati: “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona.” Jesu akawedzera, kuti: “Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku hutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku hutatu.” (Mateo 12:38-40) Mazuva echiJudha aivamba pakudeuka kwezuva. Kristu akafa paChishanu masikati, Nisani 14, 33 C.E. Muviri wake wakaiswa muhwiro zuva iroro risati ranyura. Nisani 15 akavamba manheru iwawo uye akapfuurira kutozosvikira pakunyura kwezuva reChitanhatu, zuva rechinomwe uye rokupedzisira revhiki yacho. Panguva iyoyo Nisani 16 akavamba ndokupfuurira kutozosvikira pakuvira kwezuva reratinodana kuti Svondo. Somugumisiro, Jesu akanga akafa uye ari muhwiro kwenhambo yakati yenguva pana Nisani 14, akavigwa muzuva rose raNisani 15, uye akapedza maawa ousiku aNisani 16 ari muhwiro. Apo vakadzi vakati vakauya kuhwiro pamangwanani eSvondo, iye akanga atomutswa.—Mateo 27:57-61; 28:1-7.
Jesu akanga ari muhwiro kwamativi amazuva matatu. Vavengi vake nokudaro vakawana “chiratidzo . . . ch[a]Jona,” asi Kristu akati: “Varume veNin[e]vh[e] vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kuna Jona uri pano.” (Mateo 12:41) Ndokwechokwadi sei! VaJudha vakanga vanaJesu Kristu pakati pavo—muporofita mukuru zvikuru kupfuura Jona. Kunyange zvazvo Jona akanga ari chiratidzo chakakwana kuvaNinevhe, Jesu akaparidza nechiremera chikuru zvikuru uye chibvumikiso chinotsigira kupfuura izvo muporofita iyeye akaita. Bva, vaJudha vose zvavo havana kudavira.—Johane 4:48.
Sorudzi vaJudha havana kugamuchira nenzira yokuzvininipisa Muporofita mukuru kupfuura Jona, uye havana kuMutenda. Asi zvakadiniko nemadzitateguru avo? Ivowo vakanga vasina kutenda uye mudzimu wokuzvininipisa. Kutaura idi, Jehovha sezviri pachena akatuma Jona kuNinevhe kuti aratidze musiyano pakati pevaNinevhe vanopfidza navaIsraeri vane mitsipa yakaoma, avo vakanga vasina kutenda zvikuru uye kuzvininipisa.—Enzanisa naDheuteronomio 9:6, 13.
Zvakadiniko naJona amene? Iye akadzidza kukura kwengoni dzaMwari. Uyezve, kuita kwaJehovha kukunyunyuta kwaJona pamusoro petsitsi dzakaratidzwa vaNinevhe vanopfidza kunofanira kutidzivisa kunyunyuta apo Baba vedu vokudenga vanopa ngoni kuvanhu muzuva redu. Zvirokwazvo, ngatifarei kuti gore rimwe nerimwe zviuru zvinotendeukira kuna Jehovha mukutenda uye nemwoyo inozvininipisa.