Tevedzera Kutenda Kwavo
Akadzidza Kuva Nomutsa
JONA aizova nenguva yakawanda yokufunga. Aizofamba rwendo rwemakiromita anopfuura 800, uye rwaizomutorera mwedzi mumwe chete kana kupfuura. Chokutanga, aifanira kusarudza kuti odimbudzira here kana kuti oenda nekure asi kwakachengeteka, zvadaro ofamba nomumipata achikwira achidzika nemakomo akawanda. Aifanira kunyenyeredza Gwenga reSiriya rakakura, kuyambuka nzizi dzakadai serwizi Yufratesi, uye kumborara mudzimba dzevatorwa mumaguta uye mumisha yeSiriya, Mesopotamiya uye Asiriya. Paaifamba, aifunga nezvekwaaienda kwaaitya zvikuru, guta iro airamba achiswedera pedyo naro sezvaaifamba—Ninivhi.
Pane chinhu chimwe chete chaainyatsoziva: Aisagona kutiza basa raakanga apiwa. Akambenge aedza kudaro. Jehovha paakatanga kumutuma kuti aende kunotaura mashoko ake kuguta guru reAsiriya, Jona akakwira ngarava yaienda kumadokero iye atumwa kumabvazuva. Jehovha akabva atuma dutu guru, uye Jona akabva aona kuti kusateerera kwake kwaizourayisa vose vakanga vari mungarava. Kuti anunure vafambisi vengarava ivavo vaive vakashinga, akavaudza kuti vamukandire mugungwa. Vakamukanda zvavo asi vakanga vasingadi, uye Jona akafunga kuti uku ndiko kwaiva kufa kwake. Zvisinei, Jehovha akatuma hove huru kuti imumedze ikazomuendesa asina kukuvara kumhenderekedzo yegungwa papera mazuva matatu. Izvi zvakamushamisa uye zvakaita kuti ateerere.a—Jona, chitsauko 1 ne2.
Jehovha paakatuma Jona kechipiri kuenda kuNinivhi, muprofita wacho akateerera ndokunanga kumabvazuva. (Jona 3:1-3) Zvisinei, kurangwa kwaakaitwa naJehovha kwakaita kuti achinje here? Somuenzaniso, Jehovha akamuitira ngoni, akamununura kuti asanyura, haana kumuranga pamusana pokusateerera kwake, uye akamupa mukana wechipiri wokuti aite basa raakanga amupa. Zvose izvi pazvakanga zvaitika, Jona akadzidza here kuitira vamwe ngoni? Vanhu vasina kukwana vanowanzoomerwa nokudzidza kuva nengoni. Ngationei kuti tingadzidzei kubva pakuomerwa kwakaitwa Jona nokudzidza kuva nengoni.
Mashoko Okutongwa uye Kuchinja Kunoshamisa
Maonero aiita Jona guta reNinivhi akanga akasiyana nemaonero aJehovha. Tinoverenga kuti: “Zvino Ninivhi rakanga riri guta guru kuna Mwari.” (Jona 3:3) Katatu, munyaya yaJona tinoverenga nezvaJehovha achitaura nezve“Ninivhi guta guru.” (Jona 1:2; 3:2; 4:11) Nei guta iri raiva guru, kana kuti raikosha kuna Jehovha?
Ninivhi raiva guta rekare, raiva pakati pemaguta okutanga akavakwa naNimirodhi pashure peMafashamo. Raisanganisira mamwe maguta, uye zvaitora mazuva matatu kuti munhu afambe kubva kudivi rimwe kuenda kune rimwe. (Genesisi 10:11; Jona 3:3) Guta reNinivhi rakanga rakanaka, riine temberi dzakakura dzakanaka, masvingo akasimba, uye zvimwe zvivako zvakanaka. Asi pazvinhu zvose izvi hapana chaikosha kuna Jehovha Mwari. Chaikosha kwaari vaiva vanhu vaiva muguta racho. Panguva iyoyo guta reNinivhi raigarwa nevanhu vakawanda. Pasinei nokuipa kwavo, Jehovha aiva nehanya navo. Anokoshesa upenyu hwevanhu uye kukwanisa kunoita munhu mumwe nomumwe kupfidza uye kudzidza kuita zvakanaka.
Jona paakazosvika kuNinivhi, zvimwe akanyanya kutya nemhaka yokuwanda kwevanhu veko vaipfuura 120 000.b Akafamba kwezuva rose, achinyatsoenda pakati peguta iroro rakanga rakazara vanhu, zvichida aitsvaka nzvimbo yakakodzera yokuti atange kutaura mashoko ake. Aizotaura sei nevanhu ava? Akanga adzidza mutauro wechiAsiriya here? Kana kuti, Jehovha akanga aita chishamiso chokuti agone kutaura mutauro wacho here? Hatizivi. Jona anogona kunge akataura mashoko ake nomutauro wake wechiHebheru achishandisa muturikiri aizotaura kuvaNinivhi. Zvisinei, mashoko ake akanga ari nyore kunzwisisa uye akanga asiri okutsvaka dzvene, aiva okuti: “Kwangosara mazuva makumi mana, uye Ninivhi richaparadzwa.” (Jona 3:4) Akaramba achidzokorora mashoko aya akashinga. Paakadaro, akaratidza ushingi uye kutenda, unhu hunonyatsodiwa zvikuru nevaKristu mazuva ano.
VaNinivhi vakanzwa mashoko aJona. Hapana mubvunzo kuti iye zvino akanga agadzirira kuitirwa utsinye nechisimba. Zvisinei, chinhu chinoshamisa chakaitika. Vanhu vakateerera! Mashoko ake akakurumidza kupararira. Pasina nguva, vanhu vose vomuguta vakanga vava kutaura nezvouprofita hwaJona hwokuparadzwa kweguta racho. Nyaya yaJona inoti: “Vanhu vomuNinivhi vakatanga kutenda muna Mwari, vakazivisa kuti vanhu vatsanye uye vapfeke masaga, kubvira kumukuru wavo kusvikira kumuduku wavo.” (Jona 3:5) Vanhu vose, varombo nevapfumi, vaduku nevakuru vakapfidza. Nokukurumidza, mambo wavo akanzwa nezvokupfidza kwakanga kwaita vanhu.
Mambo wavo akapfidzawo. Akasimuka pachigaro chake choumambo, akabvisa zvipfeko zvake zvoumambo, akabva apfekawo masaga akanga akapfekwa nevanhu vake, uye “akagara pasi mumadota.” Iye “nevakuru vake,” kana kuti machinda, vakapa murau wokuti kutsanya kwakanga kwatangwa nevanhu kuitwe zviri pamutemo munyika yacho. Akarayira kuti vose vapfeke masaga, kusanganisira zvipfuwo zvavo.c Akabvuma nokuzvininipisa kuti vanhu vake vakanga vachiita zvakaipa uye chisimba. Akaratidzawo kuti aitenda kuti Mwari aizoratidza ngoni paaizoona kupfidza kwavo, achiti: ‘Mwari wechokwadi angadzora kutsamwa kwake kukuru, kuti tirege kuparara.’—Jona 3:6-9.
Vamwe vatsoropodzi havana chokwadi nokuti vaNinivhi vakakurumidza kuchinja kudaro. Zvisinei, nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti izvi zvaiitika nokuti zvaienderana netsika dzavo dzokutenda mashura uye unhu hwavo hwokusatana kuchinja. Chero zvazvingava, Jesu Kristu pachake akataura nezvokupfidza kwevaNinivhi. (Mateu 12:41) Aiziva zvaaitaura nezvazvo, nokuti akanga ari mupenyu ari kudenga achizviona pazvaiitika. (Johani 8:57, 58) Saka, Jehovha akaitei nokupfidza kwakaita vaNinivhi?
Kusiyana Kwakaita Ngoni dzaMwari Nokutonga Kunoita Vanhu
Jona akazonyora kuti: “Mwari wechokwadi akaona mabasa avo, kuti vakanga vatendeuka panzira yavo yakaipa; naizvozvo Mwari wechokwadi akazvidemba pamusoro pedambudziko raakanga ataura kuti aizovaunzira; akarega kuriunza.”—Jona 3:10.
Izvi zvinoreva here kuti Jehovha akafunga kuti akanga akanganisa pakutonga kwaaida kuita vaNinivhi? Kwete. Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha richiti: “Basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira.” (Dheuteronomio 32:4) Kutsamwa kwakarurama kwaJehovha kwaakanga aitira vaNinivhi kwakazongopera. Akaona kuchinja kwakaita vanhu vacho uye kuti zvakanga zvisisina kukodzera kuvaranga sezvaaimboda kuita. Iyi yakanga yava nguva yokuti Mwari aratidze ngoni.
Jehovha haasi munhu uya anonzi chandagwinyira, asina hanya, uye ane hasha sezvinodzidziswa nevatungamiriri vemachechi. Asi, anonzwisisa, anogona kuchinja, uye ane ngoni. Paanosarudza kuranga vanhu vanoita zvakaipa, anotanga ashandisa vamiririri vake vari panyika kunyevera, nokuti anoda chaizvo kuona vanhu vanoita zvakaipa vachiita zvakaitwa nevaNinivhi—kupfidza uye kuchinja mararamiro avo. (Ezekieri 33:11) Jehovha akaudza muprofita wake Jeremiya kuti: “Panguva ipi neipi yandingataura nezvorudzi uye nezvoumambo kuti ndirudzure nokuruputsa nokuruparadza, uye rudzi irworwo rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo zvandakarunyevera, ndichazvidembawo pamusoro pedambudziko randakanga ndafunga kuita paruri.”—Jeremiya 18:7, 8.
Saka uprofita hwaJona hwakanga huri hwenhema here? Kwete; hwakanyevera vanhu sezvaidiwa naJehovha. VaNinivhi vaifanira kunyeverwa nokuti vaiita zvakaipa, uye vakazochinja vakapfidza. VaNinivhi vaizotongwa naMwari kudai vaizoitazve zvakaipa. Izvi ndizvo chaizvo zvakazoitika.—Zefaniya 2:13-15.
Jona akaitei guta racho parisina kuzoparadzwa sezvaaitarisira? Tinoverenga kuti: “Asi Jona haana kumbofadzwa nazvo, akatsamwa kwazvo.” (Jona 4:1) Jona akatonyengetera achiita seairuramisa Mwari Wemasimbaose! Jona akatoti kudai akanga agara zvake kumba kwake, munyika yake. Akataura kuti aizviziva kuti Jehovha aisazoparadza Ninivhi, achitotaura kuti ndicho chikonzero nei akanga ambotiza achienda kuTashishi pakutanga. Akabva akumbira kufa, achiti zvaiva nani kufa pane kurarama.—Jona 4:2, 3.
Jona ainetseka nei? Hatigoni kuziva zvose zvaaifunga, asi tinoziva kuti Jona akanga ataura nezvokuparadzwa kwaizoitwa Ninivhi kuvanhu vose ivavo. Vakanga vadavira mashoko ake. Asi, pari zvino hapana kuparadzwa kwaizoitika. Aitya kusekwa here, kana kuti aitya kuzonzi muprofita wenhema? Chero zvazvingava, Jona haana kufara nokupfidza kwakaita vanhu kana kuti nengoni dzaJehovha. Asi, zvinoita sokuti akatowedzera kurwadziwa, kuzvinzwira tsitsi, uye kufunga kuti mukurumbira wake wakanga washatiswa. Zvisinei, zviri pachena kuti Mwari ane ngoni akaona zvakanaka pane murume uyu akanga aora mwoyo. Pane kuti arange Jona nokusaremekedza kwake, Jehovha akangomubvunza mubvunzo usina kuoma asi waiita kuti afunge wokuti: “Une chikonzero chakanaka chokutsamwa kwazvo here?” (Jona 4:4) Jona akapindura mubvunzo iwoyo here? Bhaibheri haritauri.
Kudzidziswa Kwakaitwa Jona naJehovha
Muprofita uyu akanga akatsamwa akabva muNinivhi uye haana kunanga kumusha kwake, asi akananga kumabvazuva, kwaiva nemakomo kwaaigona kunyatsoona nzvimbo yacho. Akagadzira kadumba uye akamirira achida kuona zvaiitika kuNinivhi. Zvichida akanga achine tariro yokuona guta racho richiparadzwa. Jehovha aizodzidzisa sei murume uyu akanga asingakanganwiri kuti ave nengoni?
Jehovha akaita kuti mupudzi umere usiku. Paakamuka, Jona akaona mupudzi uyu wakanga wakura zvakanaka, mashizha makuru achimupa mumvuri wakawanda kupfuura wedumba raakanga azvivakira. Akaita seachabata denga nokufara. “Jona akatanga kufarira kwazvo mupudzi wacho,” zvichida akafunga kuti chishamiso chakanga chaitika ichi chairatidza kuti akanga akomborerwa naMwari uye kuti aifarirwa naye. Zvisinei, Jehovha aida kuita zvinopfuura kungomununura pakupisa uye pakutsamwa kwake kwairatidza kusaremekedza. Aida kubaya mwoyo waJona. Saka Mwari akashandisa gonye kuti rirume uye riuraye mupudzi wacho. Uye akabva atuma “mhepo inopisa yokumabvazuva” zvokuti akanga “ava kupera simba” pamusana pokupisa. Jona akatsamwa zvakare, uye akakumbira Mwari kuti afe hake.—Jona 4:6-8.
Jehovha akabvunza Jona zvakare kana aiva nechikonzero chokutsamwira kuti mupudzi wacho wakanga wafa. Pane kuti apfidze, Jona akazvipembedza achiti: “Ndine chikonzero chokutsamwa kwazvo, kusvikira pakufa.” Zvino yakanga yasvika nguva yokuti Jehovha amutsanangurire zvakajeka chidzidzo chacho.—Jona 4:9.
Mwari akabatsira Jona kuti anzwisise, akataura kuti muprofita wacho akanga achinzwira urombo mupudziwo zvawo wakanga wakura nousiku humwe chete, waakanga asina kumbosima kana kuita kuti ukure. Mwari akazogumisa achiti: “Ini, ndaisafanira kunzwira urombo Ninivhi guta guru, mune vanhu vanopfuura zviuru zana nemakumi maviri vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo, tisingaverengi zvipfuwo zvizhinji here?”—Jona 4:10, 11.d
Uri kuona chidzidzo chakadzama chinobva kuna Jehovha here? Jona haana zvaakanga amboita kuti atarisire mupudzi wacho. Asi, Jehovha ndiye akanga aita kuti vaNinivhi vavepo uye akanga avatarisira sezvaanongoita zvisikwa zvose zviri panyika. Jona aizokoshesa sei mupudzi mumwe chete kupfuura kukoshesa kwaaiita upenyu hwevanhu 120-000 nezvipfuwo zvavo? Hakusi kuti Jona akanga achingozvifunga chete here? Apa akanga achinzwira urombo mupudzi wacho nokuti wakanga wamubatsira. Kutsamwira kwaakanga aita vaNinivhi kwakanga kusingabvi here pakuti aingozvifunga—aida kungotanda nyadzi, kuti anzi akarurama?
Chidzidzo chakadzama zvikuru! Mubvunzo ndewokuti, Jona akawana chidzidzo here pane zvakaitika izvi? Bhuku rine zita rokuti Jona rinopera nomubvunzo wakabvunzwa naJehovha usina kupindurwa. Vamwe vatsoropodzi vangagunun’una kuti Jona haambopinduri. Asi, chokwadi ndechokuti, mhinduro yacho iripo. Bhuku racho ndiyo mhinduro. Uchapupu hunoratidza kuti Jona ndiye akanyora bhuku rine zita rake. Chimbofunga nezvomuprofita iyeye, akachengeteka ari kumusha kwake, achinyora nyaya yacho. Tinogona kuona murume akura, akachenjera, anozvininipisa achidzungudza musoro wake nokuzvidemba paanenge achitsanangura kukanganisa kwake, kupandukira kwake, uye kuramba nokuzvikudza kuratidza ngoni. Zviri pachena kuti Jona akawana chidzidzo pamirayiridzo youchenjeri yakabva kuna Jehovha. Akadzidza kuva nengoni. Isu tichadzidzawo kuva nengoni here?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti, “Tevedzera Kutenda Kwavo—Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake,” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2009.
b Zvinofungidzirwa kuti Samariya, guta guru reIsraeri rinofanira kunge raiva nevagari vanenge 20 000 kana kuti 30 000 panguva yakararama Jona—vaiva pasi pechikamu chimwe chete muzvina zvichienzaniswa nevanhu vaiva muNinivhi. Panguva yaraiva rakabudirira zvikuru, guta reNinivhi rinofanira kunge raiva ndiro guta guru munyika yose.
c Izvi zvingaita sezvisingaitiki, asi zvakamboitika kare. Mumwe munyori wenhoroondo dzakaitika kare wechiGiriki anonzi Herodotus akanyora kuti vaPezhiya vekare vakachema rufu rwomukuru aifarirwa nevanhu vakawanda pamwe chete nezvipfuwo zvavo maererano netsika yavo yokuchema.
d Kutaura kwakaita Mwari kuti vanhu vacho vaisamboziva kusiyana kwakaita ruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo kwaireva kusaziva kwavaiita mitemo yaMwari kungofanana nevana.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]
Mwari anoda chaizvo kuona vanoita zvakaipa vachipfidza uye vachichinja mararamiro avo, sezvakaita vaNinivhi
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Mwari akashandisa mupudzi kuti adzidzise Jona kuva nemutsa