Zviono Zvinobva Munyika Yakapikirwa
Jopa—Chiteshi Chengarava Chakare Chakatanhamara
ISRAERI YAKARE yaiva nemhenderekedzo yegungwa refu, ine jecha. Bva vaIsraeri vakanga vasingazivikanwi savanhu vanofamba mugungwa zvikuru. Rudzi rwemhenderekedzo yavo yegungwa rungava rwaiva chisakiso chacho.
Wakanga uri mutsara unodokuva unopfuurira wemhenderekedzo dzegungwa namakomo ejecha, wakaumbwa nejecha rinotakurirwa kugungwa noRwizi rwaNire.a Kudai wakakwira narwo nengarava uchibva kumuganhu weEgipita, ungadai usina kuwana chiteshi chengarava chemuzvarirwo chakatanhamara zvirokwazvo kumaodzanyemba kweGomo reKarmeri.
Asi panenge pakati uchikwira nemhenderekedzo yegungwa yeIsraeri ungadai wakaona pagomo guta reJopa. Sezvinoratidza mufananidzo, ndaza yamabwe asiri mumhenderekedzo yegungwa akaumba cove duku. Nepo chiteshi chengarava chakavapo somuuyo chakanga chiri chiduku kuicho chiri kure kuchamhembe yeAcre (Ptolemaïs), chakangoita kuti Jopa ive yakatanhamara. (Mabasa 21:7) Kutozosvikira Herodhe Mukuru avaka chiteshi chengarava chokugadzira cheKesaria, Jopa yakanga iri nzvimbo yakanakisisa mumhenderekedzo yegungwa yokuti ngarava dzimire. Ikoku kunojekesa dzimwe nongedzero dzeBhaibheri kuJopa.
Pakuzvipira kuyamura Soromoni mukuvaka tembere, Hurami mambo weTire akati: “Isu [tichaunza miti inobva Rebhanoni kwamuri, NW] tichaasvitsa kwamuri akabatanidzwa aende Jopa negungwa; imi mugokwira nawo Jerusarema.” (2 Makoronike 2:1, 11, 16) Aya matanda angave akabva panomira ngarava peFenikia peTire kana kuti Sidhoni. (Isaya 23:1, 2 Ezekieri 27:8, 9) Achipfuura Karmeri, matanda omusidhari akasvika paJopa. Kubva ipapo misidhari yaigona kuendeswa kuJerusarema, makiromita 55 kumabvazuva/kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva. Jopa chakanga chiriwo chiteshi chinomira ngarava chemiti yemisidhari apo vaJudha vakavakazve tembere pashure poutapwa.—Ezra 3:7.
Zvichida nyanzvi dzaiperekedza miti dzaikwira ngarava dzeFenikia, dzakafanana nomufananidzo muduku unoratidzwa. Sezvaunoifunda, yeuka kuti pashure pokunge Jehovha agovera Jona kuNinevhe, muporofita akatiza nenzira yakasiana. “[Jona] akaburukira Jopa akawana chikepe chakanga choenda Tarshishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tarshishi abve pamberi paJehovha.”—Jona 1:1-3.
Sezvinooneka, Jona akakwira rudzi urwu rwengarava runotakura zvinhu, urwo rwaikwanisa kuita rwendo rurefu kubva Jopa kuenda Tarshishi (sezvingabvira Spain yakare). Iyo zvimwe yaiva napamberi pakavezwa pakakwirira, pedyo pacho paiva nebwe rechipingo. Vakwiri, vakwasvi, uye zvinhu zvaigona kukwana pauriri hwengarava, iyo isingaratidzwi mumufananidzo. Pasi pouriri pakanga pane nzvimbo yezvinhu, umo zvinhu zvakawanda zvaigona kuchengeterwa uye umo Jona akandovata. Ngarava yacho yakanga yakagadzirwa nemiti mihombe yejunipa uye yaiva nedanda rimwe romusidhari rokutsigira mucheka muhombe wokufambisa nawo. Cherechedza parutivi rumwe norumwe mutsetse wezvikwazvo zvirefu (zvimwe zvomuouki zvakabva Bashani). Zvino fungidzira ngarava iri mugungwa uye yatyisidzirwa nedutu ramasimba masimba. Inzwa vakwiri vengarava vachidanidzira kuna vamwari vavo nokuda kwebetsero kutozosvikira pakupedzisira ivo vamanikidzirwa kukandira Jona mugungwa kuitira kuti ivo vamene vagorega kuparara.—Ezekieri 27:5-9; Jona 1:4-15.
Jopa romuzana rokutanga ramakore rakanga riri musha weungano yamaKristu, mamwe awo angave aiva vashandi vapachiteshi chengarava kana kuti vaichimbova vakwasvi. Mumwe mutezo weiyi ungano yapachiteshi chengarava pane mubato mukuru akanga ari muJudhakadzi Dhorkasi (Tabhita). “Iye waishingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo.” Mugore ra 36 N.V., Dhorkasi akarwara ndokufa, uko kwakaparira vazhinji kuchema, vachiyeuka mabasa ake akanaka akawanda. MaKristu biyake akaunza muapostora Petro achibva Ridha (Lod yazvino uno, iri pedyo nepanomhara ndege peTel Aviv) achienda kuJopa. Petro akamutsa iyi hanzvadzi inodiwa, nenji iro [“rakava rinozivikanwa muJopa yose, uye vazhinji vakava vatendi,” NW.]—Mabasa 9:36-42.
Petro akagara muJopa kwenguva yakati pamba paSimoni, musuki wamatehwe. Pano muapostora akava nechiono icho chakamutungamirira kuendesa dzimwe hama dzeungano yeJopa kuchamhembe pamugwagwa wapamhenderekedzo yegungwa unoenda kuchiteshi chengarava chitsva cheKesaria. Ikoko Petro akaparidzira ndokubhapatidza mukuru wehondo yeRoma Kornerio, waVamarudzi wokutanga asina kudzingiswa kuva muKristu akazodzwa nomudzimu. (Mabasa 9:43–10:48) Mufaro wakadini namanyemwe zvinofanira kuva zvakava muJopa apo hama dzakadzokera namashoko eichi chinoitika chakakomba munhau yechiKristu!
Nhasi vashanyi vazhinji vanochikaira Jopa, iyo iri rutivi rweTel Aviv-Jaffa yazvino uno, uye ivo vanogona kumutsidzira nyore nyore zvinoitika zveBhaibheri zvakaitika paichi chiteshi chengarava chakatanhamara.
[Mashoko Omuzasi]
a Unogona kuona nyore nyore iyi mhenderekedzo yegungwa ine jecha mumufananidzo muduku uri pabutiro ra 1989 Calendar of Jehovah’s Witnesses. Iyi karenda inogoverawo mufananidzo mukuru zvikuru wechiono chiri pamusoro apa cheJopa.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 17]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.