Rudo Rwenyu Rwehama Ngarupfuurire!
“Rudo pakati pehama ngarugare.”—VAHEBHERU 13:1.
1. Chii chaungaita kuitira kuti uchengete moto uchibvira pausiku hunotonhora, uye mutoroi wakafanana watinawo tose?
PANZE pari kutonhora zvakaipa, uye tembiricha iri kuderera. Manyuko mamwe bedzi okudziya ari mumba mako moto uri kupfuta pachoto. Upenyu hunotsamira pakuukuchidzira kwako. Uchangogara zvako ndokutarira marimi omoto achipera uye kutsvuka kwemarasha kuchidzima, kuita dota here? Chokwadika kwete. Unoramba uchiukuchidzira kuti usadzime. Mupfungwa yakadaro, mumwe nomumwe wedu ane basa rakafanana patinofunga nezvemumwe “moto” unokosha—uyo unofanira kubvira mumwoyo yedu—rudo.
2. (a) Nei zvichigona kunzi rudo rwatonhora mumazuva ano okupedzisira? (b) Rudo runokosha sei kuvaKristu vechokwadi?
2 Tinorarama panguva apo, kufanana nezvakanga zvataurwa naJesu, rudo ruri kutonhora pakati pevanonzi vaKristu kupota nyika yose. (Mateo 24:12) Jesu akanga achinongedzera kurudo runokosha zvikurusa kupfuura mamwe marudzi ose orudo, kuda Jehovha Mwari neShoko rake, Bhaibheri. Mamwe marudzi orudo ari kudererawo. Bhaibheri rakafanotaura kuti mu“mazuva okupedzisira,” vazhinji vaizova “vasina rudo chairwo.” (2 Timotio 3:1-5) Izvozvi ndezvechokwadi sei! Mhuri inofanira kuva nzvimbo yechidakadaka chomuzvarirwo, asi kunyange imomo, masimba masimba nekusabatana zvakanaka—pane dzimwe nguva kunototyisa zvikuru—zvava kuwanzoitika. Bva, mumamiro ezvinhu asina ushamwari omunyika ino, vaKristu vanorayirwa kusangodanana chete asi kuva nerudo rwekurega zvimwe zvinhu, vachitanga kufunga nezvevamwe. Tinofanira kuratidzira rudo urwu zvakajeka kwazvo zvokuti ruoneke kune vose, ruchiva chiratidzo chinozivisa ungano yechiKristu yechokwadi.—Johane 13:34, 35.
3. Rudo rwehama chii, uye zvinorevei kuti rurambe ruchiwanda?
3 Muapostora Pauro akafuridzirwa kurayira kuti: “Rudo pakati pehama ngarugare.” (VaHebheru 13:1) Maererano nerimwe bhuku renyanzvi, shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “rudo pakati pehama” (phi·la·del·phiʹa) “rinonongedzera kurudo rwechidakadaka, kuratidza mutsa, tsitsi, kupa rubatsiro.” Uye Pauro airevei paakataura kuti tinofanira kuita kuti rudo rwakadaro rupfuurire? “Harutombofaniri kutonhora,” bhuku rimwe chetero rinodaro. Naizvozvo hazvina kukwana kungonzwira tsitsi hama dzedu; tinofanira kuzviratidza. Uyezve, tinofanira kuita kuti rudo urwu rugare, tisingamboruite kuti rutonhore. Zvinonetsa here? Hongu, asi mudzimu waJehovha unogona kutibatsira kusakurira chidakadaka chouhama uye kuchichengeta. Ngatirangarirei nzira nhatu dzokukuchidzira nadzo urwu rudo mumwoyo yedu.
Nzwira Ngoni
4. Ngoni chii?
4 Kana uchida kuva norudo rukuru nokuda kwehama dzako nehanzvadzi dzechiKristu, ungafanira kutanga kuda kuvanzwira tsitsi, kuzviisa munzvimbo yavo mumiedzo nezvinetso zvavanotarisana nazvo muupenyu. Muapostora Petro akakarakadza izvi paakanyora kuti: “Muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise.” (1 Petro 3:8) Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano nokuda kwokunzwira “ngoni” rinoreva “kutambura pamwe chete.” Rimwe bhuku rinotaura nezvechiGiriki chomuBhaibheri rinoti pamusoro peiri shoko: “Rinorondedzera chimiro chendangariro chinovapo patinogoverana mirangariro yevamwe sokunonzi ndeyedu.” Nokudaro, kuzviisa munzvimbo yavamwe kunodikanwa. Mumwe mubatiri waJehovha akatendeka, akwegura akamboti: “Kuzviisa munzvimbo yavamwe zvinoreva marwadzo ako andinonzwa ari mumwoyo mangu.”
5. Tinoziva sei kuti Jehovha ane ngoni?
5 Jehovha ane ngoni dzakadaro here? Zvirokwazvo. Somuenzaniso, tinorava pamusoro pekutambura kwevanhu vake vaIsraeri kuti: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo wakanga achitambudzika.” (Isaya 63:9) Jehovha haana kungoonawo zvake matambudziko avo; akazviisa munzvimbo yevanhu. Kuti ane tsitsi sei kunoratidzirwa nemashoko aJehovha pachake kuvanhu vake, akanyorwa pana Zekaria 2:8, okuti: “Unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso [rangu, NW].”a Mumwe mutsinhiri anoti pamusoro peiyi ndima: “Ziso imwe yenhengo dzinonetsa uye dzisina kusimba mumuviri wemunhu; uye mboni yeziso—panopinda nechiedza nokuda kwokuona—inhengo inorwadza zvikurusa, uyewo inokosha, yeziso iroro. Hapana chinhu chinonyatsogona kupa pfungwa yokuitira hanya kukuru kwaJehovha zvinhu zvaanoda.”
6. Jesu Kristu akaratidza sei ngoni?
6 Jesuwo nguva dzose anoratidza ngoni dzakadzama. Vanhu biyake vairwara kana kuti vainetseka nguva dzose “akavanzwira tsitsi.” (Marko 1:41; 6:34) Akaratidzira kuti apo munhu upi noupi anokundikana kubata vateveri vake vakazodzwa nenzira yomutsa, anonzwa sokunge iye pachake ari kubatwa zvakadaro. (Mateo 25:41-46) Uye nhasi so“muprista mukuru” wedu wokudenga, ndiye anogona “kutinzwira tsitsi pautera hwedu.”—VaHebheru 4:15.
7. Ngoni dzingatibatsira sei apo hama kana kuti hanzvadzi inotitsamwisa?
7 “Kutinzwira tsitsi pautera hwedu”—hausi mufungo unonyaradza here iwoyo? Zvechokwadi, ipapo, tinoda kuitirana zvimwe chetezvo. Chokwadika, zviri nyore kwazvo kutarisa utera hwemumwe. (Mateo 7:3-5) Asi nguva inotevera yauchashatiriswa nehama kana kuti nehanzvadzi, kuregererei kuedza izvozvi? Fungidzira uri mumamiriro ezvinhu emunhu akadaro, ane mamiriro ezvinhu ekare akadaro, unhu hwakadaro, mhosho dzakawanda dzomunhu oga dzokurwisana nadzo. Unogona here kuva nechokwadi chokuti haungaiti mhosho dzimwe chetedzo—kana kuti zvichida kutoita dzakanyanyisa? Panzvimbo pokukarira zvakanyanyisa kuvamwe, tinofanira kuratidza ngoni, izvo zvichatibatsira kuva vane mufungo kufanana naJehovha, uyo ‘anoyeuka kuti tiri guruva.’ (Pisarema 103:14; Jakobho 3:17) Anoziva patinoperera. Haambokariri zvakawanda kwatiri zvatisingagoni kuita. (Enzanisa na1 Madzimambo 19:5-7.) Tose ngatinzwire vamwe ngoni nenzira yakadaro.
8. Tinofanira kuita sei kana hama kana kuti hanzvadzi iri kuva nenguva yakaoma?
8 Pauro akanyora kuti ungano yakaita somuviri une mitezo yakawanda zvikuru inofanira kushanda pamwe chete yakabatana. Akawedzera kuti: “Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo.” (1 VaKorinte 12:12-26) Tinofanira kutambura pamwe chete, kana kuti kuzviisa munzvimbo yeavo, vari kutambura muedzo wakati. Vakuru vanotungamirira mukuita kudaro. Pauro akanyorawo kuti: “Ndianiko asina simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko anogumburwa, neni ndikasatsva?” (2 VaKorinte 11:29) Vakuru nevatariri vanofambira vanotevedzera Pauro munhau iyoyi. Muhurukuro dzavo, mubasa ravo rokufudza, uye kunyange mukubata nhau dzedare, vanovavarira kuratidza ngoni. Pauro akarumbidza kuti: “Chemai navanochema.” (VaRoma 12:15) Apo makwai anoziva kuti vafudzi vanoanzwira ngoni, vanonzwisisa ganhuriro dzawo, uye vanoanzwira tsitsi munhamo dzaanotambura, anowanzodisa kugamuchira zano, nhungamiro, uye chirango. Anopinda misangano nguva dzose, aine chivimbo chokuti achawana ‘zorodzo remweya yawo.’—Mateo 11:29.
Kuratidza Kuonga
9. Jehovha anoratidza sei kuti anonzwisisa zvakatinakira?
9 Nzira yechipiri yokukuchidzira rudo rwehama kuonga. Kuti tionge vamwe, tinofanira kutarisisa ndokukoshesa mavara avo akanaka nenhamburiko. Patinoita saizvozvo, tinotevedzera Jehovha pachake. (VaEfeso 5:1) Mazuva ose anotikanganwira zvivi zvedu zviduku zvakawanda. Anotokanganwira zvivi zvakakomba chero bedzi tichipfidza zvechokwadi. Kana angokanganwira zvivi zvedu chete, haarambi achizvifunga. (Ezekieri 33:14-16) Wezvamapisarema akabvunza kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?” (Pisarema 130:3) Izvo Jehovha anotarisisisa zvinhu zvakanaka zvatinoita mukumubatira.—VaHebheru 6:10.
10. (a) Nei zviine njodzi kuti vakwanyina veroorano vasaongane? (b) Munhu anofanira kuitei kana ava kurasikirwa nokuonga mukwanyina wake?
10 Zvinokosha zvikuru kutevera muenzaniso iwowo mumhuri. Apo vabereki vanoratidza kuti vanoonga mumwe nomumwe, vanogadza muenzaniso nokuda kwemhuri. Munhambo ino yeroorano dzekusaitira hanya, zviri nyore kwazvo kurerutsa mukwanyina uye kukudza mhosho ndokuderedza mavara akanaka. Kufunga kwakadaro kwakaipa kunokanganisa roorano, kuchiita mutoro usingafadzi. Kana kuonga kwako mukwanyina wako kuri kuderera, zvibvunze kuti, ‘Ndizvo here kuti mukwanyina wangu haana mavara akanaka?’ Funga pamusoro pezvikonzero zvakaita kuti mudanane ndokuroorana. Zvikonzero zvose izvozvo zvokuda munhu iyeye akasiyana zvanyatsopera here? Zvirokwazvo kwete; naizvozvo shanda nesimba kuti uonge zvakanaka zvemukwanyina wako, uye taura kuonga kwako.—Zvirevo 31:28.
11. Kana rudo rweroorano ruchizova rusina unyengeri, miitiroi inofanira kudziviswa?
11 Kunzwisisa kunobatsirawo vakwanyina veroorano kuchengeta rudo rwavo rwusina unyengeri. (Enzanisa na2 VaKorinte 6:6; 1 Petro 1:22.) Rudo rwakadaro, rwunokuchidzirwa nokuonga kwomwoyo wose, haruzobvumiri utsinye mumba, harubvumiri mashoko anorwadza uye anonyadzisa, harubvumiri kufuratira mumwe zvokuti mazuva angapfuura pasina shoko romutsa kana kuti rakanaka rinotaurwa, uye zvirokwazvo harubvumiri masimba masimba. (VaEfeso 5:28, 29) Murume nomudzimai vanonyatsoonga mumwe nomumwe vanokudzana. Havaiti kudaro bedzi apo vanenge vari pachena asi pari pose pavanenge vachionekwa naJehovha—nemamwe mashoko, nguva dzose.—Zvirevo 5:21.
12. Nei vabereki vachifanira kuonga zvakanaka zviri muvana vavo?
12 Vanawo vanoda kuziva kuti vanoongwa. Kwete kuti vabereki vanofanira kuvabata kumeso nemashoko akawanda, asi vanofanira kurumbidza mavara anokudzwa evana vavo uye zvakanaka zvavanoita. Yeuka muenzaniso waJehovha mukutendera kwake Jesu. (Marko 1:11) Yeukawo, muenzaniso waJesu sa“Ishe” mumufananidzo. Akarumbidza ‘varanda vaviri vakanaka uye vakatendeka’ zvakaenzana, kunyange zvazvo pakanga pane musiyano pane zvavakapiwa nezvavakazoita. (Mateo 25:20-23; Enzanisa naMateo 13:23.) Vabereki vakachenjera nenzira yakafanana vanowana nzira dzokutaura nadzo kuonga mavara akasiyana emwana mumwe nomumwe, mano, uye budiriro. Panguva imwe cheteyo, havaedzi kusimbisa budiriro zvikuru zvokuti vana vavo vanonzwa vachisundwa kuita zvinhu nguva dzose. Havadi kuti vana vavo vakure vakatsamwiswa kana kuti vakaora mwoyo.—VaEfeso 6:4; VaKorose 3:21.
13. Ndiani anotungamirira mukuratidzira kuonga mutezo mumwe nomumwe weungano?
13 Muungano yechiKristu, vakuru nevatariri vanofambira vanotungamirira mukuratidza kuonga mutezo mumwe nomumwe weboka raMwari. Vane basa rakaoma, sezvo vanewo mutoro mukuru wokuranga nokururama, kururamisa vanokanganisa nemudzimu wounyoro, uye kupa zano rakasimba kune avo vanorida. Vanodzikamisa sei aya mabasa akasiyana?—VaGaratia 6:1; 2 Timotio 3:16.
14, 15. (a) Pauro akaratidza sei dzikamo munhau ine chokuita nokupa zano rakasimba? (b) Vatariri vechiKristu vanogona sei kudzikamisa kudikanwa kwekururamisa zvakaipa nekudikanwa kwokupa rumbidzo? Enzanisira.
14 Muenzaniso waPauro ndewebetsero huru. Akanga ari mudzidzisi akatanhamara, mukuru, uye mufudzi. Aifanira kubata neungano dzaiva nezvinetso zvakakomba, uye haana kutya kupa zano rakasimba paraidikanwa. (2 VaKorinte 7:8-11) Kana tikatarisa ushumiri hwaPauro tinoona kuti aisanyanya kutuka nguva dzose—kutoti bedzi apo mamiriro ezvinhu aida kuti adaro. Munhau iyoyi akaratidza uchenjeri hwoumwari.
15 Kana kubatira ungano kwemukuru kukafananidzwa nerwiyo, ipapo kutuka nekutsiura kwaizova noti rimwe chete rinopinda zvakanaka murwiyo rwacho. Noti iroro rakaisvonaka munzvimbo yaro. (Ruka 17:3; 2 Timotio 4:2) Fungidzira rwiyo rune noti rimwe chete iroro bedzi, richidzokororwa-dzokororwa. Raizokurumidza kutinyaudza. Mupfungwa yakafanana, vakuru vechiKristu vanoedza kugadzirisa kudzidzisa kwavo ndokukunatsa nezvakasiyana-siyana. Havakuganhuriri kune zvine chokuita nekururamisa zvinetso. Panzvimbo pezvo, mutoo wacho wakanaka. Kufanana naJesu Kristu, vakuru vane rudo vanotanga kutarira zvakanaka zvokurumbidza, kwete mhosho yokutsoropodza. Vanonzwisisa basa rakaoma riri kuitwa nevaKristu biyavo. Vane chivimbo chokuti kupfurikidza nokuita kudaro, mumwe nomumwe ari kuita zvakanakisisa zvake kubatira Jehovha. Uye vakuru vanodaro nemashoko avo.—Enzanisa na2 VaTesaronika 3:4.
16. Chimiro chendangariro chokuonga uye chokunzwira tsitsi chaPauro chakava netapuroi pavaKristu biyake?
16 Pasina mubvunzo, vaKristu vazhinji vakashumirwa naPauro vaiziva kuti aivaonga uye aivanzwira ngoni. Tinoziva sei izvozvi? Tarira manzwire avakaita pamusoro paPauro. Vaisamutya, kunyange zvazvo akanga ane chiremera chikuru. Aiwa, aidiwa uye aisvikika. Chokwadi, paakabva kune imwe nzvimbo, vakuru ‘vakawira patsoka dzake ndokumutsvoda norudo’! (Mabasa 20:17, 37) Vakuru—uye tose zvedu—tinofanira kuonga sei kuti tine muenzaniso waPauro wokutevedzera! Hongu, ngatiratidzei kuongana.
Zviito Zvemutsa Worudo
17. Mimwei migumisiro yakanaka inobva mumabasa emutsa muungano?
17 Chimwe chezvinhu zvinokuchidzira zvikurusa rudo rwehama chiito chemutsa chakapfava. Sezvakataura Jesu, “kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Tingapa nenzira yomudzimu, yokunyama, kana kuti nguva yedu nesimba, hatingoiti bedzi kuti vamwe vafare asi tinozvifadzawo. Muungano, mutsa unopararira. Chiito chimwe chemutsa chinokurudzira chimwewo. Pasina nguva refu, chidakadaka chehama chinopararira!—Ruka 6:38.
18. Chii chinorehwa ne“unyoro” hunotaurwa nezvawo pana Mika 6:8?
18 Jehovha akakurudzira vanhu vake vaIsraeri kuratidzira mutsa. Pana Mika 6:8, tinorava kuti: “Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” Zvinorevei ku“d[a] unyoro”? Shoko rechiHebheru rinoshandiswa pano kuti “unyoro” (cheʹsedh) rakashandurirwawo muchi[Shona] kuti “ngoni.” Maererano neThe Soncino Books of the Bible, shoko irori “rinoreva chimwe chinhu chinoshanda zvikuru kupfuura shoko rechi[Shona] rokuti ngoni. Rinoreva ‘ngoni dzinoshandurwa kuva zviito,’ kuitwa kwemabasa omunhu oga emutsa worudo, kwete bedzi kuvarombo nevanoshayiwa, asi kuvanhu vose.” Nokudaro imwe nyanzvi inotaura kuti cheʹsedh zvinoreva “rudo runoshandurwa kuva chiito.”
19. (a) Tingatanga sei kuratidza mutsa kuvamwe vari muungano? (b) Ipa muenzaniso wenzira iyo rudo rwehama rwakaratidzwa kwauri.
19 Rudo rwedu rwouhama harusi rwokufungidzira, kana kuti rwokungotaura chete. Chinhu chaichoicho. Nokudaro, tsvaka nzira dzokuita nadzo zvinhu zvomutsa nokuda kwehama dzako nehanzvadzi. Iva saJesu, uyo asina kungomirira chete kuti vanhu vamusvike ndokukumbira rubatsiro asi aiwanzotanga pachake. (Ruka 7:12-16) Funga zvikurukuru nezveavo vanoshayiwa. Munhu akwegura kana kuti ndonda inoda kushanyirwa kana kuti zvichida kubatsirwa nekufamba here? ‘Mwana asina baba’ anoda nguva nengwariro here? Mweya wakaora mwoyo unoda kuteererwa kana kuti mashoko anonyaradza here? Sezvatinokwanisa, ngativei nenguva yezviito zvakadaro zvemutsa. (Jobho 29:12; 1 VaTesaronika 5:14; Jakobho 1:27) Usambokanganwe kuti muungano makazara vanhu vasina kukwana, chimwe chezviito zvinokosha zvikuru chemutsa kukanganwira—kusava nepfundepfunde, kunyange kana pane chikonzero chakarurama chekunyunyuta. (VaKorose 3:13) Kudisa kukanganwira kunobatsira ungano kuti isave nemapoka mapoka, kakavadzano, uye ruvengo, izvo zvakaita sezvimhingamupinyi zvinoderedza rudo rwehama.
20. Tose tinofanira kupfuurira kuzvinzvera sei?
20 Tose zvedu ngativei vakatsunga kuchengeta uyu moto unokosha werudo uchipfuta mumwoyo yedu. Ngatirambei tichizvinzvera. Tinoratidza vamwe ngoni here? Tinoonga vamwe here? Tinoitira vamwe mabasa omutsa here? Chero bedzi tichidaro, moto worudo uchasimbisa uhama hwedu pasinei zvapo nokuti nyika ino ingave isingafari kana kuti isina tsitsi sei. Napatinogona napo, ipapo, “rudo pakati pehama ngarugare”—zvino uye nokusingaperi!—VaHebheru 13:1.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe shanduro dzinoreva pano kuti anogunzva vanhu vaMwari ari kugunzva, kwete ziso raMwari, asi kuti raIsraeri kana kuti kunyange rake. Mhosho iyoyi yakabva kuvanyori vemunguva dzeMiddle Ages avo, munhamburiko dzavo dzisina kururama dzokugadzirisa zvikamu zvemashoko zvavaifunga kuti hazvina basa, vakachinja ndima ino. Ivo nenzira iyoyo vakakanganisa ukuru hwokuzviisa munzvimbo yevamwe kwaJehovha.
Unofungei?
◻ Rudo rwehama chii, uye nei tichifanira kurwuita kuti rwupfuurire?
◻ Kuva nengoni kunotibatsira sei kuchengeta rudo rwehama?
◻ Kuonga kunoita basai murudo rwehama?
◻ Mabasa emutsa anogona sei kuita kuti rudo rwehama rwutekeshere muungano yechiKristu?
[Bhokisi riri papeji 16]
Kushanda Kworudo
Makore akati apfuura, mumwe murume akanga afunda Bhaibheri kwenguva yakati neZvapupu zvaJehovha akanga asati ava nechokwadi pamusoro perudo rwehama. Aiziva kuti Jesu akanga ati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Asi akazviwana zvakaoma kudavira. Rimwe zuva akaona rudo rwechiKristu ruchishanda.
Kunyange zvazvo aifamba newiricheya, murume uyo akanga achifamba ari kure nemusha. MuBethlehem, Israel, akapinda mumwe musangano weungano. Ari ikoko, chimwe Chapupu chechiArabhu chakasimbirira kuti chimwe Chapupu chaishanya kuti chigare nemhuri yacho usiku, uye uyu mudzidzi weBhaibheri akakokwawo. Vasati vaenda kunorara, mudzidzi akakumbira waaishanyira mvumo yokuenda pavheranda mangwanani kuti aone kubuda kwezuva. Waaishanyira akamunyevera zvakasimba kuti aisafanira kuita kudaro. Zuva rakatevera racho iyi hama yechiArabhu yakatsanangura chikonzero chacho. Kupfurikidza nomuturikiri, akataura kuti kudai vavakidzani vake vaizoziva kuti aiva nevaenzi vechiJudha—sezvo fundo yake yeBhaibheri iyi yaiva muJudha—vaizopisa imba yake pamwe chete naye nemhuri yake. Ashamiswa, mudzidzi weBhaibheri akamubvunza kuti, “Nei wazvipinza mungozi yakadaro?” Pasina muturikiri, hama yechiArabhu yakamutarira zvakananga ndokungoti, “Johane 13:35.”
Mudzidzi wacho weBhaibheri akaororwa zvikuru kuziva kuti rudo rwehama rwuriko. Akabhabhatidzwa nguva pfupi pashure pezvo.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kuda kuva neushamwari nokuonga kwomuapostora Pauro zvakaita kuti asvikike