Vashumiri vaJehovha Vane Tariro Yechokwadi
‘Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha . . . risingamiriri munhu.’—MIKA 5:7.
1. Israeri womudzimu anozorodza sei?
JEHOVHA ndiye Muiti mukuru wemvura nedova. Hazvibatsiri kutarisira kuti vanhu vanayise mvura kana dova. Muprofita Mika akanyora kuti: “Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha, semvura inonaya pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugarira vanakomana vavanhu.” (Mika 5:7) “Vakasara vaJakobho” vomuzuva ranhasi ndivanaani? VaIsraeri vomudzimu, vasara va“Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Ku“marudzi mazhinji avanhu” vepasi pano, vakaita se“dova rinobva kuna Jehovha” rinonyaradza uye “mvura inonaya pauswa.” Chokwadi, vaKristu vakazodzwa nhasi chikomborero chaMwari chaakapa vanhu. Sevazivisi voUmambo, vanoshandiswa naJehovha kupa vanhu shoko rake retariro yechokwadi.
2. Nei tine tariro yechokwadi pasinei nokuti tinogara munyika ino ine zvinetso?
2 Hazvifaniri kushamisa kuti nyika ino haina tariro yechokwadi. Kusagadzikana kwezvematongerwe enyika, kuparara kwetsika, utsotsi, nhamo yemari, ugandanga, hondo—tinotarisira zvinhu zvakadaro kuitika munyika inodzorwa naSatani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Vakawanda vanotya zvingangoitika mune remangwana. Zvisinei, zvatiri vanamati vaJehovha, hatityi, nokuti tine tariro yechokwadi yeremangwana. Itariro yechokwadi nokuti inobva muShoko raMwari. Tinotenda muna Jehovha uye muShoko rake nokuti nguva dzose zvaanotaura zvinoitika.
3. (a) Nei Jehovha akanga achida kuranga Israeri neJudha? (b) Nei mashoko aMika achishanda nhasi?
3 Uprofita hwakafuridzirwa naMwari hwaMika hunotisimbisa kuti tifambe muzita raJehovha uye hunotipa hwaro hwetariro yechokwadi. Muzana remakore rechisere B.C.E., apo Mika akaprofita, vanhu vaMwari vesungano vakanga vakakamurwa kuva mumarudzi maviri—Israeri neJudha—uye vose vakanga vasingateereri sungano yaMwari. Mugumisiro wacho kwaiva kuparara kwetsika, kuramba kutenda, uye kuda zvenyika kwakanyanyisa. Saka Jehovha akayambira kuti aizovaranga. Ichokwadi kuti yambiro yaMwari yainangidzirwa kuvanhu vairarama panguva yaMika. Zvisinei, mamiriro ezvinhu anhasi akafanana chaizvo neomunguva yaMika zvokuti mashoko ake anoshandawo iye zvino. Izvi zvichava pachena sezvatinokurukura dzimwe pfungwa dzinokosha dzezvitsauko zvinomwe zvebhuku raMika.
Zvatinoona Nokungotarisa Nokukurumidza
4. Mika chitsauko 1 kusvika ku3 inopa mashokoi?
4 Ngatimboti tarirei zviri mubhuku raMika. Mik Muchitsauko 1, Jehovha anofumura kupanduka kweIsraeri neJudha. Pamusana pokusateerera kwavo, Israeri ichaparadzwa uye kurangwa kweJudha kuchasvika kunyange kusuo reJerusarema. Mik Chitsauko 2 chinozivisa kuti vapfumi nevane simba vari kudzvinyirira vasina simba uye vasina mubatsiri. Asi, panewo chipikirwa chinobva kuna Mwari. Vanhu vaMwari vachaunganidzwa vakabatana. Mik Chitsauko 3 chinoshuma zvirevo zvaJehovha mukupokana nevatungamiriri vendudzi dzacho uye vaprofita vasingateereri. Vatungamiriri vava nouori pakutonga nyaya, uye vaprofita vari kureva nhema. Pasinei naizvozvi, Mika anopiwa simba nomudzimu waJehovha rokuzivisa mutongo waJehovha uri kuuya.
5. Ndedzipi dziri pfungwa huru dzaMika chitsauko 4 ne5?
5 Mik Chitsauko 4 chinofanotaura kuti mumazuva okupedzisira, ndudzi dzose dzichauya kugomo rakakwirira reimba yaJehovha kuzodzidziswa naye. Izvozvo zvisati zvaitika, Judha ichaendeswa kuutapwa kuBhabhironi, asi Jehovha achainunura. Mik Chitsauko 5 chinozivisa kuti Mesiya achazvarirwa muBheterehema yeJudha. Achafudza vanhu vake ovanunura pandudzi dzinodzvinyirira.
6, 7. Ipfungwa dzipi dzinotaurwa muchitsauko 6 ne7 chouprofita hwaMika?
6 Mik Muchitsauko 6 chaMika makanyorwa kupomera kwaJehovha vanhu vake kwakarongwa senhau yomudare remhosva. Aitei chaita kuti vanhu vake vamupandukire? Hapana. Chokwadi, zvaanoda zvinoratidza kunzwisisa chaizvo. Anoda kuti vanamati vake vave neruramisiro, mutsa, uye vave nomwero sezvavanofamba naye. Pane kuti vadaro, vaIsraeri nevaJudha vatevera nzira yokupanduka uye vanofanira kutambura pamusana pezvavari kuita.
7 Muchitsauko chokupedzisiraMik 7 , Mika anoshora uipi hwevaanorarama navo. Zvisinei, haaori mwoyo, nokuti akatsunga ‘kumirira’ Jehovha. (Mika 7:7) Bhuku racho rinopedzisa nemashoko okuratidza chivimbo chokuti Jehovha achanzwira vanhu vake ngoni. Zvakazoitika zvinoratidza kuti tariro iyi yakazadzika. Muna 537 B.C.E., apo Jehovha akapedza kuranga vanhu vake, akadzorera nengoni vakanga vasara kunyika yavo.
8. Ungapfupisa sei zviri mubhuku raMika?
8 Aya mashoko akanaka zvikuru ayo Jehovha anozivisa achishandisa Mika! Bhuku iri rakafuridzirwa rine mienzaniso inonyevera yemabatiro anoita Mwari nevaya vanozviti vari kumushumira asi vasina kutendeka. Rinofanotaura zvinhu zviri kuitika nhasi. Uye rinopa mazano aMwari pamusoro penzira yatinofanira kuzvibata nayo munguva dzino dzakaoma kuitira kuti tariro yedu isimbe.
Changamire Ishe Jehovha Anotaura
9. Maererano naMika 1:2, Jehovha aizoitei?
9 Ngatichiongororai zvino bhuku raMika zvakati dzamei. Pana Mika 1:2 tinoverenga kuti: “Inzwai imi marudzi avanhu, imi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutembere yake tsvene.” Dai wairarama munguva yaMika, mashoko iwayo aizodai akakuita kuti uateerere. Zvechokwadi, anoita kuti uateerere nokuti Jehovha ari kutaura ari mutemberi yake tsvene uye ari kutaura nevanhu vari kwose kwose kwete nevaIsraeri nevaJudha chete. Muzuva raMika, vanhu vakanga vafuratira Changamire Ishe Jehovha kwenguva yakarebesa. Zvaizochinja munguva pfupi. Jehovha akanga akatsunga kuita chimwe chinhu.
10. Nei mashoko aMika 1:2 achikosha kwatiri?
10 Ndizvo zvazviriwo muzuva redu. Zvakazarurwa 14:18-20 inoratidza kuti Jehovha zvakare ari kutaura ari mutemberi yake tsvene. Achaita chimwe chinhu munguva pfupi iri kutevera, uye zviitiko zvinokosha zvichaitika kuvanhu vose. Panguva ino, ‘muzambiringa wepasi pose’ uchakandirwa muchisviniro chewaini chikuru chehasha dzaJehovha, kuti nyika yaSatani iparadzwe zvakakwana.
11. Mashoko aMika 1:3, 4 anorevei?
11 Teerera izvo Jehovha achaita. Mika 1:3, 4 inoti: “Tarirai, Jehovha unobuda panzvimbo yake, uchaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika. Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamawere.” Jehovha achasiya paanogara kudenga here onyatsotsika pamakomo nemapani eNyika Yakapikirwa? Kwete. Haafaniri zvake kudaro. Achangoisa pfungwa dzake pasi pano kuti kuda kwake kupedzise kuitwa. Uyezve hapasi pasi chaipo pachatambudzwa nezvinhu zvarondedzerwa asi vanhu vanogarapo. Pachaita Jehovha chiito, zvinhu zvichange zvaipira vasina kutendeka—sokunge makomo anenge anyungudika senamo uye mapani atsemuka nepakati nokudengenyeka kwepasi.
12, 13. Maererano na2 Petro 3:10-12, chii chinoita kuti tariro yedu ive yechokwadi?
12 Mashoko ouprofita aMika 1:3, 4 angakuyeuchidza nezvohumwe uprofita hwakafuridzirwa hunofanotaura nezvezviitiko zvinotyisa zvichaitika pasi pano. Sezvakanyorwa pana 2 Petro 3:10, muapostora Petro akati: “Asi zuva raJehovha richauya sembavha, mariri matenga achapfuura nokushinyira, asi zvinhu zvacho zvichipisa kwazvo zvichanyungudutswa, uye pasi nemabasa ari mariri zvichava pachena.” Kufanana nouprofita hwaMika, mashoko aPetro haarevi nezvedenga nepasi chaizvoizvo. Anoreva dambudziko guru richawira nyika ino yevanhu vasingateereri Mwari.
13 Pasinei nenhamo iri kuuya iyoyo, vaKristu vanogona kuva nechivimbo mune remangwana, sezvaingoita Mika. Sei? Nokutevera zano riri mundima dzinotevera dzetsamba yaPetro. Muapostora wacho anodanidzira kuti: “Munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.” (2 Petro 3:11, 12) Tariro yedu yeramangwana ichava yechokwadi kana tikava nemwoyo unoteerera uye tikava nechokwadi chokuti mufambiro wedu mutsvene uye upenyu hwedu hwakazara nemabasa okuzvipira kuna Mwari. Kuti tariro yedu ive yechokwadi, tinofanirawo kuyeuka kuti zuva raJehovha richatoti riuye chete.
14. Nei Israeri naJudha vaikodzera kurangwa?
14 Jehovha anotsanangura kuti nei vanhu vake vekare vachikodzera kurangwa. Mika 1:5 inoti: “Zvose izvi zvinoitwa nokuda kwokudarika kwaJakobho, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusarema here?” Kuti vaIsraeri nevaJudha vavepo ndiJehovha. Asi vakamupandukira, uye kupanduka kwavo kwasvika kumaguta avo makuru chaiwo, Samariya neJerusarema.
Miitiro Yakaipa Yakawanda
15, 16. Vanhu vairarama panguva yaMika vaiva nemhosva yemabasa api akaipa?
15 Muenzaniso wouipi hwevanhu vairarama panguva yaMika unotsanangurwa zvakajeka pana Mika 2:1, 2, kuti: “Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhoo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo. Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, ndokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.”
16 Vanhu vanokara vanorara vakasvinura usiku vachironga nzira dzokutora nadzo minda nedzimba zvevavakidzani vavo. Vanofumira kuita zvavarara vachironga. Vaisazoita mabasa akashata kudaro dai vaiyeuka sungano yaJehovha. Mutemo waMosesi une urongwa hwokudzivirira varombo. Pasi pawo, hapana mhuri inofanira kurasikirwa nezvinhu zvenhaka yayo zvachose. Zvisinei, vanhu ivavo vane makaro havana basa nazvo. Havana basa nemashoko ari pana Revhitiko 19:18 anoti: “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe.”
17. Chii chinogona kuitika apo vaya vanoti vanonamata Mwari vanoisa zvinhu zvenyama pakutanga muupenyu?
17 Izvi zvinoratidza zvinogona kuitika kana vanhu vanozviti vanoshumira Mwari vakabvisa pfungwa dzavo pane zvokunamata voisa pfuma pakutanga. Pauro akanyevera vaKristu vezuva rake kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” (1 Timoti 6:9) Kana munhu akaita kuti kuwana mari chive chinhu chikuru muupenyu hwake, anenge achitonamata mwari wenhema—Mammon, kana kuti Pfuma. Mwari wenhema iyeye haapi tariro yechokwadi yeramangwana.—Mateu 6:24; NW, ref; mashoko omuzasi.
18. Chii chaizoitika kune vaidisa zvinhu zvenyama muzuva raMika?
18 Vazhinji muzuva raMika vanozozvionera nenzira yakaoma kuti kuvimba nepfuma hakuna maturo. Maererano naMika 2:4, Jehovha anoti: “Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kwokurira, vachiti: Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, haiwa wanditorera ini sei! Minda yedu unoigovera vanomumukira.” Hungu mbavha idzodzo dzemisha neminda dzicharasikirwa nenhaka yemhuri dzadzo. Vachaendeswa kunze kwenyika, uye nhaka yavo ichava zvakapambwa zvevanhu “vanomumukira,” kana kuti vemamwe marudzi. Tariro yose yokuva neramangwana rinobudirira inenge yaparara.
19, 20. Chii chakaitika kuvaJudha vaivimba naJehovha?
19 Zvisinei, tariro yevaya vanovimba naJehovha haizovaodzi mwoyo. Jehovha akatendeka kusungano dzake kuna Abrahamu naDhavhidhi, uye ane ngoni nevaya vakaita saMika vanomuda uye vanorwadziwa nokurasika kwaita vamwe vavo pana Mwari. Nokuda kwevakarurama, pachava nokudzorerwa panguva yaMwari yakafanira.
20 Izvozvo zvinoitika muna 537 B.C.E., pashure pokuparadzwa kweBhabhironi uye apo vaJudha vasara vanodzokera kumusha kwavo. Panguva iyoyo, mashoko aMika 2:12 anova nokuzadzika kwokutanga. Jehovha anoti: “Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsraeri; ndichavaisa pamwe chete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.” Jehovha ndiMwari akanaka chaizvo! Aranga vanhu vake, anobvumira vasara kudzokera kunomushumira munyika yaakapa madzitateguru avo.
Zvinhu Zvakafanana Zvinoshamisa Muzuva Redu
21. Mamiriro ezvinhu ezuva ranhasi akafanana sei neaya aivapo muzuva raMika?
21 Sezvatakurukura zvitsauko zviviri zvokutanga zvaMika zvitsauko 1, 2, zvakushamisa here kuona kufanana kwazvakaita nezvazviri nhasi? Sezvazvakanga zvakaita munguva yaMika, vakawanda zvino vanoti vanoshumira Mwari. Asi, kufanana neJudha neIsraeri, havana kubatana uye vakatorwisana pachavo muhondo. Vakawanda vakapfuma muchiKristudhomu vakadzvinyirira varombo. Vatungamiriri vezvitendero vanongoramba vachitunhidza miitiro inonyatsotaurwa kuti yakashata muBhaibheri. Hazvishamisi kuti Jehovha anoprofita kuti chiKristudhomu chava kubva chosvika kumugumo wacho, pamwe chete ne“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwezvitendero zvenhema! (Zvakazarurwa 18:1-5) Kunyange zvakadaro, sezvazvakanga zvakaita munguva yaMika, Jehovha achava nevashumiri vakatendeka vasara pasi pano.
22. Mapokai maviri akaisa tariro yawo muUmambo hwaMwari?
22 Muna 1919, vaKristu vakazodzwa vakatendeka vakazozviparadzanisa nechiKristudhomu uye vakatanga kuzivisa mashoko akanaka oUmambo kumarudzi ose. (Mateu 24:14) Kutanga, vakatsvaka vakasara vaIsraeri womudzimu. “Mamwe makwai” akatanga kuunganidzwa, uye mapoka acho ari maviri akava “boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Johani 10:16) Kunyange havo vachishumira Mwari munyika 234 iye zvino, vanamati vakatendeka vaJehovha vose ava zvechokwadi ‘vakabatanidzwa.’ Iye zvino, danga remakwai rine “ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu,” varume, vakadzi nevana. Tariro yavo haisi munyika ino asi muUmambo hwaMwari, uhwo huchatungamirira kuParadhiso yepasi pano munguva pfupi iri kutevera.
23. Nei une chokwadi chokuti tariro yako ndeyechokwadi?
23 Maererano nevanamati vakatendeka vaJehovha, ndima yokupedzisira yechitsauko 2 chaMika ndima 13 inoti: “Mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.” Unozviona uri mukufora kwokukunda ikoko here, uchitevera Mambo wako, Jesu Kristu, uye Jehovha pachake ari pamberi? Kana zvakadaro, unogona kuva nechokwadi chokuti uchakunda uye tariro yako ndeyechokwadi. Izvi zvichatonyatsooneka sezvatinokurukura dzimwe pfungwa dzinokosha dzouprofita hwaMika.
Ungapindura Sei?
• Muzuva raMika, nei Jehovha akasarudza kuranga Judha neIsraeri?
• Chii chinogona kuitika apo vaya vanoti vanonamata Mwari vanoisa zvinhu zvokunyama pakutanga muupenyu?
• Pashure pokudzidza Mika chitsauko 1 ne2, nei une chokwadi chokuti tariro yako ndeyechokwadi?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Uprofita hwaMika hunogona kutisimbisa mumudzimu
[Mifananidzo iri papeji 10]
Kufanana nevakasara vechiJudha muna 537 B.C.E., vaIsraeri vomudzimu neshamwari dzavo vanosimudzira kunamata kwechokwadi