-
Kanganwira Nomwoyo Wako WoseNharireyomurindi—1999 | October 15
-
-
15, 16. (a) Mika akarondedzera sei Jehovha? (b) Ku“pfuura kudarika” kwaMwari kunorevei?
15 Ngatirambei tichiona Mwari somuenzaniso wedu wokukanganwira. (VaEfeso 4:32–5:1) Nezvemuenzaniso Wake wokungorega zvikanganiso zvichipfuura, muprofita Mika akanyora kuti: “Ndianiko Mwari wakafanana nemi, unokanganwira zvakaipa, unopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti unofarira kuva nenyasha.”—Mika 7:18.
16 Nokurondedzera Jehovha seuyo “unopfuura kudarika,” Bhaibheri harisi kuti haakwanisi kuyeuka zvikanganiso, achiva norudzi rwakati rwehanganwa. Funga nezvenhau dzaSamsoni naDhavhidhi, vose vari vaviri vakaita zvikanganiso zvikuru. Mwari akakwanisa kuyeuka zvivi izvozvo kwapera nguva yakareba; tinotoziva zvimwe zvezvivi zvavo nokuti Jehovha akaita kuti zvinyorwe muBhaibheri. Asi, Mwari wedu anokanganwira akaratidza vaviri ivavo ngoni, achivaita kuti vave mienzaniso yokutenda yokuti titevedzere.—VaHebheru 11:32; 12:1.
17. (a) Maoneroi angatibatsira kupfuura zvikanganiso, kana kuti mhosva, dzevamwe? (b) Kana tikaedza kuita kudaro, tichave tichitevedzera Jehovha sei? (Ona mashoko omuzasi.)
17 Hungu, Jehovha akakwanisa ‘kupfuura’a kudarika, kunyange sezvaakakumbirwa akumbirwazve naDhavhidhi kuti aite. (2 Samueri 12:13; 24:10) Tinogona here kutevedzera Mwari pane izvi, tichiva vanoda kupfuura tuzvikanganiso nemhosva zvinoitwa nevanamati vakafanana nesu sevanhu vasina kukwana? Zvifungidzire uri mundege iri kumhanya munhandare. Paunotarira kunze, unoona pedyo nenzira inomhanya nendege mumwe munhu waunoziva achikusveeredza. Unoziva kuti ave akatsamwa uye angave achikuitira iwewe. Kana kuti angasambova ari kuitira iwe. Zvisinei, sezvo ndege yacho inotenderera ichikwira mudenga, munopfuura nepamusoro pomukadzi wacho, uyo zvino ava kuita sekanhu kaduku-duku. Muawa imwe wava kure nemazana emakiromita, uye kukusveeredza kwake kunogumbura kwasara kare kare shure kwako. Nenzira yakangofanana, kakawanda kukanganwira kuchatibatsira kana tikaedza kuita saJehovha ndokupfuura mhosva yacho nokuchenjera. (Zvirevo 19:11) Kachikanganiso kacho hakazovi kasina basa here makore gumi kubva zvino kana kuti makore mazana maviri tapinda muMakore Ane Chiuru? Tadii tangokarega kachipfuura?
-
-
Kanganwira Nomwoyo Wako WoseNharireyomurindi—1999 | October 15
-
-
a Imwe nyanzvi inotaura kuti dimikira rechiHebheru rakashandiswa pana Mika 7:18 rino“torwa kubva pane zvinoitwa nomunhu ari parwendo anopfuura chinhu chaasinei nacho asina kuchiona. Pfungwa yarinopa haisi yokuti Mwari haaoni chivi, kana kuti anochiona senhau inokosha zvishoma kana kuti isingakoshi, asi kuti haachioni mune zvimwe zviitiko achifunga nezvekuranga; kuti haarangi, asi anokanganwira.”—Vatongi 3:26; 1 Samueri 16:8.
-