Bhaibheri—Ibhuku Rine Uprofita Hwechokwadi, Chikamu 3
“Tawana Mesiya”
Nyaya ino ine zvikamu zvisere iri muMukai! iri kutaura nezvechimwe chinhu chinokosha chinowanikwa muBhaibheri, uprofita. Zvikamu izvi zvichakubatsira kupindura mibvunzo inotevera: Vanhu vakachenjera ndivo here vakanyora uprofita huri muBhaibheri? Pane here chinoratidza kuti uprofita huri muBhaibheri hwakafemerwa naMwari? Tinokukumbira kuti uenzanise uchapupu huripo.
PACHINE mazana akawanda emakore Jesu asati azvarwa, vaprofita vechiHebheru vakafanotaura nezvekuuya kwaMesiya, zita rinoreva kuti “Muzodziwa” muchiHebheru. Vaprofita ivavo vakataura zvinhu zvaizonyatsoitika muupenyu hwaMesiya uye zvimwe zvacho zvaisanganisira dzinza raaizozvarwa, kwaaizoberekerwa uye nguva yacho uye zvaizoitika kwaari.
VaKristu vakararama muzana remakore rokutanga C.E. vakabvuma kuti Jesu ndiye akazadzisa uprofita uhwu. Vaiva nemafungiro akanga akafanana neaiva nemudzidzi Andreya uyo akaudza mukoma wake Simoni kuti: “Tawana Mesiya.” (Johani 1:40, 41) Asi ichokwadi here kuti Jesu ndiye aiva Mesiya? Pauprofita hwakawanda hunotaura nezvaMesiya, ngatingokurukurai huna chete tichiongorora umboo huripo.
Uprofita 1: “Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi.”—Isaya 9:7, “Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.”
Kuzadzika kwahwo: Evhangeri yaMateu inotanga nemashoko anoti: “Bhuku renhoroondo yaJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbrahamu.” Mateu anotaura kuti Jesu akabva kudzinza raDhavhidhi uye ndizvowo zvinotaurwa muEvhangeri yaRuka.—Mateu 1:1-16; Ruka 3:23-38.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
● Zvinyorwa zvemunyori wenhoroondo wechiJudha anonzi Josephus zvinoratidza kuti nhoroondo dzemadzinza emhuri dzechiJudha dzaikwanisa kuwanikwa mumaraibhurari evoruzhinji. Zvinyorwa izvozvo zvakaparadzwa muna 70 C.E. apo Jerusarema rakaparadzwa. Asi Jerusarema risati raparadzwa, vanhu vakawanda vaiziva kuti Jesu ndewedzinza raDhavhidhi. (Mateu 9:27; 20:30; 21:9) Dai kuri kuti zvaitaurwa izvi zvaiva zvenhema, paifanira kuva neaizvipikisa. Asi hapana chinoratidza kuti pane akapikisa.
Uprofita 2: “Haiwa Bhetrehema Efrata, muduku kwazvo zvokusagona kuva pakati pezviuru zvaJudha, kwauri kuchabuda munhu achava mutongi pakati paIsraeri nokuda kwangu.”—Mika 5:2.
Kuzadzika kwahwo: Jesu akazvarirwa kuBhetrehema. Kesari Agasto akarayira kuti vanhu vaverengwe, Josefa baba vaJesu achibva abva kuNazareta achienda “kuJudhiya [Judha], kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetrehema, nokuti aiva weimba uye wemhuri yaDhavhidhi, kuti vanyorwe, iye naMariya.” Vari ikoko Mariya akabva ‘asununguka mwanakomana wake’ Jesu.—Ruka 2:1-7.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
● Zvakawanikwa pakuchera matongo zvinoratidza kuti vaRoma vaiverenga vanhu kuMiddle East nechinangwa chokuona vanhu vanofanira kubhadhara mitero uye kupinda muchiuto. Chimwe chinoratidza kuti izvi ndezvechokwadi, murayiro wakataurwa nagavhuna wechiRoma wokuEgypt muna 104 C.E. Chimwe chinyorwa chine murayiro uyu uye chakaiswa muBritish Library, chinoti: “Nemhaka yokuti nguva yokuti vanhu vaverengwe yasvika, zvakakosha kuti munhu wose asiri kugara mudunhu rake adzokere kumusha kwake kuitira kuti vanhu vaverengwe uye vashande muminda yavo.”
● Panguva yakaberekwa Jesu, muIsraeri maiva nemataundi maviri ainzi Bhetrehema. Rimwe raiva nechokuchamhembe pedyo neNazareta. Rimwe raimbonzi Efrati (kana kuti Efrata) raiva pedyo neJerusarema muJudha. (Genesisi 35:19) Mutaundi rapedzisira kutaurwa ndimo makaberekerwa Jesu sezvakanga zvagara zvataurwa naMika pachine makore anenge mazana masere.
Uprofita 3: “Kubvira pachataurwa shoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema kusvikira kuna Mesiya Mutungamiriri, pachava nevhiki nomwe, uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri.”—Dhanieri 9:25.
Kuzadzika kwahwo: Nguva inotaurwa muuprofita hwaDhanieri yaiva yakareba zvikamu 69 uye chikamu chimwe nechimwe chakareba makore 7, zvichireva kuti ose aiva makore 483. Jerusarema rakatanga kuvakwazve muna 455 B.C.E. Sezvakanga zvaprofitwa, muna 29 C.E., ndipo pakakwana makore 483 (vhiki 69 dzemakore), Jesu achibva ava Muzodziwa kana kuti Mesiya apo akabhabhatidzwa uye akazodzwa nemudzimu mutsvene waMwari.a—Ruka 3:21, 22.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
● Nechekwokutanga kwezana remakore rokutanga C.E., “vanhu vaitarisira “ kusvika kwaMesiya. (Ruka 3:15) Nyanzvi yezvenhoroondo yechiJudha inonzi Abba Hillel Silver yakanyora bhuku rinonzi A History of Messianic Speculation in Israel, yakati Jerusarema paraiva risati raparadzwa “munhu wose aitarisira kuti Mesiya aizokurumidza kuuya.” Akatiwo, “Mesiya aitarisirwa kuuya gore ra25 C.E. rapfuura.” Silver anoti tarisiro dzaiva nevaJudha dzaibva pane “zvaizivikanwa nevanhu kuti zvinofanira kuitika panguva iyoyo.”
Uprofita 4: “Achaita kuti guva rake rive pamwe chete nevakaipa, uye achava pamwe chete nevapfumi pakufa kwake.”—Isaya 53:9.
Kuzadzika kwahwo: Jesu akaurayiwa pamwe chete nemakororo maviri, asi Jesu akavigwa muguva raiva padombo remumwe mutendi aiva mbozha ainzi “Josefa wokuArimatiya.”—Mateu 27:38, 57-60; Johani 19:38.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
● Vanyori vekare vasiri vaKristu vanosanganisira muJudha ainzi Josephus uye muRoma ainzi Tacitus—vanotsigira kuti Jesu akaurayiwa segororo.
● Vanoita zvokuchera matongo kuPalestine vakaona makuva ekare aiva mumapako. Sezvo guva raiva rakagadzirwa nechekare zvakanga zvisingazoomeri mbozha uye munhu ane mukurumbira akadai saJosefa wokuArimatiya.
Zvinhu zvakurukurwa izvi zvinongoratidza zvinhu zvishoma pauprofita hwakawanda hune chokuita naMesiya hwakazadziswa naJesu. Zviri pachena kuti hapana munhu anganyepedzera kuti ndiye akazadzisa uprofita hwose uhwu. Kunyatsozadziswa kwahwo kunosimbisa kutenda kwedu muna Mwari kuti ndiye akaita kuti hunyorwe uye kuti achaita kuti makomborero ose akavimbiswa vanhu vanoteerera azadziswe pachishandiswa Mesiya.
Muchikamu chinotevera chiri munyaya dzino dzinotevedzana, tichakurukura mubvunzo unotokonya pfungwa: Kana Jesu akanga ari iye Mesiya zvechokwadi, akadini kuita kuti asatambura uye asafa?
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mamwe mashoko nezveuprofita uhwu hune chokuita nenguva yaizoonekwa Mesiya, ona mapeji 197-199 ebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Chati/Mifananidzo iri papeji 12, 13]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
CHATI INORATIDZA UPROFITA HUNA HWAMESIYA
1 Mesiya aizobva mudzinza raMambo Dhavhidhi
1070 B.C.E.
Dhavhidhi anova mambo wevaIsraeri vose
607 B.C.E.
Jerusarema rinoparadzwa nevaBhabhironi
455 B.C.E.
Murayiro unopiwa wokuti Jerusarema rivakwezve
2 Mesiya aizozvarwa muBhetrehema riri kuJudha
2 B.C.E.
Jesu anozvarwa muBhetrehema riri kuJudha ari wedzinza raDhavhidhi
3 Mesiya aizosvika papera makore 483 pashure pokunge murayiro wokuvakazve Jerusarema wapiwa
29 C.E.
Jesu anobhabhatidzwa uye anozodzwa kuva Mesiya
4 Mesiya aizourayiwa pamwe chete nevatadzi uye aizovigwa pamwe chete nevapfumi
33 C.E.
Jesu anofa pamwe chete nemakororo uye anovigwa pamwe chete nevapfumi