Jesu—Mutongi wa“Pamazuva Akare-kare”
MUFARO unokura sezvaunomirira kusvika kwehama yokunyama yawakagumisira kuona kare. Pakupedzisira, unosangana naye ndokumukwazisa noushamwari. Unoteerera nokungwarira sezvaanokuudza chikonzero nei baba vake vamutuma kuti akushanyire. Ipapo nguva yokudzokera kwake kumba inokurumidza kusvika. Nenzira inosuruvarisa, unoonekana naye. Kurasikirwa kwaunonzwa pakuenda kwake kunoderera panosvika mashoko okuti asvika kumba akakotsekana.
Gare gare, paunenge uchitsvaka mumamwe mapepa ekare, unoziva nezvetsamba dzinodudza zvishomanene nezvezviito zvehama yako kare isati yatanga rwendo rwayo rwokuzosangana newe. Zvaunoudzwa netsamba idzodzo zvinogovera nzwisiso dzinofadza mumamiriro ake ezvinhu uye zvinokudza kuonga kwako zvose zviri zviviri kushanya kwake nebasa rake razvino.
“Pamazuva Akare-kare”
Pakati pemapepa akare aiwanikwa kuvaJudha vomuzana rokutanga ramakore pakanga pane manyoro omuporofita waMwari Mika, akanyorwa makore anenge mazana manomwe apfuura. Iwaya anonongedzera kunzvimbo yakaberekerwa Mesiya. “Asi iwe Bheti-rehema Efrata, muduku kwazvo pakati pezviuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe uchava mubati pakati paIsraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akare kare.” (Mika 5:2) Mukuzadzika mashoko aya, Jesu akaberekerwa mumusha wechiJudha weBhetirehema mugore iro zvino rinodanwa kunzi 2 B.C.E. Asi kuvamba kwake kwaigona sei kuva “pamazuva ekare kare?”
Jesu akambovapo asati ava munhu. Mutsamba yake yokuvaKristu vaiva muKorose, muapostora Pauro akarondedzera Jesu se“mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose.”—VaKorose 1:15.
Jehovha, Kunobva Uchenjeri, akasika Mwanakomana wake wokutanga se‘basa [rake] rokutangisisa,’ kushandisa kutaura kwakafuridzirwa kwakanyorwa naMambo Soromoni mubhuku raZvirevo. Pashure pokugara kwaJesu kwechinguvana pasi pano nokudzokera kwake kudenga, akapupurira kuti zvirokwazvo akanga ari “kutanga kwezvisikwa zvaMwari.” Souchenjeri hunotaurwa somunhu, Jesu akanga asati ava munhu akazivisa kuti: “Panguva [Jehovha] yaakagadzira kudenga denga, ndakanga ndiripo.”—Zvirevo 8:22, 23, 27; Zvakazarurwa 3:14.
Kubva pakutanga, Mwanakomana waMwari akagamuchira mugove wechienzi, uya wokuva “mhizha” pamwe chete naBaba vake. Izvi zvakaunza mufaro wakadini kuna Jehovha! “Ndaimufadza [Jehovha] zuva rimwe nerimwe,” inodaro Zvirevo 8:30, ichiwedzera kuti, “ndichitamba pamberi pake nguva dzose.”
Gare gare Jehovha akakumbira Mwanakomana wake wedangwe kuti agoverane mukusikwa kworudzi rwomunhu. “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu,” akazivisa kudaro, “akafanana nesu.” (Genesi 1:26) Somugumisiro, kumwe kudanana kwakatanga. “Ndichifadzwa,” akatsanangura kudaro Jesu asati ava munhu, “navanakomana vavanhu.” (Zvirevo 8:31) Pakuvamba kweEvhangeri yake, muapostora Johane akabvuma basa raJesu asati ava munhu mukusika: “Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.”—Johane 1:3.
Mutauriri waJehovha
Mashoko aJohane anokwevera ngwariro kune imwe ropafadzo iyo Mwanakomana waMwari akafarikanya, ndiko kuti kuva mutauriri. Kubva pakuvamba, akashanda seShoko. Nokudaro, apo Jehovha akataura naAdhama, uye gare gare paakataura naAdhama pamwe chete naEvha, sezvingabvira akaita kudaro kupfurikidza neShoko. Uye ndiani akakwaniriswa kupa mirayiridzo yaMwari nokuda kwegarikano yorudzi rwomunhu kupfuura uyo akanga achivada?—Johane 1:1, 2.
Zvinofanira kuva zvakarwadza Shoko zvikuru kuona Evha uye ipapo Adhama vasingateereri Musiki wavo! Uye anofanira kuva akapanga sei kurapa zvirwere zvakaunzwa nokusateerera kwavo pavana vavo! (Genesi 2:15-17; 3:6, 8; VaRoma 5:12) Achitaura naSatani, uyo akanga akurudzira Evha kupandukira, Jehovha akazivisa kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake.” (Genesi 3:15) Pashure pokunge rapupurira zvakaitika muEdheni, Shoko rakaziva kuti sorutivi rukuru rwo“rudzi,” rwomukadzi, raizova chipfuro choruvengo rwakakomba. Aiziva kuti Satani akanga ari muurayi.—Johane 8:44.
Gare gare apo Satani akava asina chokwadi nokutendeka kwaJobho, Shoko rinofanira kuva rakatsamwa pamusoro pepomero dzokuchera dzakaitirwa Baba varo. (Jobho 1:6-10; 2:1-4) Zvirokwazvo, mubasa raro sengirozi huru, Shoko rinozivikanwa saMikaeri, ane zita rinoreva kuti “Ndiani Akafanana naMwari?” uye rinoratidzira nzira yarinotsigira nayo Jehovha pane vose vanotsvaka kubvuta uchangamire hwaMwari.—Dhanieri 12:1; Zvakazarurwa 12:7-10.
Sezvo nhau yaIsraeri yakaoneka, Shoko rakacherekedza kuedza kwaSatani kubvisa vanhu pakunamata kwakachena. Pashure poKubuda muEgipita, Mwari akaudza Israeri kupfurikidza naMosesi kuti: “Ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira. Mumunzwei, mumuteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari.” (Eksodho 23:20, 21) Ngirozi iyi yakanga iri ani? Sezvingabvira, Jesu asati ava munhu.
Kuzviisa Pasi Kwokutendeka
Mosesi akafa muna 1473 B.C.E., uye mutumbi wake wakavigwa “pamupata panyika yaMoabhi, pakatarisana neBheti-peori.” (Dheuteronomio 34:5, 6) Sezviri pachena, Satani aida kushandisa chitunha chacho, zvimwe kuti atsigire kunamata zvidhori. Mikaeri akashora izvi asi nenzira yokuzviisa pasi akabvuma chiremera chaBaba vake, Jehovha. ‘Asingamboedzi kutonga Satani namashoko okutuka,’ Mikaeri akanyevera Satani kuti: “Ishe ngaakurayire.”—Judhasi 9.
Tevere Israeri akavamba kukunda kwake Nyika Yakapikirwa yeKanani. Pedyo neguta reJeriko, Joshua akagamuchira vimbiso yokupfuurira kweShoko kutarisira rudzi rwacho. Ikoko akasangana nomunhu akanga akatakura munondo wakavhomorwa. Joshua akafamba achienda kumuenzi wacho ndokubvunza kuti: “Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?” Fungidzira kushamisika kwakaita Joshua apo muenzi akazvizivisa, achiti: “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Hazvishamisi kuti Joshua akawira pasi nechiso chake pamberi pomumiriri uyu akakwirira waJehovha, pasina mubvunzo Jesu asati ava munhu uyo gare gare aizova “Mesiya Mutungamiriri.”—Joshua 5:13-15; Dhanieri 9:25, NW.
Kumwe kurwisana naSatani kwakaitika mumazuva omuporofita waMwari Dhanieri. Panhambo iyi Mikaeri akatsigira ngirozi biyake apo mambo wemadhimoni wePersia ‘akashora’ kwamavhiki matatu. Ngirozi yacho yakatsanangura kuti: “Tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, wakauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPersia.”—Dhanieri 10:13, 21.
Mbiri Asati Ava Munhu Uye Ava Munhu
Muna 778 B.C.E., gore iro Mambo Uzia waJudha akafa, muporofita waMwari Isaya akaona chiono chaJehovha ari pachigaro chake chikuru. “Ndingatuma aniko? Ndiani ungatiendira?” Jehovha akabvunza kudaro. Isaya akazvipira, asi Jehovha akamunyevera kuti vaIsraeri biyake vaizova vasingagamuchiri ziviso dzake. Muapostora Johane akaenzanisa vaJudha vasingatendi vomuzana rokutanga ramakore navanhu vomuzuva raIsaya, uye akati: “Isaya wakareva izvozvi, nokuti wakaona kubwinya kwake.” Kubwinya kwaani? Kuuya kwaJehovha uye kwaJesu asati ava munhu pamwe chete naye munzvimbo dzokudenga.—Isaya 6:1, 8-10; Johane 12:37-41.
Mazana amakore gare gare kwakauya mugove mukurusa waJesu kusvikira panguva iyoyo. Jehovha akatamisira simba roupenyu roMwanakomana wake anodiwa kubva kudenga richipinda mudumbu raMaria. Mwedzi mipfumbamwe gare gare akabereka mwanakomana, Jesu. (Ruka 2:1-7, 21) Mumashoko omuapostora Pauro okuti: “Zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa nomukadzi.” (VaGaratia 4:4) Nenzira yakafanana, muapostora Johane akabvuma kuti: “Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, (tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwe chete waBaba), azere nenyasha nezvokwadi.”—Johane 1:14.
Mesiya Anooneka
Paakasvika panenge pazera ramakore 12, Jesu muduku akanga asvika pakunzwisisa kuti aifanira kuva akabatikana achiita basa raBaba vake vokudenga. (Ruka 2:48, 49) Makore 18 gare gare, Jesu akauya kuna Johane Mubhabhatidzi paRwizi rwaJoridhani uye akabhabhatidzwa. Sezvo Jesu ainyengetera, matenga akazaruka, uye mudzimu mutsvene wakaburukira paari. Fungidzira zvaakayeuka zvakawanda sezvaakayeuka mamireniyumu akawanda aakanga ashanda ana Baba vake semhizha, mutauriri, muchinda weuto raMwari, uye sengirozi huru, Mikaeri. Ipapo kwakauya mufaro wokunzwa inzwi raBaba vake richiudza Johane Mubhabhatidzi kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira!”—Mateo 3:16, 17; Ruka 3:21, 22.
Johane Mubhabhatidzi zvirokwazvo haana kupokana kuvapo kwaJesu asati ava munhu. Sezvo Jesu akamusvika, Johane akazivisa kuti: “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.” Uye akawedzera kuti: “Ndiye wandaireva, ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira.” (Johane 1:15, 29, 30) Muapostora Johanewo aiziva nezvokumbovapo kwaJesu. “Unobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura zvenyika; unobva kudenga ndiye uri pamusoro pavose. Zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura.”—Johane 3:31, 32.
Munenge mugore ra61 C.E., muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vanzwisise kukosha kwakazara kwokusvika kwaMesiya pasi pano nebasa rake soMuprista Mukuru. Achikwevera ngwariro kubasa raJesu soMutauriri, Pauro akanyora kuti: “Mwari . . . wakataura kwatiri muMwanakomana . . . waakaitawo naye nyika.” Kana zvichinongedzera kubasa raJesu se“mhizha” pakusika kana kuti kubatanidzwa kwake mugadziriro dzaMwari dzinofambira mberi nokuda kwokuyananiswa kwomunhu, Pauro pano anowedzera chipupuriro chake pamusoro pokuvapo kwaJesu asati ava munhu.—VaHebheru 1:1-6; 2:9.
Kuvimbika Kubva “Pamazuva Akare-kare”
KuvaKristu vomuzana rokutanga ramakore muFiripi, Pauro akataura iyi kurudziro: “Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuwo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.” (VaFiripi 2:5-8) Nenzira yorudo Jehovha akabvuma mufambiro waJesu wokuvimbika kupfurikidza nokumumutsa uye ipapo kumugamuchirazve kumba kudenga. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokutendeseka munhambo refu dzenguva uyo Jesu akatisiyira!—1 Petro 2:21.
Tinoonga sei nokuda kwemirangariro inogoverwa neBhaibheri yokuvapo kwaJesu asati ava munhu! Zvirokwazvo inosimbisa kutsunga kwedu kuti titevedzere muenzaniso webasa rake rokuvimbika, zvikurukuru zvino zvaanotonga saMambo woUmambo hwaMwari hwaMesiya. Ngatirumbidzei “Muchinda Worugare,” Kristu Jesu, Mambo wedu uye Mutongi ane “mabudiro . . . akare-kare”!—Isaya 9:6; Mika 5:2.
[Bhokisi riri papeji 24]
CHIPUPURIRO CHOKUVAPO ASATI AVA MUNHU
Mashoko aJesu pachake, sezvakanyorwa pasi apa, anopupurira zvikuru kuvapo kwake asati ava munhu:
◻ “Hakuna munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.”—Johane 3:13.
◻ “Wakanga asi iye Mosesi, wakakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chazvokwadi, chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa nyika upenyu. . . . Handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.”—Johane 6:32, 33, 38.
◻ “Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, uchararama nokusingaperi.”—Johane 6:50, 51.
◻ “Muchagodiniko kana muchiona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?”—Johane 6:62.
◻ “Kupupura kwangu ndokwazvokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda. . . . Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handizi wenyika ino.”—Johane 8:14, 23.
◻ “Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuzviuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma.”—Johane 8:42.
◻ “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abrahama asati avapo, ini ndaivapo.”—Johane 8:58.
◻ “Baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo. Baba, ndinoda kuti avo vamakandipa, vavewo neni apo pandiri kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.”—Johane 17:5, 24.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Joshua anosangana nomuchinda weuto raJehovha