Chitsauko 4
Jehovha—Mwari Anofanotaura Zvichaitika Ozvizadzisa
1, 2. (a) Nei vamwe vangafunga kuti hapana ari kutarisira zvinhu? (b) Vaprofita 12 vanorondedzera sei unhu hwaJehovha?
VANHU vakawanda vanofunga kuti havachakwanisi kudzora upenyu hwavo. Uye kubva mune zvinotaurwa munhau dzavakaverenga, vanogumisa kuti rudzi rwose rwomunhu ruri kuramba rusina tariro. Kuedza kugadzirisa matambudziko enyika kunoita sokunongoomesa mamiriro ezvinhu asina tariro. Zvinokosha kuziva kuti vamwe vevaprofita 12 vatiri kudzidza nezvavo vakatarisana nemamiriro ezvinhu akafanana anotambudza, uye vakapa mashoko etariro atingabatsirwa nawo isu pachedu uye atingashandisa pakunyaradza vamwe.—Mika 3:1-3; Habhakuki 1:1-4.
2 Pfungwa inokosha yauchaona mumabhuku aya ouprofita ndeyokuti Jehovha, Changamire wezvinhu zvose zvakasikwa, ari kunyatsotarisira zviri kuitika kuvanhu uye anonyatsofarira kugara kwedu zvakanaka. Chokwadi, mumwe nomumwe wedu angati, “Iye anofarira kugara kwangu zvakanaka.” Vaprofita 12 ava vanorondedzera “Jehovha wemauto” zvinofadza. Mwari anogona “kugunzva nyika, zvokuti inonyunguduka,” asi anovimbisa vanhu vake kuti: “Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu.” (Zekariya 2:8; Amosi 4:13; 9:5) Hazvikufadzi here kuverenga ndima dzinoratidza kuti zvinoitwa naMwari zvinotungamirirwa sei norudo uye kuratidza kwaanoita ngoni uye kukanganwira? (Hosiya 6:1-3; Joeri 2:12-14) Chokwadi, zvakanyorwa nevaprofita ava hazvidonongodzi zvose zvose zvine chokuita nounhu hwaMwari; mabhuku 66 ose eBhaibheri anodiwa kuti izvozvo zviitwe. Kunyange zvakadaro, mabhuku aya 12 anotibatsira zvikuru kunzwisisa unhu hwaMwari hunofadza uye zvaanoita.
3. Vaprofita 12 vanoratidza sei kuti Jehovha ndiMwari ane chinangwa?
3 Zvakanyorwa nevaprofita 12 zvinogona kusimbisa chivimbo chedu mukuvimbika kwaJehovha somunhu anofanotaura zvichaitika munguva yemberi uye munhu asingakundikani kuzadzisa chinangwa chake. Zvinosimbisa kuti pakupedzisira achaunza paradhiso pasi pano yaanenge achitonga. (Mika 4:1-4) Vamwe vevaprofita ivavo vanorondedzera kugadzirira kwakaita Jehovha kuuya kwaMesiya uye rudzikinuro rwaizosunungura vanhu muchivi norufu. (Maraki 3:1; 4:5) Nei kuziva zvose izvi kuchikosha?
CHANGAMIRE ANE RUDO ARI KUNYATSOTARISIRA ZVINHU
4, 5. (a) Ichokwadi chipi chinokosha pamusoro paMwari chinosimbiswa nevaprofita 12? (b) Kuva nemasimba ose kwaJehovha kunoita kuti uite sei?
4 Yeuka kupomerwa kwakaitwa Mwari pamusoro pekodzero yake yokutonga, sezvakakurukurwa muchitsauko chakapfuura. Kupandukira chiremera chaJehovha—uye kusava nechokwadi nevavariro dzake—zvakaita kuti vamwe kudenga varege kuteerera Mwari ndokunyonganisa zvinhu pasi pano. Saka zviri pachena kuti kuremekedza uye kuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha zvinodiwa kuti zvinhu zvose zvakasikwa zvive zvakarongeka zvizere uye kuti vanhu vave norugare. Saka, Jehovha akatsunga zvakakodzera kureverera uchangamire hwake. Ngationgororei kuti mabhuku 12 ouprofita angatibatsira sei kuona izvi zvakanyatsojeka.
5 Senhume dzaJehovha, vaprofita vacho vakataura zvakawanda nezvenzvimbo yake yakakwirira. Somuenzaniso, achisimbisa kukosha kwezita uye uchangamire zveWemasimbaose, Amosi anoshandisa zita rokuti “Changamire Ishe” ka21. Izvi zvinoratidza kuti Mwari wechokwadi mukuru zvikuru kwazvo uye kuti hapana chaanotadza kuita. (Amosi 9:2-5; ona bhokisi rinoti “Jehovha Wemasimbaose.”) Jehovha ndiye chete Changamire akakodzera wezvinhu zvose zvakasikwa, mukuru zvikuru pane zvidhori zvisina upenyu. (Mika 1:7; Habhakuki 2:18-20; Zefaniya 2:11) Jehovha zvaari Musiki wezvinhu zvose, ane kodzero yaagara ainayo yokushandisa simba rouchangamire pazvinhu zvose. (Amosi 4:13; 5:8, 9; 9:6) Nei izvozvo zvichikosha kwauri?
6. Munhu wose anobatanidzwa sei mukuzadzika kwechinangwa chaMwari?
6 Kana wakambosarurwa, usina kururamisirwa, kana kuti wakafungirwa zvakaipa, unogona kunyaradzwa nokuziva kuti Changamire ane rudo ane hanya nevanhu vose. Jehovha aiva noukama chaihwo norudzi rumwe chete rwomunguva yekare, asi akazivisa kutsunga kwake kubatsira vanhu vemarudzi ose uye vemitauro yose. Iye ndi‘Ishe wechokwadi wenyika yose.’ (Mika 4:13) Mwari akapikira kuti zita rake “richava guru pakati pemarudzi.” (Maraki 1:11) Baba vedu vokudenga zvavanozvizivisa vasingasaruri, ‘vanhu vanobva mumitauro yose yemarudzi’ vanobvuma nomwoyo wose kukoka kwaanovaita kuti vave vanamati vake.—Zekariya 8:23.
7. Nei zvinoreva zita raJehovha zvichikosha?
7 Kuziva zvakaita Mwari uye zvaachaita zvakanyatsobatana nezita rake. (Pisarema 9:10) Panguva yakararama Mika, zita raJehovha rakanga richizvidzwa nokuti vakawanda vaidanwa nezita Rake vakanga vasingateereri zvikuru. Muprofita wacho akafuridzirwa kusimbisa “ukuru hwezita raJehovha” uye kuratidza kuti “munhu ane uchenjeri hunobatsira achatya zita [raMwari].” (Mika 5:4; 6:9) Nei? Chero tariro ipi zvayo yaunayo yaungavimba nayo yenguva yemberi isingaperi ine chokuita nokukosha kukuru kwezvinoreva zita iroro: “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” Wadii kuverenga Joeri 2:26 wofunga nezvokuti ungafara sei kudanwa nezita iroro uye kuudza vamwe nezvaMwari mumwe chete anogona kuita chero zvaanoda kuti abatsire zvisikwa zvake zvose? Mwari akaratidza kuti iye munhu ane simba risina parinogumira rokuita zvinodiwa. Unogona kuwana uchapupu hwaizvozvo mukuzadzika kwouprofita hwakawanda hwakaziviswa nevaprofita 12.
8. Zita raJehovha rakakukurudzira munzira dzipi?
8 Mamiriyoni evanhu akabatsirwa nokudzidza kuti Jehovha anogona kuita kuti chero zvaanosarudza zviitike kana kuti zvizadzike. Joeri akaratidza izvozvo mumashoko akakurumbira akadzokororwa nevanyori vechiKristu, okuti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” (Joeri 2:32; Mabasa 2:21; VaRoma 10:13) Tinonzwawo here tichida kutaura sezvakaita Mika, kuti, “isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi”? (Mika 4:5) Chokwadi, panguva yatinenge tichitambudzwa kana kuti patinenge tichinetseka somunhu oga, tinogona ‘kupotera muzita raJehovha’ nechivimbo.—Zefaniya 3:9, 12; Nahumi 1:7.
9. Simba raMwari pavatongi vevanhu iguru zvakadini?
9 Sezvaunoverenga mabhuku aya ouprofita, unogona kusimbisazve chivimbo chako chokuti Jehovha ane simba kunyange pavatongi vevanhu nepavanhu vane masimba okusarudza zvokuita. Anokwanisa kuita kuti vaite maererano nezvaanoda. (Zvirevo 21:1) Funga zvakaitika kuna Dhariyasi Mukuru wokuPezhiya. Vanhu vaivenga kunamata kwechokwadi vakatsvaka rubatsiro rwake kuti vamise kuvakwazve kwetemberi yaJehovha yaiva muJerusarema. Zvakasiyana chaizvo ndizvo zvakaitika! Munenge muna 520 B.C.E., Dhariyasi akamutsidzira murayiro waKoreshi ndokutsigira basa rokuvaka revaJudha. Zvimwe zvipingamupinyi pazvakavapo, Mwari akaudza Gavhuna wechiJudha Zerubhabheri kuti: “‘Hazviitwi nehondo, kana nesimba, asi nomudzimu wangu,’ Jehovha wemauto adaro. Ndiwe ani, haiwa iwe gomo guru? Uchava nyika yakati chechetere pamberi paZerubhabheri.” (Zekariya 4:6, 7) Hapana chipingamupinyi chichatadzisa Jehovha kuparadza mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino uye kuunza kwake paradhiso kuti vanamati vake vanakidzwe.—Isaya 65:21-23.
10. Simba raMwari iguru zvakadini, uye nei izvozvo zvichikosha?
10 Funga zvakare kuti Jehovha ane simba pamasimba aakasika, aanogona kushandisa kuparadza vavengi vake kana akasarudza kuita izvozvo. (Nahumi 1:3-6) Achisimbisa kudzivirira kunogona kuita Jehovha vanhu vake, Zekariya akashandisa mutauro wokufananidzira, achiti: “Jehovha achaonekwa ari pamusoro pavo, uye museve wake uchabuda sezvinoita mheni. Changamire Ishe Jehovha acharidza hwamanda, uye achaenda nemadutu okumaodzanyemba.” (Zekariya 9:14) Saka, zvingaomera Mwari here kuratidza ukuru hwake pamarudzi asingamudi aripo munguva yedu? Kana!—Amosi 1:3-5; 2:1-3.
MUNHU AKAVIMBIKA ANOCHENGETA ZVAAKAPIKIRA
11, 12. (a) Nei vanhu vaifunga kuti Ninivhi harikundiki? (b) Zvinhu zvakafambira sei Ninivhi, maererano neshoko raMwari rouprofita?
11 Fungidzira kuti wairarama muzana remakore rechipfumbamwe B.C.E. munzvimbo inozivikanwa zvino seMiddle East. Iguta guru ripi zvichida raungadai wakanzwa nezvaro? Chokwadika, iNinivhi. Raiva guta rakakurumbira reAsiriya raiva mumhenderekedzo meRwizi rwaTigirisi, makiromita anenge 900 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweJerusarema. Ungadai wakanzwa mashoko ane chokuita noukuru hwaro hunoshamisa—makiromita anenge 100 kutenderera! Vanhu vakashanyira Ninivhi vakataura kuti kunaka kwaro kwaikwikwidzana neBhabhironi, riine dzimba dzamambo, temberi, migwagwa mikuru, mapaki evanhu vose, uye raibhurari yaikanga mate mukanwa. Uyezve, vanhu vane unyanzvi pakuronga zvehondo vakataura nezvemasvingo aro makuru okunze neomukati akanga asingapindiki.
12 “Harikundiki!” Vanhu vakawanda vanofanira kuva vakataura izvozvo vachirondedzera Ninivhi. Asi vamwe vaprofita vaibva murudzi rudukuduku rwaJudha vakaomerera pakuti Jehovha akanga atongera “guta rokuteura ropa” iroro kuparadzwa. Somugumisiro wokubvuma kwevanhu vacho shoko raJona, Mwari akambomira kutonga guta racho kwekanguva. Zvisinei, vaNinivhi vakadzokera kunzira dzavo dzakaipa dzekare. Nahumi akafanotaura kuti: “Ninivhi . . . , bakatwa richakuparadza . . . Hapana chingapedza dambudziko rako.” (Nahumi 3:1, 7, 15, 19; Jona 3:5-10) Panenge panguva iyoyo, Mwari akashandisa Zefaniya kufanotaura kuti Ninivhi raizova dongo. (Zefaniya 2:13) Simba iroro rezvematongerwo enyika rakanga risingakundiki repanguva iyoyo raizokundwa mukuzadzika kweshoko raJehovha here? Mhinduro yacho yakauya munenge muna 632 B.C.E. vaBhabhironi, vaSitiya, nevaMedhiya pavakakomba Ninivhi. Mafashamo akangoerekana avapo akakukura masvingo aro, uye vanhu vairirwisa vakapinda nepamasvingo airidzivirira. (Nahumi 2:6-8) Guta racho raimbova nesimba rakakurumidza kuva murwi wematongo. Nanhasi, Ninivhi richiri dongo.a “Guta raipembera nomufaro” harina kukwanisa kudzivisa kuzadzika kweshoko raMwari!—Zefaniya 2:15.
13. Uchapupu hupi hwouprofita hwakazadzika hwaungawana muvaprofita 12?
13 Zvakaitika kuNinivhi unongova muenzaniso mumwe chete wouprofita hwakazadzika. Tarira pamepu yemazuva ano yokuMiddle East. Ungaona here Amoni, Asiriya, Bhabhironi, Edhomu, kana kuti Moabhi? Kana! Pasinei nokuti pane imwe nguva marudzi akadaro akanga akakurumbira, vaprofita 12 vakafanotaura nezvokutsakatika kwawo. (Amosi 2:1-3; Obhadhiya 1, 8; Nahumi 3:18; Zefaniya 2:8-11; Zekariya 2:7-9) Rumwe pashure porumwe, marudzi iwayo akanyangarika. Jehovha akataura kuti aizotsakatika, uye ndizvo zvaakaita! Uye zvakataurwa nevaprofita ava nezvokudzoka kwevaJudha vakanga vasara, vachibva kwavakanga vatapwa kuBhabhironi zvakazadzika—zvakaitika!
14. Nei ungavakira upenyu hwako pazvipikirwa zvaJehovha nechivimbo?
14 Uchapupu hwakadai hwokukwanisa kwaJehovha kufanotaura zvichaitika hunoita kuti uve nechivimbo zvakadini? Unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achachengeta zvipikirwa zvake; iye ndiMwari “asingamborevi nhema.” (Tito 1:2) Uyezve, achishandisa Shoko rake, Mwari anotiudza zvatinofanira kuziva. Unogona kuvakira upenyu hwako pakuita zvinodiwa naJehovha uye pakuvimbika kwemashoko ake ouprofita. Uprofita huri mumabhuku acho 12 hahusi mienzanisowo zvayo yezvakafanotaurwa zvakazadzika munguva yakapfuura. Uprofita hwacho hwakawanda huri kuzadzika iye zvino kana kuti huchakurumidza kuzadzika. Saka, zvakanyorwa mumabhuku aya 12 zvinogona kusimbisa chivimbo chako chokuti uprofita hune chokuita nenguva yedu uye nguva yemberi huchazadzika. Nyatsofunga nezvahwo.
BABA VANE HANYA
15. Paunonetseka nematambudziko ako pachako, zvakaitika kuna Mika zvingakubatsira sei?
15 Kuvimbika kwaMwari kunosanganisira zvakawanda kupfuura zvichaitika kumarudzi kana kuti kunyika yose zvayo. Jehovha anofanotaura zvichaitika ozvizadzisa nenzira dzinokubaya mwoyo iwe pachako. Sei? Dzimwe nguva unganetseka kugadzirisa matambudziko ako pachako. Unoziva kuti haisi nyaya yokungowana munhu anonzwisisa—unoda kuwana munhu waungavimba naye kuti akubatsire. Muzana remakore rechisere B.C.E., Mika anofanira kuva akanzwa asurukirwa zvikuru zvaakatarisana nevanhu vorudzi rwaJudha vaidada. Zvingave zvaiita sokuti ndiye aiva munhu akatendeka wokupedzisira panyika, zvokuti aisagona kuvimba kunyange nemhuri yake. Kwose kwaaitarira, aiona vanhu vaifarira kuteura ropa, vainyengera, uye vaiva nouori. Kunyange zvakadaro, Mika akakurudzirwa nezvipikirwa zvaMwari zvokutarisira Kwake vanhu vakatendeka pasinei nezvingaitwa nevamwe. Iwewo unogona kunyaradzwa naizvozvo, kunyanya kana somunamati waJehovha, ukazviwana uri pakati pevashomanana vakafanana newe kana kuti uri woga, wakapoteredzwa nevaya vasingakudzi Mwari.—Mika 7:2-9.
16. Nei ungava nechokwadi chokuti Mwari anoona uori noudzvinyiriri uye kuti achanunura vakarurama?
16 Sezvazvakaita mazuva ano, vapfumi nevanhu vaiva nesimba muJudha uye muIsraeri vakava nemakaro uye vasingaruramisiri. Vamwe vaiitwa varanda pamusana pemitero yakanyanyisa uye kutorera vamwe minda. Varombo vaisaitirwa hanya, vaitoitirwa utsinye. (Amosi 2:6; 5:11, 12; Mika 2:1, 2; 3:9-12; Habhakuki 1:4) Achishandisa nhume dzake, Mwari akajekesa kuti haabvumiri uori nokudzvinyirira uye kuti acharanga vanhu vanoramba vachiita zvakaipa. (Habhakuki 2:3, 6-16) Anofanotaura kuti acha“ruramisa zvinhu pamusoro pemarudzi ane simba” uye kuti vashumiri vake vaanofarira “mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.” (Mika 4:3, 4) Fungidzira kuzorodza kwazvinoita! Mwari akafanotaura, akazadzisa zvimwe zvinhu zvakawanda. Haungavi nechokwadi here chokuti chipikirwa ichiwo chichazadzika?
17, 18. (a) Nei Mwari achipa vanhu tariro? (b) Tinofanira kuona sei kuranga kwaJehovha?
17 Jehovha haangozadziki zvipikirwa zvake kuti angoratidza kukwanisa kwaanoita kufanotaura zvichaitika, sokunge kuti anoda kufadza vanhu. Zvaanoita zvinobva parudo runodzorwa nomutemo, nokuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Yeuka zvakaitika kuna Hosiya, akararama muzana remakore rechisere B.C.E. VaIsraeri vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha kufanana nokusatendeka kwakanga kwakaita mudzimai waHosiya, Gomeri, kumurume wake. Kunamata kwavo zvidhori kwakanga kwakafanana noupombwe; vaisanganisa kunamata Bhaari nokunamata Jehovha kwakachena. “Vakaita ufeve” nenzira yokufananidzirawo neAsiriya neIjipiti. Jehovha aizoita sei? Hosiya aifanira kutevera mudzimai wake akanga asina kutendeka kuti amudzose. Jehovha akateverawo vanhu vake pamusana porudo. “Ndakaramba ndichivakweva netambo dzomunhu wepanyika, netambo dzorudo, uye norupfave ndakaunzira mumwe nomumwe zvokudya.” (Hosiya 2:5; 11:4) Kudai vaizobvuma kudzoka vachiratidza kupfidza zvechokwadi, vaizokanganwirwa naMwari, zvichiita kuti vavezve noukama naye. (Hosiya 1:3, 4; 2:16, 23; 6:1-3; 14:4) Haubayiwi mwoyo here paunoona rudo rukuru rwaJehovha? Zvibvunze kuti, ‘Kana Jehovha akaratidza rudo rukuru rwakadaro munguva yakapfuura, handingavi here nechokwadi norudo rwake rukuru, runyoro, rwakavimbika, rusingachinji uye rusingaperi?’—Hosiya 11:8.
18 Mabhuku 12 ouprofita anogonawo kukubatsira kuona kuti rudo rwaMwari rungasanganisira kururamiswa. Jehovha akavimbisa vanhu vake vaitsauka kuti ‘aisazovatsakatisa zvachose.’ (Amosi 9:8) Pavaifanira kurangwa, Mwari haana kurega kuvaranga, asi zvinofanira kuva zvaizorodza zvikuru kuziva kuti kuranga kwake kwaizova kwekanguva chete! Maraki 1:6 inofananidza Jehovha nababa vane rudo. Unoziva kuti baba vangaranga vana vavo vavanoda kuti vavaruramise. (Nahumi 1:3; VaHebheru 12:6) Asi, rudo rwaBaba vedu vokudenga runoita kuti vanonoke kutsamwa, uye Maraki 3:10, 16 inosimbisa kuti vachapa vashumiri vavo mubayiro mukuru.
19. Kuzviongorora kupi kwakakodzera?
19 Maraki anotanga bhuku rake nevimbiso iyi: “‘Ndakakudai,’ Jehovha adaro.” (Maraki 1:2) Sezvaunofungisisa nezvokuvimbiswa ikoko kwakaitwa vaIsraeri naMwari, zvibvunze kuti: ‘Ndiri kuita chimwe chinhu chinganditadzisa kuwana rudo rwaMwari here? Ndezvipi zvimwe zvinhu zvine chokuita norudo rwaMwari zvandinoda kuziva uye kuitirwa zvizere?’ Kana ukanyatsonzwisisa rudo rwaMwari, ucharamba uchiva nechivimbo chokuwana rudo rwake rukuru rusingaperi.
KUKANGANWIRWA KUNOITA KUTI UPONESWE
20. Kukanganwirwa naMwari kunoita sei kuti uponeswe?
20 Paunenge uchiverenga mabhuku aya ouprofita, uchaona kuti dzimwe nguva Jehovha akafanotaura nezvematambudziko. Nei? Kakawanda, aiitira kuti vanhu vake vapfidze. Kuti aite izvozvo, akabvumira vanhu vokune imwe nyika kuti vaparadze Samariya muna 740 B.C.E. uye Jerusarema muna 607 B.C.E. Zvakafanotaurwa naMwari zvakazadzika, asi gare gare akabvumira vanhu vakanga vapfidza kuti vadzoke kunyika yavo. Chokwadi, mabhuku aya anosimbisa kuti Mwari anokanganwira nenyasha uye anodzosa vaya vanorega zvivi vouya kwaari. (Habhakuki 3:13; Zefaniya 2:2, 3) Mika akanzwa achida kuzivisa kuti: “Ndoupi Mwari akaita semi, anoregerera kukanganisa nokuregerera kudarika kwevakasara venhaka yake? Haazorambi akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira mutsa worudo.” (Mika 7:18; Joeri 2:13; Zekariya 1:4) Kuzadzika kwouprofita kunosimbisa izvozvo.
21. (a) Vaprofita 12 vakataurei pamusoro paMesiya? (b) Ndohupi uprofita hune chokuita naMesiya hunokufadza?
21 Nezvokuvapo kwechikonzero chepamutemo chechigarire chokukanganwirwa nokusingaperi, Jehovha akafanotaura nezvokuuya kwaMesiya, aizobayira upenyu hwake somunhu kuti huve “rudzikinuro runoenzanirana” nevanhu vanotadza. (1 Timoti 2:6) Amosi akataura nezvokugadziriswa kwezvinhu kwaizoitwa naMesiya, mwanakomana waDhavhidhi. (Amosi 9:11, 12; Mabasa 15:15-19) Mika akatotaurawo nezvenzvimbo yaizoberekerwa Jesu, munhu aizouya nezvinhu zvinobatsira zvaizopa upenyu vanhu vose vaizotenda chibayiro Chake. (Mika 5:2) Uye Zekariya akataura nezve“Nhungirwa,” Jesu, aizo“gara pasi, otonga ari pachigaro chake choumambo.” (Zekariya 3:8; 6:12, 13; Ruka 1:32, 33) Hazvina mubvunzo kuti kutenda kwako kuchasimbiswa nokuongorora humwe uprofita hwakadai.—Ona bhokisi rinoti “Uprofita Hukuru Hune Chokuita naMesiya.”
22. Kuvimba kwako naJehovha kunowedzera sei nezvinoratidzwa nezvake nevaprofita 12?
22 Sezvaunoverenga mashoko evaprofita 12, kuvimba kwako nokukunda kwaMwari kwokupedzisira kuchawedzera. Jehovha ndiye Anotirwira, uye achaunza kururamisira kwechokwadi. Shoko raMwari rinogara nokusingaperi. Anoyeuka zvibvumirano zvake nevanhu vake, anotarisira vashumiri vake, uye anovanunura pavanhu vose vanovadzvinyirira. (Mika 7:8-10; Zefaniya 2:6, 7) Jehovha haana kuchinja. (Maraki 3:6) Zvinokurudzira zvikuru kuziva kuti Mwari haana matambudziko aanosangana nawo kana kuti zvipingamupinyi zvingamutadzisa kuzadzisa chinangwa chake! Paanotaura kuti zuva rake rokutonga richauya, richauya zvechokwadi. Saka, ramba wakarindira zuva raJehovha! “Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro Jehovha achava mumwe chete, uye zita rake richava rimwe chete.” (Zekariya 14:9) Anofanotaura izvozvo; achazvizadzisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Muna November 2002, hondo yokuIraq isati yatanga, Purofesa Dan Cruickshank akashanyira nharaunda yacho. Akataura paterevhizheni yeBBC kuti: “Kumucheto kweguta reMosul ndiko kune guta guru reNinivhi rava dongo, iro—pamwe chete neNimrud . . . rakacherwa nechido chikuru nenyanzvi dzezvinocherwa mumatongo dzokuBritain kubvira kuma1840 zvichienda mberi. . . . Kuongororwa kwemaguta aya eAsiriya zvechokwadi kwaireva kuwanikwa kwemararamiro akanga arasika kwenguva refu—akanga ava kutoda kuva ngano—aingozivikanwa chete kubva murondedzero pfupi, dzisinganzwisisiki dzaisataura zvinhu zvokunyanyorumbidza dziri muBhaibheri.”
KUTENDA KWAKO KUNOSIMBISWA SEI
• nokuva nemasimba ose kwaJehovha?—Joeri 1:15.
• nokusasarura kwaMwari?—Zekariya 8:23.
• nokukosha kukuru kwezvinoreva zita raMwari?—Mika 5:4.
UNGASIMBISA SEI UKAMA HWAKO NAMWARI
• nokufungisisa kukwanisa kwake kuzadzisa zvipikirwa zvake?—Joeri 2:11.
• nokufungisisa rudo rwake runyoro?—Hosiya 11:4; 14:4; Zefaniya 3:17.
• nokufungisisa nezvengoni dzake uye kukanganwira?—Hosiya 2:23; Mika 7:18.
Bhokisi riri papeji 45]
JEHOVHA WEMASIMBAOSE
Zita raMwari rokuremekedza muchiHebheru ndiShad·daiʹ, kana kuti “Wemasimbaose.” Zita iri rinowanika kamwe chete mumabhuku 12 ouprofita, pana Joeri 1:15. Vamwe vakati rinonyanya kureva kuti “iva akasimba” kana kuti “ita nesimba.” Zita rakafanana rokuti ‘Jehovha wemauto,’ rinowanika ka107 mumabhuku acho 12. Shoko rokuti simba rinopa pfungwa yokukwanisa kuita chimwe chinhu chakarongwa. Rinorevawo kukunda zvipingamupinyi kana kuti kushorwa. Kuva nemasimba ose kwaJehovha kunosanganisira simba rake risingadzivisiki rokuita chinangwa chake, kuzadzisa zvaanofanotaura.
[Chati\Mufananidzo uri papeji 55]
UPROFITA HUKURU HUNE CHOKUITA NAMESIYA
Uprofita Huri pana Kuzadzika
Akaberekerwa muBhetrehema Mika 5:2 Ruka 2:4-11;
Akashevedzwa kubva Hosiya 11:1 Mateu 2:14, 15
kwaakanga apotera muIjipiti
Akapinda muJerusarema Zekariya 9:9 Mateu 21:1-9;
akatasva mbongoro Johani 12:12-15
Akatengeswa nemasirivha 30 Zekariya 11:12 Mateu 26:15;
Mufudzi anorohwa, Zekariya 13:7 Mateu 26:31, 56
makwai anopararira
Akabvoorwa ari padanda Zekariya 12:10 Mateu 27:49;
Akava muguva Jona 1:17; 2:10 Mateu 12:39, 40; 16:21;
kwezvikamu zvemazuva 1 VaKorinde 15:3-8
matatu, akabva amutswa
[Mufananidzo uri papeji 48]
Ninivhi raiita serisingakundiki, asi chii chakaitika kuuprofita hwaJehovha?