Chitsauko 12
‘Ramba Wakarimirira’
1, 2. (a) Mibvunzo ipi yaungazvibvunza? (b) Vamwe vevaprofita 12 vakararama mumamiriro ezvinhu akaita sei, uye Mika aiva nemafungiro akaita sei?
WAVE wakamirira zuva raJehovha rokubvisa uipi panyika kwenguva yakareba sei? Unoda kurimirira kwenguva yakareba sei? Munguva iyoyo, uchava nemafungiro api uye achaita kuti urarame upenyu hwako sei? Zviri pachena kuti mhinduro dzako dzichasiyana nedziya dzevanhu vanoenda kuchechi vari kurarama pamadiro, vachimirira kuenda kudenga.
2 Paunenge wakamirira zuva guru iroro, mabhuku akanyorwa nevaprofita 12 anogona kukubatsira zvakanyanya. Vakawanda vevaprofita ivavo vakararama Mwari paakanga ava kuda kuunza mutongo wake. Somuenzaniso, Mika akaprofita apo kurangwa kweSamariya nevaAsiriya muna 740 B.C.E. kwakanga kuchiswedera. (Ona chati inoratidza nguva yezviitiko zvinokosha iri pamapeji 20 ne21.) Gare gare, asi panguva chaiyo, zuva raJehovha rokutonga Judha rakauya. Mika zvaakanga asingazivi nguva chaiyo apo Mwari aizozviita, akafunga kuti aigona kugara zvake pasina zvaanoita here, achitarisira kuti Mwari aizokurumidza kuzviita? Heano mashoko aMika: “Ini, ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha. Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu. Mwari wangu achandinzwa.” (Mika 7:7) Chokwadi, aine chivimbo chezvakanga zvichiuya, Mika akanga akaita somurindi ari kushingaira ari panharire.—2 Samueri 18:24-27; Mika 1:3, 4.
3. Kuparadzwa kweJerusarema zvakwakanga kuri mberi kwavo, Habhakuki naZefaniya vakaratidza maonero api?
3 Zvino, chitarira Zefaniya naHabhakuki pachati inoratidza nguva yezviitiko zvinokosha. Ona kuti vaviri ava vakaprofita panguva yaiva pedyo nokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. Kunyange zvakadaro, vaisagona kuziva kana kutonga kwaMwari kwakanga kwava pedyo zvikuru kana kuti kwakanga kuri kure nemakumi emakore. (Habhakuki 1:2; Zefaniya 1:7, 14-18) Zefaniya akanyora kuti: “‘Rambai makandimirira,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kusvikira pazuva randichasimuka nokuda kwezvinotorwa nechisimba, nokuti ndakasarudza . . . kuti ndidururire hasha dzangu paari, iko kutsamwa kwangu kwose.’” (Zefaniya 3:8) Uye zvakadini naHabhakuki, akararama pashure chaipo paZefaniya? Habhakuki akanyora kuti: “Zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa, zvinoramba zvichikurumidza zvakananga kumugumo, uye hazvizorevi nhema. Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki.”—Habhakuki 2:3.
4. Zefaniya naHabhakuki vakaprofita mumamiriro api ezvinhu, uye vaiva nemafungiro api?
4 Mamiriro ezvinhu epanguva yakaziviswa zviri pana Zefaniya 3:8 naHabhakuki 2:3 anoita kuti tinzwisise zvikuru. Panguva apo vamwe vaJudha vaiti, “Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa,” Zefaniya akazivisa nezve“zuva rokutsamwa kwaJehovha.” Pazuva iroro marudzi aiva vavengi uye vaJudha vakanga vatsauka vaizoona hasha dzaMwari. (Zefaniya 1:4, 12; 2:2, 4, 13; 3:3, 4) Unofunga here kuti Zefaniya aitya kutsamwa kwaMwari uye hasha dzake? Kusiyana naizvozvo, aifanira kuramba ‘akamirira.’ Ungashamisika kuti, ‘Zvakadini naHabhakuki?’ Naiyewo aifanira ‘kuramba akarimirira.’ Wakarurama kugumisa kuti Zefaniya naHabhakuki vaiva nehanya nezvaizoitika, havana kurarama sokunge vaifunga kuti zvinhu zvaisazochinja. (Habhakuki 3:16; 2 Petro 3:4) Zvisinei, sezvataurwa, pfungwa inokosha iyo vaprofita vaviri ava vaiva nayo yaiva yokuti vose vaifanira ‘kuramba vakamirira.’ Uye unoziva izvi: Zvakanga zvakamirirwa nevaprofita vaviri ivavo zvakaitika muna 607 B.C.E. Saka kuramba kwavo ‘vakamirira’ kwakaratidza kuti kwaiva nzira yokuchenjera.
5, 6. Tichiziva patiri mukuzadzika kwezvinangwa zvaMwari, maonero api atinofanira kuva nawo?
5 Unogonawo kuva nechokwadi chokuti “zuva rokutsamw[ir]a kwaJehovha” mamiriro ezvinhu aripo iye zvino richatouya; uye rakavimbika. Chokwadi hauna mubvunzo nazvo izvozvo. Kufanana naZefaniya naHabhakuki, hauzivi chaipo pachauya zuva iroro. (Mako 13:32) Asi, richatouya chete, uye kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri munguva yako kunoratidza zvakasimba kuti richauya nokukurumidza. Saka, zvakasimbiswa naJehovha kuvaprofita ivavo zvinoshanda kwauri—‘Ramba wakarimirira.’ Uye yeuka chokwadi ichi chizere: Mwari wedu ndiye chete ‘anoshandira iye anoramba achitarisira kwaari.’—Isaya 64:4.
6 Unogona kuratidza maonero akanaka okumirira, uchiratidza nezvaunoita kuti une chivimbo chokuti “zuva rokutsamwa kwaJehovha” richauya panguva chaipo. Kuvimba kwako naizvozvo uye kuita kuti chivimbo chako chienderane nezvaunoita zvakakodzera zvinopindirana nezvakataurwa naJesu. Akakurudzira vaapostora uye vaKristu vose vakazodzwa kuti: “Zviuno zvenyu ngazvive zvakasungwa uye marambi enyu achibvira, uye imi itai sevarume vakamirira tenzi wavo . . . Vanofara varanda vaya vanoti kana tenzi achisvika anovawana vakarinda! Chokwadi ndinoti kwamuri, Achazvisunga chiuno, oita kuti vatsenhame patafura uye achauya pedyo navo, ovashumira.” (Ruka 12:35-37) Chokwadi, maonero akakodzera okumirira anoratidza chivimbo chokuti zuva guru raJehovha harizouyi pane imwe nguva iri mberi pane yaakaronga.
‘WAKAMIRIRA’ UYE ‘WAKAGADZIRIRA’
7, 8. (a) Kushivirira kwaMwari kwakaguma nei? (b) Petro anotikurudzira kuratidza mafungiro api?
7 Vashumiri vaMwari vemazuva ano vakanga vakamirira Umambo hwaMwari husati hwagadzwa kudenga muna 1914 uye vave vakamirira kubvira ipapo. Zvechokwadi kumirira kwavo hakuna kureva kusaita basa. Kusiyana naizvozvo, vakaramba vachishingaira mubasa rokupupurira ravakapiwa naMwari. (Mabasa 1:8) Zvisinei, fungisisa izvi: Kudai zuva guru raJehovha rakanga rauya kare muna 1914, zvinhu zvingadai zvakakumirira sei? Kunyange kudai rakanga rauya makore 40 akapfuura, panguva iyoyo waiva munhu we“mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari” here? (2 Petro 3:11) Uye zvakadini nenhengo dzemhuri yako dziri Zvapupu kana kuti shamwari dzako dzepedyo dziri muungano? Zviri pachena kuti, nguva iyi yokumirira yakaita kuti iwe nevakawanda vakaita sewe muwane nzira yoruponeso, sezvinoratidzwa na2 Petro 3:9. Kusaparadza kwakaita Jehovha mamiriro ezvinhu akaipa pakarepo pashure pokunge Umambo hwagadzwa, kwakabvumira vakawanda kuti vapfidze, sokukwanisa kwakaita vaNinivhi kupfidza vakasaparadzwa. Tose zvedu tine chikonzero chokubvumirana nemashoko omuapostora Petro okuti: “Onaiwo kushivirira kwaShe wedu soruponeso.” (2 Petro 3:15) Uye iyi nguva iripo iri kuramba ichiita kuti vanhu vapfidze kana kuti vachinje upenyu hwavo nemafungiro avo.
8 Sezvinobvumwa, muKristu angafunga nezvemamiriro ezvinhu akanga akapararira mumazuva aMika, Zefaniya, uye Habhakuki asina hanya nawo zvakanyanya. Angati, “Kunyange zvazvo zvakadaro, izvozvo zvakaitika kare kare!” Asi zvinhu zvipi zvatingadzidza pana izvozvo? Tatotaura nezvezano raPetro rokuti vaKristu vanofanira kuva vanhu ve“mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari.” Achangobva kutaura mashoko iwayo, Petro akasimbisa zvimwe zvinodiwa—kuti tinofanira ‘kumirira uye kuramba tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha.’ (2 Petro 3:11, 12) Saka, tinofanira ‘kunyatsofunga’ nezvezuva iroro, ‘tichirimirira.’
9. Nei zvakakodzera kuti ‘tirambe takarinda’?
9 Tingave tave tichishumira Jehovha kwemakore mashomanana kana kuti kwemakumi emakore akawanda, tiri ‘kuramba takarinda tichiratidza kumirira kwakafanana’ nekwakaratidzwa naMika here? (VaRoma 13:11) Chokwadika, sevanhu, tingada kuziva zvikuru pachauya mugumo uye kuti kwasara nguva yakareba sei kusvika pachiitiko ichocho. Asi, hatigoni kuziva. Yeuka mashoko aJesu okuti: “Kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yokurinda, angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe. Nokuda kweizvi, nemiwo ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—Mateu 24:43, 44.
10. Unodzidzei paupenyu hwomuapostora Johani uye maonero ake?
10 Zvakataurwa naJesu zvakada kufanana zvikuru nezvakanyorwa naMika, Zefaniya, uye Habhakuki. Zvisinei, Jesu akanga asingatauriri vanhu vekare pfungwa yacho, asi isu vateveri vake. VaKristu vakawanda vakazvipira zvechokwadi vakashandisa zano raJesu; ‘vakaratidza kuti vakagadzirira,’ vachiramba vakamirira. Muapostora Johani aiva muenzaniso wakanaka weizvi. Ndiye mumwe wevanhu vana vakanga vari paGomo reMiorivhi vakabvunza Jesu nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho. (Mateu 24:3; Mako 13:3, 4) Imomo maiva mugore ra33 C.E., asi Johani akanga asati ava kuziva kuti zvinhu zvacho zvaizokurumidza kuitika papi chaipo. Zvino, mupfungwa dzako, fungidzira kuti makore anenge 60 apfuura. Johani akanga akwegura, asi haana kuneta ndokurasikirwa nepfungwa yokuti aifanira kumirira. Kusiyana naizvozvo, paakanzwa Jesu achiti: “Chokwadi; ndiri kukurumidza kuuya,” Johani akapindura achiti: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.” Johani haana kudemba mashandisiro aakanga aita makore ake. Aiva nechokwadi chokuti Jehovha paaizotonga, aizopawo mumwe nomumwe mubayiro unoenderana nemabasa ake. (Zvakazarurwa 22:12, 20) Chero paizouya kutonga ikoko, Johani aida kuva ‘akagadzirira,’ sezvakanga zvarayirwa naIshe Jesu. Unonzwa zvakafanana here?
‘WAKAMIRIRA’ KANA KUTI ‘UCHIGUTSIKANA’ HERE?
11. Vanhu vomuzuva raMika uye raHosiya vakasiyana sei nevarume ivavo?
11 Funga nezvechimwe chidzidzo chatingawana kubva kuvaprofita vakararama munguva yaiuya kutonga kwaJehovha, kutanga pana Israeri uye pana Judha. Kunyange zvazvo Mika ‘akaramba akarinda achimirira,’ vakawanda vakanga vakamupoteredza havana kudaro. ‘Vakavenga zvakanaka vachida zvakaipa.’ Mika akanyevera kuti kana vaisazochinja, ‘vaizoshevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe, asi haaizovapindura.’ (Mika 3:2, 4; 7:7) Hosiya akararama panguva yakafanana neyaMika akashandisa mashoko ane chokuita nokurima paaikurudzira vaya vaiva muumambo hwokuchamhembe hwaIsraeri, achiti: “Dyarai mbeu mukururama; kohwai zvinoenderana nomutsa worudo. Rimai nyika inorimika, pakunenge kuchine nguva yokutsvaka Jehovha.” Pasinei naizvozvo, vakawanda vaisateerera. Va“karima zvakaipa,” saka vakakohwawo zvisina kururama. (Hosiya 10:12, 13) Vakabvumira kana kuti vakaitawo zvakaipa, ‘vachivimba nenzira yavo’ pane kuvimba nenzira yaJehovha. Vamwe mazuva ano vangashamisika kuti, ‘Izvozvo zvaizoitika sei kuvanamati vechokwadi vaigara imomo chaimo muNyika Yakapikirwa?’ Hosiya akaratidza kuti chikonzero chikuru chedambudziko ravo aiva mafungiro akafanana nemafungiro atinofanira kuchenjerera kana tichizoramba takamirira zuva guru raJehovha. Kureva mafungiro aya okugadzikana ‘togutsikana.’
12. (a) Hosiya akataura chinhu chipi chisina kunaka chakanga chichiitika pakati pevaIsraeri gore ra740 B.C.E. risati rasvika? (b) ‘Kugutswa’ kwevanhu kwairatidzwa munzira dzipi?
12 Pashure pokunge vanhu vaMwari vapinda muNyika Yakapikirwa, nyika yaiyerera mukaka nouchi, vakabudirira zvikuru. Vakaita sei? Hosiya akataura mashoko aJehovha, achiti: “Vakagutswawo zvaienderana nemafuro avo. Vakagutswa, mwoyo yavo ikatanga kuzvikwidziridza. Ndokusaka vakandikanganwa.” (Hosiya 13:6) Mazana emakore akanga apfuura, Mwari akanga anyevera vanhu vake nezvengozi iyoyo. (Dheuteronomio 8:11-14; 32:15) Kunyange zvakadaro, pakazosvika mazuva aHosiya naAmosi, vaIsraeri vakanga vazvikanganwa—“vakagutswa.” Amosi anotipa mashoko chaiwo akadzama. Anotaura kuti vakawanda vaiva nezvinhu zvoumbozha mudzimba dzavo, uye dzimwe mhuri dzaitova nedzimba dzechipiri. Vaiva nezvokudya zvakanaka kwazvo, vainwira waini yakanaka chaizvo mumidziyo yemhando dzepamusoro, uye vaizora ‘mafuta akanaka kwazvo,’ zvichida mafuta ainhuhwirira. (Amosi 3:12, 15; 6:4-6) Zvichida unoona kuti hapana chimwe chete chezvinhu izvozvo zvoupenyu chakanga chakaipa hacho, asi zviri pachena kuti kunyanya kuzvikoshesa kwakanga kwakaipa.
13. Idambudziko ripi guru rakawanikwa muvaIsraeri, pasinei nokuti vakanga vakapfuma kana kuti vasina?
13 Chokwadika, havasi vose vaiva muumambo hwokuchamhembe vakava vapfumi uye “vakagutswa.” Vamwe vaiva varombo uye vaifanira kutamburira kuwana chokurarama nacho uye chokudyisa mhuri dzavo. (Amosi 2:6; 4:1; 8:4-6) Ndizvo zvazvakaita munyika dzakawanda mazuva ano. Zano raMwari riri pana Hosiya 13:6 raishanda kunyange kuvarombo vaiva muIsraeri yekare here, uye rinoshandawo nhasi here? Chokwadi rinoshanda. Jehovha akanga achiratidza kuti pasinei nokuti munamati wechokwadi akapfuma kana kuti haana, anofanira kuchenjerera kunyanya kuisa pfungwa pazvinhu zvokuyama zvokuti ‘anokanganwa Mwari.’—Ruka 12:22-30.
14. Nei zvakakodzera kuti tifungisise nezvokumirira kwedu?
14 Zvatiri kurarama munguva yatinokwanisa kutarira shure tichiona uprofita hweBhaibheri hwakawanda hwakatozadzika, tine chimwe chikonzero chokuva vakangwarira, vakagadzirira, takamirira. Kunyange zvakadaro, zvakadini kana tave takamirira kwenguva yakati, zvichida kwemakumi emakore? Munguva yakapfuura takashanda nesimba muushumiri, tikaita zvisarudzo zvairatidza kuti taiva nechokwadi chokuti zuva raJehovha raisava kure. Asi harisati rauya. Tichiri kumirira here? Kuti zvinyatsoshanda kwauri, zvibvunze kuti, ‘Ndichiri kunyatsomirira here kana kuti ndaregeredza zvakanyanya?’—Zvakazarurwa 2:4.
15. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvingaratidza kuti kumirira kwedu kungave kwadzikira?
15 Tingaona kuti kumirira kwedu kwakaita sei nenzira dzakawanda, asi tadii kushandisa zvinhu zviri murondedzero yaAmosi yevanhu vomuzuva rake avo “vakagutswa”? Sezvatinoongorora izvozvo, tingacherechedza kana tingaona matiri pachedu kakuda ‘kugutsikana.’ MuKristu uyo mumakore akapfuura airatidza kumirira mumafungiro ake uye zvaaiita angatanga kuvavarira kuva nomusha woumbozha kana kuti motokari inodhura, zvipfeko zviri mufashoni uye zvizoro nezvishongo zvinodhura, kana kuti waini yakanaka chaizvo uye zvokudya zvoumbozha. Bhaibheri hapana parinomboratidza kuti tinofanira kuva vanhu vanozvinyima zvimwe zvinhu, vasingambofariwo zvine mwero. Munhu anoshanda nesimba ‘anofanira kudya, kunwa, uye kufadzwa nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma.’ (Muparidzi 3:13) Zvisinei, ngozi iripo yokuti muKristu aise pfungwa dzake zvakanyanya pakudya, pakunwa, uye pachitarisiko chake. (1 Petro 3:3) Jesu akaona kuti vamwe vakazodzwa vaiva muAsia Minor vakachinja paiva nepfungwa dzavo, izvi zvichiratidza kuti ingozi kuvaKristu. (Zvakazarurwa 3:14-17) Zvakafanana zvakaitika here kwatiri? Tiri ‘kugutsikana’ here, kana kuti zvimwe kunyanya kubatikana nezvinhu zvokunyama? Kumirira kwedu kwadzikira here?—VaRoma 8:5-8.
16. Nei zvingasava zvakanyanya kunakira vana vedu kuvakurudzira kuvavarira kuva nemararamiro ‘okugutsikana’?
16 Kuregeredza kumirira kwedu zuva guru raJehovha kungaonekwa muzano ratinopa vana vedu kana kuti vamwe. MuKristu angafunga mumwoyo make kuti: ‘Ndakasarudza kurega kudzidza kana kuti kuwana basa nokuti ndaifunga kuti mugumo waiva pedyo zvikuru. Iye zvino ndinoda kuva nechokwadi chokuti vana vangu vawana dzidzo ichaita kuti vave noupenyu hwomutambarakede.’ Zvichida vamwe muzuva raHosiya vaifunga zvakafanana. Kana zvakadaro, kupa kwavo zano roubereki rainyanya kukoshesa mararamiro ‘okugutsikana’ kungave kwakanga kwakanyanya kunakira vana vavo here? Uye kudai vana vepanguva iyoyo vakanga vatsvaka mararamiro ‘okugutsikana,’ kana kuti omutambarakede, zvinhu zvingadai zvakavamirira sei mugore ra740 B.C.E., Samariya parakaparadzwa nevaAsiriya?—Hosiya 13:16; Zefaniya 1:12, 13.
RARAMA UINE TARISIRO DZAKANAKA
17. Tinofanira kutevedzera Mika munzira ipi?
17 Kufanana nevanamati vechokwadi vekare, tinogona kuva nechivimbo chokuti zvakapikirwa naMwari zvichazadzika panguva chaiyo, panguva yake yaakasarudza. (Joshua 23:14) Muprofita Mika akaratidza kuchenjera nokumirira Mwari woruponeso rwake. Zvatinonzwisisa zvakaitika kare, tinoziva kuti Samariya rakaparadzwa munguva yairarama Mika. Zvakadini nesu uye nguva yatiri kurarama mairi? Patinotarira shure paupenyu hwedu, zvichava pachena here kuti takaita zvisarudzo nokuchenjera, zvakadai sezviya zvine chokuita nebasa, mararamiro, uye ushumiri hwenguva yakazara? Chokwadika, hatizivi “zuva iroro neawa.” (Mateu 24:36-42) Zvisinei, hazvina mubvunzo kuti tiri kuita nokuchenjera kana tikavavarira kuva nemafungiro akaita seaMika tobva taita zvinoenderana naizvozvo. Uye Mika paanopiwa mubayiro woupenyu muparadhiso yepasi pano inenge yagadzirwazve, achafara zvikuru kuziva kuti takabatsirwa neshoko rake rouprofita uye muenzaniso wokutendeka! Tichange tava uchapupu chaihwo hwokuti Jehovha ndiMwari woruponeso!
18, 19. (a) Obhadhiya akataura nezvedambudziko ripi rakanga richiuya? (b) Obhadhiya akaita sei kuti vaIsraeri vave netariro?
18 Chivimbo chedu chine chikonzero chakasimba. Somuenzaniso, funga nezvebhuku rouprofita rakapfupika raObhadhiya. Rainyanya kutaura nezveEdhomu yekare, nezvokutonga kwaJehovha vanhu ivavo vaibata “hama” dzavo vaIsraeri zvisina kukodzera. (Obhadhiya 12) Kuparadzwa kwakanga kwafanotaurwa kwakaitika, sezvatakakurukura muChitsauko 10 chebhuku rino. VaBhabhironi vachitungamirirwa naNabhonidhasi, vakakunda Edhomu pakati pezana remakore rechitanhatu B.C.E., uye Edhomu yakaguma kuva rudzi. Zvisinei, pane imwe pfungwa inokosha mushoko raObhadhiya, pfungwa ine chokuita nokuramba takamirira zuva guru raJehovha.
19 Unoziva kuti rudzi rwevavengi (Bhabhironi) rwakaparadza Edhomu rwakanga rwaunzawo chirango chaMwari pavanhu vake vakanga vasina kutendeka. Muna 607 B.C.E., vaBhabhironi vakaparadza Jerusarema vakatapa vaJudha. Nyika yacho yakabva yava dongo. Zvinhu zvakagumira ipapo here? Kwete. Achishandisa Obhadhiya, Jehovha akafanotaura kuti vaIsraeri vaizovazve nenyika yavo. Pana Obhadhiya 17, unogona kuverenga chipikirwa ichi chinokurudzira: “MuGomo reZiyoni ndimo muchava nevachapukunyuka, richava chinhu chitsvene; uye imba yaJakobho ichagarazve nhaka yezvinhu zvavo.”
20, 21. Nei Obhadhiya 17 ichifanira kutinyaradza?
20 Zvakaitika kare zvinosimbisa kuti zvakataurwa naJehovha achishandisa Obhadhiya zvakaitika. Mwari akafanozvitaura, uye zvakaitika. Zviuru zvenhapwa zvakabva kuJudha neIsraeri zvakadzokera muna 537 B.C.E. Vakomborerwa naJehovha, vanhu vakanga vadzokera kunyika yokumusha kwavo vakachinja gwenga kuva paradhiso yakasvibirira. Wakaverenga Isaya 11:6-9 uye 35:1-7 nezvouprofita hwokuchinja ikoko kunoshamisa. Chainyanya kukosha kwaiva kuti kunamata kwechokwadi kwakatangwazve, kuchinyanya kuitirwa patemberi yaJehovha yakanga yavakwazve. Saka Obhadhiya 17 inogona kuvazve humwe uchapupu kwatiri hwokuti zvipikirwa zvaJehovha zvakavimbika. Zvinozadzika nguva dzose.
21 Obhadhiya akagumisa uprofita hwake nemashoko aya akasimba: “Umambo huchava hwaJehovha.” (Obhadhiya 21) Uchivimba nechipikirwa ichocho, uri kumirira nguva inofadza zvikuru apo Jehovha achishandisa Jesu Kristu achatonga zvinhu zvose zvakasikwa, kubatanidza nyika yedu, pasina anopikisa. Ungave wave wakamirira zuva guru raJehovha—nezvikomborero zvaro—kwenguva pfupi kana kuti kwemakumi emakore akawanda, unogona kuva nechokwadi chizere chokuti tarisiro dzinobva muBhaibheri dzakadaro dzichazadzika.
22. Nei uchida kuti maonero ako afanane neaya ari pana Habhakuki 2:3 naMika 4:5?
22 Saka, zvakakodzera kudzokorora kuvimbisa kwaHabhakuki, uko zvechokwadi kunoshanda munguva yedu, kwokuti: “Zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa, zvinoramba zvichikurumidza zvakananga kumugumo, uye hazvizorevi nhema. Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki.” (Habhakuki 2:3) Kunyange kana kuvanhu zvichiita sokuti zuva guru raJehovha ranonoka, zuva rake richatouya panguva chaiyo yakasarudzwa. Jehovha anotivimbisa izvozvo. Saka, vaya vashumira Mwari kwemakore akawanda uye vaya vachangobva kutanga kumunamata vanogona kuenda mberi pamwe chete vaine chivimbo chakafanana nechiya chakataurwa pana Mika 4:5, chokuti: “Isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.”
PFUNGWA DZOKUFUNGISISA
• Ipfungwa ipi huru ine chokuita nemafungiro ako yaunowana muna Mika 7:7; Habhakuki 2:3; uye Zefaniya 3:8?
• Nei zano riri pana Jakobho 5:10, 11 richikosha uye richishanda kwauri?
• Ungabatsirwa sei nokufungisisa 2 Petro 3:9, 11, 12, 14?
UCHABATSIRWA SEI?
• Ungave uri mupfumi kana kuti murombo, zvidzidzo zvipi zvaunofanira kuwana kubva muna Amosi 3:15; 5:11; uye Hagai 1:4-7?
• Kugutsikana nokuramba wakamirira zvinopesana papi?—Habhakuki 3:17, 18.
• Nei uchifanira kuramba wakanyatsomirira?—Zefaniya 1:12-15.
[Mufananidzo uri papeji 153]
Zefaniya
[Mufananidzo uri papeji 154]
“‘Rambai makandimirira,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Zefaniya 3:8
[Mifananidzo iri papeji 160]
Uri kukurudzira vana vako kuvavarira kuva nemararamiro akaita sei?
[Mufananidzo uri papeji 163]
Tinoshumira Jehovha tichifara, tichifunga nezvenguva isingagumi