Mutauro Wakachena Wamarudzi Ose
“Ipapo ndichapa kuvanhu chinjo kumutauro wakachena, kuti vose vadane pazita raJehovha, kuti vamubatire pamwe chete.” —ZEFANIA 3:9, “NW.”
1, 2. (a) Muzadziko yaZefania 3:9, chii chiri kuita Jehovha muzuva redu? (b) Kunzwisisa matapurire anotiita uporofita hwaZefania, mibvunzoi inoda kupindurwa?
JEHOVHA MWARI ari kuita muzuva redu basa iro rinoshamisa zvirokwazvo. Iye ari kubatanidza vanhu vanobva mumarudzi ose. Sezvaakadeya kutaura kare kare muShoko Dzvene rake, ari kukuita kupfurikidza nokuvadzidzisa mutauro mutsva.—Zefania 3:9.
2 Chii chiri mutauro iwoyo? Neiko uri madikanwa? Kuudzidza kunodei kwatiri somunhu oga?
Chipo Chokutaura
3. (a) Adhama akapiwa chipoi chinoshamisa? (b) Ndoupi waiva mutauro uyo Adhama aitaura?
3 Mano okukurukura kupfurikidza nokutaura chipo choumwari icho chinoparadzanisa rudzi rwomunhu nechisiko chose chemhuka. Munhu wokutanga, Adhama, akasikwa aine ndangariro yaikwanisa kuva nomufungo wokungwara. Akapiwa tsinga dzenzwi, rurimi, uye miromo zvaigona kushandiswa nokuda kwokutaura, pamwe chete nokuziva mashoko namano okuumba mashoko matsva. Adhama aigona kunzwisisa apo Jehovha akataura kwaari, uye Adhamawo, aigona kuisa mifungo yake mumashoko. (Genesi 1:28-30; 2:16, 17, 19-23) Mutauro wakapiwa kuna Adhama sezviri pachena wakanga uri uyo gare gare wakasvika pakuzivikanwa sechiHebheru. Kwaanenge makore okutanga 1 757 okuvapo kwomunhu, rudzi rwose rwomunhu sezviri pachena rwakapfuurira kutaura mutauro mumwe iwoyo.—Genesi 11:1.
4. Zvinoitika zvomumazuva aNimirodhi zvakatapura sei mutauro wavanhu?
4 Ipapo, mumazuva aNimirodhi, kuti avhiringidze nhamburiko dzavanhu vakaipa, Jehovha akanyonganisa mutauro wavose vakanga vazvibvumira vamene kubatanidzwa kutora rutivi mukuvaka rusvingo rweBhabheri. (Genesi 11:3-9) Kunooneka kuti Jehovha akatanga kudzima yeuko yose yomutauro wavo wekare wavose uye ipapo akapinza mitauro mitsva mundangariro dzavo. Ikoku kwakabatanidza kwete bedzi mashoko matsva asiwo girama itsva nemitoo mitsva yomufungo. Mumitauro iyo Jehovha akavamba paBhabheri, mimwe yakavamba zvishoma nezvishoma kusvikira nhasi, mukuwirirana nezvikoro zvemitauro, ndimi dzine zviuru zvitatu dzinotaurwa kupota pasi.
5. Tinogona sei kusarudza icho “chinjo kumutauro wakachena” inobatanidza?
5 Nokuda kwavanhu vanotaura mitauro iyi yose, “chinjo kumutauro wakachena” yaizoda kuti varege rurimi rwavo rwomuzvarirwo ndokudzidza mutauro wapakuvamba uyo Mwari akapa kuna Adhama here? Migariro yakapoteredza kupiwa kwouporofita hwacho inobetsera kupindura mubvunzo iwoyo.
Kudikanwa Kwomutauro Wakachena
6-8. (a) Mugariroi worudzidziso wakanga watanga muna Judha pamberi pokupiwa kwouporofita hwaZefania 3:9? (b) Mumarudzi akapoteredza Judha, chimiroi chakapararira?
6 Umambo hwaJudha hwakanga huchangobva kutanga kutongwa naManase uye ipapo naAmoni, uyo akanga amisa atari kuna Bhaari, akashandisa kuuka, uye akasimudzira miitiro yemidzimu. (2 Madzimambo 21:1-6; 2 Makoronike 33:21-23) Somuuyo, mukati mokutonga kwomwanakomana waAmoni nomutsivi, Josia, Jehovha akatuma muporofita wake Zefania kundonyevera kuti rutongeso rwoumwari rwakanga rwuchizoitwa panyika.—Zefania 1:1, 2.
7 Kunyange zvazvo vaJudha vaiziva kubva munhau yavo vamene uye kubva muMagwaro akafuridzirwa kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi, vakanga vachipinda mumiitiro youtere yokunamata Bhaari. Vakakotamira zuva nemwedzi namapoka enyeredzi dzomudenga, uko kwakanga kuri kuputswa kwakananga kwomutemo waMwari. (Dheuteronomio 4:19; 2 Madzimambo 23:5) Pamusoro paikoku kwose, vakanga vachitora rutivi muchimiro chokutenda kwakavhengana, vachiita sokunge rudzidziso rwose rwakanga rwuri rumwe cheterwo, kupfurikidza nokuita mhiko dzakapikwa kuvose vari vaviri Jehovha nomuzita ramwari wenhema Markami. Chimiro chavo chakanga chiri chokuti “Jehovha haasati achizoita zvakanaka, uye haasati achizoita zvakaipa.” (Zefania 1:4-6, 12, NW) Kana ari marudzi akapoteredza Judha, ose zvawo akanga aine chinyorwa chokushora Jehovha navanhu vake, naizvozvo iwowo akanga ari mumutsetse wokuita kuti ruramisiro youmwari iitwe paari.—Zefania 2:4-15.
8 Jehovha akadeya kutaura kuti ai“zopa vanhu chinjo kumutauro wakachena, kuti vose vadane pazita raJehovha, kuti vamubatire pamwe chete” nemhaka yomugariro wakadaro wezvinoitika. (Zefania 3:9, NW) Chii, ipapoka, chiri mutauro iwoyo wakachena?
9. (a) Neiko mutauro wakachena usiri chiHebheru kana kuti Shokowo zvaro rakanyorwa raMwari? (b) Chii chiri mutauro wakachena iwoyo, uye unotapura sei upenyu hwaavo vanoutaura?
9 Iwo mutauro wechiHebheru here? Aiwa; vanhu vaJudha vakanga vatorinawo, asi zvinhu zvavakanga vachitaura nokuita sezviri pachena zvakanga zvisati zviri zvakachena nezvakarurama mumeso aJehovha. Uye mutauro wakachena hausati uchingova zvawo Shoko rakanyorwa raMwari. Vakanga vanarowo. Asi chavakanga vachida chakanga chiri nzwisiso yakafanira yezvokwadi pamusoro paMwari namadonzo ake, uye Jehovha bedzi aigona kugovera iyoyo kupfurikidza nomudzimu wake. Pavakadzidza kutaura mutauro wakachena iwoyo, kufunga kwavo, kutaura kwavo, mufambiro wavo, zvose zvaizonanga pakuzivikanwa kweidi rokuti Jehovha ndiye bedzi Mwari wechokwadi. (Zefania 2:3) Vaizoisa chivimbo chavo maari ndokumupa tsigiro yakazara kuuchangamire hwake. Ikoku ndokwefariro chaiyo kwatiri nhasi. Neiko?
Avo Vanopiwa Mutauro Wakachena
10. Uporofita hwaZefania 3:9 hwakanga huchifanira kuzadzika mukati menhamboi yenguva?
10 Ichinongedzera kukuzadzika kwouporofita panhambo yakati yenguva, Zefania 3:9 (NW), inoti: “Nokuti ipapo ndichapa kuvanhu chinjo kumutauro wakachena.” Ndirini iyeyo? Ndima 8 inopindura kuti mukati menguva iyo Jehovha ari ‘kuunganidza marudzi,’ asati ‘adururira pavari hasha dzake huru,’ kuti ape kuvanyoro vapasi chinjo kumutauro wakachena.
11. (a) Izadzikoi mbiri idzo Zefania 3:9 yakava nadzo pamberi penguva dzazvino uno? (b) Zadziko yayo yakasiana sei nhasi?
11 Mukati mamazuva aMambo Josia, Jehovha asati abvumira hondo dzeBhabhironi kuita rutongeso, vazhinji vakarega kunamata kwenhema uye, panzvimbo pezvo, vakabatira Jehovha. (2 Makoronike 34:3-33) Zvakare, muzana rokutanga ramakore N.V., Jerusarema risati raparadzwa navaRoma, zviuru zvavanhu zvakadzidza zvokwadi pamusoro paMwari nedonzo rake ndokuva zvakabatanidzwa mubasa rake. Panguva iyoyo mutauro wezvokwadi wakapfumiswa zvikuru nezvinhu izvo Jesu Kristu akaita mukuzadzikwa kwedonzo raJehovha. Asi uporofita hwaZefania huri kuzadzika pamwero wenyika yose muzuva redu timene. Marudzi ose zvino ari kuunganidzirwa kuhondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose paArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Kuunganidza ikoko kwave kuchiitika chifo chokuberekwa kwoUmambo muna 1914. Uye mukati meiyi nhambo imwe cheteyo umo Jehovha ave achipa kuvanhu munyika yose chinjo kumutauro wakachena mukuzadzikwa kwouhwu uporofita. Kudzidza mutauro iwoyo ndokwoukoshi hukuru nemhaka yokuti vapukunyuki vedambudziko guru riri kuuya vachava vanhu avo zvirokwazvo vakaita mutauro wakachena iwoyo mutauro wavo.—Joere 2:32.
12. (a) Chiono chakanyorwa pana Isaya 6 chinei chokuita pauporofita pamusoro pomutauro wakachena? (b) Neiko vakasarira vakazodzwa vaida betsero kana vaizopfuurira kuva vanogamuchirika nokuda kwebasa raJehovha?
12 Mukuwirirana naikoku, pakanga pari pakuvamba munguva yedu pashure peHondo yeNyika I apo Jehovha akavamba kuzarurira meso enzwisiso yavabatiri vake vakazodzwa kuchiono chinoshamisa icho chakanyorwa pana Isaya ganhuro 6. (Isa 6 Ndima 1-4) Ichi chiono chinosimbisa ukoshi hwokuva kwedu nemiromo yakachena kuti tibatire Jehovha nenzira inogamuchirika. Chinoratidza kuti, mupfungwa hurusa, Jehovha mutsvene. Vabatiri vake vanofanirawo kuratidzira vara iroro. (1 Petro 1:15, 16) Asi vakasarira vakazodzwa vaida betsero muna ikoku. Mukati meHondo yeNyika I, kusvikira kutambanuko yakati vakanga vazvibvumira vamene kushatiswa nokubatanidzwa munhau dzenyika. “Kutya Jehovha kwakanaka,” kana kuti kwakachena, asi vakanga varega rutyo rwomunhu nerwamasangano avanhu ruchitapura miromo yavo, ruchinyaradza kuzivisa kwavo Shoko raMwari kusvikira kutambanuko huru. (Pisarema 19:9) Kupfurikidza nebatano nechiKristudhomu, vakazodzwa vakanga vachiri vakasvibiswa naakati kuti amagamuchidzanwa acho nemiitiro.
13, 14. (a) Vakasarira vakaratidza sei chimiro chakarurama, uye chiitoi icho Jehovha akaita nokuda kwavo? (b) Jehovha akapa vakasarira mutauro wakachena munzirai?
13 Vachiziva mugariro wavo, vakasarira vakati, sezvakaita muporofita Isaya: “Ndine nhamo! nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo ine tsvina ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina; nokuti meso angu akaona Mambo, Jehovha wehondo.” (Isaya 6:5) Vakaziva kuti mugariro wavo wakanga usingagamuchiriki. Havana nenzira youtera kurambira munzira yakaipa kana kuti kuramba nenzira yousindimari kugamuchira tsiuro yaJehovha. Havana kukumbanira vakuru vorudzidziso apo ivava vakangotaura zvavo kuti vanobatira Umambo hwaMwari uye ipapo vakabvuma Chibatanwa chaMarudzi sokunge kuti chakanga chiri Umambo ihwohwo.
14 Nemhaka yechimiro chokupfidza chavakasarira ivavo vanozvininipisa, Jehovha mumutsa wake usakafanirwa akapfuurira kuchenesa miromo yavo. Isaya 6:6, 7 inotiudza, kuti: “Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paatari; ikagumura muromo wangu naro, ikati: ‘Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikinurwa.’” Rakanga riri shoko rinochenesa raibva muShoko raMwari iro rakaparadza senemwoto magamuchidzanwa nedzidziso zvavanhu. Rakabvisa mumwoyo yavo rutyo rwomunhu ndokurutsiva neshingairo huru yokushandisa miromo yavo kukudza Jehovha. Nokudaro Jehovha akanga achizadzika chipikirwa chake cho“kupa kuvanhu chinjo kumutauro wakachena [chaizvoizvo, muromo wakachena], kuti vose vadane pazita raJehovha.”—Zefania 3:9, NW.
15. Mhinduro yavakasarira yakava sei mutsinhirano nechikonzero icho Jehovha akavapira mutauro wakachena?
15 Naizvozvo apo boka raIsaya munguva dzazvino uno rakavamba kunzwa inzwi raJehovha richibvunza, sezvakanyorwa pana Isaya 6:8, kuti: “Ndiani wandichatuma, uye ndiani uchatiendira?” Vakapindura nomufaro, kuti: “Ndiri pano! Nditumei.” Kwakanga kusiri nyore kuti vose vatange muushumiri hwapachena, asi vaida kushandiswa naMwari savanhu vezita rake. Mudzimu wake wakavasimbisa. Zviverengero zvavo zvakakura.
16. (a) Miuyoi isingakarirwi iyo kuparidzira kwavakasarira kwakabereka? (b) Boka guru rinopa sei ufakazi hwokuti ivowo zvino vanotaura mutauro wakachena?
16 Pashure penguva yakati kwakava pachena kuti kuparidzira kwazvo kwakanga kuchibereka miuyo isingakarirwi. Kupfurikidza navo, Jehovha akanga achibetsera rimwe boka kudzidza mutauro wakachena. (Isaya 55:5) Ivava havana kugoverana tariro youpenyu hwokudenga, asi vakakurangarira seropafadzo kuva shamwari dzavakasarira vavadyi venhaka voUmambo uye kubatira pamwe chete navo savazivisi voUmambo hwaMwari. Nenzira inofambira mberi, ivava vakabuda “mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi” kusvikira zvino vaumba “boka guru” rinosvika mumamirioni. Kutaura kunobva mumiromo yavo hakusati kuri rudzi rwaizovazivisa naapi naapi amasangano anokamuranisa enyika. Havasi kuisa tariro dzavo pamunhu upi noupi kana kuti sangano ripi neripi romunhu. Panzvimbo pezvo, “vanoramba vachidanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Tine musengwa woruponeso kuna Mwari wedu, uyo akagara pachigaro choumambo, uye kuGwaiana.’”—Zvakazarurwa 7:9, 10, NW.
Icho Kudzidza Mutauro Wacho Kunoda Kwatiri
17. Neiko kuchikosha kuti tisanodzidze mutauro wakachena ndokuvandudza mano edu okuushandisa?
17 Pasinei hapo nokuti tave takabatana kwenguva yakareba sei nesangano raJehovha, pane zvizhinji zvatinogona kuita kuvandudza zivo yedu yomutauro wakachena namano edu okusanoushandisa. Kunokosha kuita nhamburiko yokuita ikoko. Neiko? Nemhaka yokuti ikoku iratidzirwo yorudo rwedu nokuda kwezvokwadi.
18, 19. (a) Kubvira pakutanga chaipo, neiko kuchikosha kusakurira rudo rwakasimba nokuda kwezvokwadi? (b) Neiko kuchikosha kupfuurira kutarisira rudo irworwo?
18 Kutanga, rudo rwakadaro runobetsera kuzarura ndangariro yomunhu nomwoyo kuti akwanise kunzwisisa magwaro anooneswa kwaari; runomusunda kuswedera pedyo naJehovha nokuonga sangano Rake. Nokudaro, rudo rwezvokwadi runokosha kukurega batano norudzidziso rwenhema. Vamwe vanhu vanotaura kuti vane fariro mushoko reBhaibheri asi chaizvoizvo havatongoregi batano dzose dzorudzidziso rwenhema nenzira yarwo yamadiro youpenyu. Zvokona nei? Sezvinotsanangurwa pana 2 VaTesaronika 2:10 (NW), hava“gamuchiri rudo rwezvokwadi kuti vagoponeswa.” Kunokosha sei kuti tive norudo irworwo!
19 Kana tangogamuchira zvokwadi bedzi, kusakurira kwedu rudo irworwo chinhu chikuru muvandudziko yedu yomudzimu. Yeuka kuti Jehovha anonongedzera kuzvokwadi so“mutauro.” Apo munhu anodzidza mutauro mutsva, iye anofanira kuita nhamburiko yokushingaira kuvaka mashoko ake, kududza mashoko nenzira yakarurama, kudzidza udzame hwegirama, uye zvichingodaro. Rudo rwomutauro mutsva norwavanhu vanoutaura ruchamubetsera kuramba achiita fambiro mberi. Angakwanisa kutaura mutauro wacho kusvikira kutambanuko yakati mumwedzi mishomanene, asi kunotora makore enhamburiko yokungwarira kuutaura somugari wemo. Rudzi rumwe cheterwo rwenhamburiko runodikanwa kuti uzive mutauro wakachena.
20. (a) Chii chinoita kuti mutauro wakachena uve wakachena zvirokwazvo? (b) Neiko ngwariro huru ichidikanwa kune ari wose wedu?
20 Kunokosha zvikuru kuti mutauro uyo Mwari anopa vabatiri vake unotaurwa kuva wakachena. Ikoku ichokwadi, kwete nemhaka yokuumbwa kwegirama, asi nemhaka yokuti unopa ufakazi hworucheno rwetsika norwomudzimu. Muuyu mutauro hamubvumirwi kureva nhema, kunyengera, kana kuti rurimi rwamanomano. Avo vanotaura uyu mutauro nguva dzose vanofanira kutaura zvokwadi. (Zefania 3:13; VaEfeso 4:25) Kutaura kwavo nenzira yakafanana kunofanira kuratidzira mipimo yakakwirira yaJehovha pamusoro petsika dzevatano. (VaEfeso 5:3, 4) Magwaro anotiitawo kuti tizive kuti chinhu chiri chose chakabatanidzwa neBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, hachina kuchena. (Zvakazarurwa 18:2-4) Kuratidzirwa kwavamwari varo kunonzi “zvifananidzo zvinonyangadza.” (Jeremia 50:2, NW) Nenzira yakafanira, ipapoka, avo vanodzidza mutauro wakachena vanofanira kurasa batano dzinooneka dzokunamata kwenhema, kuramba dzidziso dzako, kurega chengetwo dzako, uyewo kubvisa mukutaura kwavo mashoko anoratidzira kufunga kwako kusina kururama. Kunze kwaikoku, pana Zvakazarurwa 16:13-16, tinonyeverwa kuti paradziro yokuunganidza marudzi mukurwisana noUmambo hwaMwari hainawo kuchena, ichiva inofuridzirwa namadhemoni. Naizvozvo tinofanira kungwarira kusabvumira zvipi nezvipi zveizvi zvinhu zvisina kuchena zvichitapura kutaura kwedu.
21. Chii chiri kumutauro wakachena mukuwedzera kumashoko anotaurwa?
21 Chatiri kudzidza chinonzi mutauro, uye wakadaro nenzira yakafanira, asi ikoko hakuzati kuchireva kuti avo vanoutaura vanongodzidzawo havo mashandisirwe amashoko akarovedzeka kuvanhu vaJehovha. Chimiro chenzwi, ratidziro dzechiso, uye majangariko zvinokoshawo. Izvozvi zvingataura izvo mashoko oga asati. Kazhinji kazhinji zvinoratidzira zvatiri zvirokwazvo mukati. Zvinogona kuratidzira kana takabvisa godo, kakavadzano, uye kutsamwa kukuru, zvose zviri mabasa enyama inotadza. Apo mudzimu waMwari unoshanda nokusununguka muupenyu hwedu, chibereko chawo chinooneka munzira yatinokurukurirana nayo navamwe.—VaGaratia 5:19-23; VaEfeso 4:31, 32.
22. Patinosanodzidza mutauro wakachena, unotapura sei kuita kwedu zvisarudzo?
22 Munhu upi noupi akadzidza mutauro mutsva anoziva kuti fambiro mberi chaiyoiyo yasvikwa apo anozviwana amene achifunga chaizvoizvo mumutauro mutsva, panzvimbo pokushandura kubva mururimi rwake rwomuzvarirwo. Naizvozvowo, patinodzidza zvokwadi, patinoita nhamburiko yapachokwadi kuishandisa muupenyu hwedu, uye kuigoverana nguva dzose navamwe, zvishoma nezvishoma tinozviwana timene tichifunga mukuwirirana nezvokwadi. Hatisi kuenzanisa nokusingaperi wekare nomutsva uye kutamburira kuita chisarudzo. Kunyange muzvinhu zviduku, nheyo dzeBhaibheri dzinouya mundangariro kuti dzigovere nhungamiro inodikanwa.—Zvirevo 4:1-12.
23. Pasinei hapo norungava rurimi rwavo rwomuzvarirwo, chii chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvose zvinotaura mutauro wakachena?
23 Ndokwechokwadi kuti kune zviuru zvemitauro inoshandiswa norudzi rwomunhu, asi mutauro wakachena unogona kuratidzirwa muyose yaiyoyi. Zvakabatana, pasi rose, Zvapupu zvaJehovha zviri kushandisa zvakanaka mutauro wakachena sezvazvinobatira pamwe chete zvichipa uchapupu hwapachena uhwo hunounza rukudzo kuna Jehovha, Mwari wedu ane rudo.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Chii chinobatanidzwa muchipo chokutaura?
◻ Chii chiri mutauro wakachena?
◻ Zefania 3:9 iri kuzadzikwa kuna vanaani?
◻ Tinogona sei kupa ufakazi hwokuti tinoda zvirokwazvo mutauro wakachena?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Avo vanoziva mutauro wakachena vanougoverana navamwe
[Mufananidzo uri papeji 25]
Rupi norupi rungava rurimi rwavo rwomuzvarirwo, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinotaura mutauro wakachena