RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!
    Nharireyomurindi—2001 | February 15
    • 6-8. Chii chakafanotaurwa pana Zefania 1:4-6, uye uprofita ihwohwo hwakazadzika sei munyika yeJudha yekare?

      6 Ichifanotaura nezvezvichaitwa naMwari mukurwisa vanamati venhema, Zefania 1:4-6 inoti: “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusarema; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwe chete navapristi; navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarkami; navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza.”

  • Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!
    Nharireyomurindi—2001 | February 15
    • 9. (a) ChiKristudhomu chine mhosva yei? (b) Kusiyana nevasina kutendeka vokuJudha, tinofanira kutsunga kuitei?

      9 Izvozvi zvose zvinotiyeuchidza nezvechiKristudhomu, chakanyura mukunamata kwenhema nokuongorora nyeredzi. Uye zvachiri kuita mukubayirwa kwoupenyu hwemamiriyoni paatari yehondo dzinotsigirwa nevafundisi zvinosemesa zvechokwadi! Ngatisambove sevasina kutendeka vokuJudha, “vakadzoka pakutevera Jehovha,” vachiva vasina hanya uye vasingamutsvaki kana kutsvaka kutungamirira kwake. Asi, ngatirambei takatendeka kuna Mwari.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe